منتديات إنما المؤمنون إخوة (2024 - 2010) The Believers Are Brothers

(إسلامي.. ثقافي.. اجتماعي.. إعلامي.. علمي.. تاريخي.. دعوي.. تربوي.. طبي.. رياضي.. أدبي..)
 
الرئيسيةالأحداثأحدث الصورالتسجيل
(وما من كاتب إلا سيبلى ** ويبقى الدهر ما كتبت يداه) (فلا تكتب بكفك غير شيء ** يسرك في القيامة أن تراه)

IZHAR UL-HAQ

(Truth Revealed) By: Rahmatullah Kairanvi
قال الفيلسوف توماس كارليل في كتابه الأبطال عن رسول الله -صلى الله عليه وسلم-: "لقد أصبح من أكبر العار على أي فرد مُتمدين من أبناء هذا العصر؛ أن يُصْغِي إلى ما يظن من أنَّ دِينَ الإسلام كَذِبٌ، وأنَّ مُحَمَّداً -صلى الله عليه وسلم- خَدَّاعٌ مُزُوِّرٌ، وآنَ لنا أنْ نُحارب ما يُشَاعُ من مثل هذه الأقوال السَّخيفة المُخْجِلَةِ؛ فإنَّ الرِّسَالة التي أدَّاهَا ذلك الرَّسُولُ ما زالت السِّراج المُنير مُدَّةَ اثني عشر قرناً، لنحو مائتي مليون من الناس أمثالنا، خلقهم اللهُ الذي خلقنا، (وقت كتابة الفيلسوف توماس كارليل لهذا الكتاب)، إقرأ بقية كتاب الفيلسوف توماس كارليل عن سيدنا محمد -صلى الله عليه وسلم-، على هذا الرابط: محمد بن عبد الله -صلى الله عليه وسلم-.

يقول المستشرق الإسباني جان ليك في كتاب (العرب): "لا يمكن أن توصف حياة محمد بأحسن مما وصفها الله بقوله: (وَمَا أَرْسَلْنَاكَ إِلَّا رَحْمَةً لِّلْعَالَمِين) فكان محمدٌ رحمة حقيقية، وإني أصلي عليه بلهفة وشوق".
فَضَّلَ اللهُ مِصْرَ على سائر البُلدان، كما فَضَّلَ بعض الناس على بعض والأيام والليالي بعضها على بعض، والفضلُ على ضربين: في دِينٍ أو دُنْيَا، أو فيهما جميعاً، وقد فَضَّلَ اللهُ مِصْرَ وشَهِدَ لها في كتابهِ بالكَرَمِ وعِظَم المَنزلة وذَكَرَهَا باسمها وخَصَّهَا دُونَ غيرها، وكَرَّرَ ذِكْرَهَا، وأبَانَ فضلها في آياتٍ تُتْلَى من القرآن العظيم.
المهندس حسن فتحي فيلسوف العمارة ومهندس الفقراء: هو معماري مصري بارز، من مواليد مدينة الأسكندرية، وتخرَّجَ من المُهندس خانة بجامعة فؤاد الأول، اشْتُهِرَ بطرازهِ المعماري الفريد الذي استمَدَّ مَصَادِرَهُ مِنَ العِمَارَةِ الريفية النوبية المَبنية بالطوب اللبن، ومن البيوت والقصور بالقاهرة القديمة في العصرين المملوكي والعُثماني.
رُبَّ ضَارَّةٍ نَافِعَةٍ.. فوائدُ فيروس كورونا غير المتوقعة للبشرية أنَّه لم يكن يَخطرُ على بال أحَدِنَا منذ أن ظهر وباء فيروس كورونا المُستجد، أنْ يكونَ لهذه الجائحة فوائدُ وإيجابيات ملموسة أفادَت كوكب الأرض.. فكيف حدث ذلك؟!...
تخليص الإبريز في تلخيص باريز: هو الكتاب الذي ألّفَهُ الشيخ "رفاعة رافع الطهطاوي" رائد التنوير في العصر الحديث كما يُلَقَّب، ويُمَثِّلُ هذا الكتاب علامة بارزة من علامات التاريخ الثقافي المصري والعربي الحديث.
الشيخ علي الجرجاوي (رحمه الله) قَامَ برحلةٍ إلى اليابان العام 1906م لحُضُورِ مؤتمر الأديان بطوكيو، الذي دعا إليه الإمبراطور الياباني عُلَمَاءَ الأديان لعرض عقائد دينهم على الشعب الياباني، وقد أنفق على رحلته الشَّاقَّةِ من مَالِهِ الخاص، وكان رُكُوبُ البحر وسيلته؛ مِمَّا أتَاحَ لَهُ مُشَاهَدَةَ العَدِيدِ مِنَ المُدُنِ السَّاحِلِيَّةِ في أنحاء العالم، ويُعَدُّ أوَّلَ دَاعِيَةٍ للإسلام في بلاد اليابان في العصر الحديث.

أحْـلامٌ مِـنْ أبِـي (باراك أوباما) ***

 

 CHITSAUKO AL-ANBIYAA

اذهب الى الأسفل 
كاتب الموضوعرسالة
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn
مؤسس ومدير المنتدى
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn


عدد المساهمات : 52644
العمر : 72

CHITSAUKO AL-ANBIYAA Empty
مُساهمةموضوع: CHITSAUKO AL-ANBIYAA   CHITSAUKO AL-ANBIYAA Emptyالسبت 26 مارس 2022, 2:57 pm

CHITSAUKO AL-ANBIYAA
(MAPOROFITA) 21
Muzita raAllah, Vane Tsitsi, Vane Ngoni.
1. Mutongo wavanhu waswedera padyo apo ivo vanoramba nokushaya hanya.
2. Hapana yeuchidzo itsva (chitsauko chemuQur’aan) inouya kwavari kubva kuna Tenzi vavo, asi vanoiteerera vachiita zvekutamba (vachiita zvedambe).
3. Moyo yavo yakaputirwa (nezvivi). Avo vanoita mabasa akashata, vanoviga izvo zvavanotaura muchivande (vachiti): “Uyu mutumwa (Muhammad (SAW)) haasi here munhu wenyama semi?
Zvirokwazvo, mungatevere here mapipi aya makatarisa?”
4. (Muhammad (SAW)) akati: “Tenzi vangu vanoziva shoko rese rinotaurwa mumatenga nepanyika.
Uye vanonzwa (zvese zvinotaurwa, kuimbwa), uye vanoziva zvese.
5. Asi avo (vasingatendi vanoramba shoko raAllah) vanotaura kuti: “Izvi zvaanotaura (Muhammad (SAW) kuti iQur’aan raAllah) maroto akasangana nemanyepo! Azvifunga ega izvi! Uyendinyanduri wenhetembo (mudetembi)! (Kana achida kuti timutende mune zvaari kutaura) ngaauye nehumboo sewakatumirwa nawo maporofita akauya asati auya!”
6. Maguta (madzinza) ose atakaparadza hapana rimwe chete rakanga ratenda (mushoko raAllah) mushure mavo. Saka ava vangatende here?
7. Hapana chatakatumira usati wavapo (Muhammad (SAW)), kunze kwevarume vatakapa mashoko (kana magwaro). Saka vhunza vanhu vakapihwa yeuchidzo (Magwaro – Torah, Vhangeri) kana usingazivi.
8. Hatina kusika vatumwa vaine miviri isingadyi chikafu, kana vari avo vanhu vasingafi.
9. Uye takazadzisa chivimbiso chedu kwavari, tikavanunura neavo vataida, uye tikava tinoparadza avo vanotadza (nokusatenda nokuita mabasa akaipa).
10. Zvirokwazvo, takudzikisirai Bhuku (Qur’aan) rine yeuchidzo dzenyu mariri. Saka sei musinganzwisisi?
11. Maguta (madzinza) mangani aiita mabasa akaipa atakaparadza, uye tikava tinosika vamwe vanhu mushure mavo!
12. Uye pavakaona mutongo (marwadzo) edu (uchiuya kwavari), vakaedza kutiza kubva kwauri.
13. Musatize, asi dzokerai uko kwamaigara muri pamutambarakede, uye kudzimba dzenyu, kuti muve munobvunzwa.
14. Vakachema (vachitaura kuti): “Nhasi zvedu (Marwadzo kwatiri)! Zvirokwazvo, taive vatadzi vakuru (vaisanganisa Allah nezvimwe zvinhu).”
15. Uye kuchema kwavo hakuna kupera, kusvika tavaita semapindu akakohwewa zvinhu, vakafa.
16. Hatina kusika denga nenyika neizvo zviri pakati pazvo (denga nenyika zvakaita semakore, nezvimwe) tichiita zvekutamba (zvedambe).
17. Dai takada (Allah) kutora zvinhu zvinotivaraidza (mukadzi kana mwana), zvirokwazvo taingozvitora kubva kwatiri, dai taida kuzviita.
