CHITSAUKO AT-TEEN (MUONDE) 95
Muzita raAllah, Vane Tsitsi, Vane Ngoni.
1. (Ndinopika) nemuonde, uye nemu orivhi.
2. Negomo reSinai.
3. Neguta iri (Makkah) rakachengetedzeka.
4. Zvirokwazvo, takasika munhu ane chimiro chakanaka.
5. Ndokubva tamudzikisira kusvika pakupedzisira.
6. Kusara kweavo vanotenda (muIslaam) uye vachiita mabasa akanaka. Vachawana mubairo usingaperi (Paradhiso).
7. Nokudaro chii chinoita (iwe asingatendi) kuti urambe zuva rekutongwa?
8. Havasi here Allah mutongi vanoziva pamusoro pevatongi vose?