منتديات إنما المؤمنون إخوة (2024 - 2010) The Believers Are Brothers

(إسلامي.. ثقافي.. اجتماعي.. إعلامي.. علمي.. تاريخي.. دعوي.. تربوي.. طبي.. رياضي.. أدبي..)
 
الرئيسيةالأحداثأحدث الصورالتسجيل
(وما من كاتب إلا سيبلى ** ويبقى الدهر ما كتبت يداه) (فلا تكتب بكفك غير شيء ** يسرك في القيامة أن تراه)

IZHAR UL-HAQ

(Truth Revealed) By: Rahmatullah Kairanvi
قال الفيلسوف توماس كارليل في كتابه الأبطال عن رسول الله -صلى الله عليه وسلم-: "لقد أصبح من أكبر العار على أي فرد مُتمدين من أبناء هذا العصر؛ أن يُصْغِي إلى ما يظن من أنَّ دِينَ الإسلام كَذِبٌ، وأنَّ مُحَمَّداً -صلى الله عليه وسلم- خَدَّاعٌ مُزُوِّرٌ، وآنَ لنا أنْ نُحارب ما يُشَاعُ من مثل هذه الأقوال السَّخيفة المُخْجِلَةِ؛ فإنَّ الرِّسَالة التي أدَّاهَا ذلك الرَّسُولُ ما زالت السِّراج المُنير مُدَّةَ اثني عشر قرناً، لنحو مائتي مليون من الناس أمثالنا، خلقهم اللهُ الذي خلقنا، (وقت كتابة الفيلسوف توماس كارليل لهذا الكتاب)، إقرأ بقية كتاب الفيلسوف توماس كارليل عن سيدنا محمد -صلى الله عليه وسلم-، على هذا الرابط: محمد بن عبد الله -صلى الله عليه وسلم-.

يقول المستشرق الإسباني جان ليك في كتاب (العرب): "لا يمكن أن توصف حياة محمد بأحسن مما وصفها الله بقوله: (وَمَا أَرْسَلْنَاكَ إِلَّا رَحْمَةً لِّلْعَالَمِين) فكان محمدٌ رحمة حقيقية، وإني أصلي عليه بلهفة وشوق".
فَضَّلَ اللهُ مِصْرَ على سائر البُلدان، كما فَضَّلَ بعض الناس على بعض والأيام والليالي بعضها على بعض، والفضلُ على ضربين: في دِينٍ أو دُنْيَا، أو فيهما جميعاً، وقد فَضَّلَ اللهُ مِصْرَ وشَهِدَ لها في كتابهِ بالكَرَمِ وعِظَم المَنزلة وذَكَرَهَا باسمها وخَصَّهَا دُونَ غيرها، وكَرَّرَ ذِكْرَهَا، وأبَانَ فضلها في آياتٍ تُتْلَى من القرآن العظيم.
المهندس حسن فتحي فيلسوف العمارة ومهندس الفقراء: هو معماري مصري بارز، من مواليد مدينة الأسكندرية، وتخرَّجَ من المُهندس خانة بجامعة فؤاد الأول، اشْتُهِرَ بطرازهِ المعماري الفريد الذي استمَدَّ مَصَادِرَهُ مِنَ العِمَارَةِ الريفية النوبية المَبنية بالطوب اللبن، ومن البيوت والقصور بالقاهرة القديمة في العصرين المملوكي والعُثماني.
رُبَّ ضَارَّةٍ نَافِعَةٍ.. فوائدُ فيروس كورونا غير المتوقعة للبشرية أنَّه لم يكن يَخطرُ على بال أحَدِنَا منذ أن ظهر وباء فيروس كورونا المُستجد، أنْ يكونَ لهذه الجائحة فوائدُ وإيجابيات ملموسة أفادَت كوكب الأرض.. فكيف حدث ذلك؟!...
تخليص الإبريز في تلخيص باريز: هو الكتاب الذي ألّفَهُ الشيخ "رفاعة رافع الطهطاوي" رائد التنوير في العصر الحديث كما يُلَقَّب، ويُمَثِّلُ هذا الكتاب علامة بارزة من علامات التاريخ الثقافي المصري والعربي الحديث.
الشيخ علي الجرجاوي (رحمه الله) قَامَ برحلةٍ إلى اليابان العام 1906م لحُضُورِ مؤتمر الأديان بطوكيو، الذي دعا إليه الإمبراطور الياباني عُلَمَاءَ الأديان لعرض عقائد دينهم على الشعب الياباني، وقد أنفق على رحلته الشَّاقَّةِ من مَالِهِ الخاص، وكان رُكُوبُ البحر وسيلته؛ مِمَّا أتَاحَ لَهُ مُشَاهَدَةَ العَدِيدِ مِنَ المُدُنِ السَّاحِلِيَّةِ في أنحاء العالم، ويُعَدُّ أوَّلَ دَاعِيَةٍ للإسلام في بلاد اليابان في العصر الحديث.

أحْـلامٌ مِـنْ أبِـي (باراك أوباما) ***

 

 CHITSAUKO AL-AN’AAM

اذهب الى الأسفل 
كاتب الموضوعرسالة
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn
مؤسس ومدير المنتدى
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn


عدد المساهمات : 52644
العمر : 72

CHITSAUKO AL-AN’AAM Empty
مُساهمةموضوع: CHITSAUKO AL-AN’AAM   CHITSAUKO AL-AN’AAM Emptyالأحد 20 مارس 2022, 8:59 pm