18. Asi, tinotumira chokwadi (Qur’aan) chichipikisa manyepo, chowaparada (manyepo), uye nenguva shoma manyepo opera. Uye kwamuri kuchave nemarwadzo pamusoro peizvo zvamunotaura (zvekunyepa kuti Allah vane mukadzi nemwana).
19. Uye ndivo Ishe (Muridzi) wevose vari mudenga nepasi. Uye avo vari padyo navo (ngirozi) havazvitutumadzi pakuvanamata, uye havaneti (kuvanamata).
20. Vanovarumbidza (Allah) siku nesikati, uye havasiyi (havaneti) kuzviita.
21. Pamwe vakatora here vamwe vanamwari (kuti vanamate) panyika avo vanomutsa vakafa?
22. Dai makanga muna vamwe vanamwari (mumatenga nepasi) kusara kwaAllah, zvirokwazvo, zvose zviri zviviri (Matenga nenyika) dai zvakaparara. Kurumbidzwa ngakuve kuna Allah, Tenzi vechigaro cheumambo (Arsh), vari pamusoro peizvo zvavanovatsanangudza nazvo (zvidhori, moto, vanhu, mhuka)!
23. Havabvunzwi izvo zvavanoita, asi ivo (vanhu) vachabvunzwa.
24. Pamwe vakatora vamwe vanamwari (vekunamata) vachisiya ivo? Taura kuti: “Huyai nehumboo hwenyu.” Iri (Qur’aan) iyeuchidzo kune avo vandinavo uye iyeuchidzo yeavo vari mushure mangu. Asi vazhinji vavo havazivi chokwadi, saka vanhu vanofuratira.
25. Hapana mutumwa atakatumira usati wavapo (Muhammad (SAW)) kusara kwekuti takamuudza kuti: Laa ilaaha illaa Ana (Hapana ane kodzero yekunamatwa kusara kwangu (Allah)), saka ndinamatei (ndoga).
26. Uye vanotaura kuti: “Muridzi wetsitsi dzose (Allah) vakaita mwanakomana (kana vana).”
Rumbidzo ngadzive kwavari! Asi avo (vavanoti vana vavo, ngirozi, Jesu, Ezira) varanda vakaremekedzwa (vavo).
27. Havatauri kusvika ivo (Allah) vataura, uye vanoita mabasa semaudzirwo avanenge vaitwa navo (Allah).
28. Vanoziva zviri mberi kwavo, uye zviri kumashure kwavo, uye havamiririri (munhu) kunze kweuyo wavafadzwa (Allah) naye. Uye vanozvininipisa nekuvatya (Allah).
29. Uyo anotaura pakati pavo (kuti): “Zvirokwazvo, ndiri mwari kwete ivo (Allah),” akadaro tinomupa (Allah vari kutaura) mutongo weJahannam (Gehena). Aya ndiwo matongero atinoita vatadzi.
30. Avo vasingatendi havaoni here kuti denga nepasi zvakange zvakabatana kuva chinhu chimwechete, uye tikazvipatsanura? Uye takagadzira kubva kumvura chinhu chese chinorarama. Havangatendi zvino here?
31. Uye takava tinoisa panyika makomo akasimba kuti isave inozunguzika nawo, uye takagadzira mairi (nyika) nzira dzakafaranuka kuti vadarike, pamwe vangaratidzwa gwara rakatwasuka.
32. Uye takava (Allah) tinoita denga sehwikwiyo iro rakanyatsochengetedzwa. Asi vanoramba humboo hwaro (zuva, nyenyedzi, mwedzi, mhepo, makore, nezvimwe zvinhu).
33. Uye ndivo (Allah) vakasika usiku nemasikati, uye zuva nemwedzi, chese chichifamba munzira yacho.
34. Uye hapana munhu (wenyama) watakaita kuti ararame nokusingaperi (haafi) iwe (Muhammad (SAW)) usati wavapo. Asi kana ukafa, vachagara zvachose here?
