منتديات إنما المؤمنون إخوة (2024 - 2010) The Believers Are Brothers

(إسلامي.. ثقافي.. اجتماعي.. إعلامي.. علمي.. تاريخي.. دعوي.. تربوي.. طبي.. رياضي.. أدبي..)
 
الرئيسيةالأحداثأحدث الصورالتسجيل
(وما من كاتب إلا سيبلى ** ويبقى الدهر ما كتبت يداه) (فلا تكتب بكفك غير شيء ** يسرك في القيامة أن تراه)

IZHAR UL-HAQ

(Truth Revealed) By: Rahmatullah Kairanvi
قال الفيلسوف توماس كارليل في كتابه الأبطال عن رسول الله -صلى الله عليه وسلم-: "لقد أصبح من أكبر العار على أي فرد مُتمدين من أبناء هذا العصر؛ أن يُصْغِي إلى ما يظن من أنَّ دِينَ الإسلام كَذِبٌ، وأنَّ مُحَمَّداً -صلى الله عليه وسلم- خَدَّاعٌ مُزُوِّرٌ، وآنَ لنا أنْ نُحارب ما يُشَاعُ من مثل هذه الأقوال السَّخيفة المُخْجِلَةِ؛ فإنَّ الرِّسَالة التي أدَّاهَا ذلك الرَّسُولُ ما زالت السِّراج المُنير مُدَّةَ اثني عشر قرناً، لنحو مائتي مليون من الناس أمثالنا، خلقهم اللهُ الذي خلقنا، (وقت كتابة الفيلسوف توماس كارليل لهذا الكتاب)، إقرأ بقية كتاب الفيلسوف توماس كارليل عن سيدنا محمد -صلى الله عليه وسلم-، على هذا الرابط: محمد بن عبد الله -صلى الله عليه وسلم-.

يقول المستشرق الإسباني جان ليك في كتاب (العرب): "لا يمكن أن توصف حياة محمد بأحسن مما وصفها الله بقوله: (وَمَا أَرْسَلْنَاكَ إِلَّا رَحْمَةً لِّلْعَالَمِين) فكان محمدٌ رحمة حقيقية، وإني أصلي عليه بلهفة وشوق".
فَضَّلَ اللهُ مِصْرَ على سائر البُلدان، كما فَضَّلَ بعض الناس على بعض والأيام والليالي بعضها على بعض، والفضلُ على ضربين: في دِينٍ أو دُنْيَا، أو فيهما جميعاً، وقد فَضَّلَ اللهُ مِصْرَ وشَهِدَ لها في كتابهِ بالكَرَمِ وعِظَم المَنزلة وذَكَرَهَا باسمها وخَصَّهَا دُونَ غيرها، وكَرَّرَ ذِكْرَهَا، وأبَانَ فضلها في آياتٍ تُتْلَى من القرآن العظيم.
المهندس حسن فتحي فيلسوف العمارة ومهندس الفقراء: هو معماري مصري بارز، من مواليد مدينة الأسكندرية، وتخرَّجَ من المُهندس خانة بجامعة فؤاد الأول، اشْتُهِرَ بطرازهِ المعماري الفريد الذي استمَدَّ مَصَادِرَهُ مِنَ العِمَارَةِ الريفية النوبية المَبنية بالطوب اللبن، ومن البيوت والقصور بالقاهرة القديمة في العصرين المملوكي والعُثماني.
رُبَّ ضَارَّةٍ نَافِعَةٍ.. فوائدُ فيروس كورونا غير المتوقعة للبشرية أنَّه لم يكن يَخطرُ على بال أحَدِنَا منذ أن ظهر وباء فيروس كورونا المُستجد، أنْ يكونَ لهذه الجائحة فوائدُ وإيجابيات ملموسة أفادَت كوكب الأرض.. فكيف حدث ذلك؟!...
تخليص الإبريز في تلخيص باريز: هو الكتاب الذي ألّفَهُ الشيخ "رفاعة رافع الطهطاوي" رائد التنوير في العصر الحديث كما يُلَقَّب، ويُمَثِّلُ هذا الكتاب علامة بارزة من علامات التاريخ الثقافي المصري والعربي الحديث.
الشيخ علي الجرجاوي (رحمه الله) قَامَ برحلةٍ إلى اليابان العام 1906م لحُضُورِ مؤتمر الأديان بطوكيو، الذي دعا إليه الإمبراطور الياباني عُلَمَاءَ الأديان لعرض عقائد دينهم على الشعب الياباني، وقد أنفق على رحلته الشَّاقَّةِ من مَالِهِ الخاص، وكان رُكُوبُ البحر وسيلته؛ مِمَّا أتَاحَ لَهُ مُشَاهَدَةَ العَدِيدِ مِنَ المُدُنِ السَّاحِلِيَّةِ في أنحاء العالم، ويُعَدُّ أوَّلَ دَاعِيَةٍ للإسلام في بلاد اليابان في العصر الحديث.