CHITSAUKO AL-AN’AAM
(MHUKA) 6
Muzita raAllah, Vane Tsitsi, Vane Ngoni.
1. Kurumbidzwa nokutenda kwose ngakuve kuna Allah, avo vakasika matenga nenyika, uye vakasika rima nechaedza; kunyangwe zvazvo avo vasingatendi vachienzanisa Tenzi vavo nezvimwe zvisikwa.
2. Ndivo vakakusikai kubva muvhu, zvakare vakave vanokutarirai nguva (yekuzofa kwenyu). Zvekare kune imwe nguva yakatarwa (kuti muzomutswa mushure mekufa), asi munopokana (mune kusagutsikana) (nezuva rekumutswa).
3. Uye ndiAllah (voga vanofanirwa kunamatwa) kumatenga nepano pasi. Vanoziva izvo zvamunovanza uye izvo zvamunoburitsa, uye vanoziva izvo zvamunowana (zvakanaka kana zvakaipa).
4. Uye hapana kana ndima inouya kwavari kubva pandima dzaTenzi vavo, kusara kwekuti vanodzifuratira.
5. Zvirokwazvo, vakaramba chokwadi (Qur’aan naMuhammad (SAW)) apo pachakauya kwavari.
Asi nhaurwa yemarwadzo ichauya kwavari iyo vaive vachiitsvinyira.
6. Havana here kuona kuti zvikwata zvingani zvatakave tinoparadza mushure mavo mushure mekunge tavagadzika panyika zvatisina kumbokugadzikai imi? Takave tinonaisa mvura kwavari kubva kudenga yakawanda, uye tikaita nzizi dziyerere kumucheto kwavo. Asi takavaparadza nekuda kwezvitadzo zvavo. Uye mushure mavo takave tinosika zvimwe zvikwata.
7. Uye tingadai takakutumira (iwe Muhammad (SAW)) neshoko rakanyorwa pabepa kuti vakwanise kuribata nemaoko avo, avo vasingatendi vaizoti: “Hapana nezviripo kusara kwemapipi ari pachena!”
8. Uye vanoti: “Nemhaka yei ngirozi isina kutumirwa kwaari?” Tingadai takatumira ngirozi, nyaya yacho yangadai yakatotongwa kamwe chekare, uye hapana kana nguva yavaipihwa.
9. Uye tingadai takasarudza ngirozi, zvirokwazvo taimuita munhurume, uye zvirokwazvo taivadzungaidza neizvo zviri kuvadzungaidza nechakare (shoko raMuhammad (SAW)).
10. Uye zvirokwazvo vatumwa (vazhinji) mushure mako vakatsvinyirwa, asi avo vaitsvinya zvakavatenderedza izvo zvavaitsvinyira.
11. Iti (Muhammad (SAW)): “Fambai nenyika muone kuti magumo eavo vakaramba chokwadi akanga akaita sei.”
12 Iti (Muhammad (SAW)): “Ndezvaani zvose zviri mumatenga nepasi?” Iti: “Ndezva Allah.
Vakazvinyorera tsitsi pachavo. Zvirokwazvo, vachakuunganidzai pazuva rekumutswa, iro pasina kupokana mariri. Avo vakazvirasisa, havafi vakatenda (muhumwechete hwaAllah, huporofita hwaMuhammad (SAW), nezuva rekumutswa).”
13. “Uye ndivo muridzi wezvose zvinorarama manheru uye masikati, uye ndivo munzwi wezvose, muzivi wezvose.”
14. Iti (Muhammad (SAW)): “Kusara kwaAllah pane here wandingatore semubatsiri, musiki wematenga nenyika? Uye ndivo vanopa chokudya asi havapihwe chekudya.” Iti: “Zvirokwazvo, ndakava ndinorairwa kuti ndive wokutanga wevanozvipira kuna Allah (semaMuslim).” Uye zvirokwazvo usava (Muhammad (SAW)) pane avo vanosanganisa Allah nezvimwe zvisikwa mukuvanamata.
15. Iti: “Zvirokwazvo ndinotya, kana ndikasateerera Tenzi vangu, marwadzo ezuva guru.”
16. Uyo anenge abviswa kwaari (marwadzo iwayo) pazuva iroro, (Allah) zvirokwazvo vanenge vamuratidza tsitsi. Uye uko ndiko kubudirira kuri pachena.
17. Uye kana Allah vakakubata nemarwadzo, hapana anogona kumabvisa kusara kwavo. Uye kana vakakubata nezvakanaka, saka ndivo vane simba rekuita zvose.
18. Uye ndivo samasimba vari pamusoro pevaranda vavo, uye ndivo vane hungwaru hwose, vane ruzivo rwezvose.
19. Iti: “Chii chinhu chikuru mukupa ufakazi?” Iti: “Allah ndivo mufakazi pakati pangu nemi. Uye Qur’aan iri rakava rinodzikiswa kwandiri kuti ndive ndinokurairai naro imi pamwe neavo kwarinosvika kwavari. Zvirokwazvo, munopa uchapupu here kuti pane vamwe vanamwari kunze kwaAllah?” Iti: “Handipe uchapupu (hwakadaro)!” Iti: “Muzvokwadi (Allah) ndiMwari mumwechete. Uye zvirokwazvo, ini handina chekuita nezvamunosanganisa navo mukumunamata.”
20. Avo vatakapa Gwaro (maJudha nemaKristu) vanomuziva (Muhammad (SAW) semutumwa hwaAllah, uye vanoziva kuti hakuna mumwe mwari kunze kwaAllah, uye kuti Islaam chitendero chaAllah), sekuziva kwavanoita vana vavo. Avo vakarasisa mweya yavo havafi vakatenda.
21. Uye ndeupi mutadzi mukuru anodarika uyo anonyepera Allah kana kuramba zviratidzo zvavo?
Zvirokwazvo, avo vanoita mabasa akashata havabudirire.
22. Uye pazuva iro ratichavaunganidza vose, uye tichati kune avo vaisanganisa (mukunamata Isu): “Varipi vamwe venyu (vamainamata) avo vamaitora (muchivasanganisa naAllah mukunamata)?”
23. Uye pachange pasina zvichemo kune avo kunze kwekuti vachati: “Tinopika naAllah, Tenzi vedu, taive tisiri avo vanhu vaisanganisa Allah nezvimwe zvinhu mukunamata.”
24. Tarisa! Manyepero avanozviita pachezvavo! Asi (manyepo) achanyangarika kubva kwavari.
25. Uye pakati pavo kune avo vanokuteerera, asi takave tinoisa renda mumoyo yavo, saka havafi vakanzwisisa, uye nekusanzwa nenzeve dzavo. Uye kunyangwe vakaona zvimwe zviratidzo, havafi vakatenda mazviri; kusvika apo pavanouya kwauri vachipokana newe, vasingatendi vanoti: “Izvi hapana zviripo kunze kwekuti ingano dzevanhu vekare.”
26. Uye vanorambidza vamwe vanhu kuenda kwaari (kumutevera Muhammad (SAW)), uye ivo pachezvavo vanoenda kure naye. Uye nekudaro hapana chavari kuparadza kunze kwekuzviparadza, asi havazvione.
