| | CHITSAUKO LUQMAAN | |
| | كاتب الموضوع | رسالة |
---|
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn مؤسس ومدير المنتدى
عدد المساهمات : 48988 العمر : 72
| موضوع: CHITSAUKO LUQMAAN الجمعة 22 يوليو 2022, 5:24 pm | |
| CHITSAUKO LUQMAAN 31 Muzita raAllah, Vane Tsitsi, Vane Ngoni. 1. Alif – Laam – Meem. (Mavara aya ndemamwe ezviratidzo zvaAllah zviri muQur’aan, uye hapana anoziva zvaanoreva kusara kwaAllah). 2. Idzi ndidzo ndima dzegwaro rehungwaru (Qu’aan). 3. Nhungamiriri netsitsi kuvanhu vanoita mabasa akanaka. 4. Avo vanoita Swalaah (Munamato) uye vachipa Zakaah (Zvipo kuvarombo) pamwe nekutenda muzvirokwazvo muupenyu hwamangwana. 5. Avo vari mugwara raTenzi vavo, uye ndivo vakabudirira. 6. Uye kubva muvanhu pane uyo anozvitsvagira mitauro isina kana nematuro (Kuimba, nziyo, nezvimwe zvakadaro) kuti atsaudzire vanhu kubva munzira yaAllah asina kana neruzivo, uye anotsvinyira (nzira yaAllah kana ndima dzemuQur’aan). Avo kwavari kuchave nemutongo unonyadzisa (mugomba remoto). 7. Uye kana ndima (dzeQur’aan) dzikave dzinoverengwa kwaari, anodzitendeukira nekudzifuratira mukuzvikudza nekuzvitutumadza, sekunge asingambodzinzwe, sekunge asinganzwi nenzeve. Saka mutaurire maererano nezvemarwadzo akaoma. 8. Zvirokwazvo, avo vanotenda (muIslaam) uye nekuita mabasa akarurama, vachawana mapindu eraramo inoyevedza (Paradhiso). 9. Kuti vagare maari. Uye vimbiso yaAllah ndeyechowadi. Uye ndivo samasimba, vane ungwaru hwose. 10. Vakave vanosika matenga pasina kana mitsigo yamunoona, uye vakave vanodzikinura makomo kuitira kuti pasi rino risandengendeke nemi. Uye vakave vanoparadzira mariri mhuka dzakasiya siyana dzinofamba. Uye tikave tinotumira mvura (yekunaya) kubva mumatenga, uye tikaita kuti (zvirimwa) zvakasiyana-siyana zvikure mariri. 11. Izvi ndizvo zvisikwa zvaAllah. Saka nditaridzei izvo zvakasikwa (nevamunoti vanamwari) vasiri ivo. Asi avo vasingatendi vakarasika zviri pachena. 12. Uye takave tinopa Luqmaan uchenjeri (nenzwisiso yechitendero) tichiti: “Ipa kutenda kuna Allah.” Uye uyo anopa kutenda kuna Allah, anopa kutenda (kunomubatsira) pachezvake. Uye uyo asingatendi kuna Allah, aiwa, zvirokwazvo Allah vakapfuma, vanerukudzo rwose. 13. Uye (rangarirai) apo Luqmaan achiraira mwanakoma wake akati: “Iwe mwanakomana wangu! Usave unosanganisa zvimwe zvinamatwa naAllah, nekuti muzvirokwazvo Shirk (Kusanganisa nezvimwe zvinamatwa) chinhu chakaipa zvikuru.” 14. Uye takave tinokomekedza kumunhu kuti (ave nerukudzo) kuvabereki vake. Amai vake vakave nekumutakura muurwere nemumatambudziko pamusoro peurwere nematambudziko, uye kumuyamwisa (nekubvisa pazamu) kwemakore maviri. Nokudaro ipai kutenda kwandiri nekuvabereki venyu. Kwandiri ndiko chete kune magumo. 15. Asi vakakumanikidza kusanganisa zvimwe zvinamatwa neni izvo usina ruzivo nazvo, saka usave unovatevedzera; asi gara navo mune zvakanaka panyika, zvekare wotevedzera nzira yeuyo anokumbira ruregerero rwangu murukudzo. Uye kwandiri muchadzoka, ndove ndinokuudzai izvo zvamaiita. 16. “Iwe mwanakomana wangu! Kana paine (chimwe chinhu) chakaenzana neshanga remhodzi muuremu, uye kunyangwe riri mudombo, mumatenga kana pasi, Allah vachariburitsa pachena. Zvirokwazvo, Allah vanokwanisa (kuburitsa), uye vanoziva zvose.” 17. “Iwe mwanakomana wangu! Ita Swalaah (Namata), uye wokurudzira vamwe kuita mabasa akanaka, uye wodzivisa (vanhu) kuita zvisakarurama, zvekare wotsungirira pane zvose zvichakuwana. Zvirokwazvo, iyi ndeimwe yemitemo yakakosha (yakakomekedzwa naAllah).” 18. “Uye usave unotendeukira vanhu mukuzvikudza, kana kufamba uchizvidhonza (uchizvitutumadza) panyika. Zvirokwazvo, Allah havade munhu anozvikudza nekuzvitutumadza.” 19. “Uye famba zvinemutsigo, zvekare dzikisa izwi rako (pakutaura). Zvirokwazvo, izwi rakazhandukira pamazwi ose kuchema kwembongoro.” 20. Hamuone here kuti Allah vakaita kuti zviri mumatenga nepanyika zvive pasi penyu, uye vakazadzisa uye vakakupai ropafadzo dzavo (dzose) dzinoonekwa (Islaam, Upfumi, Utano nezwimwe zvakadaro) nedzisingaonekwi (Kutenda kuna Allah, Ungwaru, Ruzivo nezvimwe zvakadaro) (kuti mudzishandise)? Asi kubva muvanhu mune avo vanopokana pamusoro paAllah vasina ruzivo, kana nhungamiro, kana gwaro zvaro rinopa chaedza! 21. Uye kana zvikataurwa kwavari kuti: “Teverai izvo zvakadzikiswa naAllah”, vanobva vati: “Aiwa! Tinotevedzera izvo takawana madzitateguru edu (achitevedzera).” (Vachaiita kudaro) kunyangwe zvazvo (Satani) achivadavidza kumarwado emoto? 22. Uye uyo munhu anenge azvipira kuna Allah, achiita mabasa akarurama, anenge atobatirira chimubato chakavimbika (Laa ilaaha illallaah (Hakuna chimwe chinhu chine kodzero yekunamatwa kusara kwaAllah)). Uye kuna Allah ndiko kunodzokera mhereredzo yose. 23. Uye uyo anenge asingatendi, kusatenda kwake kusakushungurudze (Muhammad (SAW)). Kwatiri ndokwavachadzokera, uye tovataurira maererano neizvo zvavaiita. Zvirokwazvo, Allah vanoziva zvikuru zviri muhana. 24. Tinovasiya kuti vafare zvishoma, uye mumagumo avo tichavasungira kuti vapinde mumurango mukuru. 25. Uye kana iwe (Muhammad (SAW)) ukavabvunza: “Ndiyani akasika matenga nenyika,” zvirokwazvo vachakupindura kuti: “Allah.” Taura: “Kurumbidzwa kwose nekutendwa ngazvive kuna Allah!” Asi vazhinji vavo havazvizivi. |
| | | أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn مؤسس ومدير المنتدى
عدد المساهمات : 48988 العمر : 72
| موضوع: رد: CHITSAUKO LUQMAAN الجمعة 22 يوليو 2022, 5:25 pm | |
| 26. Allah ndivo muridzi wezvose zviri mumatenga uye nepasi. Zvirokwazvo, Allah, ndivo mupfumi, vane kodzero yekurumbidzwa. 27. Uye dai miti yose iri panyika yaiva zvinyoreso, uye gungwa (riri ingi yekunyoresa), kusanganisira makungwa manomwe ari mumashure achidira mariri, asi mashoko aAllah haapfuudzike. Zvirokwazvo, Allah ndivo samasimba, uye vane ungwaru hwose. 28. Kusikwa kwenyu uye nekumutswa kwenyu mose kwakangofanana nekusika munhu mumwe chete nekumumutsa. Zvirokwazvo, Allah ndivo munzwi wezvose, muoni wezvose. 29. Hauoni here (Muhammad (SAW)) kuti Allah ndivo vanoita kuti usiku upinde muzuva, uye zuva ripinde muusiku, uye vakasika zuva nemwedzi, chimwe nechimwe chichifamba nenguva yakatarwa; uye kuti Allah vanoziva zvose zvamunoita. 30. Nemhaka yekuti Allah ndivo vechokwadi, uye zvimwe zvose zvavanosheedza kusiya kwaivo, chokwadi, manyepo; uye kuti Allah ndivo vari pamusoro, ndivo mukuru. 31. Hauoni here kuti ngarava dzinofamba mumakungwa nekuda kwetsitsi dzaAllah kuti vave vanokutaridzai micherechedzo yavo? Zvirokwazvo, mazviri mune micherechedzo kune uyo anotsungirira achipa kutenda. 32. Uye kana vakakomberedzwa nemasai-sai kunge mumvuri, vanokumbira kuna Allah, vachikumbira kwavari ivo chete. Asi kana vaunzwa panyika yakanaka, mavari mune avo vanomira pakati (pekutenda nekusatenda). Asi hapana anoramba micherechedzo yedu kusara kweuyo asina moyo wekutenda. 33. Imi vanhu! Ityai Allah Tenzi venyu, uye ityai iro zuva apo baba vanenge vasingakwanise kubatsira mwanakomana wavo, kana mwanakomana kubatsira baba vake. Zvirokwazvo, vimbiso yaAllah ndeyechokwadi. Musave munonyengedzwa nehupenyu hwanhasi, kana mambo wevanyengedzi (Satani) ave anokunyengedzai pamusoro paAllah. 34. Zvirokwazvo, Allah vega ndivo vane ruzivo rwenguva. Vanotumidza mvura, uye vanoziva zviri mumimba (dzana amai). Uye hapana anoziva zvaachawana mangwana, uye hapana anoziva uko kwaachafira. Zvirokwazvo, Allah ndivo vanoziva zvizere (zvinhu zvose).
|
| | | | CHITSAUKO LUQMAAN | |
|
مواضيع مماثلة | |
|
| صلاحيات هذا المنتدى: | لاتستطيع الرد على المواضيع في هذا المنتدى
| |
| |
| |