|
| CHITSAUKO AL-MU’MINOON | |
| | كاتب الموضوع | رسالة |
---|
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn مؤسس ومدير المنتدى
عدد المساهمات : 52644 العمر : 72
| موضوع: CHITSAUKO AL-MU’MINOON الثلاثاء 29 مارس 2022, 11:46 pm | |
| CHITSAUKO AL-MU’MINOON (VATENDI) 23 Muzita raAllah, Vane Tsitsi, Vane Ngoni. 1. Zvirokwazvo vatendi ndivo vakabudirira. 2. Avo vanoita minamato yavo yose vachitya uye kuzvipira. 3. Uye avo vanofuratira manyepo (nehutsvina neizvo zvose zvakarambidzwa naAllah). 4. Uye avo vanopa Zakaah (zvipo kune vanhu vanotambura). 5. Uye avo vanochengetedza nhengo dzavo dzakavandika (kubva mune chehupombwe). 6. Kunze kune vakadzi vavo kana varanda kadzi avo vavanochengeta vari mumaoko avo, nokudaro vari kure nekushoropodzwa. 7. Asi uyo anoda zvakadarika izvi, nokudaro avo vatadzi chose (vanopfurikidza mirairo). 8. Uye avo vanochengetedza zvivimbiso zvavo (zvese zvakakomekedzwa naAllah) uyezve ezvibvumirano zvavo. 9. Uye avo vanochengetedza minamato yavo mishanu (5) nenguva dzakatarwa. 10. Avo ndivo vagari venhaka yemangwana. 11. Vachava vanogara nhaka yeParadhiso (Firdaus). Umo vachagara zvachose. 12. Uye zvirokwazvo takave tinosika munhu (Adam) kubva muvhu remutapo (3. Nokudaro Allah, samasimba vane ungwaru hwose, vanotumira (vanodzikisa) mashoko kwauri (Muhammad (SAW)) sekudzikisa kwavakaita kune avo vaivepo mushure mako. 4. Kwavari ndiko kunobva zvose zviri mumatenga nezvose zviri pasi, uye ndivo vepamusoro vakuru. 5. Matenga anopotsa kupatsanuka pamusoro pawo (nekuda kweukuru hwavo), uye ngirozi dzinorumbidza rukudzo rwaTenzi wadzo, uye dzova dzinokumbirira ruregerero avo vari panyika. Zvirokwazvo, Allah ndivo vane ruregerero rwose, netsitsi dzose. 6. Uye avo vanotora (ana mwari venhema) sevabatsiri vachivasiya (Allah), Allah ndivo mutariri wavo (vanoona zviito zvavo uye vachavapa mubairo wazvo), uye iwe (Muhammad (SAW)) hausi muchengetedzi (mumiririri) pamusoro pavo (wemabasa avo). 7. Uye naizvozvo takava tinotumira kwauri (Muhammad (SAW)) Qur’aan murudzi rwechiArab kuti uve unoyambira amai vemaguta (Makkah) nezvakaikomberedza, uye kuyambira nezvezuva regungano iro risina fungidziro, apo rimwe bato richave muParadhiso (avo vaitenda muna Allah uye vachitevera dzidziso dzaMuhammad (SAW)), uye rimwe bato mumarimi emoto (avo vaisatenda munaAllah uye vasingatevedzeri dzidziso dzaMuhammad (SAW)). 8. Uye dai Allah vaida, dai vakavaita boka rimwechete, asi Allah vanoisa uyo wavanoda mutsitsi dzavo. Uye avo vanoita mabasa akaipa havasi kuzowana mumiririri kana mubatsiri. 9. Kana kuti vave vanotora vabatsiri (vanamwari venhema) vachivasiya (Allah)? Asi Allah ndivo vega muchengeti. Uye ndivo vanopa hupenyu kune vakafa, uye vane simba rekuita zvose. 10. Uye mune zvose zvamunopikisana, zvirokwazvo mutongo wazvo una Allah. (Uye iti Muhammad (SAW) kune vasingatendi): Ndivo Allah, Tenzi vangu avo vandinovimba navo, uye ndivo vandinokumbira ruregerero. 