CHITSAUKO AL-HASHR
(GUNGANO/KUUNGANIDZWA) 59
Muzita raAllah, Vane Tsitsi, Vane Ngoni.
1. Zvose zviri kumatenga nepanyika zvinorumbidza Allah. Uye ndivo mukuru, vane huchenjeri hwese.
2. Ndivo vakaburitsa avo vasingatendi kubva kuvanhu veBhuku (maJudha emhuri ya Nadheer) kubva mudzimba dzavo pakuunganidzwa kwekutanga. Hamuna kumbofungidzira kuti ivo vachabuda. Uye ivo vaifunga kuti nzvimbo dzavo dzakachengetedzwa dzaizovadzivirira kubva kuna Allah! Asi Allah vakavasvikira (chirango chavo) kubva kune nzvimbo yavakanga vasingafungiri. Uye vakaisa kutya mumoyo yavo kusvika pakuti vakaparadza pokugara pavo pachavo nemaoko avo uye nemaoko evatendi. Zvino torai chidzidzo, imi vane maziso (ekuona).
3. Uye dai kusiri kuti Allah vakanga vakanyora kudzingwa kwavari, vangadai zvirokwazvo vakavaranga panyika ino, uye kuhupenyu hwemangwana vachawana mutongo wemoto (Gehena).
4. Nekuda kwekuti vakapikisa Allah nemutumwa wavo (Muhammad (SAW)). Uye uyo anopikisa Allah, zvirokwazvo, Allah vakaoma pakuranga.
5. Iyo miti (yemadheti yemuvengi) yamakagura (maMuslim), kana kusiya yakamira nemidzi yayo, yakanga iri mvumo yaAllah, uye kuitira kuti vagonyadzisa vapanduki (vasingateereri).
6. Uye zvakapiwa naAllah semhimbiri kune mutumwa wavo (Muhammad (SAW)) kubva kwavari, musina kuzvirwira kana nehachi kana pangamera. Asi Allah vanopa simba kuvatumwa vavo pamusoro peuyo wavanoda. Uye Allah vanokwanisa kuita zvinhu zvose.
7. Izvo zvinopiwa naAllah semhimbiri kumutumwa wavo (Muhammad (SAW)) kubva kune vanhu vemumaguta, ndezvaAllah, uye mutumwa wavo (Muhammad (SAW)), uye hama dzake dzepedyo, uye nherera, uye vanoshaya, uye nevafambi (vari parwendo), kuitira kuti mukana usave wevapfumi chete mukati menyu. Uye chose chamunopiwa nemutumwa (Muhammad (SAW)), chibatisisei; uye izvo zvaanokurambidzai, siyai. Uye ityai Allah; zvirokwazvo, Allah vakaoma pakuranga.
8. (Pane mugove zvakare) kune vatami vanotambura, avo vakaburitswa mudzimba dzavo nehupfumi hwavo, vachitsvaga makomborero kubva kuna Allah uye mufaro wavo, uye kubetsera Allah (chitendero chavo) nemutumwa wavo (Muhammad (SAW)). Vanhu vakadaro ndivo vari pachokwadi (mune zvavanotaura).
9. Uye avo mushure mavo vakange vaine dzimba (kuMadinah) uye vakatenda, vanoda avo vakatama vachiuya kwavari, uye havana godo mumoyo yavo pane izvo zvavakapiwa (kubva muhupfumi wemhuri yaNadheer), uye vanovapa (vatami) sarudzo pamusoro pavo kunyangwe zvazvo ivo vaizvida. Uye uyo anobetserwa kubva mukuomera kwemoyo wake, vanhu vakadaro ndivo vachabudirira.
10. Uye avo vakauya mushure mavo vanoti: “Tenzi vedu! Tiregerereiwo uye madzikoma edu avo vakatitangira kutenda, uye musaise ruvengo mumoyo yedu kune avo vanotenda. Tenzi vedu! Zvirokwazvo, mune ngoni dzakazara, uye tsitsi zhinji.
11. Hauna (Muhammad (SAW)) kuona here vanyengedzi avo vanotaura kune madzikoma avo, avo vasingatendi kubva mune vanhu veBhuku (vachiti): “(Tinopika naAllah!) Kana imi mukadzingwa, zvirokwazvo tichaenda pamwe nemi, uye hatizomboteereri kana ani zvake pamusoro penyu; uye kana mukarwiswa, zvirokwazvo tichakubetserai.” Asi Allah vanopupura kuti zvirokwazvo vanyepi.
12. Chokwadi, kana vakaburitswa (maJudha), havambobudi (vanyengedzi) pamwe navo; uye kana vakarwisa havambovabetseri. Uye kana vakavabetsera, vachafuratira shure, uye havambozobudiriri.
13. Zvirokwazvo, imi (vatendi veIslaam) munotonyanya kutyisa mumoyo yavo kukunda Allah, nechikonzero chokuti vanhu vasinganzwisisi (masimba aAllah).
14. Havambokurwisei imi vari pamwechete, asi kunze kwekuti vari mumaguta akachengetedzwa, kana kuseri kwemadziro. Ruvengo pakati pavo rwakasimba. Munofunga kuti vakabatana, asi moyo yavo yakapatsanurwa, nokuda kwekuti vanhu vasinganzwisisi.
15. Vakafanana neavo mushure mavo venguva yakapfuura yepedyo (maJudha vemhuri yaQainuqa), vakaravira magumo emabasa avo akaipa, uye vachawana (mune ramangwana) mutongo unorwadza.
16. (Shamwari dzavo dzinovanyengedza) Kufanana naSatani, paanoti kune munhu: “Usatenda muna Allah.” Asi paanorega kutenda, (Satani) anoti: “Ini ndakasununguka kubva kwauri. Zvirokwazvo, ini ndinotya Allah, Tenzi vezvisikwa zvose!”
17. Naizvozvo, magumo avo vese ndeekuti vachange vari mumoto vose, umo vachagara. Iwowo ndiwo mubairo wevatadzi.
18. Imi vanotenda! Ityai Allah, uye munhu ngaatarise kuti chii chaarikuita kuitira mangwana, uye ityai Allah. Zvirokwazvo, Allah vanoziva zvose zvamunoita.
19. Uye musaite seavo vakakanganwa Allah, uye (Allah) vakavaita kuti vazvikanganwe pachavo.
Vanhu vakadaro ndivo vatadzi (vasingateereri Allah).
20. Vagari vemumoto havana kufanana nevagari vemuParadhiso. Vagari vemuParadhiso ndivo vachave vakabudirira.
21. Dai takadzikisa Qur’aan iri kugomo mairiona richizvininipisa uye kuparara nekutya Allah. Iyi ndiyo mifananidzo yatinopa vanhu kuti pamwe vangacherechedze.
22. Ndivo Allah, avo hakuna chimwe chinamatwa kunze kwavo, muzivi wezvisingaoneki nezvinooneka. Ndivo vane nyasha, vane tsitsi zhinji.
23. Ndivo Allah, avo hakuna chimwe chinamatwa kunze kwavo, Mambo, Mutsvene, Vakasununguka, Muchengetedzi, Mutarisi, Mukuru, Vane masimba, Mukuru Mukuru. Allah ngavarumbidzwe pamusoro pezvose zvavanomusanganisa nazvo.
24. Ndivo Allah, Musiki, Mutangi wezvinhu zvose, Muumbi wezvose. Vane mazita ese akanaka.
Zvose zviri kumatenga nepanyika zvinovarumbidza. Uye ndivo Mukuru, vane huchenjeri hwese.