CHITSAUKO NUH (NOWA) 71
Muzita raAllah, Vane Tsitsi, Vane Ngoni.
1. Zvirokwazvo, takatumira Nuh (Nowa) kuvanhu vake (tichiti): “Yambira vanhu vako mutongo unorwadza usati wauya kwavari.”
2. (Nuh) akati: “Imi vanhu vangu! Zvirokwazvo, ndiri muyambiri ari pachena kwamuri.”
3. “Munofanira kunamata Allah (vega), uye nekuvatya, uyezve mova munonditeerera.”
4. “(Allah) vachakuregererai zvitadzo zvenyu uye vokusiyai kusvika panguva yakatarwa.
Zvirokwazvo, kana nguva yaAllah yasvika, haigoni kunonotswa dai maiziva.”
5. Nuh akati: “Tenzi vangu! Zvirokwazvo, inini ndasheedza vanhu vangu usiku nesikati.”
6. “Asi kusheedza kwangu hakuna kuvawedzera (kuvabatsira) kunze kwekutiza (chokwadi).”
7. “Uye zvirokwazvo, pese pandinovasheedza kuti muve munovaregerera, vanoisa minwe yavo munzeve dzavo, vozvifukidza nenguwo dzavo, uye vosimbirira (nekuramba kwavo), uye vozvitutumadza zvakanyanya.”
8. “Uye zvirokwazvo, inini ndaivasheedza pachena (nezwi riri pamusoro).”
9. “Uye zvirokwazvo, ndaivaparidzira pachena, uye ndaivakumbira pakahwanda.”
10. “Naizvozvo ndikati (kwavari): ‘Kumbirai ruregerero kuna Tenzi venyu. Zvirokwazvo, vazere neruregerero.’
11. ‘Vachatumira mvura zhinji kwamuri.’
12. ‘Uye vanokuwedzerai hupfumi uye nevana, uye vanokupai minda uye vanokupai nzizi.’”
13. Dambudziko renyu nderei? Hamushuviri mubairo kubva kuna Allah.
14. Uye zvirokwazvo, vakakusikai nezvidanho (Nutfah, Alaqah, uye Mudghah – Qur’aan 23: 13-14).
15. Hamuoni here kuti Allah vakasika sei matenga manomwe rimwe pamusoro perimwe?
16. Uye vakasika mwedzi sechiedza pakati pawo (matenga), uye vakasika zuva serambi?
17. Uyezve Allah vakakusikai kubva kuivhu.
18. Naizvozvo vachakudzorerai ikoko (kuivhu), uye vozokumutsai zvakare (pazuva rekutongwa).
19. Uye Allah vakakusikirai nyika yakafara.
20. Kuti mufambe mairi munzira dzakafara.
21. Nuh (Nowa) akati: “Tenzi vangu! (Vanhu ava) vakaramba kunditeerera, uye vakatevera uyo hupfumi nevana vake hazvina zvazvinomuwedzera kunze kwekurasikirwa.”
22. “Uyezve vakaronga kuronga kukuru.”
23. “Uyezve vakati (kune vamwe vavo): ‘Hamufanirwi kusiya vanamwari venyu, kana kuti musiye Wadd, kana kuti Suwaa, kana kuti Yaghooth, kana kuti Yauooq, kana kuti Nasr (Aya mazita ezviumbwa zvavainamata).’”
24. “Uye zvirokwazvo vakatsaudza vakawanda, uye (Allah): ‘Musawedzere avo vanoita zvakaipa kunze kwekurasika.’”
25. Nekuda kwezvitadzo zvavo vakanyudzwa (mumvura), vakaitwa kuti vapinde mumoto. Uyezve havana kuwana mubatsiri kunze kwaAllah.
26. Uye Nuh (Nowa) akati: “Tenzi vangu! Musava munosiya kana mumwechete wevasingatendi panyika (Paradzai vese)!”
27. “Kana mukavasiya, vachatsaudza varanda venyu, uye havazombobereki (vana) asi vasingatendi.”
28. “Tenzi vangu! Ndiregererei inini, uye nevabereki vangu, uye neuyo anopinda mumba mangu ari mutendi, uye nevatendi vose varume nevakadzi. Uye kune avo vasingatendi (vaiiti vezvakaipa), musava munovawedzera asi mukuparadzwa.”