أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn مؤسس ومدير المنتدى
عدد المساهمات : 52644 العمر : 72
| موضوع: CHITSAUKO AL-FAATIHAH السبت 19 مارس 2022, 11:19 pm | |
| CHITSAUKO AL-FAATIHAH (CHIVHURO) 1 1. Muzita raAllah, Vane Tsitsi, Vane Ngoni. 2. Kurumbidzwa nekutendwa kwese ngakuve kuna Allah, Tenzi venyika dzese (zvisikwa zvese: vanhu, maJinn nezvese zviripo). 3. Vane Tsitsi zhinji, neNgoni zhinji. 4. Muridzi (Mutongi) wezuva rekutongwa (zuva rekumutswa kwevakafa). 5. Imi moga ndimi vatinonamata, uye imi mega ndimi vatinokumbira rubatsiro (rwazvose). 6. Titungamirirei munzira yakatwasuka. 7. Nzira yeavo vamakapa makomborero (vatumwa, maporofita, nevaiti vezvakanaka), kwete nzira yeavo vamakatsamwira, kana yeavo vakarasika. |
|