27. Kana ukakwanisa kuona apo pavachamiswa pamberi pemoto, vachati: “Dai tikadzoserwa (panyika)! Naizvozvo hatizorambi zviratidzo zvaTenzi vedu, uye tinove vevamwe vanotenda!”
28. Asi zvavapachena kwavari izvo vaiviga mumashure. Asi kana vakadzoserwa (kunyika), muzvokwadi, vanodzokera kune izvo zvavakarambidzwa. Uye zvirokwazvo vanyepi.
29. Uye vakati: “Hakuna (umwe hupenyu) asi (watiinawo) hupenyu hwepano pasi, uye hatizofi takamutswa (pazuva rekumutswa).”
30. Dai waiona apo pavachaunzwa nekumiswa pamberi paTenzi vavo! Vachati (Allah): “Harisi here (zuva rekumutswa nekupihwa mibairo) chokwadi?” Vachati: “Zvokwadi, tinopika naTenzi vedu!” Vachati: “Saka ravidzai marwadzo nokuti maiva musingatendi.”
31. Zvirokwazvo, ndivo vakarasikirwa avo vakaramba kusangana kwavo naAllah, kusvika vasingafungiri awa (yerufu) yava pavari, uye voti: “Marwadzo kwatiri! Taive tisingafungi nezvazvo”, apo vanenge vakatakura mabasa avo kumisana yavo; uye mabasa avo akaipa ndiwo avanenge vakatakura!
32. Uye upenyu hwepano pasi hapana chiripo kunze kwedambe nekuzvifadza. Asi chakanyanya kunaka imba yehupenyu huchatevera kune avo vaiita zvakanaka. Asi munonzwisisa here?
33. Zvirokwazvo, tinozviziva kuti chokwadi mazwi avanotaura anokusuwisa (Muhammad (SAW)). Zvirokwazvo, havarambi iwewe, asi mirairo yaAllah avo vanoita mabasa akaipa yavanoramba.
34. Zvirokwazvo, vatumwa (vakawanda) vakarambwa mushure mako (Muhammad (SAW)), asi nekutsungirira vakagamuchira kurambwa, uye vakave vanokuvadzwa kusvika rubatsiro rwedu rwakavasvikira, uye hapana anopfuudza mashoko aAllah. Uye zvirokwazvo nyaya dzevatumwa (mushure mako) dzauya kwauri.
35. Kana kufuratira kwavo (kwauri Muhammad (SAW)) kwakakuomera (uye haukwanisi kutsungirira), saka kana uchikwanisa kutsvaga gomba rokupinda pano pasi kana manera ekuenda kudenga, kuti uve unovaunzira mucherechedzo (tsvaga, asi hauzvikwanisi, saka iva unotsungirira). Uye Allah dai vaida, vaivaunganidzira vose kunhungamiro, saka usave wevamwe vasingazivi.
36. Zvirokwazvo, ndeavo chete vanoteerera (nhaurwa yamutumwa Muhammad (SAW)) vachapindura (vachabatsirikana kubva kwadziri), asi kune avo vakafa (vasingatendi), Allah vachave vanovamutsa, uye kwavari vachave vanodzoserwa (kunopihwa mibairo yavo).
37. Uye vakati: “Sei mucherechedzo usina kudzikiswa kwaari kubva kuna Tenzi vake?” Iti: “Zvirokwazvo, Allah vanokwanisa kutumira mucherechedzo, asi vakawanda vavo havazive.”
38. Hapana chisikwa chinofamba (kurarama) pasi, kana shiri inobhururuka nemapapiro ayo maviri, asi mapoka akangofanana nemi. Hapana chatakasiya muGwaro, uye kuna Tenzi vavo vachave vanounganidzwa (vose).
39. Avo vanoramba micherechedzo yedu havanzwe uye zvimumumu murima. Allah vanoita wavanoda kuti arasike, uye vanotungamira uyo wavanoda kunzira yakatwasuka.
40. Iti (Muhammad (SAW)): “Ndiudzei kuti kana marwadzo aAllah auya kwamuri, kana awa ikauya kwamuri, muchadana mumwe here kunze kwaAllah? (Pindurai) kana muri pachokwadi!”
41. Asi kwavari vega munodaidzira, uye kana vachida vanobvisa izvo (matambudziko) zvamunodaidzira kwavari, uye panguva imweyo munobva makanganwa zvose zvamunovasanganisa nazvo (pakuvanamata)!
42. Zvirokwazo, takave tinotumira (vatumwa) kuzvikwata zvakawanda mushure mako (Muhammad (SAW)). Uye takave tinovarwadzisa nenzara (kana kushomeka kwehupfumi) uye kushaikwa kwehutano (nemarwadzo), kuti pamwe vangave vanozvininipisa.
43. Marwadzo edu paakauya kwavari, nemhaka yeyi vasina kuzvininipisa (votenda)? Asi moyo yavo yakave inoomarara, uye satani akabva anatsurudza izvo vaiita.
44. Saka pavakakanganwa (yambiro) yavakanga vayambirwa nayo, takave tinovavhurira mikova yezvose (zvinofadza), kusvikira vari pakati pemafaro avakapihwa anosuruvadza, vasingafungiri, takavatora (nemurango), uye vakabva vakandwa mumatambudziko vachidemba nekuchema chema.
45. Saka midzi yeavo vaiita mabasa akaipa yakave inodimburwa. Uye kutendwa nekurumbidzwa ngakuve kwaAllah, Tenzi venyika dzose (vanhu, maJinn uye nezvisikwa zvose).
46. Iti (kune avo vasingatendi): “Ndiudzei, kana Allah vakatora nzeve dzenyu nemeso enyu, uye zvekare vakaputira moyo yenyu, ndiani mumwe mwari kusara kwaAllah achave anozvidzorera kwamuri?” Chiona tsananguriro yatinoita zviratidzo, asi vanozvitendeukira.
47. Iti: “Ndiudzei, kana murango hwaAllah ukave unouya kwamuri musingafungiri (husiku), kana zviri pachena (masikati), pane here vachaparadzwa kusara kweavo vanoita mabasa akaipa?”
48. Uye hatitumiri vatumwa kusara kwekuti vave vapi venhaurwa tsvene uye veyambiro. Saka uyo anotenda nekuita mabasa akanaka, pavanhu vakadaro pachange pasina kutya kana dambudziko.
49. Asi avo vanoramba zviratidzo zvedu, marwadzo achavawana nekuda kwekusatenda kwavo.
50. Iti (Muhammad (SAW)): “Handikutaurirei kuti ini ndine hupfumi hwaAllah, kana kuti ndinoziva zvakavanzika, kana kukuudzai kuti ndiri ngirozi. Asi ndinotevedzera izvo zvakave zvinodzikiswa kwandiri.” Iti: “Vakafanana here uyo anoona neuyo asingaooni? Ko hamufungi here?”



CHITSAUKO AL-AN’AAM 2013_110
الرجوع الى أعلى الصفحة اذهب الى الأسفل
https://almomenoon1.0wn0.com/
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn
مؤسس ومدير المنتدى
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn


عدد المساهمات : 52644
العمر : 72

CHITSAUKO AL-AN’AAM Empty
مُساهمةموضوع: رد: CHITSAUKO AL-AN’AAM   CHITSAUKO AL-AN’AAM Emptyالأحد 20 مارس 2022, 9:49 pm

51. Uye yambira naro (Qur’aan) avo vanotya kuti vachave vanounganidzwa pamberi paTenzi vavo, apo pachange pasina mubatsiri kana mumiriri wavo kusara kwavo, kuti pamwe vangave vanotya Allah uye vozadzisa zvirevo zvavo (kusiya zvitadzo uye kuita mabasa akanaka).
52. Uye usave unodzinga avo vanodaidza Tenzi vavo, mangwanani nemasikati vachitsvaga huso hwavo. Hapana chaunotongerwa pamusoro pavo, uye hapana chavanotongerwa pamusoro pako, kuti iwe uvadzinge, uye vobva wava umwe weavo vanoita mabasa akaipa.
53. Naizvozvo, takave tinoedza vamwe vavo nevamwe, kuti zvimwe vangataure kuti: “Ava ndivo (varombo vanotenda) here Allah vavakomborera kubva matiri?” Asi Allah havazivi zvakanaka here avo vanotenda?
54. Uye kana avo vanotenda muzviratidzo zvedu vauya kwauri, iti: “Salaamun Alaykum (Runyararo ngaruve kwamuri)”; Tenzi venyu vakazvinyorera tsitsi pachavo, kuti uyo pakati penyu anoita mabasa akaipa asingazivi, uye obva akumbira ruregerero nekuita mabasa akanaka (kuteerera mirairo yaAllah), uye zvirokwazvo, ndivo vanoregerera zvikuru, vane tsitsi dzakanyanya.
55. Naizvozvo takave tinotsanangura zviratidzo zvizere, kuti nzira yeavo vanoita mabasa akaipa ive inobuda pachena.
56. Iti (Muhammad (SAW)): “Zvirokwazvo, ndakave ndinorambidzwa kunamata izvo zvamunodaidza (mukunamata) kusara kwaAllah.” Iti: “Handisi kuzotevedzera zvido zvenyu.
Ndikave ndinotevedzera, ndinorasika, uye handizombova pane avo vakatungamirirwa.”
57. Iti (Muhammad (SAW)): “Zvirokwazvo, ndine humboo uri pachena kubva kuna Tenzi vangu, asi muri kuuramba. Ini handina izvo zvamunomhanyira. Hurongwa hwese ndewaAllah, vanoburitsa chokwadi, uye ndivo vakanakisisa pavatongi vose.”
58. Iti: “Ingadai ndaive neizvo zvamunomhanyira, muzvokwadi nyaya dzose dai dzakave dzinogadziriswa pakati pangu nemi, asi Allah ndivo vanoziva zvakanaka avo vanoita mabasa akaipa.”
59. Uye kwavari ndiko kune svumbunuro dzezvose zvakavandika. Hapana kana ani anoziva nezvadzo kusara kwavo. Uye vanoziva zviri panyika uye nezviri mumvura. Uye hapana kana shizha rinodonha kusara kwekuti vanenge vachizviziva. Uye hapana kana mhodzi inenge iri haumbotambirwi kubva kwaari. Ava ndivo vachaparadzwa nekuda kwezvavaiita. Vachave vanopihwa sezvinwiwa mvura inopisa zvakanyanya uye nemutongo unorwadza nekuda kwekuti vaisatenda.
murima rwenyika kana zvimwe zvidyarwa zvinyoro kana zvakaoma, asi kusara kwekuti zvakanyorwa mubhuku riri pachena.
60. Uye ndivo chete vanotora mweya yenyu usiku (makarara), uye vanoziva izvo zvamunenge maita panguva dzemasikati, uye vanokumutsai zvekare kuti muzadzise nguva yenyu (yekurarama) yamakatarirwa, uye (mhedzisiro yacho) kwavari ndiko kwamuchadzokera. Uye vachave vanokuudzai izvo zvamaiita.
61. Ndivo samasimba vari pamusoro pevaranda vavo, uye vanotumira vachengetedzi (ngirozi dzinochengetedza nekunyora mabasa emunhu akanaka neakaipa) kwamuri, kusvikira rufu rwasvika pane umwe wenyu, nhumwa dzedu (ngirozi yerufu nevabetseri vayo) dzinotora mweya wake, uye hadzirambe kuita basa radzo.
62. Vanobva vadzoserwa kuna Allah, Tenzi vavo vechokwadi (kuti vavape mubairo). Zvirokwazvo, hutongi ndewavo, uye ndivo muchimbidzi pakutonga.
63. Iti (Muhammad (SAW)): “Ndiani anokununurai kubva murima rwepanyika uye nemumakungwa, apo pamunoshevedzera kwavari (pachena) muchizvininipisa uye muchivande (muchiti): “Zvirokwazvo, vakave vanotinunura kubva pane matambudziko aya, zvirokwazvo, tichange tiri pane avo vanopa kutenda.”
64. Iti (Muhammad (SAW)): “Allah vanokununurai kubva kuizvi uye kubva mune matambudziko ose, asi imi munovasanganisa nezvimwe (zvinamatwa) pakuvanamata.”
65. Iti (Muhammad (SAW)): “Vane masimba ekukutumirai marwadzo kubva pamusoro penyu, kana pasi pemakumbo enyu, kana kukuitai kuti muparadzane muve zvikwata-zvikwata, uye voita kuti vamwe venyu varavire marwadzo kubva kune vamwe.” Tarisa matsananguriro atinoita zviratidzo, kuti pamwe vangave vanonzwisisa.
66. Asi vanhu vako (Muhammad (SAW)) vanoriramba (Qur’aan), asi iro riri chokwadi. Iti: “Handisi muchengetedzi wenyu.”
67. Munhaurwa dzose mune nguva yakatarwa. Naizvozvo muchazviziva.
68. Uye ukaona (Muhammad (SAW)) avo vanotaura zvekunyeperana pamusoro pezviratidzo zvedu (zvemu Qur’aan) vachizvitsvinyira, ibva padyo navo kusvikira vasandura nyaya. Asi kana satani akaita kuti ukanganwe, saka mushure mekurangarira usave unogara neavo vanhu vanoita mabasa akaipa.
69. Avo vanotya Allah, vachiita mabasa akanaka uye vachisiya akaipa, havana chinhu chekuita navo (vasingatendi), asi chavo kuvarangaridza, kuti pamwe vangatya Allah (uye vosiya kutsvinyira Qur’aan). (Murairo hwendima iyi hwakabviswa nendima 4: 140).
70. Uye siyana neavo vanotora chitendero chavo sedambe kana kunakidzwa, uye neavo vanonyengedzwa nehupenyu hwepasi pano. Asi vayeuchidze naro (Qur’aan), kuti munhu ave anoparadzwa nekuda kwezvakawana, apo achange asina kana muchengeti kana mumiriri kusara kwaAllah. Kunyangwe akaedza kupa chero mubairo (kuti asapinzwe kuGehena),
71. Iti (Muhammad (SAW)): “Todaidza here zvimwe zvisiri Allah, izvo zvingatibatsire kana kuti kuvadza, kana kuti todzokera kumashure mushure mekunge Allah vatitungamirira here? Seuyo vanaDhiyabhorosi vakave vanomutungamira kunzira yakaipa munyika ari muchidzimaidzwa. Shamwari dzake dzichimudaidzira kunhungamiro (vachiti): ‘Huya kwatiri.’” Iti: “Zvirokwazvo, nhungamiro yaAllah ndiyo nhungamiro yega, uye takave tinokomekedzwa kuzvipira kuna Tenzi venyika dzese (vanhu, maJinn nezvisikwa zvese);”
72. “Uye kuita Swalaah (Munamato), kuteerera Allah uye nekuvatya. Uye kwavari ndiko kwamuchaunganidzwa.”
73. Muzvokwadi ndivo vakasika matenga nepasi, uye pazuva iro (rekumutswa kubva mukufa) vachati: “Ivapo!”, uye robva ravapo! Shoko ravo ndere chokwadi. Ndivo muridzi wezuva iro richaridzwa hwamanda. Muzivi wazvose zvakavandika nezviri pachena. Uye vane hungwaru hwose, vanoziva zvose.
74. Uye (rangarirai) apo Abrahamu akati kuna baba vake Aazar: “Muri kutora here zvidhori sevanamwari? Zvirokwazvo, ndiri kuona imi nevanhu venyu makarasika zviri pachena.”
75. Saizvozvo takave tinoratidza Abrahamu humambo wematenga nepasi rino kuti azove pakati peavo vanotenda zvikuru.
