أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn مؤسس ومدير المنتدى
عدد المساهمات : 52644 العمر : 72
| موضوع: CHITSAUKO AN-NAJM الأربعاء 27 يوليو 2022, 5:41 pm | |
| CHITSAUKO AN-NAJM (NYEREDZI) 53 Muzita raAllah, Vane Tsitsi, Vane Ngoni. 1. Ndinopika nenyeredzi apo inoenda pasi. 2. Umwe wenyu (Muhammad (SAW)) haana kurasika kana kukanganisa. 3. Uye haangotauri zvaanoda pachake. 4. Anongori mashoko anodzikiswa kubva kudenga. 5. Akadzidziswa (Qur’aan) neuyo ane masimba makuru (Gabriel). 6. Uyo asina hurema pamuviri nepapfungwa dzake, uye akakwidza (Gabriel) akadzikama. 7. Apo iye (Gabriel) paakanga ari pamusoro-soro pekupedzisira. 8. Ndokubva iye (Gabriel) aswedera ndokuuya padyo. 9. Uye akanga ari padyo seuta miviri kana kuti padyo. 10. Ndokubva (Allah) vadzikisa kumuranda wavo (Muhammad (SAW) kuburikidza naGabriel) zvavaida kudzikisa. 11. Moyo hauna kunyepa pane zvaakaona (Muhammad (SAW)). 12. Munomupikisa here (Muhammad (SAW)) pane izvo zvaakaona (parwendo rwake rwekudenga, Mi’raaj)? 13. Uye zvirokwazvo (Muhammad (SAW)) akamuona (Gabriel) kechipiri. 14. Padyo neSidratul Muntaha (muti weLoti uri pamuganhu redenga rekupedzisira uyo usina mupfuuri). 15. Padyo nawo pane nzvimbo yekugara yeParadhiso. 16. Apo muti weLoti wakavharwa nezvakauvhara (Chiedza chaAllah uye nengirozi uye nemavara akasiyana siyana). 17. Maziso ake (Muhammad (SAW)) haana kutarisa mativi kana kukanganisa. 18. Zvirokwazvo, (Muhammad (SAW)) akaona zviratidzo zvaTenzi vake zvihombe. 19. Murikuona here Laat naUzza (zvidhori zviviri zvemaArabhu zvavainamata)? 20. Uye naManaat (chimwe chidhori chemaArabhu chavainamata) wechitatu? 21. Ndizvo here kuti imi mune varume ivo (Allah) vane vakadzi? 22. Zvirokwazvo, ikoko ndiko kugovanisa kwakaipa! 23. Anongori mazita chete amakatumidza imi nemadzibaba enyu, izvo Allah havana kudzikisa mvumo yazvo. Vanongotevedzera kufungidzira chete neizvo zvinoda moyo yavo, asi zvirokwazvo nungamiro yauya kwavari kubva kuna Tenzi vavo. 24. Kana kuti munhu achawana zvaanoda? 25. Asi Allah ndivo muridzi wenyika yekupedzisira (hupenyu hwemangwana) uye wenyika yekutanga (pasi rino). |
|
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn مؤسس ومدير المنتدى
عدد المساهمات : 52644 العمر : 72
| موضوع: رد: CHITSAUKO AN-NAJM الأربعاء 27 يوليو 2022, 5:41 pm | |
| 26. Uye ngirozi ngani dziri kumatenga idzo kureverera kwadzo hakuzombobetseri kana chimwechete, kunze kwekuti mushure mokunge Allah vabvumidza uyo wavanenge vada uye kufadzwa naye. 27. Zvirokwazvo, avo vasingatendi muzuva rekupedzisira vanotumidza ngirozi nemazita echikadzi. 28. Asi havana ruzivo nazvo. Asi vanongotevera kufungidzira. Uye zvirokwazvo kufungidzira hakungatori nzvimbo yechokwadi. 29. Naizvozvo siyana (Muhammad (SAW)) neuyo anofuratira yeuchidzo yedu (Qur’aan) uye hapana chaanoda kunze hwehupenyu hwepanyika. 30. Ndipo pavanosvika neruzivo rwavo. Zvirokwazvo, Tenzi vako ndivo vanoziva uyo anorasika kubva munzira yavo, uye vanoziva uyo ane kutungamirirwa. 31. Uye kuna Allah ndiko kune zviri kumatenga nepanyika, kuti vagopa mugove kune avo vanoita zvakashata neizvo zvavakaita, uye kupa mugove wakanaka kune avo vanoita zvakanaka. 32. Avo vanosiya zvitadzo zvihombe neFawaahish (zvitadzo nebonde risiri pamutemo) kusara kwezvidiki, zvirokwazvo, Tenzi vako vane kuregerera kukuru. Vanokuzivai chaizvo apo vakakusikai kubva muivhu, uye pamakanga muri mudumbu mavanaamai venyu. Naizvozvo musazvichenure. Vanoziva chaizvo uyo anotya (Allah). 33. Wakamuona here (Muhammad (SAW)) uyo anofuratira (Islaam). 34. Uye akapa zvishoma ndokubva arega (kupa)? 35. Ane ruzivo here rwezvisingaonekwi kuti anoona? 36. Kana kuti haana kuziviswa nezviri mubhuku raMusa, 37. Uye neraAbrahamu uyo akazadzikisa zvose (zvaakatumwa): 38. Kuti hakuna munhu ane musengwa wake (zvitadzo) achatakura musengwa wemumwe munhu. 39. Uyezve kuti munhu hapana chaachawana kunze kwezvaanoita. 40. Uye kuti mabasa ake achaonekwa. 41. Uyezve kuti achapiwa mubairo wakafanira wakakwana. 42. Uye kuti kuna Tenzi vako ndiko kune magumo. 43. Uye ndivo vanoita kuti (munhu) aseke uye kuchema. 44. Uye kuti ndivo vanokonzera rufu uye neupenyu. 45. Uye kuti vanosika mapoka maviri, varume nevakadzi. 46. Kubva muNutfah (mbeu yemukadzi nemurume) painobuditswa. 47. Uye kuti Allah ndivo vachamutsa zvakare (vafi). 48. Uye kuti ndivo vanopa hupfumi hwakawanda uye nehushoma. 49. Uye kuti Allah ndivo muridzi weAsh-shi’raa (nyenyedzi yainamatwa nemaArabhu). 50. Uye kuti ndivo (Allah) vakaparadza vanhu vekutanga vemhuri yaAad. 51. Uye maThamood, havana kusiya kana umwechete wavo. 52. Uye nevanhu vaNowa mushure. Zvirokwazvo, vakanga vari vatadzi zvakanyanya vasinganzwi. 53. Uye (Allah) vakaparadza maguta akarasirwa (eSodom uko kwakatumwa Loti). 54. Naizvozvo vakavharwa neizvo zvakavavhara (chirango nematombo). 55. Zvino ndeapi makomborero aTenzi venyu (imi vanhu) amusingagutsikani nawo? 56. Uyu (Muhammad (SAW)) muyambiri wevayambiri venguva yekutanga (kare). 57. Zuva rekutongwa raswedera padyo. 58. Hakuna mumwe kunze kwaAllah anogona kuridzosa (shure kana mberi). 59. Murikushamiswa here nemashoko aya (Qur’aan)? 60. Uye muchiwaseka musingachemi 61. Apo muchitambisa nguva yenyu (nemafaro). 62. Naizvozvo pfugamirai Allah uye munamatei (ari ega).
|
|