أحْـلامٌ مِـنْ أبِـي (باراك أوباما) ***

 

 CHITSAUKO AR-RAHMAAN

اذهب الى الأسفل 
كاتب الموضوعرسالة
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn
مؤسس ومدير المنتدى
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn


عدد المساهمات : 52644
العمر : 72

CHITSAUKO AR-RAHMAAN Empty
مُساهمةموضوع: CHITSAUKO AR-RAHMAAN   CHITSAUKO AR-RAHMAAN Emptyالأربعاء 27 يوليو 2022, 11:49 pm

CHITSAUKO AR-RAHMAAN
(MUPI ANE TSITSI) 55
Muzita raAllah, Vane Tsitsi, Vane Ngoni.
1. Mupi ane tsitsi dzakanyanya (Allah)!
2. Vakava vanodzidzisa (vanhu) Qur’aan (netsitsi dzavo).
3. Vakasika munhu.
4. Vakava vanomudzidzisa kutaura zvakanaka.
5. Zuva nemwedzi zvinomhanya munzira yadzo yakatarwa yakaerwa zvakanaka.
6. Uye zvirimwa (kana nyenyedzi) nemiti zvinopfugamira (Allah).
7. Uye matenga: Vakava vanomasimudza mudenga, uye vakava vanogadzirisa chikero.
8. Kuti musazove munotsaudzira (kudzikisa) chikero.
9. Uye muve munoera zvakafanira, uye musave munodzikisa chikero pakuera.
10. Uye nyika: Vakava vanoiita yezvisikwa.
11. Mukati mayo mune michero, uye miti yemadheti inobuditsa mapazi anenzvimbo dzinochengetedza michero.
12. Uye chibage chine mashizha acho nemashanga sechikafu chezvipfuyo, uye zvirimwa zvinonhuhwirira.
13. Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)?
14. Vakave vanosika munhu (Adam) kubva muivhu rakafanana neivhu rekuumbisa.
15. Uye maJinn vakaasika kubva muviriri remoto usina chiutsi.
16. Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)?
17. Tenzi vekumabvazuva maviri (munguva yekupisa neyechando) nekumadokero maviri (munguva yekupisa neyechando).
18. Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)?
19. Vakave vanosiya nzizi mbiri (mvura ine munyu neisina) dzichisangana.
20. Pakati padzo pane chidziviro chekuti hapana inokwanisa kudarika imwe.
21. Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)?
22. Madziri (nzizi) munobuda matombo akakosha (mapera nekora).
23. Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)?
24. Uye ngarava ndedzavo dzinoenda nekuuya mumakungwa, semakomo.
25. Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)?



CHITSAUKO AR-RAHMAAN 2013_110
الرجوع الى أعلى الصفحة اذهب الى الأسفل
https://almomenoon1.0wn0.com/
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn
مؤسس ومدير المنتدى
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn


عدد المساهمات : 52644
العمر : 72

CHITSAUKO AR-RAHMAAN Empty
مُساهمةموضوع: رد: CHITSAUKO AR-RAHMAAN   CHITSAUKO AR-RAHMAAN Emptyالأربعاء 27 يوليو 2022, 11:50 pm


