أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn مؤسس ومدير المنتدى
عدد المساهمات : 52644 العمر : 72
| موضوع: CHITSAUKO AL-MUJAADILAH الخميس 28 يوليو 2022, 12:00 am | |
| CHITSAUKO AL-MUJAADILAH (MUKADZI AIITA GAKAVA) 58 Muzita raAllah, Vane Tsitsi, Vane Ngoni. 1. Zvirokwazvo, Allah vanzwa mashoko ake (Khaulah bint Tha’labah) uyo ari kuita gakava newe (Muhammad (SAW)) maererano nemurume wake (Aus Ibn As-Swaamit), uye achinyunyuta kuna Allah. Uye Allah vanonzwa kupikisana kwenyu. Zvirokwazvo, Allah vanonzwa zvose, vanoona zvose. 2. Avo mukati menyu vanozvirambidza vakadzi vavo kuburikidza neDhihaar (Kuti kwavari: “Wakafanana naamai vangu”), havangaiti vana mai vavo. Hapana vanokwanisa kuita vana mai vavo kunze kweavo vakavabereka. Uye zvirokwazvo vanotaura mashoko akaipa nemanyepo. Uye zvirokwazvo Allah vanokanganwira, uye vanoregerera. 3. Uye avo vanozvirambidza vakadzi vavo neDhihaar uye voda kuzvisunungura kubva kune zvavakataura vanofanirwa (panyaya yakadaro) kusunungura muranda vasati vabatana (kusangana pabonde). Ndiyo rairo kwamuri (kuti musave munozviita zwe). Uye Allah vanoziva zvamunoita zvose. 4. Asi uyo asingakwanisi kuwana (Mari yekusunungura muranda) anofanirwa kutsanya mwedzi miviri yakatevedzana vasati vasangana (pabonde). Asi kana asingakwanisi (kutsanya), anofanirwa kupa chikafu kuvanhu makumi matanhatu vanotambura. Ndiko kuti muve nekutenda kwakakwana kuna Allah nemutumwa wavo. Uye iyi ndiyo mirairo yakatarwa naAllah. Uye vasingatendi, vachawana mutongo unorwadza. 5. Zvirokwazvo avo vanopikisa Allah nemutumwa wavo (Muhammad (SAW)) vachanyadziswa, sokunyadziswa kwakaitwa avo mushure mavo. Uye takatumira zviratidzo zviri pachena. Uye vasingatendi vachawana mutongo unonyadzisa. 6. Pazuva iro Allah vachavamutsa vese pamwechete nekuvaudza zvavakaita. Allah vakazvichengeta apo ivo vakazvikanganwa. Uye Allah mupupuri pamusoro pezvinhu zvose. 7. Hauna kuona here kuti Allah vanoziva zvose zviri kumatenga nepanyika? Hapana zvinotaurwa muchivande nevatatu asi kuti ivo (Allah) ndevechina (neruzivo rwavo asi ivo vari pamusoro pematenga), kana kuti vashanu asi kuti ivo (Allah) ndevechitanhatu (neruzivo rwavo), kana kuti vashoma pane izvozvo kana vakawanda asi kuti (Allah) vanova pose pavanenge vari. Uyezve (Allah) vachavazivisa zvavaiita pazuva rekutongwa. Zvirokwazvo Allah ndivo vanoziva zvinhu zvose. 8. Hauna here kuona avo vakarambidzwa kuita misangano yavo muchivande ndokubva vadzokera kune izvo zvavakarambidzwa. Uye vanotaurirana zvitadzo nemabasa akashata uye nekusateerera mutumwa (Muhammad (SAW)). Uye kana ivo vakauya kwauri, vanokukwazisa nekwaziso isina kumboitwa naAllah kwauri, uye mumoyo vanoti: “Sei Allah vasingatirangi nokuda kwezvatinotaura?” Gehena richavakwanira, uye vachatsva imomo. Uye zvirokwazvo ndiwo magumo akashata! 9. Imi vanotenda! Kana muchiita musangano muchivande, itai kwete nechinangwa chekutadza kana mabasa akaipa uye kusateerera mutumwa (Muhammad (SAW)), asi taurai zvakanaka uye nekutya Allah; uye ityai Allah avo kwavari ndiko kwamuchaunganidzwa. 