| | CHITSAUKO AZ-ZUMAR | |
| | كاتب الموضوع | رسالة |
---|
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn مؤسس ومدير المنتدى
عدد المساهمات : 48337 العمر : 71
| موضوع: CHITSAUKO AZ-ZUMAR الإثنين 25 يوليو 2022, 4:58 am | |
| CHITSAUKO AZ-ZUMAR (ZVIKWATA / MAPOKA) 39 Muzita raAllah, Vane Tsitsi, Vane Ngoni. 1. Zvakadzikiswa zveBhuku iri (Qur’aan) kubva kuna Allah, Samasimba, Vane huchenjeri hwese. 2. Zvirokwazvo, takadzikisa Bhuku kwauri (Muhammad (SAW)) muchokwadi. Naizvozvo namata Allah (Vega) nekuita mabasa echitendero nemoyo wose uchifadza Allah. 3. Zvirokwazvo, chitendero ndecha Allah Voga. Uye avo vanotora vabatsiri kunze kwaAllah (vanoti): “Tinovanamata kuti vatiswededze pedyo naAllah.” Zvirokwazvo, Allah vachatonga pakati pavo maererana izvo zvavanopesana. Zvirokwazvo, Allah havatungamiriri uyo anonyepa, uye asingatendi. 4. Dai Allah vaida kuita mwana, vangadai vakasarudza wavaida pakati pevavakasika. Kurumbidzwa ngakuve kwavari! NdiAllah, Mumwechete, Samasimba. 5. Vakasika matenga nepasi muchokwadi. Vanoita kuti husiku hupinde muzuva uye vanoita kuti zuva ripinde muhusiku. Uye vakapa mutemo kuzuva nemwedzi. Chimwe nechimwe chinofamba (munzira ne) munguva yakatarwa. Zvirokwazvo, ndivo Samasimba, Vanoregerera zvikuru. 6. Vakakusikai kubva kumunhu mumwechete (Adam); uyezve vakasika mukadzi wake (Hawwa (Evha)) kubva kwaari (Adam). Uye vakava vanokutumirai zvipfuyo zvisere dziri zviviri zviviri (hwai yechirume neyechikadzi; mbudzi yechirume neyechikadzi; mombe yechirume neyechikadzi; ngamera yechirume neyechikadzi). Vanokusikai muzvibereko zvanaamai venyu, chisikwa mushure mechisikwa mumarima matatu. Ava ndiAllah, Tenzi venyu. Kwavari ndiko kune humambo. Laa ilaaha illaa Huwa (Hakuna chimwe chinhu chine kodzero yekunamatwa kunze kwavo). Naizvozvo, sei muchiitwa kuti mufuratire? 7. Mukasatenda, zvirokwazvo, Allah ndivo mupfumi pamusoro penyu. Havafadzwi nekusatenda kwevaranda vavo. Uye mukatenda, vanofadzwa nemi. Hakuna munhu achatakura mutoro wemumwe. Uye kuna Tenzi venyu ndiko kwamuchadzokera, uye vachava vanokuudzai zvamaiita. Zvirokwazvo, vanoziva zvikuru zviri mumoyo. 8. Uye marwadzo akabata munhu, anochema kuna Tenzi vake, achikumbira ruregerero kwavari. Asi vakamupa makomborero kubva kwavari, anokanganwa zvaakanga achichemera kumashure, ogadzira vamwe vanamwari vanopokana naAllah, kuti ave anorasisa vamwe kubva munzira yavo. Iti: “Wana mufaro nekusatenda kwako kwekanguva kadiki. Zvirokwazvo, uri mumwe vevagari vemumoto!” 9. Angave here uyo anoteerera Allah, achipfugama kana kumira (pamunamato) munguva dzeusiku, achitya hupenyu hunotevera, uye ane chivimbo chetsitsi dzaTenzi vake (akaenzana here neuyo asingatendi)? Iti: “Vakaenzana here avo vanoziva neavo vasingazivi?” Zvirokwazvo, vanoyeuka ndeavo vanhu vanonzwisisa. 10. Iti (Muhammad (SAW)): “Imi varanda vangu vanotenda (muhumwechete hwaAllah), ivai munotya Tenzi venyu. Runako (Mubairo) nderwe avo vanoita mabasa akanaka panyika pano, uye nyika yaAllah yakakura (kuti kana musingakwanisi kuvanamata pane imwe nzvimbo munovanamata kumwe). Zvirokwazvo, avo vanotsungirira vachawana mubairo wavo wakazara pasina kutongwa (kuverengerwa).” 