11. Musiki wedenga nenyika. Vakakugadzirirai vakadzi kubva kwamuri, uye mombe vakadzigadzirira mombe dzechikadzi. Nenzira iyi vanokusikai. Hapana chakafanana naivo, uye ndivo munzwi wezvose, muoni wezvose. 12. Ndivo vane svumbunuro dzedenga nenyika. Vanowedzera raramo kune uyo wavanoshuvira, uye kuderedza (kune wavanoshuvira). Zvirokwazvo, ndivo muzivi wezvose. 13. Vakave (Allah) vanotsidza kwauri chitendero (Islaam) chavakatsidza kuna Nowa, uye neizvo zvatadzikisa kwauri (Muhammad (SAW)), uye neizvo zvatakatsidza kuna Abrahamu, Musa, uye Isa (Jesu), tichiti munofanira kuchengetedza chitendero uye musava munopatsanura machiri (kuva mapoka akasiyana siyana). Hazvitambirwi kune avo vasingatendi, izvo zvaunovadeedzera (Muhammad (SAW)) kwazviri. Allah vanozvisarudzira uyo wavanoda, uye vanomutungamirira uyo anokumbira ruregerero uye achivateerera. 14. Uye havana kupatsanuka kusara kwemushure mekunge ruzivo rwauya kwavari, nokuda kwekupfurikidza mwero pakati pavo. Uye dai risiri shoko rakauya kwavari kubva kuna Tenzi vako kwenguva yakatarwa, dai zvakagadziriswa pakati pavo izvo zvainetsa. Uye zvirokwazvo mvura nevhu). 13. Pedzezvo takave tinomuita kuti (vana vaAdam) ave Nutfah (musanganiswa wemvura dzechirume nedzechikadzi uye tikave tinougadzika) panzvimbo yakachengetedzeka (munhumbu yemukadzi). 14. Pedzezvo takave tinoita Nutfah (musanganiswa wemvura yababa naamai) kuti ive godo reropa, tikave tinoita godo reropa kuti rive chidimbu chenyama, tikave tinogadzira mapfupa kubva muchidimbu chenyama, tikave tinoshongedza mapfupa nenyama, uye tikave tinochiunza sechimwe chisikwa. Naizvozvo makomborero nde aAllah musiki akanaka. 15. Uye mushure maizvozvo, zvirokwazvo, muchave munofa. 16. Uye zvirokwazvo, pazuva reQiyaamah (Kumutswa) muchave munomutswa. 17. Uye zvirokwazvo, takave tinosika pamusoro penyu matenga manomwe (rimwe pamusoro perimwe), uyezve hatimborivari zvisikwa zvedu. 18. Uye tinodzikisa mvura kubva kudenga nesimba (redu), toiita kuti ive nenzvimbo yekugara pano pasi, uye zvirokwazvo, tine simba rekuitora (mvura). 19. Uye tinokukudzirai nayo mapindu emadheti nemagirepu, muine michero mizhinji yenyu, iyo yamunodya. 20 Uye muti (weOrivhi) unomera mugomo reSinai, unoburitsa mafuta, uye muriwo kune avo vanodya. 21. Uye zvirokwazvo kubva mumhuka (mombe) mune chidzidzo kwamuri. Tinokupai kuti munwe izvo zviri mumatumbu adzo (mukaka). Uye madziri mune zvizhinji zvinokubatsirai, uye kubva kwadziri munodya. 22. Uye pamusoro padzo (mhuka) uye ngarava munova munotakurwa (munzendo dzamunofamba). 23. Uye zvirokwazvo takave tinotuma Nowa kuvanhu vake, akave anotaura kuti: “Imi vanhu vangu! Namatai Allah! Hamuna vamwe mwari kusara kwavo. Saka hamuve munovatya here?” 24. Asi madzimambo asingatendi pakati pevanhu vake vakataura kuti: “Uyu murume (munhu) akafananawo nemi, uye ari kuda kuva pamusoro penyu. Uye dai Allah vaida (kutumira mutumwa), zvirokwazvo vaitumira ngirozi. Hatisati tambonzwa zvakadai kubva kumadzibaba edu (madzitateguru edu).” 