أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn مؤسس ومدير المنتدى
عدد المساهمات : 52644 العمر : 72
| موضوع: CHITSAUKO AT-TOOR الأربعاء 27 يوليو 2022, 5:39 pm | |
| CHITSAUKO AT-TOOR (GOMO) 52 Muzita raAllah, Vane Tsitsi, Vane Ngoni. 1. (Ndinopika) negomo. 2. Uye neBhuku rakanyorwa. 3. Mugwaro risina kubhedhenurwa. 4. Uye neAl-Baitul Ma’moor (imba iri pamusoro pematenga iri pamusoro pe Ka’bah kuMakkah inogaro shanyirwa nengirozi). 5. Uye nedenga rakasimudzwa mudenga. 6. Uye negungwa rakazadzwa (kana kuti richava moto wakatungidzwa pazuva rekutongwa). 7. Zvirokwazvo, kuranga kwaTenzi vako kuchaitika. 8. Hakuna mumwe anokwanisa kukudzivirira (kuranga kwaAllah). 9. Nezuva iro denga richadengeneka kudengeneka kunotyisa. 10. Uye makomo achafamba, kufamba kunotyisa. 11. Naizvozvo matambudziko kune avo vanoramba. 12. Avo vanotamba nekunyepa. 13. Zuva ravachasundirwa kumoto zvokumanikidzwa, uye kumanikidzwa kunovhundutsa. 14. Uyu ndiwo moto wamaimboramba. 15. Mapipi here ahwa kana kuti hamuoni? 16. Pindai mauri (moravira kupisa kwawo), motsungirira kana kusatsungirira zvakangofanana kwamuri. Zvirokwazvo, murikungopiwa mubairo weizvo zvamaiita. 17. Zvirokwazvo, vanotya Allah vachange vari muParadhiso nezvinonakidza. 18. Vachinakidzwa nezvavapiwa naTenzi vavo, uye (nekuti) Tenzi vavo vakavabetsera kubva muhurango hwemoto unopisa. 19. “Idyai nekunwa zvine mufaro nokuda kwezvamaiita.” 20. Vachagara pazvigaro zvakarongedzwa, uye tichavaroodza kune vakadzi vakanaka vane maziso ane rudo. 21. Uye avo vanotenda uye mhuri dzavo dzobva dzavatevera mukutenda, tichavabatanidza nemhuri dzavo kwavari, uye hatizodzikisi mugove wemabasa avo kana nechii zvacho. Munhu wese chipikirwa kune zvaakaita. 22. Uye tichavapa michero nenyama yavanoda. 23. Imomo vachapanana mukombe (wewaini), uye pachange pasina mitauro yakaipa kana chitadzo (nekuti vanenge vane mvumo yekunwa kubva kunaAllah). 24. Uye vakomana vavo (varanda) vachange vachitenderera pavari sokunge vari maPera akachengetedzwa. 25. Uye vamwe vachaswedera kune vamwe vachibvunzana. |
|
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn مؤسس ومدير المنتدى
عدد المساهمات : 52644 العمر : 72
| موضوع: رد: CHITSAUKO AT-TOOR الأربعاء 27 يوليو 2022, 5:40 pm | |
| 26. Vachiti: “Mushure taitya (murango waAllah) tiri mukati memhuri dzedu.” 27. “Asi Allah vatiitira nyasha, uye vakatibetsera kubva mukurangwa nemoto.” 28. “Zvirokwazvo, mushure taivasheedza (taivanamata). Zvirokwazvo (Allah) vane rudo, vane tsitsi.” 29. Naizvozvo rangaridza (vanhu iwe Muhammad (SAW)). Nerudo rwaAllah, hausi mufemberi, kana kuti mupengo. 30. Kana kuti vanoti: “(Muhammad (SAW)) Mudetembi! Tiri kumirira kuti awirwe nedambudziko!” 31. Iti (Muhammad (SAW)): “Mirai! Ndiri pamwechete nemi nevamiriri!” 32. Kana kuti njere dzavo dzinovatungamirira kune izvozvo (kunyepera Muhammad (SAW)) kana kuti vanhu vari kutyora mirairo (yaAllah)? 33. Kana kuti vanoti: “(Muhammad (SAW)) Akawedzerera (Qur’aan)?” Asi ivo havatendi! 34. Naizvozvo ngavaburitse mashoko akafanana naro (Qur’aan) kana vari pachokwadi. 35. Kana kuti vakasikwa pasina chiripo? Kana kuti ivo vakazvisika pachavo? 36. Kana kuti vakasika denga nenyika? Asi ivo havatendi. 37. Kana kuti vane hupfumi hwaTenzi vako? Kana kuti vadzvanyiriri vanoita zvavanoda nemutemo? 38. Kana kuti vane nzira yokudenga senzira yavo yekunzwa nayo (zvinenge zvichitaurwa nengirozi)? Zvino chisiya vateereri vavo vaburitse humboo uri pachena. 39. Kana kuti ivo (Allah) vane vanasikana chete, uye imi mune vanakomana? 40. Kana kuti iwe (Muhammad (SAW)) uri kuvabvunza kuti vakupe mugove (wekusheedzera kuIslaam), nokudaro vakaremerwa nechikwereti? 41. Kana kuti vane ruzivo rwezvisingaoneki zvavanonyora pasi? 42. Kana kuti vanoda kuronga (kupikisana newe Muhammad (SAW))? Asi avo vasingatendi (muhumwechete waAllah) ndivo vari kurongerwa! 43. Kana kuti vane chimwe chinamatwa chisiri Allah? Allah ngavarumbidzwe kubva mune izvo zvavanomusanganisa nazvo. 44. Uye dai vakaona zvidimbu zvedenga zvichidonhera pasi, vaiiti: “Makore akaungana!” 45. Naizvozvo vasiye kusvikira vasangana nezuva ravo iro ravachatambura vokomoka (nekutyiswa). 46. Nezuva iro kuronga kwavo hakuvadziviriri, uye hakuzombovabetseri kana nechimwe. 47. Uye zvirokwazvo kune avo vanoita zvakaipa, vane murango umwewo (pasi rino nemumakuva), asi vazhinji vavo havazvizivi. 48. Saka mirira uchitsungirira (Muhammad (SAW)) matongero aTenzi vako, nokuti zvirokwazvo iwe uri pasi pemaziso edu; uye rumbidza Tenzi vako kana wamuka kubva kuhope. 49. Uye nenguva dzemanheru varumbidze (Allah) uye nenguva dzekunyura kwenyeredzi.
|
|