أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn مؤسس ومدير المنتدى
عدد المساهمات : 52644 العمر : 72
| موضوع: CHITSAUKO AN-NABA’ (NHAU) الخميس 28 يوليو 2022, 5:43 pm | |
| CHITSAUKO AN-NABA’ (NHAU) 78 Muzita raAllah, Vane Tsitsi, Vane Ngoni. 1. Vanobvunzana maererano nei? 2. Maererano nenhaurwa huru (Islaam, Qur’aan iri uye Zuva Rekutongwa). 3. Pamusoro payo vanopokana. 4. Hongu, vachazviziva! 5. Hongu, vachazviziva zvekare! 6. Hatina here kusika pasi semubhedha, 7. Uye makomo sehoko? 8. Zvakare tikave tinokusikai muri vaviri vaviri (murume nemukadzi, akareba neakapfupika, akanaka neakaipa). 9. Uye tikava tinokupai hope kuti muve munozorora. 10. Uye tikave tinosika usiku sehwidibiro. 11. Uye takasika masikati kuti muwane raramo. 12. Tikava tinovaka pamusoro penyu matenga manomwe. 13. Uye tikasika mwenje unopenya (zuva). 14. Uye tikatumira mvura zhinji kubva kumakore. 15. Kuti tive tinoburitsa zvirimwa. 16. Uye nemapindu ezvirimwa zvakabatana zvakasvibira. 17. Zvirokwazvo, zuva remutongo inguva yakatarwa. 18. Zuva iro richaridzwa hwamanda, uye muchauya muri muzvikwata. 19. Uye matenga achavhurwa oita segonhi. 20. Uye makomo achabviswa munzvimbo dzawo sezvinonzi aiva madzimudzangara. 21. Zvirokwazvo, Gehena inzvimbo yakaipa. 22. Nzvimbo ichapindwa neavo vanotyora mirawo yaAllah. 23. Vachapindamo zvachose. 24. Hapana kana chinwiwa chichange chichitonhorera chavachamwa imomo, kana chinwiwa chipi zvacho. 25. Kusara kwemvura yakwatiswa, uye nezvose zvakaipa zvinobuda pamuviri. |
|
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn مؤسس ومدير المنتدى
عدد المساهمات : 52644 العمر : 72
| موضوع: رد: CHITSAUKO AN-NABA’ (NHAU) الخميس 28 يوليو 2022, 5:43 pm | |
| 26. Mubairo unoenderana nezvavaiita. 27. Zvirokwazvo, vakange vasingambotarisiri kuzotongwa. 28. Uye vakaramba zviratidzo zvedu zvachose. 29. Uye zvinhu zvose takave tinozvinyora muGwaro. 30. Saka chiravirai (magumo emabasa enyu akaipa). Hatisi kuzokuwedzerai kusara kwemarwadzo. 31. Muzvokwadi, kune avo vanotya Allah kuchange kune budiriro (Paradhiso), 32. Yemapindu nemagirepi, 33. Uye mhandara dzezera rimwe dzakanaka, 34 Uye komichi izere newaini. 35. Havambonzwi imomo nhaurwa dzakaipa kana manyepo. 36. Mubairo kubva kuna Tenzi vako, chipo chakaverengwa (chinoenderana nezvakanaka zvavaiita). 37. Kubva kuna Tenzi vematenga nepasi rino uye zvose zviri mukati mavo, vane ngoni zhinji, avo vasingakwanise kutaura navo (kunze kwekuti vavapa mvumo). 38. Pazuva iro Ar-Rooh (Gabriel kana imwe ngirozi) nengirozi dzichange dzakamira mumitsara, hapana achataura kana nani kusara kweuyo Allah vavanopa mvumo, uye achitaura zvinhu zvakanaka. 39. (Pasina kana kusagutsikana) Iri ndiro zuva rechokwadi. Saka, uyo anoda ngaave anotsvaga nzvimbo yakanaka (kana nzira yakanaka ye) kuna Tenzi vake (nekuvateerera pasi rino)! 40. Zvirokwazvo, takakuyambirai pamusoro pemarwadzo epadyo epazuva iro munhu wese achange achiona zvose zvakatungamidzwa nemaoko ake (zvaaita), uye uyo akange asingatendi achati: “Ndinokungura kuti ndingadai ndaiva ivhu.”
|
|