أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn مؤسس ومدير المنتدى
عدد المساهمات : 52691 العمر : 72
| موضوع: CHITSAUKO AL-INSHIQAAQ الخميس 28 يوليو 2022, 6:10 pm | |
| CHITSAUKO AL-INSHIQAAQ (KUPATSANUKA) 84 Muzita raAllah, Vane Tsitsi, Vane Ngoni. 1. Apo denga parichapatsanurwa. 2. Uye roteerera Tenzi waro – uye rinofanira kudaro. 3. Uye apo pasi richatambanudzwa. 4. Uye parichabuditsa zvose zvaiva mariri rosara risina chinhu. 5. Uye roteerera Tenzi waro - uye rinofanira kudaro. 6. Iwe munhu! Zvirokwazvo, uchadzokera kuna Tenzi vako nemabasa ako (akanaka neakaipa) kudzokera kwechokwadi, uye uchasangana nawo (mabasa awaiita). 7. Kune uyo achapihwa gwaro (bhuku) rake kuruoko rwake rwekurudyi. 8. Chokwadi achawana mutongo wakareruka. 9. Uye achadzokera kumhuri yake aine mufaro! 10. Asi uyo achapihwa gwaro rake nekumashure kwake. 11. Achava anodaidzira matambudziko (kuparadzwa kwake). 12. Uye achava anopinda moto unopisa. 13. Zvirokwazvo, aiva pakati pevanhu vake aine mufaro! 14. Zvirokwazvo, aifunga kuti haazombodzokeri (kwatiri)! 15. Hongu! Zvirokwazvo, Tenzi vake vaimuona! 16. Saka ndinopika nemadeukazuva (nguva dzerubvunzavaeni). 17. Uye neusiku nezvose zvaunofukidza nerima. 18. Uye nemwedzi apo paunenge wakazara. 19. Muchava munofamba kubva kune chimwe chikamu kuenda kune chimwe chikamu (paupenyu hwepano pasi nehwuchatevera). 20. Dambudziko ravo nderei rekuti havatendi? 21. Uye kana Qur’aan richiverengwa kwavari, havaisi zviso zvavo pasi. 22. Asi, avo vasingatendi vanoramba (Muhammad (SAW) nezvose zvaakauya nazvo, Qur’aan iri nekutenda muhumwechete waAllah). 23. Uye Allah vanoziva zvikuru zvavanounganidza (zvakanaka nezvakaipa). 24. Saka vaudze nezvemutongo unorwadza. 25. Kusara kweavo vanotenda vachiita mabasa akanaka, vachava nemugove usingazombofa wakasvika kumagumo (Paradhiso). |
|