CHITSAUKO AL-MUMTAHANAH
(MUKADZI ANOEDZWA) 60
Muzita raAllah, Vane Tsitsi, Vane Ngoni.
1. Imi vanotenda! Musatora mhandu dzangu nemhandu dzenyu seshamwari, muchidzitaridza rudo, asi vasina kutenda mune izvo zvauya kwamuri muchokwadi (Islaam), uye vachidzinga mutumwa (Muhammad (SAW)) pamwechete nemi (kubva munyika yenyu) nokuda kwekuti munotenda muna Allah, Tenzi venyu! Apo pamunobuda muchirwa munzira (yaAllah) yangu uye muchitsvaga mufaro wangu (musatora avo vasingatendi seshamwari). Munotaridza ushamwari kwavari muchivande, asi ini ndichiziva izvo zvamunovanza uye izvo zvamunoburitsa pachena.
Uye uyo anozviita pakati penyu (maMuslim), zvirokwazvo anenge arasika chaizvo kubva munzira tsvene.
2. Kana vakakwanisa kuwana mukana pamusoro penyu, vanobva vaita mhandu dzenyu, uye vanobva vatambanudza maoko avo nerurimi rwavo mune zvakaipa, uye vanoshuvira kuti dai mukasatenda.
3. Hama dzenyu nevana venyu havazokubetserai pazuva reQiyaamah (kumutswa kubva kuvafi).
(Allah) vachatonga pakati penyu. Uye Allah vanoona zvose zvamunoita.
4. Zvirokwazvo, pane muenzaniso wakanaka kwamuri pana Ibrahim (Abrahamu) neavo vakange vainaye, apo pavakati kune vanhu vavo: “Chokwadi, takasununguka kubva kwamuri uye neizvo zvamunonamata zvisiri Allah. Isu takurambai, uye pakati pedu nemi pave neruvengo uye kutsamwirana zvachose kusvikira imi matenda muna Allah mumwechete,” kusara kwemashoko aAbrahamu kuna baba vake: “Chokwadi, ndichakukumbirirai ruregerero (kuna Allah), asi handina simba rekukuitirai chimwe chinhu pamberi paAllah.” “Tenzi vedu! Tinovimba nemi, uye kwamuri ndiko kwatinoreurura, uye kwamuri ndiko kwatichadzokera.”
5. “Tenzi vedu! Musatiite muedzo weavo vasingatendi, uye tiregerereiwo, Tenzi vedu! Zvirokwazvo imi, imi chete ndimi mukuru, ane huchenjeri hwose.”
6. Chokwadi, paive nemuenzaniso wakanaka kwamuri kubva kwavari wekutevedzera, kune avo vanovimba kusanga naAllah uye zuva rekutongwa. Uye uyo anofuratira, zvirokwazvo, Allah ndivo mupfumi (vasina chavanoda), uye vanekodzero yekurumbidzwa chete.
7. Pamwe Allah vangagadzira hushamwari pakati penyu neavo vamakaita vavengi. Uye Allah vane simba (pamusoro pezvinhu zvese), uye Allah vanoregerera zvikuru, vane tsitsi zhinji.
8. Allah havakurambidzii kushanda (zvakafanira uye zvakanaka) neavo vasinga kurwisei maererano nechitendero kana kukudzingai mudzimba dzenyu. Zvirokwazvo, Allah vanoda avo vanoshanda zvakafanira uye zvakanaka.
9. Zvirokwazvo, Allah vanokurambidzai kune avo vakakurwisai muchitendero uye vakakudzingai mudzimba dzenyu, uye vakabetsera kukudzingai, Allah vanokurambidzai kuita ushamwari navo.
Asi uyo anoita ushamwari navo, vanhu vakadaro ndivo vatadzi (vasingateereri Allah).
10. Imi vanotenda! Kana vatendi vechikadzi vauya kwamuri sevatami, vaedzei, asi Allah vanoziva kutenda kwavo. Kana mukaona kutenda mavari, musavadzosera kune vasingatendi.
Havabvumidzwi kwavari kana ivo kubvumidzwa kwavari (kuroorana). Uye vapei (vasingatendi) zvavakashandisa (Mahr – Mari inobviswa nemurume achipa mudzimai wake pazuva remuchato).
Uye hapana mhaka kwamuri kana imi mukavaroora kana mukavapa mugove wavo (Mahr). Uye musarambe mune vakadzi vasingatendi sevakadzi venyu, uye mobvunza zvamakashandisa (kudzorerwa Mahr) uye ivo (vasingatendi) ngavabunzewo zvavakashandisa. Uku ndiko kutonga kwaAllah, vanotonga pakati penyu. Uye Allah vanoziva zvese, vane huchenjeri hwese.
11. Uye kana mumwe wevakadzi venyu akaenda kune avo vasingatendi achibva kwamuri (asiya chitendero, uye avo vasingatendi voramba kukudzorerai zvamakashandisa (Mahr), uye mukavarwisa movatorera hupfumi), chibhadharai (kubva muhupfumi iwowo) avo vane vakadzi vakaenda zvakangofanana nezvavakashandisa (Mahr). Uye ityai Allah avo vamunotenda mavari.
12. Iwe muporofita! Kana vakadzi vanotenda vauya kwauri vachikupa Bai’ah (Mhiko), kuti havasi kuzosanganisa chimwe chinhu naAllah, havasi kuzoba, uye kuti havasi kuzoita cheupombwe, uye kuti havasi kuzouraya vana vavo, uye kuti havasi kuzombotaura manyepo vachinyepa kuti vana vavainavo ndevevarume vavo, uye kuti havasi kuzorega kukuteerera pane izvo zvakana (Islaam), chitambira Mhiko (Bai’ah) dzavo kwauri, uye vokumbira Allah kuti vavaregerere. Zvirokwazvo, Allah vanoregerera zvikuru, vane tsitsi dzakanyanya.
13. Imi vanotenda! Musashamwaridzana nevanhu vakatsamwirwa naAllah (maJudha). Chokwadi, havana tarisiro yehupenyu hwemangwana (kuti vachawana zvakanaka), sekushaiwa tarisiro kweavo vasingatendi kune avo vari kumakuva (kuti vachamuka pazuva rekutongwa).