أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn مؤسس ومدير المنتدى
عدد المساهمات : 52644 العمر : 72
| موضوع: CHITSAUKO AL-MUZZAMMIL الخميس 28 يوليو 2022, 5:35 pm | |
| CHITSAUKO AL-MUZZAMMIL (UYO AKAPUTIRWA MUMACHIRA) 73 Muzita raAllah, Vane Tsitsi, Vane Ngoni. 1. Iwe wakaputirwa mumachira (Mutumwa Muhammad (SAW))! 2. Muka (mira) unamate usiku hwose kusiya kwekachidimbu (kehusiku) Tahajjud. 3. Chidimbu chepakati nepakati kana chishoma pane izvozvo. 4. Kana kuti owedzera zvishoma (kubva pakati nepakati). Uyezve verenga Qur’aan (uchisheedzesa) zvinyoro-nyoro, (nezwi rinoyevedza) uchinyatsokukwenenzvera. 5. Muzvirokwazvo, tichaburutsa kwauri mashoko ane hudzamu (huremu) (mitemo, zvinhu zvakakomekedzwa). 6. Zvirokwazvo, kumuka pakati pehusiku (uchinamata/uchimukira munamato weTahajjud) chinhu chakaoma chinonetsa, uye chinobatsira zvikuru (chiguro), uye chakanaka pakuzvichengetedza, uye ndicho chinonyatsoita kuti munhu anyatsonzwisisa shoko (raAllah). 7. Zvirokwazvo, muswero wezuva unenge uine mabasa (akasiyana siyana akawanda) emazuva ose. 8. Uyezve rangarira zita raTenzi vako (Allah) wova unozvipira kwavari nemoyo wese (wakaperera). 9. (Ndivo woga) Tenzi vemabvazuva nemadokero (nemavirira); Laa ilaaha illaa Huwa (Hakuna mumwe anofanirwa kunamatwa kunze kwavo – Allah). Naizvozvo, tora ivo voga semuriritiri (vanokwanisa kumiririra mumabasa ako Muhammad (SAW)). 10. Uye, iwe chitsungirira (Muhammad (SAW)) mune zvose zvavanotaura (maKuffaar), uye wogara kure navo mune zvakanaka (usinganetsane navo). 11. Uyezve chindisiya (ini Allah) ndega ndipedzerane neavo maKuffaar (avo vanoramba zviratidzo zvangu), avo vane zvakanyatsonaka zveupenyu (hupfumi). Zvekare (iwe Muhammad (SAW)) chimbovasiya kwechinguvana. 12. Muzvirokwazvo, tine ngetani (dzekuvasungisa), uyezve nemoto (unopisa samare). 13. Uyezve (tine) chikafu chinokachidza, zvekare nemutongo unorwadza. 14. Pazuva iro pachandengendeka nyika nemakomo (zvine ukasha mukati), zvekare makomo achave dutu rejecha rakamwararidzwa. 15. Zvirokwazvo, tave tinokutumirai Mutumwa (Muhammad (SAW)) semupupuri kwamuri, sekutumira mutumwa (Musa kwatakaita) kuna Farawo. 16. Naizvozvo Farawo haana kuteerera Mutumwa (Musa (AS)); naizvozvo takamuranga (takamutora) nemurango (mukuru) wakaoma. 17. Ko mungadzivirira sei murango kana imi musingatende, pazuva iro (zuva rokutongwa) richaita kuti vana vadiki vamere imvi (kuva nebvudzi rebvumu). 18. (Zuva iro) denga parichatsemuka. Muzvokwadi chivimbiso chavo (Allah) chichazadzikiswa. 19. Muzvirokwazvo, iyi iyeuchidzo; naizvozvo uyo anenge ada musiyei atore nzira yekuna Tenzi vake! 20. Zvirokwazvo, Tenzi vako (Allah) vanozviziva kuti unomira (uchinamata usiku) neboka revatevedzeri vako zvishomanana pane zvidimbu zviviri kubva muzvitatu (2/3) dzeusiku, kana kuti chidimbu kubva muzviviri (1/2) dzeusiku, kana kuti chidimbu chimwe kubva muzvitatu (1/3) dzeusiku. Uyezve Allah vanoyera (vanopima) husiku nemasikati. (Allah) vanozviziva kuti haukwanise kunamata husiku hwose, naizvozvo vave vanokuregerera (netsitsi). Naizvozvo chiverenga Qur’aan (zvaunoona) zviri nyore kwauri. (Allah) vanozviziva kuti pakati penyu pane varwere, uyezve vamwe ndivo vanofamba munyika vachitsvaga (makomborero) aAllah, vamwewo ndivo vanorwa munzira yaAllah. Saka naizvozvo verengai kubva mariri (Qur’aan) zvamunokwanisa, zvekare ivai munoita Swalaah (Munamato), mopa Zakaah (Zvipo), mokweretesa Allah kwereteso yakanaka (Moita mabasa akanaka vachakupai mibairo). Uyezve, chingave chii zvacho chamunoita chanaka (Nawaafil Swalaah, Saum, Zakaat, Hajj, Umrah nezvakadarowo), muzvirokwazvo muchazviwana zvina Allah zvitori nani kana kutodarika ipapo pamubairo. Zvekare ivai munokumbira ruregerero kubva kuna Allah. Zvirokwazvo, Allah ndivo muregereri, vane ngoni zhinji. |
|