11. Iti (Muhammad SAW)): “Zvirokwazvo, ndakave ndinokomekedzwa kunamata Allah (Voga) nekuvateerera nokuita mabasa echitendero ndichiitira ivo chete.” 12. “Uye ndakave ndinokomekedzwa (izvi) kuti ndive mumwe weavo vekutanga kuzvipira kuna Allah (muIslaam) (maMuslim).” 13. Iti (Muhammad (SAW)): “Zvirokwazvo, ndikasateerera Tenzi vangu, ndinotya mutongo wezuva guru.” 14. Iti (Muhammad (SAW)): “Ndinonamata Allah Voga ndichiita mabasa echitendero ndichiitira ivo chete (pasina kuda kuonererwa kana kuvasanganisa nezvimwe zvinhu pakuvanamata).” 15. “Naizvozvo namatai zvamunoda kunze kwavo (Allah).” Iti (Muhammad (SAW)): “Vakarasikirwa ndeavo vacharasikirwa pachezvavo nemhuri dzavo pazuva rekutongwa. Zvirokwazvo, kuchave kurasikirwa kuri pachena!” 16. Vachava nekuvharirwa nemoto, pamusoro pavo uye kuvharirwa pasi pavo. Allah vanovhundutsa varanda vavo neizvi: “Imi varanda vangu! Naizvozvo ivai munonditya!” 17. Avo vanodzivirira At-Taghoot (vanamwari venhema) nokusavanamata, uye votendeukira kuna Allah (vachikumbira ruregerero), kwavari kune shoko rakanaka; naizvozvo svitsa mashoko akanaka kuvaranda vangu. 18. Avo vanoteerera shoko (rokuti hakuna mumwe mwari ane kodzero yekunamatwa kunze kwaAllah), uye votevera zvakanaka zvacho (vonamata Allah chete, vokumbira ruregerero kwavari uye wosiya vanamwari venhema), ava ndivo vakatungamirirwa naAllah uye ndivo vanhu vanonzwisisa. 19. Uye uyo shoko remutongo rakatarwa paari (akafanana here neuyo asingaiti zvivi)? Unganunure here (Muhammad (SAW)) uyo ari mumoto? 20. Asi avo vanotya Tenzi vavo (Allah), vachave nedzimba, imwe iri pamusoro peimwe dzakavakwa (dzakaturikidzana) pasi padzo nzizi dzichiyerera. (Iyi) ivimbiso yaAllah. Uye Allah havakundikani pavimbiso yavo. 21. Hauoni here kuti zvirokwazvo Allah vanodzikisa mvura kubva kudenga, uye vokonzera kuti mvura ipinde pasi, (uye voita kuti ibude kubva pasi) sezvitubu zvemvura, pedzezvo vokudza nayo zvirimwa zvine mavara akasiyana-siyana, pedzezvo zvoibva uye ozviona zvichiita ruvara rwezerere, uye vozviita zviome zvova zvidimbu zvidimbu. Zvirokwazvo, mazviri mune ndangariro kuvanhu vanonzwisisa. 22. Uyo moyo wake Allah wavakazarurira Islaam kuti ave muchiedza kubva kuna Tenzi vake (akafanana here neuyo asiri mutendi)? Naizvozvo matambudziko kune avo moyo yavo yakaoma kurangarira Allah! Ndeavo vakarasika zviripachena! 23. Allah vakadzikisa shoko rakanakisisa, Gwaro (Qur’aan), zvidimbu zvaro zvakafanana nezvimwe (mune zvakanaka uye muhuchokwadi) uye zvichidzokorodzwa-dzokorodzwa. Makanda eavo vanotya Tenzi vavo anobvunda kubva mariri (pavanoriverenga kana pavanorinzwa). Pedzezvo ganda ravo nemoyo yavo yozvininipisa mukurangarira Allah. Iri ndiro gwara raAllah. Vanotungamirira wavanoda naro. Uye uyo munhu Allah wavanoita kuti arasike, kwaari haana mutungamiri. 24. Haasi here, uyo achazotarisana nemutongo wakaipisisa zuva rekutongwa (akafanana here neuyo achapinda Paradhiso murunyararo)? Uye zvichanzi kuvaiti vemabasa akaipa: “Ravirai izvo zvamaiwana!” 25. Avo vaivepo mushure mavo vakaramba, uye marwadzo akauya kwavari kubva kumativi avaisatarisira. |
| | | أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn مؤسس ومدير المنتدى
عدد المساهمات : 48337 العمر : 71
| موضوع: رد: CHITSAUKO AZ-ZUMAR الإثنين 25 يوليو 2022, 4:58 am | |
| 26. Naizvozvo Allah vakaita kuti vave vanoravira kudzikisirwa muhupenyu hwepasi, asi marwadzo ehupenyu hwuchatevera akakura, dai vaiziva! 27. Uye zvirokwazvo takava tinoisira vanhu mhando yose yeenzaniso muQur’aan iri kuti vave vanorangarira. 28. Qur’aan rerurimi rwechiArab risina kutsveyama (mariri) kuti vave vanodzivirira zvose zvakaipa zvavakakomekedzwa naAllah kuti vave vanodzivirira kuti vave vanotya. 29. Allah vanopa muenzaniso wemurume (muranda) ane madzimambo akawanda anopikisana (sekunge avo vanonamata vamwe pamwechete naAllah), nemurume anongova namambo mumwe chete (sekunge avo vanonamata Allah chete). Vakafanana here vaviri ava mumuenzaniso wavo? Kurumbidzwa kwose ndekwaAllah! Asi vazhinji vavo havazivi. 30. Zvirokwazvo, iwe (Muhammad (SAW)) uchafa, uye zvirokwazvo ivo vachafa. 31. Uye zvirokwazvo pazuva rekutongwa muchava munopikisana (munopokana) pamberi paTenzi venyu. 32. Naizvozvo, ndiani anokanganisa zvakanyanya kudarika uyo anotaura manyepo pamusoro paAllah, uye oramba chokwadi (Islaam) mushure mekunge chauya kwaari! Hamuna here nzvimbo muGehena (moto) yeavo vasingatendi? 33. Uye uyo (Muhammad (SAW)) akauya nechokwadi (Islaam) uye akatenda machiri, ivavo ndivo vanotya Allah. 34. Kwavari vachave neizvo zvavanoshuvira kubva kuna Tenzi vavo. Uyo ndiwo mugove wevatsvene (vanotya Allah). 35. Kuti Allah vave vanovabvisira zvakaipa zvavakaita, vovapa mugove unoenderana nezvakanaka zvavaiita. 36. Allah havakwaniri muranda wavo here? Uye vanokushungurudza neizvo (zvavanonamata) kunze kwavo. Uye uyo Allah wavanoita kuti arasike, kwaari hapana mutungamiriri. 37. Uye uyo Allah wavanotungamiririra, kwaari hapana anomuita kuti arasike. Havasi here Allah samasimba, muridzi wemurango? 38. Uye kana ukavabvunza: “Ndiani akasika matenga nenyika?” Zvirokwazvo vanoti: “Allah.” Iti: “Saka ndiudzei izvo zvamunonamata kusara kwaAllah, kana Allah vachinge vandishuvira chakaipa, vanokwanisa kuchibvisa here? Kana kuti (Allah) vakandishuvira tsitsi (nyasha), vanokwanisa kudzibvisa (kudzora) tsitsi dzavo here?” Iti: “Allah vanondikwanira; mavari (vanotenda) vanovimba (ndiko kwavanoisa kuvimba kwavo.” 39. Iti (Muhammad (SAW)): “Imi vanhu vangu! Shandai zvinoenderana nezvamuri. Zvirokwazvo ini ndiri kushanda (zvinoenderana neni). Naizvozvo muchava munoziva.” 40. “Kuna ani kuchaenda mutongo unodzikisira, uye kuna ani kuchava nemutongo usingaperi.” 41. Zvirokwazvo, takava tinodzikisa kwauri (Muhammad (SAW)) Gwaro (Qur’an) revanhu muzvokwadi. Saka ani nani achatambira gwara, azviitira pachake; uye uyo acharasika, anorasika pachake. Uye hausi Wakeel (mumiririri, muchengetedzi) wavo. 42. NdiAllah vanotora mweya yevanhu panguva dzerufu rwavo, uye avo vasingafi panguva dzekurara (vakarara) kwavo. (Allah) vanochengeta avo vavakarongera (vavakatarira) rufu, uye vosiya vamwe vose kusvikira nguva yakatarwa. Zvirokwazvo, mune izvi mune zviratidzo kuvanhu vanofunga zvakanyanya. 