CHITSAUKO AS-SAJDAH
(KUPFUGAMA) 32
Muzita raAllah, Vane Tsitsi, Vane Ngoni.
1. Alif – Laam – Meem. (Mavara aya ndemamwe ezviratidzo zvaAllah zviri muQur’aan, uye hapana anoziva zvaanoreva kusara kwavo).
2. Kudzikinurwa kweGwaro (Qur’aan) iro mariri musina kusagutsikana kubva kunaTenzi vepasi rino (vanhu, maJinn nezvese zvirimo)!
3. Kana kuti vanoti: “(Muhammd (SAW)) azvigadzirira pachake?” Kwete! Ichokwadi kubva kuna Tenzi vako, kuti uyambire avo vanhu vasati vamboshanyirwa nemuyambiri mumashure kwako, kuitira kuti vave vanhu vakatungamirirwa.
4. Allah ndivo vakasika matenga nepasi pano, uye nezvose zviri mukati pamazuva matanhatu, ndokusimuka vachienda pamusoro pechigaro chavo cheumambo (nenzira inofanira humambo hwavo). Kwamuri imi vanhu hakuna kana anokwanisa kuita semubatsiri, muchengetedzi kana mumiriri kusara kwavo (Allah). Ko hamusimbozvirangarirawo here?
5. Ndivo vanokwanisa kutanga uye kupedzesa hurongwa kubva mumatenga kusvika pano pasi.
Zvekare hurongwa hwese hunodzokera kwavari pazuva rimwe, rakaenzana nemakore chiuru sekuverenga kwamunoita (makore panyika).
6. Ndivo vanoziva zvose zvakavandika uye nezviri pachena, samasimba, vane nyasha zhinji.
7. Ndivo vakasika zvinhu zvose mune zvakanaka uye vakasika munhu kubva muvhu.
8. Ndokubva vasika vana vake kubva mumvura yomunosema (mvura kubva mukusangana kwevanhurume pamwe nevanhukadzi).
9. Zvekare vakave vanomuumba mune zvakanaka, uye vakafemera mweya (wavakagadzira) maari; uye vakakupai nzeve, maziso pamwe nemoyo. Asi munotenda zvishoma!
10. Uye vanobvunza kuti: “Kana tichinge taora muivhu (tafa), zvirokwazvo tinozosikwa patsva zvekare here?” Asi vanoramba kuti vachasangana naTenzi vavo!
11. Taura kuti: “Iyo ngirozi yerufu yamakatarirwa ichave inotora upenyu hwenyu. Uye muchave munounzwa pamberi paTenzi venyu.”
12. Uye uchaona avo vanoita mabasa akaipa uye vasingatendi muhumwechete hwaAllah vachirembedza misoro yavo pamberi paTenzi vavo vachiti: “Tenzi wedu! Tazviona nekunzwa.
Saka titumirei zvekare panyika kuti tive tinoita mabasa akanaka. Zvirokwazvo, tave tinotenda zvizere.”
13. Uye ingadai taida, taitungamirira munhu wose. Asi shoko rinobva kwandiri rakanyanyo sevenza (kuvaiti vezvakaipa), kuti ndichazadza vanhu namaJinn pamwechete mugomba remoto.
14. Saka ravirai marwadzo nekuda kwekuti makakanganwa kusangana kwenyu nezuva iri. Chokwadi, nesu tichave tinokukanganwai. Saka ravirai mutongo usingaperi nekuda kwezvamaiita.
15. Avo vanotenda mundima dzedu ndivo chete vanoti vakayeuchidzwa maererano nezvadzo vanogwadama, uye vorumbidza ukuru hwaTenzi vavo, uye havazvitutumadzi.
16. Mativi avo anorasa (anosiya) mibhedha yavo, vokumbira kuna Tenzi vavo vachitya uye nekutarisira, uye vanopa (zvipo munzira yaAllah) kubva pane zvatakavapa.
17. Hapana kana munhu anoziva zvakavanzika zvinofadza semubairo wezvavaiita.
18. Vanofanana here uyo anotenda neuyo asingatendi (asingateereri Allah)? Aiwa havana kufanana.
19. Kune avo vanotenda (muhumwechete hwaAllah) uye voita mabasa akanaka, vachawana mapindu eParadhiso ekugara vachifara (vachibatwa zvakanaka) nekuda kwezvavaiita.
20. Asi avo vanoramba kutenda uye nekuteerera Allah, vachange vari kumoto. Nguva dzose vanenge vachishuvira kubudamo, vachange vachidzorerwamo. Zvichange zvinotaurwa kwavari kuti: “Ravirai marwadzo emoto uyu wamairamba.”
21. Uye zvirokwazvo, tichavaiita kuti varavire mutongo wepadyo (paupenyu hwepano pasi sekurasikirwa neupfumi) pamberi pemutongo mukuru (hwemangwana), kuti vave vanodzoka (kuIslaam).
22. Uye ndeupi anonyanya kukanganisa kupinda uyo anoyeuchidzwa pamusoro pezvendima dzaTenzi vake obva adzitendeukira? Zvirokwazvo, vatadzi tichavarwadzisa (tichavaranga).
23. Uye muzvirokwazvo takave tinopa Musa, Gwaro (Torah). Saka usave nekusagutsikana nekuzosangana naye (paMi’raaj (Rwendo rwekudenga rwaMuhammad (SAW)). Zvekare takariita (Gwaro reTorah) nhungamiriri yevana veIziraeri.
24. Uye takave tinosarudza kubva kuvana veIziraeri vatungamiriri, kuti vape nhungamiro pasi pemirawo yedu apo pavaive vachitsungirira, uye muzvirokwazvo vachitenda mundima dzedu.
25. Zvirokwazvo, Tenzi vako vachatonga pakati pavo pazuva rekumutswa maererano neizvo zvavaipokana.
26. Haisi nhungamiro yavo here kuti zvikwata zvingani zvatakaparadza mushure mavo izvo munzvimbo yavo ndivo mavanofambira? Zvirokwazvo, mazviri mune zviratidzo. Ko havanzwewo here?
27. Havaone here kaendesero katinoita mvura kunzvimbo yakaoma, uye tobuditsa nayo zvirimwa kuti zvizova kudya kwemhuka dzavo uye naivo? Havaone here?
28. Vanoti: “Ko iro zuva rekutongwa riripo rinhi kana muchitaura chokwadi?”
29. Vataurire kuti: “Pazuva rekutongwa, kutenda kwavo (pazuva iroro) avo vasingatendi hakumbovabatsiri! Uye havasi kuzombopiwa kana nguva (yekukumbira ruregerero).”
30. Naizvozvo iva unovafuratira (iwe Muhammad (SAW)) wova unomirira. Zvirokwazvo, vakamirirawo (zvekare).