76. Paakafukidzwa nerima reusiku akaona nyeredzi, akabva ati: “Uyu ndiye Tenzi wangu.” Asi payakanyura akabva ati: “Handidi izvo zvinonyura.”
77. Paakazoona mwedzi wobuda akabva ati: “Uyu ndiye Tenzi wangu.” Asi pawakanyura akabva ati:“Kusara kwekuti Tenzi vangu vanditungamira, zvirokwazvo ndichave pakati peavo vanhu vakarasika.”
78. Paakazoona zuva robuda akabva ati: “Uyu ndiye Tenzi wangu. Uyu mukurusa.” Asi parakanyura akabva ati: “Imi vanhu vangu! Zvirokwazvo, ndakasununguka kubva pane zvose zvamunosanganisa (naAllah pakumunamata).”
79. “Zvirokwazvo, ndave ndinotendeudza huso hwangu kwavari, avo vakasika matenga uye nepasi, ndichivanamata vari voga, uye handisi pakati peavo vanovasanganisa nezvimwe zvinhu (pakuvanamata).”
80. Uye vanhu vake vakapokana naye, ndokubva ati: “Mungapokane neni maererano naAllah avo vave vanonditungamira, uye hapana kana chandinotya pane izvo zvamunovasanganisa nazvo (Allah pakunamata), kusara kwekuti kana Tenzi vangu vachida chimwe chinhu. Tenzi vangu ndivo vane ruzivo rwezvose. Ko hamurangarire here?”
81. “Ko ndingave ndinotya sei izvo zvamunosanganisa naAllah pakuvanamata (kunyange zvisingabatsiri kana kukuvadza), asi imi hamuchityi kuti muri kusanganisa naAllah pakuvanamata izvo zvavasina kutumira bvumo kwamuri. Saka nderipi bato pamapato maviri rine kodzero yechengetedzo kana muchiziva?”
82. Avo vanotenda (muhumwechete hwaAllah), uye vasingakanganisi kutendeseka kwavo nemabasa akaipa (kunamata zvimwe zvisiri Allah), kwavari (chete) kuchave nekuchengetedzwa uye ndivo vakatungamirirwa.
83. Uye uhwo ndiwo wakange uri humboo wedu watakapa Abrahamu kuvanhu vake. Tinosimudzira uyo watinoda muzvinhando. Zvirokwazvo, Tenzi vako ndivo vane hungwaru hwose, vanoziva zvose.
84. Uye takave tinomupa Isaka naJakobho, umwe neumwe wavo tikave tinomutungamira; uye mushure make Nowa takamutungamirira; uye kubva pavana vake Dhavhidha, Soromoni, Jobho, Josefa, Musa uye naAroni (takavatungamirira). Uye saizvozvo tinopa mubairo kune avo vanoita mabasa akanaka.
85. Uye Zakariya (Zakero), Yahya (Johwani), Jesu uye Eriya, umwe neumwe wavo ainge weavo vakanaka.
86. Uye Ismail (Ishumaeri), Al-Yasa (Elaisha), Yunus (Johwana), uye Loti, umwe neumwe wavo takave tinomusarudza pamusoro pezvinhu zvose (vanhu nemaJinn enguva yavo).
87. Uye nevamwe vevanababa vavo uye vana vavo uye nemadzikoma avo (hama dzavo), takavasarudza, uye tikavatungamira kunzira yakatwasuka.
88. Iyi ndiyo nhungamiro yaAllah iyo yavanotungamira nayo uyo wavanoda kubva kuvaranda vavo.
Asi kana vakasanganisa vamwe mukunamata Allah, zvose zvavaiita hazvaive nebatsiro kwavari.
89. Ndeavo vatakapa Bhuku, njere (kuti vanzwisise mitemo yechitendero), uye huporofita. Asi kana ava (vasingatendi) vorega kutenda mazviri (Bhuku, Njere, neHuporofita), saka, zvirokwazvo takave tinozvipa kune vanhu (sevabatsiri vamuporofita Muhammad (SAW)) avo vasiri vanhu vasingatendi mazviri.
90. Ndeavo vanhu Allah vavakatungamira. Saka tevedzerai gwara ravo. Iti: “Hapana mubairo wandinokukumbirai pamusoro paro (Qur’aan). Rinongove chete yeuchidzo kuvanhu nemaJinn.”
91. Ivo (maJudha nemaQuraish vasingatendi vanamati vezvidhori) havana kuedza Allah nemuedzo wesimba raAllah (Havana kupa Allah chinzvimbo chavo chechokwadi) apo vakati: “Hapana chinhu chakatumirwa naAllah kumunhu (nenhaurwa).” Iti (Muhammad (SAW)): “Saka ndiani akatumira Bhuku iro Musa akaunza, sechiedza nenhungamiro kuvanhu iro imi (maJudha) makapatsanura kuisa pamapepa, muchiburitsa (mamwe acho) uye muchivanza akawanda? Uye imi (vatendi muna Allah uye nemutumwa wavo) makadzidziswa (kuburikidza neQur’aan) izvo imi maisaziva kana vanababa venyu.” Iti: “Allah (ndivo vakaritumira).” Saka vasiye vatambe mukutaura kwavo.
92. Uye iri (Qur’aan) iBhuku rakaropafadzwa iro ratakadzikisa, richitsinhira (nhaurwa) dzakauya mushure maro, kuti muve munopa yambiro kuna Mai vemaguta (Makkah) uye neavo vakarikomberedza. Avo vanotenda muhupenyu hwemangwana, vanotenda mariri (Qur’aan), uye vanochengetedza minamato (Swalaah) yavo.
93. Uye ndiani anodzvinyirira kudarika uyo anogadzirira Allah manyepo, kana kuti anoti: “Nhaurwa yauya kwandiri”, apo pasina kana chinhu chauya kwaari; kana uyo anoti: “Ndichave ndinodzikisa nhaurwa yakafanana neyakadzikiswa naAllah.” Asi dai waikwanisa kuona avo vanoita mabasa akashata vari mumatambudziko emarwadzo erufu, uye ngirozi dzakatambanudza maoko adzo (dzichiti): “Hunzai mweya yenyu! Zuva ranhasi muchave munopihwa murango wekudzikisirwa nekuda kwezvamaitaura zvakaipa pamusoro paAllah kusiya chokwadi. Uye mairamba mirairo yaAllah zvisina rukudzo.”
94. Uye zvirokwazvo mauya kwatiri muri moga (musina hupfumi, vaperekedzi kana chimwe chinhu) semasikiro atakakuitai pakutanga. Uye masiya zvose zvataive takupai. Uye hatisi kukuonai nevamiriri venyu avo vamaiti ndevamwe vaAllah. Zvirokwazvo, izvozvi hukama huri pakati penyu navo hwagurwa, uye zvose zvamaitaura zvanyangarika kubva kwamuri.
95. Zvirokwazvo, ndiAllah vanoita kuti mhonzi yezvirimwa neyemichero ivhurike nekukura.
Vanounza vapenyu kubva kuvafi, uye ndivo vanounza vafi kubva kuvapenyu. Ava ndivo Allah, saka sei muchibva kuchokwadi?
96. (Ndivo) Muunzi wemangwanani. Uye vakave vanoita kuti husiku huve wekuzorora, uye zuva nemwedzi sezvekuverengera (mazuva, miedzi, nemakore). Uku ndiko kuera kwaSamasimba, muzivi wezvose.
97. Uye ndivo vakakugadzikirai nyeredzi, kuti muve munozvitungamira nadzo murima repasi nemumvura. Zvirokwazvo, takave ndinotsanangura micherechedzo yedu kune vanhu vanoziva.
98. Uye ndivo vakasika imimi kubva kune munhu mumwe (Adam), uye vakakupai nzvimbo yekugara (pasi pano kana mudumbu maamai) uye nzvimbo yekuchengeterwa (muvhu( mumakuva enyu) kana kumisana yanababa venyu). Zvirokwazvo, tave tinotsanangura zvizere mirairo yedu (Qur’aan iri) kune vanhu vanonzwisisa.
99. Ndivo vanotumira mvura kubva kudenga, uye nayo tinounza zvirimwa zvendudzi dzose, uye kubva mazviri tinounza huswa hwakasvibira nekuunza zvirimwa zvakasvika zvakabatana. Uye kubva kumiti yemaDheti kumapazi ayo panobuda michero yemaDheti yakaungana yakabatira pazasi uye pedyo, uye nemapindu emagirepisi, maOrivhi nechibage chechirungu, chimwe chakafanana (mundudzi) asi zvakasiyana (muhukuru uye mukutapira). Tarisai michero yacho kana yokura uye nekuibva kwayo. Zvirokwazvo, muzvinhu izvi ndimo mune micherechedzo kune avo vanhu vanotenda.
100. Asi vanobatanidza maJinn sevabatsiri mukunamata Allah, asi ivo vakaasika (maJinn), uye vanotumidza mukuburikidza manyepo vasina ruzivo vanakomana nevanasikana kwavari.
Rukudzo kwavari uye ndivo mukuru pane izvo (zvakaipa) zvavanomutumidza.



CHITSAUKO AL-AN’AAM 2013_110
الرجوع الى أعلى الصفحة اذهب الى الأسفل
https://almomenoon1.0wn0.com/
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn
مؤسس ومدير المنتدى
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn


عدد المساهمات : 52644
العمر : 72

CHITSAUKO AL-AN’AAM Empty
مُساهمةموضوع: رد: CHITSAUKO AL-AN’AAM   CHITSAUKO AL-AN’AAM Emptyالأحد 20 مارس 2022, 10:02 pm

101. Ndivo musiki wematenga uye nenyika. Saka vangave nevana chirudzii ivo vasina mukadzi?
Vakasika zvinhu zvose uye ndivo muzivi wezvose.
102. Ava ndivo Allah, Tenzi venyu! Laa ilaaha illaa Huwa (Hakuna mumwe anekodzero yekunamatwa kunze kwavo), Musiki wezvose. Saka vanamatei (ivo chete), uye ndivo muchengeti wezvose.
103. Maziso hakwanisi kuvaona, asi ivo vanoona zvose. Ndivo vane ruremekedzo rwose, vanoziva zvose.
104. Zvirokwazvo, humboo hwauya kwamuri kubva kuna Tenzi venyu, saka kune uyo anenge aona achaita izvozvo (zvakanakira) iye pachezvake, uye uyo anove anozvipofomadza, achazvikuvadza pachezvake, uye inini (Muhammad (SAW)) handisi muchengeti wenyu.
105. Saizvozvo tinotsanangura ndima kuti ivo (vasingatendi) vazoti: “Wakave unodzidza (maGwaro evanhu veGwaro uye ukaunza Qur’aan kubva maari)”, uye kuti tive tinoita nyaya yacho ive pachena kune vanhu vane ruzivo.
106. Tevedzera izvo zvadzikiswa kwauri (Muhammad (SAW)) kubva kuna Tenzi vako. Laa ilaaha illaa Huwa (Hakuna ane kodzero yekunamwatwa kunze kwavo), uye ibva kune vanamati vezviumbwa.
107. Uye dai Allah vaida, havaitora vamwe kunze kwavo mukunamata. Uye hatina kuti uve mutarisi wavo kana muchengeti wavo.
108. Uye usave unotsvinyira izvo zvavanonamata (vasingatendi) kunze kwaAllah, nekuti vanogona kutsvinyira Allah mune zvakaipa vasina ruzivo. Saizvozvo takave tinonatsurudzira rwudzi rwega-rwega izvo zvavanoita; uye mushure kuna Tenzi vavo vachadzokera, uye vachave vanovaudza zvose zvavaiita.
109. Uye vanopika muzvirokwazvo naAllah, kuti dai mucherechedzo ukauya kwavari, muzvokwadi vanotenda mauri. Iti: “Zvirokwazvo micherechedzo ina Allah, uye chii chinokuitai imi (maMuslim) muve nechivimbo (kunyangwe) kana (mucherechedzo) wauya, havatendi?”
110. Uye tichave tinofuratirisa moyo nemeso avo (kubva kugwara) nemhaka yekuramba kutenda mavari (Allah) pakutanga, uye tichavasiya vachiraudzira kuti vave vanodzungaira muhubofu.
111. Uye kunyangwe dai takavatumira ngirozi, kana kuti vakafa vakataura navo, uye tikaunganidza (zvatakasika) zvose pamberi pavo, havaizotenda kunze kwekuti Allah vada, asi vazhinji vavo havazivi.
112. Uye saizvozvo takava tinoisa kumutumwa wese vavengi, mweya yakaipa kubva muvanhu nemumaJinn, vachikurudzirana nemashoko akashongedzwa senzira yokunyengedzana. Dai Tenzi vako vakada, dai vasina kuzviita. Naizvozvo vasiye vakadaro nemanyepo avo.
113. Uye kuitira kuti moyo yeavo vasingatendi muhupenyu hunotevera irerekere kwaari (manyepo), uye kuti igutsikane navo, uye kuti varambe vachiita zvavarikuita (mabasa ose akaipa).
114. (Iti Muhammad (SAW)): “Pane mumwe mutongi here wandingatsvage kunze kwaAllah, asi vari ivo vakatumira kwamuri Gwaro (Qur’aan) rakatsanangurwa zvizere?” Uye avo vatakapa Gwaro
(Torah neVhangeri) vanoziva kuti rakava rinodzikiswa muchokwadi kubva kuna Tenzi vako.
Naizvozvo usave muboka reavo vanogunun’una.
115. Uye shoko raTenzi vako rakava rinodzikiswa muchokwadi nekuenzaniswa. Hapana angakwanise kushandura mashoko avo. Uye ndivo munzwi nemuzivi wezvose.
116. Uye ukava unotevedzera vazhinji veavo vari panyika, vanokubvisa munzira yaAllah. Hapana chavanotevedzera kunze kwefungidziro, uye hapaa chimwe chavanoita kunze kwekunyepa.
117. Zvirokwazvo, Tenzi vako ndivo vanozivisisa uyo akarasika kubva munzira yavo, uye ndivo vanozivisisa avo vakatungamiririrwa (mugwara rakatwasuka).
118. Saka idyai (nyama) iyo zita raAllah rakataurwa pamusoro payo (pakuuraiwa), kana muri vatendi muzviratidzo zvavo.
119. Uye chii chinokutadzisai kudya (nyama) iyo zita raAllah rakataurwa pamusoro payo (pakuuraiwa), asi vari ivo vakakutsanangurirai zvizere zvavakakurambidzai, kusara kwekunge vamanikidzirwa kwazviri (nemamiriro ezvinhu)? Uye zvirokwazvo vazhinji vanorasisa (vanhu) nezvido zvavo vasina ruzivo. Zvirokwazvo, Tenzi vako ndivo vanozivisisa avo vanoita zvivi.
120. Uye (vanhu) siyai zvivi, zviri pachena kana zvakavandika. Zvirokwazvo, avo vanoita zvivi, vachawana mugove unoenderana nezvavaiita.
121. Uye musadye (imi vanotenda) (nyama) isina kutaurwa zita raAllah pamusoro payo (pakuuraiwa), uye zvirokwazvo chitadzo chikuru. Uye zvirokwazvo vanadhiyabhorosi (vana Satani) vanokurudzira shamwari dzavo (kubva muvanhu) kuti vapokane nemi, uye mukave munovateerera (nekudya nyama isina kuuraiwa muzita raAllah), munozova maMushrikoon (Vanonamata Allah nezvimwe zvisikwa. Sezvo kuteerera vanaDhiyabhorosi neshamwari dzavo kuvanamata).
122. Uye uyo akanga akafa (asina kutenda maari), uye tikava tinomupa hupenyu (ruzivo nekutenda), uye tikava tinomugadzirira chiedza kuti akwanise kufamba pakati pevanhu, akafanana here neuyo ari murima (rekusatenda) maasingazofa akabuda? Saizvozvo avo vasingatendi vanonatsurudzirwa izvo zvavaiita.
123. Zvakadaro takava tinoisa mudhorobha rimwe nerimwe vaipi vakuru kuti vave vanoronga (zvakaipa) mariri. Asi hapana chavanoronga (chakaipa), kusara kwezvavanozvirongera pachavo, asi havazvicherechedze.
124. Uye panouya chiratidzo kwavari (kubva kuna Allah) vanoti: “Hatisi kuzotenda kusvika tagamuchira zvakafanana neizvo zvakagamuchirwa nevatumwa vaAllah.” Allah vanozivisisa akakodzera kutakura shoko ravo. Kudzikisirwa nekushorwa kubva kuna Allah pamwechete nemutongo wakaomesesa zvichave zvinowira vatadzi nekuda kweizvo zvavaironga (zvakaipa).
125. Uye uyo Allah wavada kutungamirira, vanozarurira moyo wake kuIslaam; uye uyo wavada kuti arasike vanovhara nekutinya moyo wake, sekunge ari kukwira achienda kudenga. Saizvozvo Allah vanoisa kutsamwa kune avo vasingatendi.
126. Uye iyi ndiyo nzira yaTenzi vako (Islaam) yakatwasuka. Zvirokwazvo, tava tinotsanangudza zvizere zviratidzo zvedu kune avo vane hanya (vanorangarira).
127. Vachazove neimba yerunyararo (Paradhiso) kuna Tenzi vavo. Uye vachazova Wali vavo (muchengetedzi uye mubatsiri) nokuda kwezvavaiita.
128. Uye pazuva iro ravachavaunganidza vese (vachati): “Imi gungano remaJinn! Zvirokwazvo, vakawanda vamakabvisa kubva mugwara (rakatwasuka) kubva muvanhu.” Vabatsiri neshamwari dzavo kubva muvanhu vachati: “Tenzi vedu! Vamwe vedu vakave vanobatsirikana kubva kuvamwe, asi iyezvino tasvika panguva iyo yamakatitarira.” Vachati (Allah): “Moto ndiyo nzvimbo yenyu yekugara, muchagara imomo zvachose, kunze kwekuti Allah vada. Zvirokwazvo, Tenzi vako ndivo vane hungwaru neruzivo rwese.”
129. Uye saizvozvo tinoita vamwe veavo vanoita zvakaipa vabatsiri vevamwe (vanoita zvakaipa) nokuda kweizvo zvavaiwana.
130. “Imi gungano remaJinn nevanhu! Hakuna kuuya vatumwa here kubva mamuri, vachikuverengerai ndima dzangu uye nekukuyambirai maererano nezvezuva rekuungana kwenyu iri (Qiyaamah)?” Vachati: “Tinopa huchapupu takazvinanga pachedu (nezvataiita).” Uye hwakanga huri hupenyu hwepano pasi hwakavanyengedza. Uye vachapa huchapupu vakazvinanga pachezvavo kuti vakanga vasingatendi.
131. Nokuti Tenzi vako havaizoparadza madhorobha nokuda kwezvivi zvavo (kusanganisa Allah nezvimwe zvisikwa mukunamata) vanhu vacho vasingazvizivi (saka vatumwa vakatumirwa).
132. Uye vose vachava nezvidanho zvinoenderana nezvavaiita. Uye Tenzi vako vanoziva zvavanoita.
133. Uye Tenzi vako mupfumi (vane zvose), vane nyasha zhinji. Kana vachida vanokwanisa kukuparadzai, uye voisa wavanoda pachinzvimbo chenyu sevatevedzeri venyu, sekukusikai kwavakaita kubva mumbeu yevamwe vanhu.
134. Zvirokwazvo, zvamurikuvimbiswa zvichava zvinoitika, uye hamumbokwanisi kupunyuka (kubva kumutongo hwaAllah).
135. Iti (Muhammad (SAW)): “Imi vanhu vangu! Shandai zvinoenderana nenzvimbo dzenyu, zvirokwazvo ini ndirikushanda (zvinoenderana nechinzvimbo changu), uye nenguva isipi muchaziva achava nemagumo (akanaka) muhupenyu huchatevera. Zvirokwazvo, vatadzi havazombofa vakabudirira.”
136. Uye vanogovera Allah chidimbu chezvavanowana kubva muminda nemombe idzo dzavakasika, uye vanoti: “Izvi ndezva Allah zvichienderana nemafungiro avo, uye izvi ndezve shamwari dzedu (zvisikwa zvavanosanganisa naAllah). Asi chidimbu cheshamwari dzavo hachimbosviki kuna Allah; asi chidimbu chaAllah, chinosvika kune shamwari dzavo (vanamwari vavo)!” Nzira yavanotonga nayo ndiyo yakaipa!
137. Uye saizvozvo, shamwari dzavo (zvisikwa zvavanonamata) dzinovanatsurudzira vazhinji vemaMushrikoon (avo vanosanganisa Allah nezvimwe zvisikwa mukunamata) kuuraya vana vavo, dzichivaita kuti vave vanozviparadza pachavo uye kuvadzungaidza muchitendero chavo.
Uye dai Allah vaida, havaikwanisa kuzviita. Naizvozvo, vasiyei vakadaro nemanyepo avo.
138. Uye zvichienderana nemaonero avo, vanoti: “Mhuka idzi nezvirimwa izvi hazvibvumirwi, uye hakuna anodya kubva kwazviri kunze kweavo vatinobvumira.” Uye (vanoti) pane mombe dzisingatenderwi kushandiswa, uye nemombe dzavasingatauri zita raAllah pamusoro padzo (pakudziuraya), vachinyepera Allah. Vachavapa mubairo wavo nokuda kweizvo zvavainyepa.
139. Uye vanoti: “Izvo zviri mumatumbu emombe dzakati nedzakati (mukaka nechimhuru) ndezvevarume chete, uye zvinorambidzwa kune vakadzi, asi chikazvarwa chakafa, vose vane kodzero machiri.” Vachava vanovaranga nekuda kweunyengedzi hwavo (manyepo avanoitira Allah). Zvirokwazvo, ndivo vane hungwaru hwose, muzivi wazvose.
140. Zvirokwazvo, vakarasika avo vakauraya vana vavo nekusafunga kwavo zvakanaka nekushaya ruzivo, uye vakarambidza zvavakapihwa naAllah vachinenedzera manyepo kuna Allah.
Zvirokwazvo, vakava vanorasika uye vakanga vasina kutungamiririrwa.
141. Uye ndivo vanogadzira mapindu akarereka kana asina, uye nemiti yemadheti, nezvirimwa zvakasiyana zvimiro nemanakiro, nemaOrivhi, nechibage chechirungu, zvakafanana zvimiro uye zvakasiyana manakiro. Idyai michero yayo (miti) kana ichinge yaibva, asi bvisai chipo (Zakaah zvichienderana nemitemo yaAllah, chikamu chimwe kubva muzvikamu gumi (1/10) kana chikamu chimwe kubva muzvikamu makumi maviri (1/20)) pazuva rekukohwa kwayo, uye musave munoshandisa zvakapfurikidza (kutambisa). Zvirokwazvo, (Allah) havadi avo vanoshandisa zvakapfurikidza.
142. Uye kubva kune zvipfuyo (kune izvo) zvinoshandiswa kutakura mutoro (sengamera) uye neizvo zvidiki (zvisingakwanise kutakura zvakaita sembudzi nehwai zvinoshandiswa sechikafu). Idyai kubva mune izvo zvamakapihwa naAllah, uye musave munotevera matsimba aDhiyabhorosi (Satani). Zvirokwazvo, muvengi ari pachena kwamuri.
143. Mapeya masere; ehwai mbiri (hono nehadzi), neembudzi mbiri (hono nehadzi). Iti: “Vakava vanorambidza hono mbiri here kana hadzi mbiri, kana kuti zvinotakurwa nehadzi mbiri (vana)? Ndizivisei neruzivo kana muri pachokwadi.”
144. Uye kubva kungamera mbiri (hono nehadzi), uye kubva kumombe mbiri (hono nehadzi). Iti: “Vakarambidza here (Allah) hono mbiri kana kuti hadzi mbiri, kana izvo zvakavharirwa mumatumbu ehadzi mbiri? Kana kuti maivepo here Allah pavakukomekedzai izvi? Saka ndeupi anokanganisa kudarika uyo anogadzira manyepo akananga Allah, kuti ave anobuditsa vanhu munzira yaAllah asina ruzivo? Zvirokwazvo, Allah havatungamire vanhu vanotadza.”
145. Iti (Muhammad (SAW)): “Handioni chakarambidzwa kudya kune uyo anoda kudya, kune izvo zvakadzikiswa kwandiri, kusara kwemhuka yafa yoga, kana musiya (ropa rakadeutswa), kana nyama yenguruve, zvirokwazvo zvakasviba uye haibvumidzwi nyama inouraiwa semupiro kune vamwe kusara kwaAllah (kana yaurairwa zvidhori kana kuti zita raAllah harina kutaurwa pakuuraiwa kwayo). Asi uyo anomanikidzwa nemamiriro ezvinhu asina chishuvo chekusateerera, kana kutyora mutemo (wakatarwa), (kwaari) zvirokwazvo Tenzi vako ndivo vanoregerera zvikuru, vane nyasha zhinji.”
146. Uye kune maJudha takava tinovarambidza mhuka yose ine mahwanda asina kuparadzana, uye takavarambidza mafuta emombe neehwai kusara kwemafuta anenge ari pamisana kana matumbu adzo, kana anenge akasangana nemapfupa. Izvo takavapa semugove wavo nekuda kwemabasa avo (sekuuraya maporofita nekudya mari yechimbadzo). Uye zvirokwazvo tiri pachokwadi.
147. Kana (MaJudha) vakakuramba (Muhammad (SAW)) iti: “Tenzi venyu ndivo muridzi wenyasha zhinji, uye tsamwa dzavo hadzizombobviswi kubva kune vanhu vanotadza.”
148. Avo vanosanganisa Allah nezvisikwa (mukunamata) vachati: “Dai Allah vaida, tingadai tisina kuvasanganisa nezvimwe zvisikwa (mukuvanamata), kunyangwe madzibaba edu, uye hapana chatingadai takarambidza.” Saizvozvo vakanga varipo ivo vasati vavepo vakaramba, kusvika varavira mutongo wedu. Iti: “Mune ruzivo here (humboo) rwamungakwanise kubuditsa pamberi pedu? Zvirokwazvo, hapana chamunotevedzera kusara kwefungidziro, uye hapana chamunoita kusara kwemanyepo.”
149. Iti: “Allah ndivo vane humboo hwose hwakazara (humwechete hwaAllah, kutumirwa kwevatumwa vavo nemagwaro matsvene kuvanhu). Dai (Allah) vaida, zvirokwazvo vangadai vakakutungamirai mose.”
150. Iti: “Ndipei vapupuri venyu, vangapupure kuti Allah vakava vanorambidza izvi.” Kana vachinge vapupura, usava unopupura (Muhammad (SAW)) pamwechete navo. Uye usava unotevedzera zvido zvemoyo yeavo vanoramba zviratidzo zvedu, neavo vasingatendi muhupenyu huchatevera, uye vanoenzanisa Tenzi vavo nezvimwe zvisikwa mukunamata.



CHITSAUKO AL-AN’AAM 2013_110
الرجوع الى أعلى الصفحة اذهب الى الأسفل
https://almomenoon1.0wn0.com/
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn
مؤسس ومدير المنتدى
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn


عدد المساهمات : 52644
العمر : 72

CHITSAUKO AL-AN’AAM Empty
مُساهمةموضوع: رد: CHITSAUKO AL-AN’AAM   CHITSAUKO AL-AN’AAM Emptyالأحد 20 مارس 2022, 10:07 pm

151. Iti (Muhammad (SAW)): “Huyai, ndichakuverengai zvamakarambidzwa naTenzi venyu; kuti musava munovasanganisa nechimwe chinhu mukunamata; mova munoitira vabereki venyu zvakanaka; musave munouraya vana venyu nekuda kwehurombo, Tisu tinokupai raramo imi pamwechete navo (vana); musave munoswedera pedyo neAl-Fawaahish (zvinonyadzisa, zvitadzo zvikuru kana cheupombwe) kunyangwe zvichiitwa pachena kana pakavanzika; uye musave munouraya uyo akarambidzwa naAllah kusara kwekunge pane chikonzero (chinoenderana nemutemo hweIslaam). Izvi vakakukomekedzai (Allah) kuti zvimwe munganzwisise.”
152. “Uye musave munoswedera pedyo nehupfumi hwenherera, kusara kwekuti muchida kuhuwedzera mune zvakanaka, kusvika abva zera; uye zadzikisai chikero mova munoera mune zvakanaka.
Hatipi munhu mutoro kusara kwewaanokwanisa kutakura. Uye kana muchitaura muchiyananisa, taurai chokwadi kunyangwe iri hama yepedyo; uye zadzikisai chibvumirano chaAllah. Izvi (Allah) vanokukomekedzai kuti zvimwe mungarangarire.”
153. “Uye zvirokwazvo, iyi ndiyo nzira yangu yakatwasuka (yataurwa mundima 151 ne 152), naizvozvo iteverei, uye musave munotevera dzimwe nzira, nokuti dzichakubvisai kubva munzira yavo (Allah). Izvi (Allah) vakakukomekedzai kuti zvimwe mungave munotya.”
mutoro wemumwe. Zvakare kuna Tenzi venyu ndiko kwamuchadzokera, uye vokuudzai izvo zvamaipikisana.”
154. Zvakare, takava tinopa Musa, Gwaro (Torah) kuti rive rinozadzikisa (zvipo zvedu) pane avo vachaita zvakanaka, uye richitsanangura zvinhu zvose zvizere, uye segwara nenyasha kuti zvimwe vangava vanotenda mukusangana naTenzi vavo.
155. Uye iri ndiro Gwaro Dzvene (Qur’aan) ratakadzikisa, naizvozvo ritevedzerei uye ityai Allah (musave munotyora mitemo yavo), kuti zvimwe mungagamuchire nyasha (kununurwa kubva kumarwadzo eGehena).
156. Pamwe mungati (maArabhu akanga asingatendi muchitendero): “Bhuku rakave rinotumirwa chete kumapato maviri (MaJudha nemaKristu) mushure medu, uye hatina zvataiziva maererano nezvavaifunda.”
157. Kana pamwe mungati (maArabhu akanga asingatendi muchitendero): “Dai Bhuku rakatumirwa kwatiri, zvirokwazvo dai takatungamirirwa kudarika ivo (maJudha nemaKristu).” Saka zvakadaro, chiratidzo chiri pachena (Qur’aan) chave chinouya kwamuri kubva kuna Tenzi venyu, pamwe nekutungamirirwa netsitsi. Saka ndeupi anotadza kupfuura uyo anoramba zviratidzo zvaAllah obva azvifuratira? Tichave tinobhadhara avo vanofuratira zviratidzo zvedu nemutongo wakaomarara, nokuda kwekufuratira kwavo (zviratidzo zvedu).
158. Vane here chavangamirire kusara kwekuti ngirozi dziuye kwavari, kana kuti Tenzi vako vauye, kana kuti zvimwe zvezviratidzo zvaTenzi vako zviuye? Zuva iro zvimwe zvezviratidzo zvaTenzi vako zvichauya, hapana zvakanaka zvazvichaita kuti munhu atende ipapo, kana asina kutenda kumashure, kana kuita zvakanaka nokuda kwekutenda kwake. Iti: “Mirirai, zvirokwazvo isu takamirirawo.”
159. Zvirokwazvo, avo vanopatsanura chitendero chavo voita mapoka akasiyana, hauna (Muhammad (SAW)) chero chinhu chekuita navo. Zvirokwazvo, hwurongwa hwavo hwuna Allah, avo vachavaudza maererano neizvo zvavaiita.
160. Uyo anouya nebasa rimwe chete rakanaka, achava negumi akafanana naro (basa rimwe chete rakanaka), uye kune uyo anouya nebasa rimwe chete rakaipa, haapihwi mubairo kunze kwewakafanana naro (basa rakaipa), uye havasi kuzodzvanyirirwa.
161. Iti (Muhammad (SAW)): “Zvirokwazvo, Tenzi vangu vakanditungamirira mugwara rakatwasuka, muchitendero chechokwadi, chitendero chaAbrahamu chakatwasuka (kutenda muhumwechete hwaAllah nekuvanamata vari voga), uye akanga asiri umwe wemaMushrikoon (avo vanosanganisa Allah nezvimwe zvinhu pakuvanamata).”
162. Iti (Muhammad (SAW)): “Zvirokwazvo, munamato wangu, kupira kwangu, kurarama kwangu, uye nekufa kwangu ndezvaAllah, Tenzi vepasi rose.”
163. “(Allah) havana mufambidzani. Uye kudaro ndakakomekedzwa, uye ndini wokutanga kune avo vakazvipira (maMuslim).”
164. Iti: “Pane here wandingatsvage saTenzi kunze kwaAllah, vari ivo Tenzi wezvose? Hapana munhu anowana (chivi) kusara kwekuti chakanangana naiye. Uye hapana mutakuri wemutoro achatakura
165. Uye ndivo (Allah) vakakuitai vatevedzeri panyika (vamwe vachitsiva vamwe), uye vakakwidziridza vamwe venyu pazvidanho, vamwe pamusoro pevamwe, kuti vave vanokuedzai pane izvo zvavakakupai. Zvirokwazvo, Tenzi vako vanoranga nekuchimbidza, uye zvirokwazvo ndivo vanoregerera zvikuru, vane tsitsi zhinji.



CHITSAUKO AL-AN’AAM 2013_110
الرجوع الى أعلى الصفحة اذهب الى الأسفل
https://almomenoon1.0wn0.com/
 
CHITSAUKO AL-AN’AAM
الرجوع الى أعلى الصفحة 
صفحة 1 من اصل 1
 مواضيع مماثلة
-
» CHITSAUKO HUD
» CHITSAUKO AR-RA’D
» CHITSAUKO YAA – SEEN
» CHITSAUKO AL-A’LA
» CHITSAUKO AT-TAUBAH

صلاحيات هذا المنتدى:لاتستطيع الرد على المواضيع في هذا المنتدى
منتديات إنما المؤمنون إخوة (2024 - 2010) The Believers Are Brothers :: (English) :: The Holy Quran is translated :: Nechishona-
انتقل الى: