CHITSAUKO AL-FEEL (NZOU) 105
Muzita raAllah, Vane Tsitsi, Vane Ngoni.
1. Hauna kuona (Iwe Muhammad (SAW)) here zvakaitwa naTenzi vako kuvaridzi venzou? (Mauto ane nzou akabva kuYemen achitungamirirwa na Abrahah Al-Ashram vane chinangwa chekuparadza Ka’bah kuMakkah).
2. Havana kuita here kuti hurongwa hwavo hurasike (hushaye basa)?
3. Uye vakavatumira shiri muzvikwata.
4. Dzichivatema nematombo akaumbirwa (Sijjeel).
5. Uye vakavaita sokunge munda (usina chunhu) wakadyiwa (nemombe).