25. “Uyu murume ari kupenga, saka chimbomirai maererano nezvake kwekanguva kadiki.” 26. Nowa akati: “Tenzi vangu! Ivai munonditsigira nekuti vave vanondiramba.” 27. Saka takave tinotaura (tinotumira) kwaari (kuti): “Vaka ngarava uri pasi pemeso edu uye nemashoko edu. Uye kana mutsigo wedu wauya, uye mvura yatanga kubuda kubva muchitofu, isa mungarava kubva kuchisikwa chimwe nechimwe zviviri zviviri (chirume nechikadzi), uye nemhuri yako, kusara kweavo kubva kwavari vakave vanotarwa kuti vachave vanoparadzwa. Uye usave unotaura neni maererano neavo vakave vanotadza. Zvirokwazvo, vari kuva vanonyudzwa.” 28. “Uye kana mapinda mungarava, iwe neavo vanewe, taura kuti: ‘Rumbidzo ngaive kuna Allah, avo vatidzivirira kubva kune vanhu vanotadza.’” 29. “Uye taura kuti: ‘Tenzi vangu! Itai kuti tive tinomira panzvimbo yakakomborerwa, uye ndimi munokwanisa kutiburutsa zvakanaka.’” 30. Zvirokwazvo, mazviri (zvatakaita vanhu vaNowa) mune zviratidzo, uye zvirokwazvo, tinogara tichiedza varanda vedu. 31. Uye takave tinosika vamwe vanhu mushure mavo. 32. Uye takatuma mutumwa kubva kwavari achitaura kuti: “Namatai Allah! Hamuna umwe mwari kusara kwavo. Saka hamuvi munotya here (kuti vachakurangai kana mukanamata zvimwe zvinhu)?” 33. Uye avo vakakwirira (vapfumi, vatongi) pakati pevanhu vake avo vasina kutenda, uye vakaramba kuti kuchasanganwa mushure mekufa, uye takavapa kugarika kwehupenyu hwepasi, vakataura kuti: “Uyu haasi (chimwe chinhu) asi kuti murume akafananawo nemi. Anodya izvo zvamunodyawo, uye anonwa izvo zvamunonwa.” 34. “Uye kana mukateerera munhu (murume) akaitawo semi, zvirokwazvo, muchava munorasikirwa.” 35. “Anokuvimbisai here kuti kana mafa mova munoita ivhu nemapfupa, kuti muchave munomutswa (zvakare)?” 36. “Zviri kure, zviri kure, izvo zvamunovimbiswa!” 37. “Hapana chiripo kusara kwehupenyu hwedu hwepasi rino, tichafa uye tinorarama! Asi hative tinomutswa zvakare (mushure mekufa)!” 38. “Haasi umwe munhu asi kuti murume aronga manyepo pamusoro paAllah, uye hatimbofi takatenda maari.” 39. Akataura kuti: “Tenzi vangu! Nditsigirei nokuti vave vanondiramba.” 40. (Allah) vakataura kuti: “Munguva shoma, zvirokwazvo vachave vanodemba.” 41. Nokudaro murango wakavaparadza muchokwadi, uye takaita kuti vave marara sezvidyarwa zvakafa. Nokudaro ngavave kure avo vanhu vanotadza. 42. Uye takasika mamwe marudzi mushure mavo. 43. Hakuna rudzi (vanhu) rungaita kuti nguva yavo ikasire, kana kuve inonoka. 44. Uye takave tinotumira vatumwa vedu vachiteverana (umwe mushure memumwe). Nguva dzose paiuya mutumwa wavo kune boka revanhu, vaimuramba; nokudaro takave tinoita kuti vave vanoteverana mukuparadzwa, uye takave tinoita kuti vave nyaya (pakati pevanhu sechidzidzo). Saka ngavave kure avo vanhu vsingatendi! 45. Uye takave tinotuma Musa nemukoma wake Haaroon (Aroni) nezviratidzo zvedu uye nemasimba ari pachena. 