CHITSAUKO AL-BAYYINAH
(HUMBOO HWAKAJEKA) 98
Muzita raAllah, Vane Tsitsi, Vane Ngoni.
1. Avo vasingatendi kubva kuvanhu veBhuku (maJudha nemaKristu) nemaMushrikoon (avo vanonamata zvidori, kana kuti Allah vachivasanganisa nezvimwe zvinhu), vakanga vasingazosiyi (kusatenda) kusvikira humboo huri pachena hwauya kwavari.
2. Mutumwa (Muhammad (SAW)) kubva kuna Allah, achiverenga bhuku rakachenurwa (Qur’aan rakachenurwa kubva kumanyepo).
3. Mariri mune mitemo yakatwasuka (kubva kuna Allah).
4. Uye vanhu veBhuku (maJudha nemaKristu) havana kusiyana asi mushure mokunge humboo hwakajeka hwauya kwavari.
5. Uye havana kukomekedzwa asi kunamata Allah, uye kunamata Allah chete voga, uye kuita Swalaah (Munamato), uye kupa Zvipo (Zakaah), uye ichi ndicho chitendero chakatwasuka.
6. Zvirokwazvo, avo vasingatendi kubva muvanhu veBhuku (maJudha nemaKristu) nemaMushrikoon (avo vanonamata zvidori, kana kuti Allah vachivasanganisa nezvimwe zvinhu) vachange vari mumoto weGehena vachigara imomo. Vanhu vakadaro ndivo zvisikwa zvakashata.
7. Zvirokwazvo, avo vanotenda (muIslaam), uye vachiita mabasa akanaka, vanhu vakadaro ndivo zvisikwa zvakanaka.
8 Mubairo wavo unaTenzi vavo, Paradhiso rine nzizi dzinoerera pasi paro.Vachagara imomo zvachose. Allah vachafadzwa navo uye ivo vachafadzwa navo (Allah). Izvi ndezve uyo anotya Tenzi vake.