10. Zvirokwazvo, misangano yakavanzwa ndeyaSatani, kuitira kuti agokonzeresa kushushikana kune avo vanotenda. Asi haakwanisi kuvarwadzisa kana nechimwe chinhu asi nekuda kwaAllah. Uye vatendi vanofanirwa kuvimba naAllah. 11. Imi vanotenda! Kana zvikanzi kwamuri gadzirai nzvimbo pamisangano, gadzirai. Allah vachakugadzirirai nzvimbo (netsitsi dzavo). Uye kana zvikanzi simukai (kunonamata kana kunoita mamwe mabasa akanaka), simukai. Allah vachakwiridzira avo vanotenda pane chimwe chinzvimbo, pamwe neavo vakapiwa ruzivo. Uye Allah vanoziva zvamunoita. 12. Imi vanotenda! Kana muchida kuona mutumwa (Muhammad (SAW)) pachivande, ipai chipo musati masangana naye pachivande. Izvozvo zvakakunakirai uye zvakachena. Asi kana musingakwanisi kuwana (chipo), zvirokwazvo, Allah vanoregerera, vane tsitsi. 13. Mungatya kupa chipo musati masangana naye muchivande? Kana mukasazviita, uye Allah vakakuregererai, nokudaro chiitai Swalaah (Munamato) uye mopa chipo (Zakaah) uye moteera Allah nemutumwa wavo. Uye Allah vane ruzivo rweizvo zvamunoita. 14. Hauna kuona here (Muhammad (SAW)) avo (vanyengedzi) vanotora vanhu vakatsamwirwa naAllah seshamwari (maJudha)? Havasi vamwe venyu kana vamwe vavo (maJudha), uye vanopika nemanyepo apo vachiziva. 15. Allah vakavagadzirira mutongo wakaomarara. Zvirokwazvo, izvo zvavaiita zvakaipa. 16. Vanoita mhiko dzavo chidzitiro (pamabasa avo akaipa). Nokudaro vanodzivisa (vanhu) munzira yaAllah. Naizvozvo vachawana mutongo unonyadzisa. 17. Hupfumi hwavo nevana vavo hazvisi kana kuzovadzivirira kubva kuna Allah kana nechimwechete. Vanhu vakadaro ndivo vagari vekumoto, vachagara imomo zvachose. 18. Nezuva iro Allah vachavamutsa vose, zvino vachapika kwavari sekupika kwavanoita kwamuri (maMuslim). Uye vanofunga kuti vane zvavainazvo. Zvirokwazvo, ivo vanonyepa! 19. Satani akavakurira. Naizvozvo akavaita kuti vakanganwe kurangarira Allah. Vanhu vakadaro ndivo chikwata chaSatani. Chokwadi, chikwata chaSatani ndicho chakarasikirwa! 20. Zvirokwazvo, avo vanopikisa Allah nemutumwa wavo (Muhammad (SAW)), vachange vari mukati meavo vepasi pasi. 21. Allah vakatonyora: “Zvirokwazvo, ini nevatumwa vangu tisu tichakunda.” Zvirokwazvo, Allah ndivo vane simba rese, ndivo mukuru. 22. Iwe (Muhammad (SAW)) haufi wakawana vanhu avo vanotenda kuna Allah uye nezuva rekutongwa (rekupedzisira) vachiita ushamwari neavo vanopikisa Allah nemutumwa wavo (Muhammad (SAW)), kunyangwe zvazvo vari vanababa vavo kana kuti vana vavo kana madzikoma avo kana hama dzavo dzepedyo. Kune vanhu vakadaro, (Allah) vakavanyorera kutenda mumoyo yavo, uye vakavasimbisa nemweya (uchapupu nechiedza) kubva kwavari. Uye vachavapinza muParadhiso rine nzizi dzinoerera mavachagara zvachose. Allah vachifara navo uye ivo vachifara naAllah. Vanhu vakadaro ndivo chikwata chaAllah. Chokwadi, chikwata chaAllah ndicho chichabudirira. |
|