26. Zvose zviri pairi (nyika) zvichaparara.
27. Uye kuchasara chiso chaTenzi vako chakazara nehukuru, neruremekedzo.
28. Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)?
29. Ani naani ari kumatenga nepanyika vanovakumbira (Allah, rubetsero). Zuva nezuva vanenge vari mune zvimwe (sekupa hupenyu nerufu)!
30. Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)?
31. Tichauya kwamuri, imi mapoka maviri (vanhu nemaJinn)!
32. Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)?
33. Imi gungano remaJinn nevanhu! Kana muchikwanisa kupfuura hwaro hwematenga nenyika, pfuurai! Asi hamukwanisi kupfuura kunze kwekuti zvine mvumo (yaAllah)!
34. Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)?
35. Kuchatumirwa kwamuri maviriri emoto usina chiutsi uye simbi yakanyunguduka, uye hamuzokwanisi kuzvidzivirira.
36. Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)?
37. Zvino apo denga parichaparadzwa, uye robva raita dzvuku semafuta matsvuku.
38. Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)?
39. Naizvozvo nezuva iroro hakuna mubvunzo uchabvunzwa munhu kana Jinn maererano nezvitadzo zvake (nekuti zvichange zvichizivikanwa nezviso zvavo, vamwe vachipenya (vekuParadhiso) uye vamwe vakasviba (vekuGehena).
40. Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)?
41. Vatadzi vachazivikananwa nezviratidzo zvavo, uye vachabatwa nebvudzi ravo repamberi uye netsoka dzavo.
42. Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)?
43. Iri ndiro Gehena iro vatadzi ravairamba.
44. Vachaenda pakati paro (Gehena) uye mvura inopisa!
45. Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)?
46. Asi uyo anotya kumira pamberi paTenzi vake (oita mabasa akanaka) achawana mapindu maviri (muParadhiso).
47. Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)?
48. Anemapazi anopararira.
49. Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)?
50. Mukati mawo muchange muine zvitubu zviviri zvinoerera.



CHITSAUKO AR-RAHMAAN 2013_110
الرجوع الى أعلى الصفحة اذهب الى الأسفل
https://almomenoon1.0wn0.com/
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn
مؤسس ومدير المنتدى
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn


عدد المساهمات : 52644
العمر : 72

CHITSAUKO AR-RAHMAAN Empty
مُساهمةموضوع: رد: CHITSAUKO AR-RAHMAAN   CHITSAUKO AR-RAHMAAN Emptyالأربعاء 27 يوليو 2022, 11:50 pm


51. Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)?
52. Mukati mawo muchange muine marudzi ose emichero iri miviri miviri.
53. Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)?
54. Vachange vakarara pamibhedha yakarukirwa nesiriki, uye michero yemapindu maviri ichange iri padyo.
55. Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)?
56. Mukati mawo muchange muine vakadzi vakatsiga, vasina varume kana maJinn akamborara navo.
57. Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)?
58. (Runako) Sokunge vari matombo akakosha (masandawana nemakora).
59. Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)?
60. Pane mubairo wezvakanaka here kunze kwezvakanaka?
61. Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)?
62. Uye asiri aya maviri, pane mamwe mapindu maviri (muParadhiso).
63. Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)?
64. Ane ruvara rwakasvibira.
65. Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)?
66 Mukati mawo (mapindu) muchange muine zvitubu zviviri zvinoerera.
67. Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)?
68. Mukati mawo ose muchange muine michero uye madheti neRummaan (chibage chechirungu).
69. Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)?
70. Mukati mawo muchange muine vakadzi vakanaka.
71. Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)?
72. Vakadzi vakanaka munzvimbo dzakachengetedzwa.
73. Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)?
74. Hapana murume akambovabata mushure kana maJinn.
75. Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)?
76. Vanenge vakazorora pamakusheni akasvibira uye nemametiresi akakosha, akanaka.
77. Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)?
78. Rakakomborerwa zita raTenzi vako, mukuru, uye muridzi weremekedzo.



CHITSAUKO AR-RAHMAAN 2013_110
الرجوع الى أعلى الصفحة اذهب الى الأسفل
https://almomenoon1.0wn0.com/
 
CHITSAUKO AR-RAHMAAN
الرجوع الى أعلى الصفحة 
صفحة 1 من اصل 1
 مواضيع مماثلة
-
» Ar-Rahmaan
» Ar-Rahmaan
» Ar-Rahmaan
» Ar-Rahmaan
» 55 - Ar-Rahmaan

صلاحيات هذا المنتدى:لاتستطيع الرد على المواضيع في هذا المنتدى
منتديات إنما المؤمنون إخوة (2024 - 2010) The Believers Are Brothers :: (English) :: The Holy Quran is translated :: Nechishona-
انتقل الى: