CHITSAUKO AL-QADR
(CHISUNGO) 97
Muzita raAllah, Vane Tsitsi, Vane Ngoni.
1. Zvirokwazvo, takaridzikisa (Qur’an iri) muusiku hwechisungo.
2. Uye chii chichaita kuti uzive kuti usiku hwechisungo chii?
3. Usiku hwechisungo huri nani kukunda churu chemwedzi (kunamata Allah mauri kuri nani kupfuura kunamata churu chemwedzi (makore makumi masere nematatu, nemwedzi mina).
4 Mauri munodzika ngirozi nemweya mutsvene (Gabriel) nemvumo yaTenzi vavo nezvisungo zvose.
5. (Usiku hwese) Pane runyararo (uye zvakanaka kubva kuna Allah zvichienda kuvaranda vavo vanotenda) kusvikira nguva yemambakwedza.