أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn مؤسس ومدير المنتدى
عدد المساهمات : 52644 العمر : 72
| موضوع: CHITSAUKO AT-TAGHAABUN الخميس 28 يوليو 2022, 12:09 am | |
| CHITSAUKO AT-TAGHAABUN (KURASIKIRWA NEKUWANA) 64 Muzita raAllah, Vane Tsitsi, Vane Ngoni. 1. Zvose zviri kumatenga nepanyika zvinorumbidza Allah. Humambo ndehwavo, uye rumbidzo nekutenda kwese ndekwavo, uye (Allah) vane simba pamusoro pezvinhu zvose. 2. Ndivo (Allah) vakakusikai, naizvozvo vamwe venyu havatendi uye vamwe venyu vanotenda. Uye Allah vanoona zvose zvamunoita. 3. Vakasika matenga nenyika muchokwadi, uye vakakuumbai ndokubva vaita maumbirwo enyu kuti ave akanaka. Uye kwavari ndiko kune magumo ekupedzisira. 4. (Allah) vanoziva zvose zviri kumatenga uye zvose zviri panyika, uye vanoziva zvamunovanza uye izvo zvamunoburitsa pachena. Uye Allah vanoziva zvose zviri muhana. 5. Hadzina kusvika kwamuri here nhau dzeavo vasina kutenda mumashure? Naizvozvo vakaravira magumo emabasa avo akaipa (kusatenda kwavo), uye vachawana mutongo unorwadza. 6. Nokuda kwekuti vatumwa vavo vakauya kwavari nezviratidzo zviri pachena, asi vakati: “Varume zvavo vangatitungamira?” Naizvozvo havana kutenda ndokubva vafuratira (chokwadi). Uye Allah vakanga vasingadi rubetsero rwavo. Uye Allah ndivo mupfumi (hapana chavanoda), muridzi werumbidzo dzese. 7. Avo vasingatendi vanofungidzira kuti havasi kuzomutswa. Iti (Muhammad(SAW)): Hongu! Ndinopika naTenzi vangu, kuti zvirokwazvo muchamutswa, uye muchazoudzwa izvo zvamaiita, uye izvozvo zviri nyore kuna Allah. 8. Naizvozvo tendai muna Allah nemutumwa wavo (Muhammad (SAW)), uye nechiedza chatakatumira (Qur’aan iri). Uye Allah vanoziva zvose zvamunoita. 9. (Rangarirai) Zuva iro (Allah) vachakuunganidzai mose pazuva rekuungana. Ndiro richava zuva rokuwana nekurasikirwa (vatendi vachipinda Paradhiso uye vasingatendi vachipinda Gehena). Uye uyo anotenda muna Allah uye achiita mabasa akanaka, (Allah) vachamukanganwira zvitadzo zvake, uye vachamupinza mumapindu ayo anoerera nzizi pasi pawo, umo vachagara zvachose. Uku ndiko kubudirira kuhombe. 10. Uye avo vasingatendi (muhumwechete waAllah) uye vakaramba zviratidzo zvedu, vanhu vakadaro ndivo vagari vekumoto, umo vachagara zvachose. Uye magumo akadaro ndiwo akashata. 11. Hakuna matambudziko anouya asi nokuda kwemvumo yaAllah. Uye wese anotenda kuna Allah, vachatungamira moyo wake (kuchokwadi). Uye Allah vanoziva zvinhu zvose. 12. Uye teererai Allah uye moteerera mutumwa (Muhammad (SAW)); asi kana mukafuratira, zvino zvirokwazvo basa remutumwa wedu kuparidza shoko pachena. 13. Allah! Laa ilaaha illaa Huwa (Hakuna chimwe chinamatwa kunze kwavo). Uye regai vatendi vavimbe naAllah (vega). 14. Imi vanotenda! Zvirokwazvo mukati mevakadzi venyu nevana venyu pane mhandu dzenyu (vanokudzivirirai kuteerera Allah), naizvozvo vachenjererei! Asi kana mukavasiya uye kuvakanganwira nekuvaregerera, zvirokwazvo Allah vanoregerera zvikuru, vane tsitsi zhinji. 15. Zvirokwazvo hupfumi hwenyu nevana venyu miedzo chete, apo Allah vane mubairo mukuru (Paradhiso). 16. Naizvozvo ityai Allah sekukwanisa kwamunoita; inzwai uye teererai, uye shandisai (hupfumi hwenyu), zvakanaka kwamuri. Uye uyo anonunurwa kubva mukuomera kwemoyo wake, vanhu vakadaro ndivo vachabudirira. 17. Kana mukapa Allah chikwereti chakanaka (mochishandisa munzira yaAllah), vachachipeta kaviri kwamuri, uye vachakuregererai. Uye Allah vanotenda zvikuru, uye vane moyo munyoro. 18. Ndivo muzivi wezvose zvisingaoneki nezvinooneka, mukuru, vane hungwaru wese. |
|