أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn مؤسس ومدير المنتدى
عدد المساهمات : 52691 العمر : 72
| موضوع: CHITSAUKO AL-MULK الخميس 28 يوليو 2022, 4:42 pm | |
| CHITSAUKO AL-MULK (HUMAMBO / MASIMBA) 67 Muzita raAllah, Vane Tsitsi, Vane Ngoni. 1. Vakakomborerwa ndeavo mumaoko avo mune humambo wese. Uye vanokwanisa kuita zvinhu zvose (Vane masimba pamusoro pezvinhu zvose). 2. Avo vakasika rufu neupenyu kuti vave vanokuedzai kuti ndiani pakati penyu anemabasa akanaka. Uyezve ndivo samasimba ose, vane ruregerero rwese. 3. Avo vakasika matenga manomwe rimwe pamusoro perimwe. Uye haukwanisi kuona chakakanganiswa pazvisikwa zvaane tsitsi dzose. Dzokororazve kutarisa! “Uri kuona here kutsemuka?” 4. Nokudaro dzokorora zvakare kutarisa! Asi maziso ako anodzoka kwauri anenyadzi uyezve aneta. 5. Uye zvirokwazvo, takashongedza denga repadyo nenyika nemarambi, uye takaaita marambi iwayo sezvombo kumaDhiyabhorosi, uye takavagadzirira marwadzo emoto unobvira. 6. Uye kune avo vasingatendi muna Tenzi vavo kune marwadzo eGehena, uye inzvimbo yokugara yakaipisisa. 7. Apo pavachakandwa imomo mariri vachanzwa kukweva mariri (kwakasimba) apo parinenge richifema apo richibvira. 8. Richasvika pakuda kuputsika nehasha. Nguva dzose chikwata pachinokandwa mariri, vachengetedzi varo vachabvunza: “Muyambiri haana kuuya kwamuri here?” 9. Vachati: “Hongu, zvirokwazvo muyambiri akauya kwatiri, asi takamuramba tikati: ‘Allah havana kutumira pano pasi chimwe chinhu (mashoko), asi makarasika zvakanyanya.’” 10. Uye vachati: “Dai takateerera kana kushandisa huchenjeri hwedu, taisazowanikwa muvanhu vekumoto!” 11. Vachapupura zvitadzo zvavo. Nokudaro, ngavave kure vanhu vekumoto unobvira! 12. Zvirokwazvo, avo vanotya Tenzi vavo vakavanzika, vachawana ruregerero uye mubairo mukuru. 13. Uye taurai mashoko enyu muchizevezeve kana kuwaburitsa pachena, zvirokwazvo (Allah) vanoziva zvakanyanya izvo zviri muzvipfuva (zvevanhu). 14. Havangazivi here ivo vari ivo vakasika? Uye ndivo vane tsitsi dzose, muzivi wezvose. 15. Ndivo vakaita kuti nyika ive inozvipira kwamuri (muchifamba nokugara pamusoro payo uye nekuirima), nokudaro fambai munzira dzayo uye idyai zvokudya zvayo. Uye kwavari ndiko kune kumutswa kwenyu. 16. Munogadzikana here kuti avo vari pamusoro pematenga (Allah) havaiiti nyika kuti inyure nemi, apo paino dengenyeka? 17. Kana kuti munogadzikana here kuti avo vari pamusoro pematenga havakwanisi kukutumirai kwamuri mhepo yakasimba? Nokudaro muchaziva kuti yambiro yangu yakaita sei. 18. Uye zvirokwazvo avo vaiva kumashure kwenyu vakaramba, nokudaro kwakaipa sei kuvaramba kwangu (chirango changu)? 19. Havaoni here shiri pamusoro pavo dzichitambanudza mapapiro adzo, nekumadzosa mukati? Hapana anodzitakura kunze kwamuzvina tsitsi dzose. Zvirokwazvo, ndivo muoni wezvose. 20. Ndiani kunze kune vane tsitsi dzose (Allah) vanokwanisa kuva masoja kwamuri kuti akubetserei? Vasingatendi hapana mavari kunze kwemumanyepo (munyengedzo). 21. Ndiani angakupai imi (zvokushandisa, kudya) kana vakabata zvokudya (vakasakupai) zvavo? Asi vanoenderera mberi nekuzvitutumadza, uye nekutiza (kubva pachokwadi). 22. Ndizvo here kuti uyo anofamba nechiso chake asingaoni, akatungamirirwa zvakanyanya kudarika uyo anofamba akatwasuka munzira yakatwasuka (Islaam)? 23. Iti: “Ndivo vakakusikai, uye vakakupai nzeve uye maziso uye nemoyo. Asi munotenda zvishoma.” 24. Iti: “Ndivo vakakusikai munyika, uye kwavari muchaunganidzwa (muhupenyu hwamangwana).” 25. Vanoti: “Ndiriniko pachauya vimbiso iyi (zuva rekutongwa) kana muchitaura chokwadi?” 26. Iti (Muhammad (SAW)): “Zvirokwazvo, ruzivo rwuna Allah voga, uye zvirokwazvo ndiri muyambiri ari pachena.” 27. Asi pavachaona (marwadzo eZuva Rokutongwa) achiuya, zviso zveavo vasingatendi zvichachinja zvoita zvitema uye zvichanzi: “Iyi ndiyo (vimbiso) yamaidana!” 28. Iti (Muhammad (SAW)): “Ndiudzei! Kana Allah vakandiparadza neavo vandinavo, kana kuti votiitira tsitsi, ndiani achabatsira vasingatendi kubva kumarwadzo akaoma?” 29. Iti (Muhammad (SAW)): “Ndivo vane tsitsi dzose (Allah), kwavari tinotenda, uye tinovimba navo. Nokudaro muchaziva kuti ndiani akarasika zviri pachena.” 30. Iti (Muhammad (SAW)): “Ndiudzei! Kana mvura yenyu yose ikanyura, ndiani achakupai mvura inoyerera?” |
|