| | CHITSAUKO AD-DHUKHAAN | |
| | كاتب الموضوع | رسالة |
---|
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn مؤسس ومدير المنتدى
عدد المساهمات : 48361 العمر : 71
| موضوع: CHITSAUKO AD-DHUKHAAN الثلاثاء 26 يوليو 2022, 4:59 pm | |
| CHITSAUKO AD-DHUKHAAN (CHIUTSI) 44 Muzita raAllah, Vane Tsitsi, Vane Ngoni. 1. Haa – Meem. (Mashoko aya ndemamwe ezvishamiso zvri muQur’aan, uye hapana anoziva zvaanoreva kunze kwaAllah). 2. Ndinopika neGwaro riri pachena (Qur’aan rinoburitsa zvinhu pachena). 3. Zvirokwazvo, takaridzikisa (Qur’aan) pausiku hwakakomborerwa (usiku hwe Al-Qadr mumwedzi weRamadhaan). Zvirokwazvo, tiri kuyambira (kuti ticharanga avo vasingatendi). 4. Mauri (usiku uhwu) munotarwa nyaya dzose dzakarongwa (ndufu, keberekwa kwemhuka, nezviitiko zvese zvichaitika gore rinotevera). 5. Sechikomekedzo (Qur’aan iri kana kutarwa kwezviitiko) kubva kwatiri. Zvirokwazvo, tinotumira (vatumwa). 6. Setsitsi kubva kuna Tenzi vako. Zvirokwazvo, ndivo vanonzwa, muzivi wezvose. 7. Tenzi vematenga nenyika nezvose zviri pakati pawo, kana muine kutenda kwechokwadi (nekusangana naTenzi venyu). 8. Laa ilaaha illaa huwa (Hakuna mumwe ane kodzero yekunamatwa kunze kwavo). Ndivo vanopa upenyu uye vanokonzera rufu – Tenzi venyu uye Tenzi vemadzibaba enyu. 9. Asi vanotamba vari mukugunun’una. 10. Naizvozvo mirira zuva iro denga parichaunza chiutsi chiri pachena (chinooneka). 11. Chichafukidza vanhu. Ichi chirango chinorwadza. 12. (Vachati): “Tenzi vedu! Bvisai mutongo kwatiri, muzvokwadi tichava vatendi!” 13. Vangave sei nendangariro (murango wauya kwavari), apo mutumwa ari pachena akauya kwavari (achivajekesera). 14. Naizvozvo vakamufuratira (Muhammad (SAW)) vakati: “Munhu akadzidziswa (nemumwe munhu), uye anopenga!” 15. Zvirokwavo, tichabvisa mutongo kwekanguva. Zvirokwazvo, muchadzokera (mukusatenda). 16. Pazuva iro ratichakutorai nenzira hombe inorwadza. Zvirokwazvo tichadzorera nekupa chirango. 17. Uye zvirokwazvo takaedza mushure mavo vanhu vaFarawo, apo mutumwa anoremekedzwa akauya kwavari (Musa (AS)). 18. Achiti: “Ndipei varanda vaAllah (vana vaIzirairi). Zvirokwazvo, ndiri mutumwa anovimbika kwamuri.” 19. “Uye musava munozvikudza pamusoro paAllah. Zvirokwazvo, ndauya kwamuri nenzira iri pachena (murairo uri pachena).” 20. “Uye zvirokwazvo ndinokumbira chengetedzo kubva kuna (Allah) Tenzi vangu naTenzi venyu, nekuti munganditeme (kana kunditi ndiri ngan’a kana kundiuraya).” 21. “Asi kana musingatendi mandiri, naizvozvo swederai kure neni mondisiya ndega ndakadaro.” 22. Asi (Musa (AS)) akadana Tenzi vake achiti: “Zvirokwazvo, ava vanhu vanotadza (vatadzi).” 23. (Allah vakati): “Buda pamwechete nevaranda vangu neusiku. Zvirokwazvo muchateverwa.” 24. “Uye siya gungwa riri zvariri (rakapatsanuka). Zvirokwazvo vari mauto achanyudzwa.” 25. Mapindu mangani nezvitubu zvavakasiya (vanhu vaFarawo) kumashure! |
| | | أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn مؤسس ومدير المنتدى
عدد المساهمات : 48361 العمر : 71
| موضوع: رد: CHITSAUKO AD-DHUKHAAN الثلاثاء 26 يوليو 2022, 4:59 pm | |
| 26. Nezvirimwa (minda inoyevedza) nenzvimbo dzakanaka! 27. Uye mutefetefe weupenyu umo mavaiwana mufaro! 28. Zvakaitika kudaro! Naizvozvo, takaita kuti vamwe vanhu vavagare nhaka (Vana vaIzirairi vagare nhaka humambo weku Egypt). 29. Uye matenga nenyika hazvina kuvachemera, zvakare havana kupihwa nguva (havana kunonotswa). 30. Uye zvirokwazvo takanunura vana vaIzirairi kubva kumutongo unonyadzisa wakaomarara. 31. Kubva kunaFarawo. Zvirokwazvo, aizvitutumadza uye aive mumwe wemaMusrifoon (avo vanhu vanopfurikidza mitemo yaAllah). 32. Uye takavasarudza (vana vaIzirairi) pamusoro pevose (vanhu nemaJinn panguva yaMusa (AS)) neruzivo. 33. Uye tikavapa zviratidzo zvaive nemuyedzo uri pachena. 34. Zvirokwazvo, ava (maQuraish) vari kuti: 35. “Hapana chimwe chinhu kunze kwerufu rwedu rwekutanga, uye hatisi kuzomutswa (zvakare)!” 36. “Tiunzire madzibaba edu kana uri pachokwadi!” 37. Vari nani here kana kuti vanhu vekuTubba neavo (vaivepo) mushure mavo? Takavaparadza nekuti zvirokwazvo vaive maMujrimoon (vatadzi). 38. Uye hatina kuva tinosika matenga nenyika, nezvose zviri pakati pawo sedambe. 39. Hatina kuva tinozvisika kusara kwekuti muchokwadi (kuti tione avo vanoteerera neavo vasingateereri), asi vazhinji vavo havazivi. 40. Zvirokwazvo, zuva rekutongwa inguva yavakatarirwa vose. 41. Zuva rekuti Maula (hama yepedyo) haikwanisi kubatsira Maula (hama yepedyo) nechimwe chinhu, uye zvakare hapana rubatsiro rwavachawana. 42. Kunze kweuyo Allah wavanoratidza tsitsi. Zvirokwazvo, ndivo samasimba, vazere netsitsi. 43. Zvirokwazvo, muti weZaqqoom (unovava zvikuru) 44 Uchava chikafu chevatadzi. 45. Semafuta anofashaira, chichafashaira mumatumbu avo, 46. Sekufashaira kunoita mvura inopisa. 47. (Zvichanzi): “Mutorei momudhonzera pakati pemarimi emoto!” 48. “Modira mumusoro make mutongo wemvura inofashaira!” 49. “Ravira (izvi)! Zvirokwazvo waiva (unozviita kunge) wepamusoro anoremekedzwa!” 50. “Zvirokwazvo, izvi ndizvo zvamairamba (zvamaigunun’una)!” 51. Zvirokwazvo, avo vanotya Allah vachange vari munzvimbo yerunyararo (yakachengetedzeka). 52. Mumapindu nezvitubu. 53. Vakapfeka siriki yakanaka uye siriki yakakora vachitarisana. 54. Zvichava kudaro! Uye tichavaroodza kumaHouri vane maziso mahombe akanaka (vakadzi vakanaka vekuJannah). 55 Vachadaidzira imomo michero yemhando dzose murunyararo nechengetedzo. 56. Havazomboravira rufu imomo kusara kwerufu rwekutanga (panyika), uye (Allah) vachavanunura kubva kumutongo wekumoto. 57. Semakomborero kubva kuna Tenzi vako! Uku kuchava kubudirira kwepamusoro! 58. Zvirokwazvo, takarirerutsa (Qur’aan iri) parurimi rwako, kuti vave vanorangarira. 59. Naizvozvo mirira (Muhammad (SAW)), zvirokwazvo ivo vakamirira (zvekare).
|
| | | | CHITSAUKO AD-DHUKHAAN | |
|
مواضيع مماثلة | |
|
| صلاحيات هذا المنتدى: | لاتستطيع الرد على المواضيع في هذا المنتدى
| |
| |
| |