أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn مؤسس ومدير المنتدى
عدد المساهمات : 52644 العمر : 72
| موضوع: CHITSAUKO AL-INSAAN/AD-DAHR الخميس 28 يوليو 2022, 5:40 pm | |
| CHITSAUKO AL-INSAAN/AD-DAHR (MUNHU/NGUVA) 76 Muzita raAllah, Vane Tsitsi, Vane Ngoni. 1. Paiva pasina here nguva apo munhu aive chimwe chinhu chaisataurwa? 2. Zvirokwazvo, takasika munhu kubva kuNutfah yakazangana (mvura yepabonde yemurume nemukadzi) kuti tive tino muedza. Saka takamuita kuti ave munzwi nemuoni. 3. Zvirokwazvo, takamuratidza gwara, kunyangwe akave anotenda kana kusatenda. 4. Zvirokwazvo, takave tinogadzirira vasingatendi ngetani dzesimbi, zvichangadzo zvesimbi, uye nemoto unovirima. 5. Zvirokwazvo, avo vanotenda vachave vanomwa komichi (yewaini) yakasanganiswa ne (mvura kubva muchitubu chinonzi) Kaafoor. 6. Chitubu icho varanda vaAllah vachamwa, vochiita kuti chipopome zvakanyanya. 7. Ndivo (avo) vanozadzikisa mhiko (dzavo), uye vanotya zuva zvakaipa zvaro zvichafararira. 8. Uye vanopa chikafu, kunyangwe vanerudo nacho (kana kuti vachiratidza rudo kwavari Allah), kune anoshaya, nherera, uye mubatwi. 9. (Vachiti): “Tinokudyisai kuri kutsvaga Nyasha dzaAllah chete. Hatidi mubairo kana kutendwa kubva kwamuri.” 10. “Zvirokwazvo, tinotya kubva kuna Tenzi vedu iro zuva rakaoma uye kushaiwa, richaita kuti zviso zvityise (kubva mukusarida).” 11. Naizvozvo Allah vakave vanova nunura kubva muhuipi wezuva racho, uye vakave vanovapa Nadrah (chiedza cherunako) uye mufaro. 12. Uye mubairo wavo uchave Paradhiso, uye magamenzi esiriki, nemhaka yokuti vaiva vanotsungirira. 13. Vakatsamhira imomo pamatendamo akakwirira. Havaoni varimo kupisa kwakanyanya, kana kutonhorwa kwakanyanya (sezvo kuParadhiso hakuna zuva kana mwedzi). 14 Uye mvuri wemo unenge uri pavari, uye nemapazi emichero achava anorembera pedyo navo. 15. Uye pakati pavo pachava pano fambiswa midziyo yesirivha uye nemakomichi egirazi. 16. Girazi rakachena, rakagadzirwa nesirivha. Vachave vanosarudza huwandu hwawo (nekuda kwavo). 17. Uye vachapiwa kuti vamwe komichi (yewaini) yakazanganiswa neZanjabeel (Tsangamidzi). 18. Kune chitubu imomo chinonzi Salsabeel. 19. Uye pavari pachave nemajaya (vachiva pakurira) vaine hujaya husingaperi. Kana ukavaona, unofunga kuti matombo akakosha (mapera) akafararira. 20. Uye ukatarisa imomo (muParadhiso), unoona zvakanaka (izvo zvisingafungirike), uye nenyika huru. 21. Pavari vanenge vaine hanzu dzegirini dzakapfava dzakanaka uye siriki yakakora. Vanenge vakashongedzwa nejati dzesirivha, uye Tenzi vavo vachavapa kumwa kwakachena. 22. (Uye zvichanzi kwavari): “Zvirokwazvo mubairo ndewenyu, uye mabasa enyu atambirwa.” 23. Zvirokwazvo, tisu takatumidza (Qur’aan) kwauri (Muhammad (SAW)) muzvidimbu. 24. Saka iva unotsungirira kumirairo ya Tenzi vako, uye usave unoteerera mutadzi kana asingatendi kubva mavari. 25. Uye rangarira zita raTenzi vako mangwanani uye nemasikati (nekuita minamato yeFajr, Dhuhr neAsr). 26. Uye nguva yeusiku, pfugama kwavari (nekuita munamato weMaghrib neIsha), uye varumbidze muhusiku hurefu (Nemunamato weTahajjud). 27. Zvirokwazvo, ava (vasingatendi) vanoda upenyu wepano pasi, uye vanosendeka shure zuva rinorema (iro rinenge rakaoma). 28. Tisu takavasika, uye tikavaiita zvigwindiri. Kana tichida, zvirokwazvo tinokwanisa kuunza vamwe vanhu vakafanana navo panzvimbo yavo. 29. Zvirokwazvo iyi (ndima) iyeuchidzo, saka kune uyo anoda, ngaasarudze nzira yekuna Tenzi vake (Allah). 30. Asi hamudi, kunze ivo Allah vada. Zvirokwazvo Allah ndivo muzivi wezvose, muchenjeri. 31. Vachaisa mutsitsi dzavo uyo wevaranda wavanoda. Asi avo vanoita zvakaipa vakavagadzirira dambudzo rinorwadza. |
|