أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn مؤسس ومدير المنتدى
عدد المساهمات : 52691 العمر : 72
| موضوع: CHITSAUKO ASH-SHAMS (ZUVA) الخميس 28 يوليو 2022, 6:18 pm | |
| CHITSAUKO ASH-SHAMS (ZUVA) 91 Muzita raAllah, Vane Tsitsi, Vane Ngoni. 1. (Ndinopika) nezuva nekubwinya kwaro. 2. Nemwedzi paunoritevera (zuva). 3. (Ndinopika) nemasikati paanoratidza (kubwinya kwezuva). 4. Neusiku paunorivhara (zuva). 5. Nedenga neavo vakarivaka. 6. (Ndinopika) nepasi neavo vakari tambanudza. 7. Nemoyo (munhu) neavo vakamugadzira mune zvakanaka. 8. Uye vakamuratidza zvakaipa kwaari nezvakanaka kwaari. 9. Zvirokwazvo, anobudirira uyo anozvichenesa (anotevedzera Islaam). 10. Uye zvirokwazvo anokundikana uyo anozvikanganisira pachake (anoramba Islaam). 11. (Vanhu) veThamud vakaramba kuburikidza nekudarikidza kwavo mitemo (vairamba chitendero chechokwadi, Islaam, uye vachiita mabasa akaipa). 12. Apo muipi wavo akaenda mberi (kuti auraye ngamera). 13. Asi mutumwa waAllah (Swaalih (AS)) akati kwavari: “Iyi ingamera yaAllah (musaikuvadze), uye (musairambidze) kunwa kwayo!” 14. Naizvozvo vakamuramba uye vakaiuraya. Naizvozvo Tenzi vavo vakavaparadza nekuda kwechitadzo chavo, uye vakavaenzanisa mukuparadzwa (vanhu vose, vapfumi, nevarombo, vane simba nevasina simba). 15. Uye ivo (Allah) havana kutya zvichaitika mumashure mazvo. |
|