35. Chinhu chese (chinorarama) chicharavira rufu, uye tichava (Allah) tinokuedzai nezvakaipa pamwe nezvakanaka. Uye muchava munodzoswa kwatiri.
36. Uye avo vasingatendi (muIslaam) vakakuona (Muhammad (SAW)), vanokuita zvedambe (vanokunyomba) vachitaura vachiti: “Ndiye here uyu anotaura zvakaipa pamusoro panamwari venyu (zvidhori, midzimu)?” Havatendi mune yeuchidzo yemupi wengoni dzake (Allah).
37. Munhu akava anosikwa aine hana nhete (asingazvibate). Ndichava (Allah) ndinokuratidzai maAayah angu (umboo, mutongo, marwadzo). Saka ndikumbirei kuti ndisava ndinomatumira nekuchimbidza.
38. Vanotaura (vasingatendi) kuti: “Vimbiso yacho ichauya rinhiko kana uchitaura chokwadi?”
39. Dai avo vasingatendi vaiziva (mamiriro enguva) apo vachange vasingagoni kupumha (kudzima, kubvisa) moto kubva kuzviso zvavo, kana kubva kumashure kwavo, uye havambova vakabatsirwa.
40. Asi moto (wezuva rekutongwa) uchangouya kwavari vasingafungiri (vakavarairwa), uye uchavavhiringidza, uye havazowani simba rekuudzivirira, uye havambozorodzwi.
41. Zvirokwazvo, vatumwa vakauya usati wauya (Muhammad (SAW)) vakatukwa (nekusekwa), asi avo vaivatuka (vaiseka) vakakomberedzwa nazvo, izvo zvavaituka (nekuseka).
42. Taura kuti: “Ndiani angakudzivirirei usiku nesikati kubva kumupi ane nyasha (Allah)?” Asi vanopira makotsi kune rangaridzo (yeuchidzo) yaTenzi vavo.
43. Kana kuti vane vamwe vanamwari (vekunyepera) vanovadzivirira kubva kwatiri? Havana samba rekuzvibatsira, kana kuti vave vanodzivirirwa kubva kwatiri (kubva kumurango wedu).
44. Asi takavapa ava nemadzibaba avo kugarika kweupenyu uhwu kusvika pakuti nguva (yekurarama) yakavarebera. Havaoni here kuti nyika iri kutapudzwa (hutongi hwavo huri kutapudzwa) kubva kumiganhu yavo Nokudaro ndivo here vachakunda (muhondo)?
45. Taura (Muhammad (SAW)) kuti: “Zvirokwazvo, ini ndinokuyambirai neizvo zvandakatumirwa (Qur’aan).” Asi avo vasinganzwi (vane nharo vanongotevera zvitendero vasingazivi zvirimo)
havanzwi sheedzo apo vanenge vachiyambirwa (kuti munhu anofanira kutevedzera Qur’aan ne Sunnah (Nzira) yaMuhammad (SAW)).
46. Uye kana kachidimbu kemarwadzo aTenzi vako kavawira, zvirokwazvo, vanotaura kuti: “Maiwe (Marwadzo kwatiri)! Zvirokwazo, taiva vatadzi vakuru.”
47. Tichava tinogadzika zvikero zvinoenzanisa (zvisingabiridziri) pazuva rekutongwa, zvokuti hapana munhu achadzvanyirirwa kunyange nepadiki pose (pakaita sei). Uye kana pane chicharema zvishoma kurema kwekamhodzi kadiki, tichachiburitsa pachena. Tisu tinokwanisa kutonga.
48. Uye takava tinopa Musa naHaaroon (Aroni) chipatsanuro (chezvakanaka nezvakaipa), uye chiedza chinopenya (Torah), uye neyeuchidzo kune avo vanotya Allah.
49. Avo vanotya Tenzi vavo kunyange vasingavaoni, uye vanotya Nguva (zuva rekutongwa).
50. Uye iyi iyeuchidzo yakakomborerwa yatakadzikisa. Saka munoiramba here?



