CHITSAUKO AL-AADIYAAT
(AYO ANOMHANYA) 100
Muzita raAllah, Vane Tsitsi, Vane Ngoni.
1. Ndinopika nemabhiza anomhanya achifemereka.
2. Achiburitsa zvimvari zvemoto (nemakumbo awo).
3. Uye achimhanyira kunorwa mambakwedza.
4. Uye achipfumbura huruva nawo.
5. Uye achipinda nawo mukati (memuvengi).
6. Zvirokwazvo, munhu haatendi Tenzi vake.
7. Uye zvirokwazvo iye ichapupu kune izvozvo (nemabasa ake).
8. Uye zvirokwazvo anosimbirira mukuda zvakanaka (hupfumi).
9. Haazivi here kuti apo zviri mumakuva zvichaburitswa?
10. Uye izvo zviri muzvipfuva pazvichaitwa kuti zvizivikanwe?
11. Zvirokwazvo, nezuva iroro Tenzi vavo vachange vachinyatsoziva nezvavo (mabasa avo uye vovapa mubairo wavo).