43. Vanotora here (vamwe) sevamiriri kunze kwaAllah? Iti: “Kunyange vasina simba pamusoro pechimwe chinhu uye vasina uchenjeri?” 44. Iti: “Kumiririra kwose ndekwaAllah. Kwavari ndiko kune umambo hwematenga nepasi. Zvakare kwavari muchava munodzorerwa.” 45. Uye kana Allah chete vachinge vataurwa nezvavo, moyo yeavo vasingatendi mune ramangwana inozadzwa nekushushikana. Asi kana izvo (zvinonamatwa kunze kwaAllah) zvichinge zvataurwa nezvazvo, ngwarirai, vanofara (vanonzwa kusununguka)! 46. Iti (Muhammad (SAW)): “Imi Allah! Musiki wedenga nenyika, muzivi wezvose zvisingaonekwi nezvinoonekwa! Muchatonga pakati pevaranda venyu pamusoro peizvo zvavaipikisana.” 47. Uye avo vaikanganisa, dai vaine zvese zviri panyika nezvimwe zvakadaro, zvirokwazvo vaizozvipa kuzvidzivirira nazvo kubva mumarwadzo ezuva rekutongwa. Uye zvichava pachena kwavari kubva kuna Allah izvo zvavainge vasina hanya nazvo. 48. Uye huipi hweizvo zvavaiwana hwuchabuda pachena kwavari, uye izvo zvavaiseka zvichavakomberedza. 49. Kana marwadzo akabata munhu anoshevedzera (anodana) kwatiri (achida rubatsiro), asi kana tikaasandura (marwadzo) kuaita makomborero kubva kwatiri, anoti: “Zvirokwazvo, ndazviwana nokuda kweruzivo (rwangu).” Asi ungori muedzo, asi vazhinji vavo havazvizivi! 50. Zvirokwazvo, avo vaiva kumashure kwavo vakazvitaura, asi zvose zvavakawana hazvina kuvabatsira.
|
| | | أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn مؤسس ومدير المنتدى
عدد المساهمات : 48337 العمر : 71
| موضوع: رد: CHITSAUKO AZ-ZUMAR الإثنين 25 يوليو 2022, 4:59 am | |
| 51. Naizvozvo, huipi hweizvo zvavakawana hwakavakurira. Uye avo vanokanganisa pakati peava (vanhu wakatumirwa kwavari Muhammad (SAW)), vachava vanokurirwa nehuipi hweizvo zvavanowana, uye havasi kuzokwanisa kutiza. 52. Havazivi here kuti Allah vanopa raramo kune uyo wavanoda, kana kuomesa (kune wavanoda). Zvirokwazvo, mune izvi mune zviratidzo kune vanhu vanotenda! 53. Iti: “Imi varanda vangu avo vanozvikanganisira pachezvavo! Musave munoshaya tarisiro kubva mutsitsi dzaAllah. Zvirokwazvo Allah vanoregerera zvitadzo zvose. Zvirokwazvo, ndiwo muregereri, ane tsitsi dzose.” 54. “Uye tarirai mukukumbira rugerero uye nerukudzo nekuzvipira kwechokwadi kuna Tenzi venyu, mutongo usati wauya kwamuri, uye naizozvo hamuzombobatsirwi.” 55. “Uye teverai zvakanaka zveizvo zvatumirwa kwamuri kubva kuna Tenzi venyu, mutongo usati wauya kwamuri musina kutarisira!” 56. Apo munhu achati: “Kushushikana kwangu, ndange ndisingateereri Allah (handina kuita izvo zvakanzi naAllah ndiite), uye zvirokwazvo ndaive umwe weavo vaishora (chokwadi, Islaam)!” 57. Kana kuti anozoti: “Dai Allah vakanditungamirira, ndingadai ndiri umwe weavo vaitya (Allah).” 58. Kana kuti anozoti aona mutongo: “Dai ndakawana mukana (wekudzokera panyika), ndaizova umwe weavo vaiita mabasa akanaka.” 59. Hongu! Zvirokwazvo, zviratidzo zvangu zvakauya kwauri uye ukazviramba, uye ukazvitutumadza ukava umwe weavo vasingatendi. 60. Uye zuva rekutongwa uchaona avo vainyepera Allah zviso zvavo zvichange zvakasviba. Hamuna here nzvimbo muGehena yeavo vaizvitutumadza? 61. Uye Allah vachanunura vatsvene vovapinza nzvimbo dzavo dzebudiriro (Paradhiso). Zvakaipa hazvizombovabati kana kusuruvara. 62. Allah ndivo musiki wezvose, uye ndivo mumiririri (muchengetedzi) wezvinhu zvose. 63. Kwavari ndiko kune svumbunuro dzematenga nepasi. Uye avo vasingatendi muzviratidzo zvaAllah, ivavo ndivo vachange vakarasikirwa. 64. Iti (Muhammad (SAW)): “Muri kundikomekedza kunamata zvimwe (zvisikwa) here kunze kwaAllah, imi vasina kukwana? 65. Uye zvirokwazvo zvinodzikiswa kwauri (Muhammad (SAW)) sekunge kune avo vakanga variko usati wavapo: “Kana ukava unosanganisa Allah nezvimwe mukunamata, zvirokwazvo mabasa ako achange asina maturo, uye zvirokwazvo uchange uri pakati peavo vakarasikirwa.” 66. Nokudaro! Namata Allah (Voga), uye wova pakati peavo vanotenda. 67. Uye havana kupa Allah kodzero yavo yakakwana. Uye pazuva rekutongwa pasi rose richabatwa muruoko rwavo uye matenga akaputirwa ari muruoko rwavo rwerudyi. Kurumbidzwa ngakuve kwavari, uye vari pamusoro pezvavanovasanganisa nazvo! 68. Uye hwamanda icharidzwa, uye zvose zviri mumatenga uye zvose zviri pasi zvichakomoka (zvichafa) kusara kweanodiwa naAllah. Uye icharidzwa kechipiri, uye zvirokwazvo vachava vanomira vakatarisa. 69. Uye pasi pachapenya nechiedza chaTenzi waro (apo vachauya kunotonga vanhu), uye bhuku richava rinoiswa, uye maporofita nevapupuri vachava vanounzwa pamberi; uye vachava vanotongwa pakati pavo nechokwadi, uye havazodzvinyirirwa. 70. Uye umwe neumwe achave anopihwa mubairo wakazara wezvaaiita, uye (Allah) vanoziva zvikuru zvavanoita. 71. Uye avo vaisatenda vachava vanotinhirwa kuGehena vari muzvikwata, kusvika vasvika pariri, magedhe aro achava anovhurwa. Uye zvichanzi nevachengetedzi varo: “Vatumwa havana kuuya kwamuri here kubva mamuri vachikuverengerai ndima dzaTenzi venyu, uye vachikuyambirai nezvekusangana kwezuva renyu rino?” Vachati: “Hongu,” asi shoko remarwadzo rava rinokodzera vasingatendi! 72. Zvichava zvinonzi (kwavari): “Pindai magedhe eGehena kuti mugare imomo. Uye (zvirokwazvo) inzvimbo yakaipisisa yevanozvitutumadza!” 73. Uye avo vaitya Tenzi vavo, vachava vanotungamirirwa kuParadhiso vari muzvikwata, kusvika vasvika pariri, uye magedhe aro achava anovhurwa, uye vachengetedzi varo vachati kwavari: “Rugare ngaruve kwamuri! Makaita zvakanaka, naizvozvo pindai mugare mariri (Paradhiso).” 74. Uye vachati: “Kurumbidzwa nekutendwa ngakuve kuna Allah, avo vatizadzikisira vimbiso yavo kwatiri, uye vatiita kuti tive tinogara munzvimbo iyi. Tinogara muParadhiso patinoda. Mubairo wakanaka zvakadii kune avo vaishanda!” 75. Uye uchava unoona ngirozi dzakatenderedza Chigaro (chaAllah) kubva kumativi ose, dzichirumbidza rumidzo yaTenzi wadzo. Uye vachatongwa pakati pavo nechokwadi (zvisikwa zvose). Uye zvichanzi: “Kurumbidzwa kose ngakuve kuna Allah, Tenzi wezvisikwa zvose (vanhu, maJinn nezvose zviripo).”
|
| | | | CHITSAUKO AZ-ZUMAR | |
|
مواضيع مماثلة | |
|
| صلاحيات هذا المنتدى: | لاتستطيع الرد على المواضيع في هذا المنتدى
| |
| |
| |