أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn مؤسس ومدير المنتدى
عدد المساهمات : 52691 العمر : 72
| موضوع: CHITSAUKO AL-INFITWAAR الخميس 28 يوليو 2022, 6:07 pm | |
| CHITSAUKO AL-INFITWAAR (KUPATSANUKA) 82 Muzita raAllah, Vane Tsitsi, Vane Ngoni. 1. Apo denga parichapatsanurwa. 2. Uye apo nyeredzi padzichadonha dzakamwararira (dzakafararira). 3. Uye apo nzizi padzichazarisa (padzichapfachukira). 4. Uye apo makuva paachashandurwa (achiburitsa zvinenge zviri maari). 5. (Ipapo) Munhu achaziva zvaakaita uye zvaakasiya (zvaasina kuita). 6. Iwe munhu! Chii chakuita kuti ushaye hanya nezvaTenzi vako, vanoremekedzwa? 7. Avo vakakusika, vakakupa chimiro chakanaka, uye vakakupa zvakaenzanirana. 8. Mune ipi nzira yavaida, vakakuisa (vakakuunza) pamwechete. 9. Asi munoramba Ad-Deen (zuva rekutongwa). 10. Uye zvirokwazvo pamusoro penyu (pane ngirozi dzakasarudzwa) kuti dzikutarisei, 11. Kiraaman (dzinoremekedzeka) Kaatibeen dzichinyora pasi (mabasa enyu). 12. Dzinoziva zvose zvamunoita. 13. Zvirokwazvo, Al-Abraar (vatendi vatsvene) vachava mumufaro (Paradhiso). 14. Uye zvirokwazvo, Al-Fujjaar (vatadzi) vachava mumoto unopisa. 15. Vachapindamo, voravira marimi awo (moto) anopisa pazuva rekutongwa. 16. Uye imomo havazomboshaikwi. 17. Uye chii chichaita kuti uzive chinonzi zuva rekutongwa? 18. Zvakare, chii chichaita kuti uzive zuva rekutongwa? 19. Zuva iro hapana munhu achange aine simba rekuiitira mumwe chii zvacho, uye mutongo, zuva iroro uchange uina Allah. |
|