CHITSAUKO AT-TWAARIQ
(NYENYEDZI INOUYA USIKU) 86
Muzita raAllah, Vane Tsitsi, Vane Ngoni.
1. (Ndinopika) nedenga, neAt-Twaariq (nyenyedzi inouya usiku).
2. Uye chii chichakuita kuti uzive kuti At-Twaariq chii?
3. Inyenyedzi inopenya zvikuru.
4. Munhu wose ane muchengetedzi pamusoro pake (ngirozi dzinoona nezvemunhu wose, kumuchengetedza, kunyora mabasa ake akanaka neakaipa).
5. Naizvozvo munhu ngaatarise kuti akasikwa kubva pai!
6. Akasikwa kubva mumvura inobuda nesimba.
7. Inobva pakati pemuzongoza nembabvu.
8. Zvirokwazvo, (Allah) vane simba rekumudzora (kuhupenyu)!
9. Zuva zvakavanzika (mabasa, minamato, kutsanya, nezvimwewo) zvichaongororwa (zvichaburitswa).
10. Naizvozvo achange asina simba kana mubatsiri.
11. (Ndinopika) nedenga (rine makore emvura) rinopa mvura, nguva nenguva.
12. Uye nepasi rinotsemuka (nekukura kwemiti nezvirimwa).
13. Zvirokwazvo, (Qur’aan) iri ishoko rinopatsanura (chokwadi kubva kumanyepo).
14. Uye harisi chinhu chedambe.
15. Zvirokwazvo, vari kuronga hurongwa (hwekukuvhiringidza Muhammad (SAW)).
16. Uye ini (wo) ndiri kuronga hurongwa.
17. Naizvozvo chimbononotsa vasingatendi, wovasiya kwekanguva.