46. Kuna Farawo nemakurukota ake, asi vakave vanozvitutumadza, uye vakave vanhu vanozvikudza. 47. Uye vakataura kuti (Farawo nemakurukota ake): “Tingatenda here mune varume vaviri vakaita sesu, avo vekuti rudzi rwavo varanda vedu?” 48. Vakave vanovaramba vose (vari vaviri), uye vakave veavo vakaparadzwa. 49. Zvirokwazvo, takave tinopa Musa, Gwaro, kuti zvimwe vangave vanotungamirwa. 50. Uye takave tinoita mwanakomana waMariya uye naamai vake chiratidzo, uye takavachengetedza panzvimbo yakakwirira, nzvimbo yekuzorora, ine chengetedzo uye mvura inoerera. |
| | | أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn مؤسس ومدير المنتدى
عدد المساهمات : 52644 العمر : 72
| موضوع: رد: CHITSAUKO AL-MU’MINOON الثلاثاء 29 مارس 2022, 11:47 pm | |
| 51. (Allah vakataura kuti): “Imi vatumwa! Idyai zvakachena, mova munoita mabasa akanaka. Zvirokwazvo, ndinoziva zvikuru zvose zvamunoita.” 52. “Uye zvirokwazvo, ichi chitendero chenyu (Islaam) chimwe chete, uye ndini Tenzi venyu. Nokudaro, ivai munonditya.” 53. Asi (vanhu) vakave vanopatsanura chitendero chavo pakati pavo mumapoka-poka, boka rimwe nerimwe (boka rose) richifara nezvarinazvo. 54. Saka vasiyei mukurasika kwavo kwekanguva. 55. Vanofunga here kuti kuvawedzera muhupfumi nevana, 56. Kuti tirikuvapa zvakanaka nekukurumidza? Kwete! (Asi muedzo pasi pano kuti vasave nemugove muhupenyu hwemangwana) asi havazvifungi. 57. Zvirokwazvo, avo vanotya Tenzi vavo vakangwarira; 58. Uye avo vanotenda muzviratidzo zvaTenzi vavo; 59. Uye avo vasingasanganisi Tenzi vavo nechimwe chinhu (mukunamata); 60. Uye avo vanopa (Swadaqah) zvavanopa moyo yavo izere nokutya (kuti zvatambirwa here kana kuti kwete), nokuti vachave zvirokwazvo vanodzokera kuna Tenzi vavo, 61. Ndeavo vanomhanyira kumabasa akanaka, uye ndivo vekutanga maari. 62. Uye hatikomekedzi munhu kusara kweizvo zvaanogona, uye tine gwaro rinotaura chokwadi, uye havave vachatadzirwa. 63. Asi moyo yavo yakaputirwa kubva kwariri (Qur’aan, kurinzwisisa), uye vane mabasa mamwe (akaipa) kusara kweayo avari kuita. 64. Kusvika taparadza vapfumi pakati pavo nemurango (vasingatarisiri); tarisai, vanova vanochema neizwi riripamusoro (kuna Allah) vachida rubatsiro. 65. Musacheme neizwi riripamusoro nhasi! Zvirokwazvo, hamuve munobatsirwa nesu. 66. Zvirokwazvo, ndima dzangu dzakave dzinoverengwa kwamuri, asi imi maifuratira nezvitsitsinho zvenyu (muchidziramba). 67. Muchizvitutumadza, muchitaura usiku zvakashata pamusoro paro (Qur’aan). 68. Uye havave here vanodzamisa pfungwa dzavo pamusoro peshoko (raAllah, Qur’aan), kana kuti kwakauya kwavari izvo zvisina kuuya kune madzitateguru avo? 69. Kana kuti havazivi mutumwa wavo (Muhammad (SAW)), saka vachimuramba? 70. Kana kuti vanotaura (kuti): “Ane kupenga maari?” Asi akavawunzira chokwadi (Islaam), asi vazhinji vavo (vasingatendi) vanoramba chokwadi. 71. Asi dai chokwadi chakatevera izvo zvavanoshuvira, zvirokwazvo, matenga uye nepasi uye avo vari mazviri zvaidai zvisina kumira zvakanaka (zvaishata)! Asi tavaunzira yeuchidzo yavo, asi ivo vanofuratira yeuchidzo yavo. 72. Kana kuti iwe (Muhammad (SAW)) unovabvunza mubairo? Asi mubairo waTenzi vako ndiwo wakanaka, uye ndivo (Tenzi vako) nyanzvi pakupa raramo. 73. Uye zvirokwazvo, unovakoka (Muhammad (SAW)) kunzira yakatwasuka (Islaam). 74. Asi zvirokwazvo, avo vasingatendi muhupenyu huri mushure mekufa, vari zvirokwazvo kubva munzira yakatwasuka (Islaam). 75. Uye nyangwe tikavapa tsitsi uye tobvisa matambudziko ari pavari, vanoramba vachingoita zvitadzo zvavo, vachidzungaira vasingadi (chokwadi, vachiita nokusaziva). 76. Uye takave tinovabata nemarwadzo (tinovatumira seyambiro), asi havana kuva vanozvininipisa kuna Tenzi vavo, uye havana kusheedza (Allah) vachizvipira kwavari. 77. Kusvikira tavavhurira gonhi remarwadzo makuru, nenguva diki vachange varimo vachishungurudzika. 78. Uye ndivo (Allah) vakakugadzirirai kunzwa (nzeve), nokuona (maziso), uye moyo (kufunga kwakakwana). Asi kashoma pamunopa kutenda. 79. Uye ndivo (Allah) vanokusikai panyika, uye kwavarizve muchaunganidzwa. 80. Uye ndivo (Allah) vanopa upenyu uye vokonzera kufa, uye kupindana (kupesana) kweusiku nemasikai ndekwavo (Allah). Saka hamunzwisisiwo here? 81. Asi vanotaura sematauriro evanhu vokutanga ivo vasati vavapo. 82. Vakataura kuti: “Kana tafa tova ivhu nemapfupa, tichamutswa here zvechokwadi?” 83. “Zvirokwazvo, takavimbiswa izvi isu nemadzibaba edu kumashure! Izvi hazvisi chimwe chinhu kusara kwengano dzeavo vaivapo kare!” 84. Taura kuti (Muhammad (SAW)): “Ndiani muridzi wenyika uye wese arimo, kana muchiziva?” 85. Vachataura kuti: “NdiAllah!” Taura kuti: “Saka hamurangarire here?” 86. Taura kuti: “Ndiani Tenzi vematenga manomwe, uye Tenzi vechigaro chikuru?” 87. Vachataura kuti: “Allah.” Taura kuti: “Saka hamuvatyi here?” 88. Taura kuti: “Mumaoko ani mune ushe wezvinhu zvose? Uye vanodzivirira asi ivo hapana anovadzivirira kana muchiziva?” 89. Vachataura kuti: “(Zvese) ndezva Allah.” Taura kuti: “Saka sei muchinyengedzwa muchitendeukira chokwadi?” 90. Asi tavaunzira chokwadi (Islaam), asi ivo (vasingatendi) zvirokwazvo vanyepi. 91. Allah havana mwanakomana (kana sikana), kana kuti kune umwe mwari navo. (Dai varipo vanamwari vakawanda), umwe neumwe mwari aizotora izvo zvaakasika, uye vamwe vavo vaizoedza kukunda vamwe. Mukuru ndiAllah vari pamusoro peizvo zvavanovatsanangudza nazvo! 92. (Ndivo) vanoziva izvo zvisingaoneki uye izvo zvinooneka! Saka mukuru ndivo pamusoro peizvo zvavanomusanganisa nazvo! 93. Taura (Muhammad (SAW)) kuti: “Tenzi vangu! Dai mandiratidza izvo zvavakavimbiswa (murango).” 94. “Tenzi vangu! Saka (ndinunurei kubva kumurango wenyu), musandiise pakati peavo vanhu vanotadza.” 95. Uye zvirokwazvo tinokwanisa kukuratidza (Muhammad (SAW)) izvo zvatinovavimbisa. 96. Dzivirira zvivi neicho chiri nani. Isu tisu tinoziva izvo zvavanovasanangudza nazvo. 97. Uye taura kuti: “Tenzi vangu! Ndokumbirawo ruponeso kwamuri kubva kune ruzeve-zeve rwemaShayaatween (vanadhiyabhorosi).” 98. “Uye ndinokumbira ruponeso maMuri, Tenzi vangu, nyangwe vakavapo pedyo neni.” 99. Kusvikira rufu rwauya kune umwe wavo (weavo vasingatendi), anotaura kuti: “Tenzi vangu! Ndidzorereizve (panyika).” 100. “Kuti ndinoita mabasa akanaka awo andisina kuita kumashure!” Kwete! Mashoko chete aari kutaura; uye kumberi kwavo kune Barzakh (Chidziviso) kusvikira zuva ravachamutswa (kubva kuvafi). |
| | | أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn مؤسس ومدير المنتدى
عدد المساهمات : 52644 العمر : 72
| موضوع: رد: CHITSAUKO AL-MU’MINOON الثلاثاء 29 مارس 2022, 11:48 pm | |
| 101. Uye kana hwamanda yaridzwa, hapana hukama uchange huripo pakati pavo pazuva iroro, uye hapana achabvunza umwe pamusoro peumwe. 102. Uye avo miyero yavo icharema (nezvakanaka), ndivo avo vachabudirira. 103. Asi avo miyero yavo ichareruka, ndivo vanhu vakazvirasisa pachavo, uye vachava vagary vemuGehena nekusingaperi. 104. Moto uchapisa zviso zvavo, uye varimo vachasara vakanyenama (miromo yavo yatsva). 105. (Kuchataurwa) kuti: “Ndima dzangu hadzina kuverengwa kwamuri here, uye maidziramba?” 106. Vachataura kuti: “Tenzi vedu! Kushata kwedu kwave kunotikurira, uye taive vanhu vakarasika.” 107. “Tenzi vedu! Tiburitsei mazviri. Uye tikava tinodzekera (kumabasa akaipa), zvirokwazvo, tinenge tiri vanhu vanotadza.” 108. Vachataura (Allah) kuti: “Rambai murimo makadzikisirwa, uye musave munotaura neni!” 109. Zvirokwazvo, paiva neboka revaranda vangu vaitaura kuti: “Tenzi vedu! Tinotenda, saka tiregererei, uye mova munotinzwira tsitsi, uye ndimi nyanzvi kukunda vese pakunzwira tsitsi!” 110. “Asi makavatora sechisekwa, kusvikira vakuitai kuti mukanganwe rangariro yangu muchivaseka!” 111. “Zvirokwazvo, ndavapa makomborero muzuva ranhasi nekuda kwekutsungirira kwavo, kuti zvirokwazvo ndivo vanhu vakabudirira.” 112. (Allah) vachataura kuti: “Makagara makore mangani panyika?” 113. Vachataura kuti: “Takagara zuva rimwe chete kana chidimbu chezuva. Bvunzai avo vanoverenga.” 114. (Allah) vachataura kuti: “Hamuna kugara kusara kwekanguva kadiki kana muchiziva!” 115. “Maifunga kuti takakusikai sedambe (pasina chinangwa), uye kuti hamusi kuzodzoswa kwatiri (Allah).” 116. Saka mukuru ndiAllah, Mambo vechokwadi! Laa ilaaha illaa Huwa (Hakuna umwe mwari anekodzero yekunamatwa kusara kwavo), Tenzi wechigaro chitsvene! 117. Uye uyo anonamata umwe mwari kusara kwaAllah asina humboo (nazvo), zvino zvirokwazvo mutongo wake huna Tenzi vake. Zvirokwazvo, avo vasingatendi havabudiriri. 118. Uye (iwe Muhammad (SAW)) taura kuti: “Tenzi vangu! Regererai uye ivai netsitsi, uye ndimi nyanzvi inokunda vese pakunzwira tsitsi!” |
| | | | CHITSAUKO AL-MU’MINOON | |
|
مواضيع مماثلة | |
|
| صلاحيات هذا المنتدى: | لاتستطيع الرد على المواضيع في هذا المنتدى
| |
| |
| |