أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn مؤسس ومدير المنتدى
عدد المساهمات : 52644 العمر : 72
| موضوع: CHITSAUKO AL-JINN الخميس 28 يوليو 2022, 4:50 pm | |
| CHITSAUKO AL-JINN 72 Muzita raAllah, Vane Tsitsi, Vane Ngoni. 1. Iti (Muhammad (SAW)): “Zvadzikiswa kwandiri kuti chikwata chemaJinn (Zvisikwa zvakasikwa nemoto) chaiteerera (Qur’aan iri). Vakati: ‘Zvirokwazvo, tanzwa maverengero akanaka anoshamisa (Qur’aan)!’ 2. ‘Rinotungamirira mugwara rakanaka, uye tinotenda mariri, uye hatimbosanganise (pakunamata) chipi zvacho naTenzi vedu (Allah).’ 3. ‘Uye uMambo waTenzi vedu ndewe pamusoro, havana kutora mukadzi kana mwanakomana.’ 4. ‘Uye vasina kukwana pakati pedu vaitaura pamusoro paAllah manyepo makuru.’ 5. ‘Uye zvirokwazvo taifunga kuti vanhu nemaJinn (Zvisikwa zvakasikwa nemoto) havatauri manyepo pamusoro paAllah.’ 6. ‘Uye zvirokwazvo, mukati mevanhu maive nevarume vaitsvaga rudziviriro kubva kuvarume pakati pemaJinn, asi vakavawedzera mukutadza nekupfurikidza mwero.’ 7. ‘Uye vaifunga semafungiro enyu kuti Allah havazombotumire mutumwa (kuvanhu nemaJinn).’ 8. ‘Uye takati tisvike kudenga asi tikawana kwakazara nevachengetedzi vakasimba uye nemoto unobvira.’ 9. ‘Uye zvirokwazvo, taiwanzogara ikoko muzvikwata, kuti tinzwe, asi upi zvake anoteerera izvezvi anowana moto uchibvira wakamugaririra.’ 10. ‘Uye hatizivi kana chakaipa chashuvirwa kune avo vari panyika, kana kuti Tenzi wavo vanovashuvira nzira yakanaka.’ 11. ‘Pakati pedu pane vamwe vanoita zvakanaka, uye vamwe vanopikisa. Tiri mapoka ane nzira dzakasiyana.’ 12. ‘Uye tinofunga kuti hatipukunyiki (mumarwadzo) kubva kuna Allah panyika, kana kupukunyuka kwavari nekutiza.’ 13. ‘Uye zvirokwazvo, patakanzwa nhungamiro (Qur’aan) takatenda mairi, uye ani nani anotenda kuna Tenzi vake haazombotyi, kana kudzikisirwa mugove wemabasa ake akanaka, kana kuwedzerwa mutongo wezvitadzo zvake.’ 14. Uye pakati pedu vamwe maMuslim (mushure mekunzwa Qur’aan), uye pakati pedu vamwe havasi vatendi. Uye ani nani anopinda muchitendero cheIslaam, vakadaro ndivo vatsvaga nzira yakanaka.” 15. Uye kune avo vasingatendi, vachange vari huni dzemoto wekuGehena. 16. Dai (vasingatendi) vakatenda muna Allah, uye vakafamba munzira yakanaka (Islaam), chokwadi tingadai takavadzikisira mvura muhuwandu. 17. Kuti tive tinovaedza naizvozvo. Uye ani nani anobva muyeuchidzo yaTenzi vake (Qur’aan iri), vachamupinza mumarwadzo makuru (Gehena). 18. Uye nzvimbo dzekunamatira (maMasjid) ndedzaAllah, saka musava munonamata ani nani naAllah. 19. Uye muranda waAllah (Muhammad (SAW)) paakamira achivanamata (Allah) mumunamato, (MaJinn) vakamuunganira sekunge vanga vakanamatirana (kuti vanzwe). 20. Iti (Muhammad (SAW)): “Ndinonamata Tenzi vangu chete, uye handisanganisi vamwe vanhu naivo.” 21. Iti (Muhammad (SAW)): “Harisi simba rangu kukonzera marwadzo kwamuri, kana kukuunzai kunzira yakanaka.” 22. Iti (Muhammad (SAW)): “Hakuna anondidzivirira kubva mumarwadzo aAllah (kana ndikasavateerera), kana kuwana pekuhwanda kunze kwavari.” 23. “(Changu chete) asi kuparidza chokwadi kubva kunaAllah nemashoko avo. Uye ani nani asingatendi muna Allah uye nemutumwa wavo, zvirokwazvo, kwaari kune moto wekuGehena achagara imomo zvachose.” 24. Kusvikira, vaona izvo zvavakavimbiswa, vachaziva kuti ndeupi akarenda mumubatsiri uye muhushoma muuhwandu. 25. Iti (Muhammad (SAW)): “Handizivi kuti chamakavimbiswa chiri pedyo kana kuti Tenzi vangu achachiita kure.” 26. “(Ivo pachavo) vazivi veizvo zvisingaonekwi, uye havazaruriri (havatumiri) ani zvake zvisingaonekwi.” 27. “Kunze kune uyo vakamusarudza kuva mutumwa, uye zvirokwazvo, vanogadzira chikwata chevatarisi (ngirozi) kuti dzifore mushure uye nemberi kwake.” 28. “Kusvikira vaona kuti vaparidzira mashoko aTenzi wavo (Allah). Uye ivo (Allah) vanoziva zvose zvavanazvo, uye ivo (Allah) vanoziva huwandu wezvinhu zvese.” |
|