CHITSAUKO AL-BUROOJ
(NYEREDZI DZIHOMBE) 85
Muzita raAllah, Vane Tsitsi, Vane Ngoni.
1. (Ndinopika) nedenga rakabata nyenyedzi dzihombe.
2. Uye nezuva rakatsidzwa (zuva rekutongwa).
3. Uye nechinopupura (zuva rechishanu) uye chinopupurirwa (musi weArafah mumwedzi we DhulHijjah).
4. Vakatukwa (vakarengerwa) vanhu veAl-Ukhdood (Gomba) (Panyaya yemukomana na mambo).
5. (Vanhu) vemoto wakakuchidzirwa nebvavi (mafuta).
6. Apo pavakagara pawaiva uri (moto).
7. Uye vakapupura izvo zvavaiita vakanangana nevatendi (kuvapisa).
8. Uye vakange vasina mhosva kusara kwekuti vakatenda muna Allah, mukuru wazvose, vane kurumbidzwa kwose!
9. Avo vane humambo hwekudenga nepasi! Uye Allah mupupuri wezvose.
10. Zvirokwazvo, avo vanoedza vanhurume nevanhukadzi vanotenda (nokuvarwadzisa nekuvapisa), uye voregerera kukumbira ruregerero (kuna Allah), vachave nemutongo weGehena, uye vachave nomutongo wemoto unopisa.
11. Zvirokwazvo, avo vanotenda nokuita mabasa akanaka, vachave neminda iyo nzizi dzichange dzichierera muzasi mayo (Paradhiso). Uku ndiko kubudirira kukuru.
12. Zvirokwazvo, (Iwe Muhammad (SAW)) mutongo waTenzi vako wakaomarara.
13. Zvirokwazvo, ndivo vanotanga (mutongo) uye vanodzokorora (mutongo pazuva rekutongwa).
(Kana kuti ndivo vanotanga kusika zvinhu zvese, uye vachadzokorora kusika pazuva rekutongwa).
14. Uye ndivo muregereri, vane rudo rwose (kune vatsvene vanotenda muIslaam).
15. Muridzi wechigaro chehumambo, murumbidzwi.
16. Muiti wechose chavada.
17. Yakasvika here kwauri nyaya yemauto,
18. A Farawo uye nemaThamood?
19. Asi, avo vasingatendi vakashingirira mukuramba (Muhammad (SAW) neshoko rake reIslaam).
20. Uye Allah vanovakomberedza kubva kumashure kwavo (Allah vanoziva mabasa avo ese uye vachavapa mubhadharo wavo)!
21. Asi iri iQur’aan rinorumbidzwa,
22. (Rakanyorwa) Mugwaro rakachengetedzwa (Al-Lauh Al-Mahfoodh)!