CHITSAUKO AT-TWALAAQ
(KURAMBANA) 65
Muzita raAllah, Vane Tsitsi, Vane Ngoni.
1. Iwe Muporofita (Muhammad (SAW))! Kana uchiramba vakadzi, varambe nenguva yavo yakatarwa (Iddah), uye verenga nguva (Iddah) yavo zvakanaka. Uye ityai Allah, Tenzi wenyu.
Uye imi musavaburitsa mudzimba dzavo kana ivo kubuda pachavo, kusara kwekuti vaita chitadzo chiri pachena (hupombwe). Uye iyi ndiyo mirairo yaAllah. Uye uyo anotsaudzira mirairo yaAllah, zvirokwazvo anenge azvitadzira pachake. Hauzivi (iwe murambi wemukadzi wake) kuti pamwe Allah vanogona kuunza chiitiko chitsva mushure mezvo (kukudzorera mukadzi kana kwange kuri kurambana kwekutanga kana kwechipiri).
2. Saka kana vapedza nguva yavo yakatarwa, vatorei mune zvakanaka, kana kuti mosiyana mune zvakanaka. Uye torai vapupuri vaviri vakanaka mukati menyu (maMuslim). Uye ivai munopika naAllah. Iyi ndiyo rairo kune uyo anotenda naAllah uye muzuva rekupedzisira. Uye uyo anotya Allah, vachamugadzirira nzira yekubuda nayo (mumatambudziko).
3. Uye vachamupa raramo kubva kune zvaakanga asingafungiri. Uye uyo anovimba naAllah, zvino vanomuitira zvaanoda. Zvirokwazvo, Allah vachadzadzikisa chinangwa chavo. Zvirokwazvo Allah vakatara raramo pazvinhu zvose.
4. Uye avo vevakadzi venyu vasingachatsiki mwedzi, Iddah (Nguva yakatarwa) yavo kana musingagutsikani, imwedzi mitatu; uye avo vasingaendi kumwedzi (kutsika, nekuti vadiki, nguva yavo imwedzi mitatu, kunze keavo vakafirwa – Qur’aan 2: 234). Uye avo vakazvitakura (varambwa kana kuti vafirwa nevarume), nguva yavo kusvikira vabetserwa; uye uyo anotya Allah achiita mabasa avo, vachaita kuti hupenyu hwake huve nyore.
5. Iyi ndiyo mitemo yaAllah yavanodzikisa kwamuri; uye uyo anotya Allah achiita mabasa avo, vachamukanganwira zvitadzo zvake, uye vowedzera mubairo wake.
6. Vagarisei (vakadzi varambwa) pamunogarawo imi, sezvamunokwanisawo kuwana, uye musavarwadzise muchivashungurudza (kuti vagosiya misha yenyu). Asi kana vakazvitakura vachengetei kusvikira vasununguka pamuviri pavo. Uye kana vakayamwisa vana venyu, vapei mugove wavo, uye umwe wenyu ngaatambire yambiro yeumwe mune zvakanaka. Asi kana mukaomeserana, umwe mukadzi anokwanisa kuvayamwisira (baba vemwana).
7. Mupfumi ngaachengete zvichienderana nekuwana kwake; uye uyo anowana zvishoma ngaachengete zvichiendarana nezvaakapiwa naAllah. Allah havaisi musengwa pamunhu kudarika izvo zvavakamupa. Allah vachaunza rugare mushure mematambudziko.
8. Uye maguta akawanda akatsaudzira mirairo yaTenzi wavo uye vatumwa vavo. Naizvozvo takawapa mutongo wakaoma (pasi rino), uye tichavaranga nemurango unorwadza chaizvo (muhupenyu unotevera).
9. Naizvozvo vakaravira magumo emabasa avo akashata, uye magumo emabasa avo kurasikirwa (pasi rino nekudenga).
10. Allah vakavagadzirira mutongo (unorwadza) wakaoma. Saka ityai Allah, imi vanonzwisisa, avo vanotenda! Zvirokwazvo Allah vadzikisa rangaridzo kwamuri (Qur’aan iri).
11. (Vakatuma zvakare) mutumwa (Muhammad (SAW)) anokuverengerai zviratidzo zvaAllah (Qur’aan) zviri pachena, kuitira kuti vagoburitsa avo vanotenda neavo vanoita mabasa akanaka kubva murima (kusatenda) kuenda kune chiedza (Islaam). Uye uyo anotenda muna Allah uye achiita zvakanaka, (Allah) vachamupinza mubindu (Paradhiso) iro rine nzizi dzinoerera pasi paro
kuti agogara imomo zvachose. Zvirokwazvo Allah vachamupa raramo yakanaka.
12. NdiAllah vakasika matenga manomwe uye nenyika yakafanana nawo (nomwe). Mutemo wavo unodzika pakati pavo (matenga nenyika), kuitira kuti muzive kuti Allah vane simba pamusoro pezvinhu zvose, uye zvirokwazvo kuti Allah vakakomberedza zvinhu zvose neruzivo rwavo.