CHITSAUKO AL-ANBIYAA 2013_110
الرجوع الى أعلى الصفحة اذهب الى الأسفل
https://almomenoon1.0wn0.com/
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn
مؤسس ومدير المنتدى
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn


عدد المساهمات : 52644
العمر : 72

CHITSAUKO AL-ANBIYAA Empty
مُساهمةموضوع: رد: CHITSAUKO AL-ANBIYAA   CHITSAUKO AL-ANBIYAA Emptyالسبت 26 مارس 2022, 2:58 pm

51. Zvirokwazvo, makare-kare takava tinopa Ibrahim (Abrahamu) nhungamiro yake (kunzira yakatwasuka), uye taiziva nezvake (kutenda kwake).
52. Apo paakataura kuna baba vake nevanhu vake kuti: “Zviumbwa izvi, zviyi izvo munoperera pakuzvinamata?”
53. (Vanhu vake) vakataura kuti: “(Izvi) takawana zvichinamatwa namadzitateguru edu.”
54. (Abrahamu) akataura kuti: “Zvirokwazvo, imi nemadzibaba enyu makarasika zviri pachena.”
55. (Vanhu) vakapindura vachiti: “Wauya nechokwadi here kwatiri kana kuti uri kuita zvekutamba?”
56. (Abrahamu) akataura kuti: “(Zivai kuti) Tenzi venyu ndiTenzi (mumwechete Allah) vedenga nenyika, avo vakazvisika, uye ini kwazviri (pakusikwa kwazvo naAllah) ndinopa uchapupu.”
57. “Uye ndinopika naAllah, zvirokwazvo ndichatsvaga zano rekuputsa zvidhori zvenyu mushure mekunge imi mambofamba-famba.”
58. Nokudaro, akazviputsa kuita zvidimbu-zvidimbu, zvese kusara kwechihombe pakati pazvo, kuitira kuti vachibvunze (aputsa zvidhori).
59. (Vanhu vadzoka) vakataura kuti: “Ndiani aita izvi kunanamwari vedu? Zvirokwazvo, mutadzi mukuru.”
60. (Vamwe) vanhu vakati: “Takanzwa kamwe kamukomana kanonzi Abrahamu kachingotaura nezvazvo (zvidhori kuti kachazviputsa).”
61. (Vamwe) vakati: “Huyai naye pamberi pevanhu kuti vave vanomuona (vave neuchapupu nezvake (Abrahamu)).”
62. (Vanhu) vakati: “Ndiwe here waita izvi kuvanamwari vedu, iwe Abrahamu?”
63. (Abrahamu) akati: “Asi ichi chihombe chazvo (zvidhori) ndicho chaita izvi. Zvibvunzei kana zvichigona kutaura!”
64. Saka vakataura pachavo kuti: “Zvirokwazvo, muri vatadzi vakuru.”
65. Uye vakazova vanopindura (pfungwa yavo) vakati: “Zvirokwazvo, iwe (Abrahamu) unoziva kuti (zvidhori) hazvitauri!”
66. (Abrahamu) akati: “Saka munonamatirei izvo zvisingakubatsirei, kana kukukuvadzai muchisiya Allah?”
67. “Mashoko akaipa kwamuri, imi neizvo zvamunonamata muchisiya Allah! Hamupfungi here?”
68. (Vanhu) vakati: “Mupisei (Abrahamu) mubatsire vanamwari venyu, hunge muchizviita (muchizvikwanisa).”
69. Takataura (Allah) kuti: “Iwe Moto! Iva unotonhora wopa ruchengetedzo kuna Abrahamu!”
70. Uye vaida kumukuvadza, asi takavaita vanhu vakarasikirwa zvikuru.
71. Uye takamuponesa iye naLoti (Lut) kunyika yakakomborerwa kuvanhu nezvinhu zvose.
72. Uye takamupa (vana) Ishaaq (Isaka) uye (muzukuru) Ya’qoob (Jakobho). Vose takavaita vana vakatwasuka.
73. Uye takavaita vatungamiriri vaitungamira vanhu nokuda kwedu, uye tikavakomekedza kuita mabasa akanaka, kuita Swalaah (Minamato), uye kupa Zakaah (kupa Swadaqah kwevapfumi kuvarombo mushure kwegore), uye vainamata Isu (Allah) chete.
74. Uye Loti takamupa ungwaru neruzivo, uye tikamuponesa kubva muguta iro raiitwa zvakashata.
Zvirokwazvo, vaiva vanhu vakashata vaiita zvivi.
75. Uye takamupinza mutsitsi dzedu. Zvirokwazvo, aiita mabasa akanaka.
76. Uye (rangarirai) apo Nowa akachema kwatiri makare. Takamupindura uye tikamuponesa iye nemhuri yake kubva kumarwadzo makuru.
77. Takamubatsira kubva kune vanhu avo vairamba mashoko edu. Zvirokwazvo, vaiva vanhu vaiita mabasa akashata. Saka vese takavanyudza.
78. Uye (rangarirai) Dawood (Dhavhidha) naSulaimaan (Soromoni) pavaitonga maererano nebindu iro rakanga radyiwa namakwai avanhu usiku, uye takanzwa kutonga kwavo.
79. Uye takaita kuti Sulaimaan (Soromoni) anzwisise (nyaya yacho), uye vose takavapa hungwaru neruzivo. Uye takaita kuti makomo neshiri zvitirumbidze pamwechete naDhavhidha. Uye ndisu takazviita (zvese).
80. Uye takamudzidzisa kugadzira nguwo dzehondo dzesimbi, kuti dzikudzivirirei mukurwa kwenyu. Muchava munotenda here?
81. Uye Soromoni takaita kuti mhepo ive inovhuvhuta zvakasimba nekuda kwake ichienda kunzvimbo iyo yatakakomborera. Uye tinoziva zvese.
82. Uyezve kune mamwe maJinn (zvisikwa zvakasikwa nemoto) ayo haimunyurira (Soromoni mumvura achitsvaga matombo akakosha nezvimwe zvinhu), uye zvakare achiita rimwe basa rakasiyana neirori, uye takanga tirisu taivachengetedza.
83. Uye (rangarirai) Ayyoob (Jobho) apo paakachema kuna Tenzi vake (achiti): “Zvirokwazvo, marwadzo ava pandiri, uye imi ndimi mune tsitsi kudarika vose vanopa tsitsi.”
84. Takava tinopindura kuchema kwake, tikabvisa marwadzo aiva paari. Uye tikamudzorera mhuri yake pamwechete nevamwe vakafanana navo setsitsi kubva kwatiri, uye seyeuchidzo kune avo vanotinamata.
85. Uye Ismail (Ishumaeri) naIdrees (Inoki) naDhul-Kifl (Isaiah), vose vaiva vakatsungirira.
86. Uye takavapinza mutsitsi dzedu. Zvirokwazvo, vaiva varanda vakatwasuka.
