أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn مؤسس ومدير المنتدى
عدد المساهمات : 52691 العمر : 72
| موضوع: CHITSAUKO AL-ALAQ الخميس 28 يوليو 2022, 9:18 pm | |
| CHITSAUKO AL-ALAQ (BUMBU REROPA) 96 Muzita raAllah, Vane Tsitsi, Vane Ngoni. 1. Verenga! Muzita raTenzi vako avo vakasika (zvinhu zvese). 2. Vakasika munhu kubva mubumbu reropa. 3. Verenga! Uye Tenzi vako ndivo mukomboreri mukuru. 4. Avo vakadzidzisa (kunyora) nechinyoreso. 5. Vakadzidzisa munhu izvo zvaakanga asingazivi. 6. Asi, zvirokwazvo, munhu anodarika mirairo. 7. Nokuda kwekuti anozviona sekunge akapfuma. 8. Zvirokazvo, kuna Tenzi vako ndiko kune kudzokera. 9. Wakamuona here (Muhammad (SAW)) uyo anodzivirira (anorambidza - Abu Jahl), 10. Muranda (Muhammad (SAW)) kana achinamata? 11. Wakamboona here kana iye (Muhammad (SAW)) ari kutungamirwa (naAllah), 12. Kana ari kukomekedza kutya (Allah)? 13. Wakamboona here kana iye (Abu Jahl) achiramba chokwadi (Qur’aan) uye achifuratira? 14. Haazivi here kuti Allah vanoona (zvose)? 15. Asi, kana asina kusiya (Abu Jahl), tichamubata nebvudzi rekumberi, 16. Bvudzi repamberi (pemusoro) rinonyepa nekukanganisa! 17. Naizvozvo chimusiyai adaidze dare rake (revabetseri). 18. Isu tichadaidza vachengeti veGehena (kuti vaone chekuita naye)! 19. Kwete! (Muhammad (SAW)) usamuteerera (Abu Jahl). Pfugama uye uswedere pedyo (naAllah)! |
|