CHITSAUKO AL-MUNAAFIQOON
(VANYENGEDZI) 63
Muzita raAllah, Vane Tsitsi, Vane Ngoni.
1. Kana vanyengedzi vakauya kwauri (Muhammad (SAW)) vanoti: “Tinopa uchapupu kuti zvirokwazvo uri mutumwa waAllah.” Uye Allah vanoziva kuti iwe uri mutumwa wavo, uye Allah vanopupura kuti zvirokwazvo vanyengedzi vanyepi.
2. Kupika kwavo vakakuita dziti. Naizvozvo ivo vanodzivisa (vanhu) munzira yaAllah.
Zvirokwazvo, zvavaiita ndizvo zvakashata.
3. Nokuda kwekuti vakatenda ndokubva varega kutenda; naizvozvo moyo yavo yakavharwa, saka havanzwisisi.
4. Uye kana wakavatarisa, miviri yavo inokufadza; uye kana vakataura, unoteerera mashoko avo.
Vakaita sokunge matanda akarongedzwa. Vanofunga kuti kuchema kwese kwakanangana naivo.
Ndivo vavengi, saka vachenjerere. Dai Allah vakavashora! Sei vachiramba (vachisiya) nzira yakanaka?
5. Uye kana zvikanzi kwavari: “Huyai, kuitira kuti mutumwa waAllah agokukumbirirai ruregerero kuna Allah,” vanotendeudza misoro yavo, uyezve uchavaona vachitendeudza zviso zvavo apo ivo vachizvitutumadza.
6. Zvakangofanana kwavari kunyangwe (iwe Muhammad (SAW)) ukavakumbirira ruregerero kana kusavakumbirira ruregerero, Allah havambovaregereri. Zvirokwazvo, Allah havatungamiriri vanhu vasingateereri (vanotadza).
7. Ndivo avo vanoti: “Musabetsere (nekuvapa zvipo) avo vane mutumwa waAllah (SAW) kusvikira vamusiya.” Uye kuna Allah ndiko kune hupfumi hwematenga nepanyika, asi vanyengedzi havanzwisisi.
8. Vanoti (vanyengedzi): “Kana tikadzokera kuMadinah, zvirokwazvo anoremekedzeka (Abdullah Ibn Ubayy Ibn Salool, mutungamiri wevanyengedzi kuMadinah) achadzinga munhu wepasi (Muhammad (SAW)).” Asi ruremekedzo nderwaAllah nemutumwa wavo (Muhammad (SAW)), uye nekuvatendi, asi vanyengedzi havazvizivi.
9. Imi vanotenda! Musasiye hupfumi hwenyu nevana venyu zvichikutendeudzai kubva munzira yekurangarira Allah. Uye uyo anoita izvozvo, zvino ndivo vakarasikirwa.
10. Uye shandisai (kupa zvipo) kubva mune izvo zvatakakupai rufu rwusati rwasvikira umwe wenyu, kuti azoti: “Tenzi wangu! Dai mandipa mukana, kwekanguva kadiki, kuti ndipe Swadaqah (chipo) uye ndive uyo weavo vanoita zvakanaka (Hajj nemamwe mabasa akanaka).
11. Uye Allah havambopi mukana wekanguva kune munhu kana nguva yake (yekufa) yakwana. Uye Allah vanoziva zvose zvamunoita.