87. Uye (rangarirai) Dhun-Noon (Yunus (Jonah)) apo paakabva achienda akatsamwa (munzvimbo iyo yaaiva atumirwa), uye akafunga kuti hatimubati! Akava anochema ari murima hombe (achiti): “Laa ilaaha illaa Anta (Hakuna umwe mwari anokodzera kunamatwa kunze kwenyu (Allah))! Kukudzwa ngakuve kwamuri! Zvirokwazvo ndini mutadzi.”
88. Takava tinopindura kuchema kwake, tikamuponesa kubva kumarwadzo. Uye saizvozvo ndiwo maponesero atinoita vatendi (muIslaam).
89. Uye (rangarirai) Zakariyya apo paakachema kuna Tenzi vake achiti: “Tenzi vangu! Musandiite ndingova ndega (ndisina mwana). Kunyangwe ndimi vanonyatsogona kugara nhaka.”
90. Takamupindura munamato wake, uye tikamupa Yahya (Johwani), uye tikamurapira mukadzi wake (ange achembera kuti aite mwana). Zvirokwazvo, vaimhanyidzana mukuita mabasa akanaka, uye vaitisheedza vaine zvishuwo (zvekupindurwa) uye nokutya, uye vaizvininipisa kwatiri.
91. Uye uyo akazvichengetedza humhandara hwake (Mariam (Mariya)), takava tinofuridza mweya wedu kwaari (munguwo dzake kuburikidza neNgirozi, Gabriel, kuti ave nemwana), uye takaita kuti iye (Mariam) nemwana wake (Jesu) vave chiratidzo kumunhu wose (nemaJinn).
92. Zvirokwazvo, vanhu vako ava vamwe chete (chitendero chavo chimwe chete, Islaam), saka ndini Tenzi venyu, saka ndinamatei (ndega).
93. Asi vakava vanopatsanurana pakati pavo maererano nechitendero chavo. Asi vese vachadzoka kwatiri.
94. Asi uyo anoita mabasa akanaka ari mutendi (muhumwechete hwaAllah), mabasa ake haamborambwi. Zvirokwazvo, takamanyora pasi (mubhuku rake remabasa).
95. Takarambidza guta rese (vanhu varo) ratakaparadza kuti havambodzoki (panyika ino kuti vanamate).
96. Kusvikira Ya’jooj naMa’jooj (rudzi rweGogu naMagogu) vavhurirwa umo mavakavharirwa, uye vodzika vakawanda kubva kunzvimbo dzese dzakakwirira.
97. Uye vimbiso yechokwadi (zuva rekutongwa) ichava padyo. Uye (kana vanhu vamutswa kubva mumakuva), muchaona maziso eavo vasingatendi atuzura panzvimbo imwechete nokutya.
Vachataura kuti: “Nhasi zvedu (Maiwee)! Taiva tisina hanya neizvi (tisingazviisi mupfungwa), asi taiva vatadzi vakuru.”
98. Zvirokwazvo, imi vasingatendi neizvo zvamunonamata muchisiya Allah, muchava huni dzekuGehena! Zvirokwazvo, mucharipinda.
99. Dai zvidhori izvi zvaiva vanamwari, vaisaripinda (Gehena), asi zvose navose vachagaramo chete.
100. Varimo vachange vachifemera padenga nekudzvova kukuru, uye imomo vachange vasinganzwi.



CHITSAUKO AL-ANBIYAA 2013_110
الرجوع الى أعلى الصفحة اذهب الى الأسفل
https://almomenoon1.0wn0.com/
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn
مؤسس ومدير المنتدى
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn


عدد المساهمات : 52644
العمر : 72

CHITSAUKO AL-ANBIYAA Empty
مُساهمةموضوع: رد: CHITSAUKO AL-ANBIYAA   CHITSAUKO AL-ANBIYAA Emptyالسبت 26 مارس 2022, 2:59 pm

101. Zvirokwazvo, avo zvakanaka zvakatungamirirwa kwavari kubva kwatiri, vachaiswa kure naro (Gehena).
102. Havambonzwi kutinhira kwaro (kungave kushoma), vachigara umo maidiwa nemoyo yavo (Paradhiso).
103. Kushungurudzika kukuru (kwezuva rekutongwa) hakumbovabati, uye ngirozi dzichasangana navo (dzichitaura kuti): “Iri ndiro zuva renyu iro maigarovimbiswa.”
104. Uye (rangarirai) zuva iro tichapeta denga semapetero anoitwa mabhuku. Sematangiro atakaita chisikwa chekutanga, tichazvidzokorodza (Allah vari kutaura). Ichi chivimbiso chechokwadi kwatiri. Zvirokwazvo, tichazviita.
105. Uye zvirokwazvo takanyora muZaboor (Mabhuku ese akadzikiswa, Torah, Vhangeri, Mapisarema, Qur’aan) mushure mekunge tanyora muyeuchidzo (Al-Lauh Al-Mahfoodh, Bhuku rina Allah kumatenga), kuti varanda vangu vakanaka vachagara nyika iyi nhaka (Paradhiso).
106. Zvirokwazvo, umu (muQur’aan) mune mashoko ari pachena eavo vanonamata Allah (maMuslim).
107. Uye takava tinokutumira (Muhammad (SAW)) uri nyasha kune vanhu vose (nemaJinn nezvose zviripo pasi).
108. Taura kuti (Muhammad (SAW)): “Zvirokwazvo, zvakatumirwa kwandiri kuti Mwari wenyu mumwe chete. Saka muchazvipira here muzvido zvavo (mova maMuslim)?”
109. Asi vakaramba (Islaam) taura (kwavari) kuti: “Ndinokuyambirai (hondo) iyo yakafanana neiyo yatinoziva. Asi handizivi kuti zvamakavimbiswa (Zuva reQiyaamah) zviri padyo here kana kuti zviri kure.”
110. “Zvirokwazvo, vanoziva (Allah) izvo zvamunotaura zviri pachena (neizwi riri pamusoro), uye vanoziva izvo zvamunotaura muchiwande.”
111. “Uye handizivi kuti pamwe muedzo kwamuri, kana kuti kamufaro kekanguva kadiki.”
112. Akataura (Muhammad (SAW)) kuti: “Tenzi vangu! Tongai nechokwadi! Tenzi vedu ndevengoni, vanokumbirwa pakurwisa izvo zvamunotaura (pamusoro paAllah kuti vane mwanakomana kana kuti vana, kana kuti Muhammad (SAW) ndewemapipi, kana kuti Qur’aan inhetembo)!”



CHITSAUKO AL-ANBIYAA 2013_110
الرجوع الى أعلى الصفحة اذهب الى الأسفل
https://almomenoon1.0wn0.com/
 
CHITSAUKO AL-ANBIYAA
الرجوع الى أعلى الصفحة 
صفحة 1 من اصل 1
 مواضيع مماثلة
-
» Al-Anbiyaa'
» 21. Al-Anbiyaa
» Al-Anbiyaa
» Al-Anbiyaa
» 21 - AL - ANBIYAA

صلاحيات هذا المنتدى:لاتستطيع الرد على المواضيع في هذا المنتدى
منتديات إنما المؤمنون إخوة (2024 - 2010) The Believers Are Brothers :: (English) :: The Holy Quran is translated :: Nechishona-
انتقل الى: