CHITSAUKO AL-BALAD (GUTA) 90
Muzita raAllah, Vane Tsitsi, Vane Ngoni.
1. Ndinopika neguta iri (Makkah).
2. Uyezve hauna mhosva neguta iri (Wakasununguka muGuta iri).
3. Uyezve nemubereki (Adam (AS)) nezvaakabereka (vana vake).
4. Zvirokwazvo, tave tinosika munhu mumatambudziko.
5. Anofunga here kuti hapana anomukurira?
6. Anoti (mukuzvikudza): “Ndave ndinorasa hupfumi hwakawanda!”
7. Anofunga here kuti hapana anomuona?
8. Hatina here kumugadzirira maziso maviri?
9. Uye rurimi nemiromo (wezasi newepamusoro)?
10. Uye tikamuratidza nzira mbiri (yakanaka neyakaipa)?
11. Asi haana kumboedza kupfuura nenzira yakatevenuka (yakareruka).
12. Uye chii chichakuita kuti uzive kuti nzira yakatevenuka chii?
13. Kusunungura muranda (musungwa).
14. Kana kupa chikafu muzuva renzara,
15. Kunherera yepedyo.
16. Kana kune murombo akarara muvhu (nokuda kweurombo).
17. Uye akazove umwe weavo vanotenda (muIslaam), uye vakakomekedzana kutsungirira, uye vakakomekedzana kunzwira tsitsi.
18. Ndivo avo veruoko rwerudyi (vanhu veParadhiso).
19. Asi avo vasina kutenda muzviratidzo zvedu, ndeavo veruoko rweruboshwe (vanhu vekumoto).
20. Vachave vanovharirwa nemoto (Moto uchavakomberedza kubva kumativi ese).