CHITSAUKO AL-A’LA
(VEPAMUSORO-SORO) 87
Muzita raAllah, Vane Tsitsi, Vane Ngoni.
1. Kudza Zita raTenzi vako, vepamusoro-soro.
2. Avo vakasika (zvinhu zvose) vakazvishongedza.
3. Uye avo vakaronga (mafambiro ezvinhu zvese), uye vakatungamira (vakaratidza vanhu nzira yakanaka kubva kune yakaipa, uye vakaratidza mhuka mafuro adzo).
4. Uye avo vanobuditsa mafuro.
5. Uye vomaita (mafuro) kuti aome, oita ruvara rwakasvibira.
6. Tichakuita kuti uverenge (Qur’aan), saka (Muhammad (SAW)) hauzombokanganwi.
7. Kunze kweizvo Allah zvavanoda. Zvirokwazvo, (Allah) vanoziva zviri pachena nezvakavanzika.
8. Uye tichakurerutsira nzira iri nyore (kuita mabasa akanaka).
9. Naizvozvo yeuchidza (vanhu) kana yeuchidzo ichibatsira.
10. Rangaridzo ichatambirwa neuyo anotya (Allah).
11. Asi icharambwa nemuipi.
12. Uyo achapinda moto mukuru.
13. Zvakare imomo haazombofi (kuti azorore) kana kurarama (hupenyu hwakanaka).
14. Zvirokwazvo uyo anozvichenesa (kubva mukusatenda uye otambira Islaam) achava anobudirira.
15. Uye achirangarira zita raTenzi vake, uye achinamata (kashanu pazuva uye achiita minamato isina kukomekedzwa).
16. Asi munoshuvira upenyu wepano pasi.
17. Kunyangwe upenyu uchatevera uri nani uye haugumi.
18. Zvirokwazvo, izvi zviri muMagwaro ekutanga.
19. Magwaro aAbrahamu naMusa.