CHITSAUKO AL-JUMU’AH
(CHISHANU) 62
Muzita raAllah, Vane Tsitsi, Vane Ngoni.
1. Zvose zviri kumatenga nepanyika zvinorumbidza Allah, Mambo, Mutsvene, Mukuru, Muchenjeri.
2. Ndivo avo vakatuma kubva mune vasina kudzidza mutumwa (Muhammad (SAW)) mukati mavo, achiverenga ndima dzavo kwavari, uye achivachenura (kubva mukusatenda), uye achivadzidzisa Bhuku (Qur’aan) neruzivo Al-Hikmah (Sunnah: Manamatiro nemagariro aMuhammad (SAW)), kunyange zvazvo vakange vari mukurasika kuri pachena.
3. Uye (vakamutuma Muhammad (SAW)) kune vamwe mukati mavo (maMuslim) avo vasati vave navo (asi vachauya). Uye (Allah) ndivo mukuru, vane huchenjeri wese.
4. Ndiwo makomborero aAllah avanopa kune wavanoda. Uye Allah ndivo muridzi wemakomborero makuru.
5. Muenzaniso weavo vakapiwa Torah vobva varega kurichengetedza wakafanana nedhongi rinotakura mabhuku (asi ariwanzwisisi). Wakaipa sei muenzaniso weavo vanoramba zviratidzo zvaAllah. Uye Allah havatungamiri vanhu vanotadza.
6. Iti (Muhammad (SAW)): “Imi maJudha! Kana imi muchiita sokunge shamwari dzaAllah, kusara kwevanhu vose, chishuvirai rufu kana muri pachokwadi.”
7. Asi havamborushuviri (rufu) nokuda kwezvakaitwa nemaoko avo! Uye Allah vanoziva zvikuru vatadzi.
8. Iti (kwavari): “Zvirokwazvo, rufu rwamunotiza, zvirokwazvo rwuchakubatai, muchazodzorerwa zvakare kuna (Allah), muzivi wezvisipo nezvinoonekwa, uye vachakuzivisai (Allah) izvo zvamaiita.”
9. Imi vanotenda! Kana Swalaah ikadaidzirwa nemusi weChishanu (munamato weJumu’ah), mhanyirai kundangariro yaAllah (Mharidzo nemunamato weJumu’ah), uye mosiya mabhizimusi (nemamwe mabasa). Ndizvo zvakanaka kwamuri kana muchiziva!
10. Zvino kana munamato weJumu’ah wapera, chipararirai nenyika, uye motsvaga makomborero aAllah (nekushanda), uye morangarira Allah zvakanyanya kuti mugobudirira.
11. Uye apo pavakaona bhizimusi kana mutambo (ngoma dzichiridzwa) vakamhanyira kwazviri, uye vakakusiya (Muhammad (SAW)) wakamira (uchiparidza). Iti: “Izvo zvina Allah zvakanaka kupfuura mutambo nemabhizimusi! Uye Allah ndivo mupi akanaka.”