|
| CHITSAUKO AL-ISRAA | |
| | كاتب الموضوع | رسالة |
---|
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn مؤسس ومدير المنتدى
عدد المساهمات : 52644 العمر : 72
| موضوع: CHITSAUKO AL-ISRAA الخميس 24 مارس 2022, 7:28 am | |
| CHITSAUKO AL-ISRAA (RWENDO NEUSIKU) 17 Muzita raAllah, Vane Tsitsi, Vane Ngoni. 1. Kurumbidzwa ngakuve kuna Allah avo vakafamba nemuranda wavo (Muhammad (SAW)) neusiku kubva kuAl-Masjid Al-Haraam (kuMakkah) kuenda kuAl-Masjid Al-Aqsa (kuJerusarema), iyo yatakakomborera nzvimbo yayo, kuti tive tinomuratidza kubva muzviratidzo zvedu. Zvirokwazvo, ndivo vanonzwa zvese, vanoona zvikuru. 2. Uye takava tinopa Musa, Gwaro uye tikariita nhungamiro kuvana vaIzirairi (maJudha) (tichiti): “Musava munotora kunze kwangu muchengeti.” 3. “Imi vana veavo vatakatakura (mungarava) naNowa! Zvirokwazvo, akanga ari muranda aitenda.” 4. Uye takadzikisa kuvana vaIzirairi muGwaro: Zvirokwazvo, muchava munoita hunhubu panyika kaviri uye muchava vadzvanyiriri vakuru! 5. Naizvozvo, payakauya vimbiso yekutanga kubva kuvimbiso mbiri, takakutumidzirai varanda vedu vanogona kurwa zvinotyisa. Vakapinda mukati-kati medzimba dzenyu. Uye yakava vimbiso yakazadziswa. 6. Uye takakupai kukunda pamusoro pavo. Uye takakubatsirai nehupfumi nevana uye takakuitai kuti muve makawanda muhuwandu. 7. (Uye takati): “Kana mukaita zvakanaka, munoita zvakanaka pachezvenyu; uye kana mukaita zvakashata, ndezvenyu.” Uye vimbiso yepiri payakauya, (takapa mvumo vavengi venyu) kuti vadzikisire zviso zvenyu uye kupinda muMasjid (yeJerusarema) sekupinda kwavakamboita mushure, uye kuti vaparadze zvese zvinowira mumaoko avo. 8. (Uye takataura muTorah): “Zvimwe Tenzi venyu vangakuratidzei tsitsi, asi mukadzokera (kuzvitadzo), tinodzoka (nemutongo wedu). Uye takagadzira Gehena sejere reavo vasingatendi.” 9. Zvirokwazvo, Qur’aan iri rinotungamira kune zvakatwasuka uye rinopa mashoko akanaka kune vanotenda (muIslaam), avo vanoita mabasa akanaka, kuti vachawana mubairo mukuru (Paradhiso). 10. Uye kuti avo vasingatendi muzuva remangwana, takavagadzirira marwadzo akaomarara (Gehena). 11. Uye munhu anokumbira (Allah) zvakaipa sekukumbira kwaanoita (Allah) zvakanaka, uye munhu ane dzungu (anokurumidza, kana akatsamwa, anoti: “Imi Allah! Rengerai nhingi,” asi kutsungirira ndiko kwakamunakira). 12. Uye takagadzira siku nesikati sezviratidzo zviviri. Uye takava tinobvisa chiratidzo cheusiku, uye takagadzira chiratidzo chesikati sechiwoneso (chiedza), kuti muve munotsvaga makomborero kubva kuna Tenzi venyu, uye kuti muve munoziva huwandu wemakore uye nekutongwa. Uye takava tinotsanangura zvese mune zvakazara. 13. Uye takava tinosunga mabasa emunhu wese pahuro yake, uye pazuva rekumutswa, tichava tinoburitsa kwaari gwaro raachaona rakavhurwa. 14. (Zvichanzi kwaari): “Verenga gwaro rako. Pachezvako wakakwana pakuzvibvunzurudza zuva ranhasi.” 15. Wese anozvitungamirira, zvirokwazvo anozvitungamirira kuti abatsirikane pachezvake. Uye wese anorasika, zvirokwazvo anorasika orasikirwa pachezvake. Hapana achatakura mutoro weumwe. Uye hatitongi kudzamara tatumira mutumwa. 16. Uye kana tichida kuparadza musha, tinokomekedza vapfumi vemumusha imomo (kuti vateere Allah nekuita mabasa akanaka), ivo vobva vatadza. Saizvozvo shoko rinova chokwadi pamusoro pavo. Naizvozvo (musha iwowo) tinouparadza zvachose. 17. Uye zvizvarwa zvingani zvatakaparadza mushure maNowa! Uye Tenzi vako vakazvikwanira pakuziva, uye nekuona zvitadzo zvevaranda vavo. 18. Uyo anoshuvira kukurumidza kwezvinhu (mufaro wepanyika), tinomupa nekukurumidza zvatinoda uyo watinoda. Uye takamugadzirira Gehena raachaenda, achidzikisirwa pamwe nekurambwa (ari kure netsitsi dzaAllah). 19. Uye uyo anoshuvira hupenyu hwemangwana ohushandira nesimba, nesimba rinoenderana naizvozvo ari mutendi (muIslaam), vakadaro ndivo vanhu kushanda kwavo kuchatendwa. 20. Vese, ava neavo, tinovapa kubva mumakomborero aTenzi vako. Uye makomborero aTenzi vako haarambidzwi. 21. Tarisa kuti tinosarudza sei vamwe pamusoro pevamwe (pasi rino), uye zvirokwazvo, hupenyu hwemangwana uchange une zvigaro zvepamusoro uye nemakomborero makuru. 22. Usasanganise Allah nevamwe vanamwari (iwe munhu), kana kuti uchagara pasi wakadzikisirwa pamwe nekurambwa (mumoto). 23. Uye Tenzi vako vakakomekedza kuti musanamate umwe mwari kunze kwavo. Uye moitira vabereki venyu zvakanaka. Kana mumwe chete wavo, kana kuti vose vachembera iwe uri mupenyu, usava unovataurira mashoko akaipa kana kuvatuka, asi iva unotaura navo mashoko ane ruremekedzo 24. Ova unovadzikisira bapiro rekuzvipira uye nekuzvininipisa uchivaitira tsitsi, uye wotaura kuti: “Tenzi vangu! Vanzwirei tsitsi nekundirera kwavakaita ndiri kasvava (mudiki).” 25. Tenzi venyu vanoziva zvakanaka zviri muhana dzenyu. Kana muri vanhu vanoita zvakanaka, naizvozvo zvirokwazvo (Allah) vanoregerera zvikuru avo vanovakumbira ruregerero. 26. Uye ipa vehukama kodzero dzavo, uye anotambura uye mufambi wenzira. Asi usava unotambisa upfumi hwako (kana kuhupa munzira isiri yaAllah). 27. Zvirokwazvo avo vanotambisa hupfumi (nekuhushandisa munzira isiri yaAllah) madzikoma anaSatani (Shayaatween), uye Shaitwaan haatendi Tenzi wake. 28. Kana ukavafuratira (iwe Muhammad (SAW) avo vatati vape kodzero dzavo nekuda kokushaya mari) uchimirira tsitsi kubva kuna Tenzi vako dzaurikutarisira, iva unovataurira mashoko manyoro ane ruwadzano. 29. Uye usava unoita kuti ruoko rwako rwusungirirwe pahuro pako (semunhu akaomera), kana kurutambanudza kusvika kwarinogumira (kushandisa hupfumi nenzira inopfurikidza), kuti ugozoshorwa pamwe nekuva nehurombo. 30. Zvirokwazvo, Tenzi vako vanowedzera raramo kune uyo wavanoda kana kudzikisa (kune uyo wavanoda). Zvirokwazvo, vanoziva zvikuru, uye vanoona varanda vavo. 31. Uye musava munouraya vana venyu muchitya nzara. Tichavapa raramo pamwe chete nemi. Zvirokwazvo, kuvauraya chitadzo chihombe. 32. Uye usava unoswedera pedyo necheupombwe. Zvirokwazvo, iFaahishah (chitadzo chihombe), uye inzira yakaipa. 33. Uye usava unouraya moyo wakaitwa Haraam (wakarambidzwa) naAllah, kunze kwekuti pane chikonzero chechokwadi. Uye wese anourayiwa zvisina kodzero, tinopa mugari wenhaka wake simba (rekuti muurayi ngaauraiwe, kana kuregererwa, kana kupihwa muripo). Asi ngaasava anopfurikidza pakuuraya (ngaauraye muurayi chete kwete mumwe munhu kana vamwe vanhu). Zvirokwazvo, anobatsirwa (nemutemo weIslaam). 34. Uye musava munoswedera pedyo nehupfumi hwenherera, kunze kwekuuchengetedza mune zvakanaka kusvika abva zera. Uye zadzisai zvibvumirano. Zvirokwazvo, chibvumirano chichava chinobvunzwa. 35. Uye ipai muero wakazara pamunenge muchiera, uye pimai nemuero wakatwasuka. Zvinhu zvakanaka uye zviri nani kumagumo. 36. Uye usava unotevera izvo zvausina ruzivo nazvo. Zvirokwazvo, nzeve, maziso nemoyo, zvese zvichava zvinobvunzwa (naAllah). 37. Uye usava unofamba panyika uchizvikudza. Zvirokwazvo, haukwanisi kupinda munyika, kana kugadzira muturu unenge makomo. 38. Zvese izvi zvakaipa zvakavengwa naTenzi vako. 39. Uwu ndiwo hungwaru (tsika dzakanaka) hwakadzikiswa naTenzi vako kwauri (Muhammad (SAW)). Uye usava unosanganisa Allah nevamwe vanamwari, zvimwe ungangokandwe kumoto, uchishorwa nekurambwa. 40. Tenzi venyu (imi vanamati vezvidhori vekuMakkah) vakakusarudzirai here vanakomana, uye vakatora pachezvavo kubva kune ngirozi vanasikana? Zvirokwazvo, munotaura shoko rakaipa. 41. Uye zvirokwazvo, takatsanangura (vimbiso neyeuchidzo nezviratidzo zvedu) muQur’aan iri kuti vangarangarire, asi hazvivawedzeri kusara kwekuramba. 42. Iti (Muhammad (SAW)): “Dai panga pane vamwe vanamwari pamwe naivo (Allah) sezvavanotaura, vangadai vakatsvaga nzira kuna Tenzi vechigaro (vachida kufarirwa nekuva pedyo navo).” 43. Kurumbidzwa kwese ndekwavo! Uye vari pamusoro-soro pezvakaipa zvavanotaura! (Kuti kune vamwe vanamwari pamwechete naAllah). 44. Matenga manomwe nepasi nezvese zviri imomo zvinovarumbidza, uye hapana chinhu asi chinorumbidza kukudzwa kwavo. Asi hamunzwi kurumbidza kwazvo. Zvirokwazvo, vane tsitsi zhinji, vanoregerera zvikuru. 45. Uye paunoverenga Qur’aan (Muhammad (SAW)), tinoisa pakati pako nepakati peavo vasingatendi muzuva rekupedzisira, chidziviso chakavanzika (kuti vasanzwe kana kurinzwisisa). 46. Uye takava tinoputira moyo yavo kuti vasarinzwisise (Qur’aan), uye munzeve dzavo havanzwi. Uye kana ukataura Tenzi vako vega muQur’aan, vanofuratira kumashure kwavo nekusada. 47. Tinoziva zvakanyanya zvavanoteerera pavakunoteerera. Uye pavanotaurirana muchivande, vanoita zvakaipa vanoti: “Munotevera murume akaroiwa.” 48. Tarisa mienzaniso yavanopa pamusoro pako. Naizvozvo vakarasika, uye havawani nzira. 49. Uye vanoti: “Kana tava mapfupa uye taparadzwa, tichava tinomutswa here sezvisikwa zvitsva?” 50. Iti (Muhammad (SAW)): “Ivai matombo kana simbi.” |
| | | أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn مؤسس ومدير المنتدى
عدد المساهمات : 52644 العمر : 72
| موضوع: رد: CHITSAUKO AL-ISRAA الخميس 24 مارس 2022, 7:29 am | |
| 51. “Kana chimwe chisikwa chakakura mumoyo yenyu (muchamutswa).” Naizvozvo vachati: “Ndiani achatidzorera (hupenyu)?” Iti: “Avo vakakusikai pakutanga!” Naizvozvo vachadzungudza misoro yavo kwauri vachiti: “Zvichaitika rinhi?” Iti: “Zvimwe manje manje!” 52. Pazuva iro ravachakusheedzai, uye muchadavira nekurumbidzwa kwavo, uye muchafunga kuti makagara (pano panyika) kwenguva diki! 53. Uye taura kune varanda vangu kuti vanofanirwa kutaura mashoko akanaka. Zvirokwazvo, Satani anoita kuti vapokane pakati pavo. Zvirokwazvo, Satani muvengi ari pachena wevanhu. 54. Tenzi venyu vanokuzivai zvakanaka; kana vada, vachakunzwirai tsitsi; uye kana vada, vachakutongai. Uyezve hatina kukutumira (Muhammad (SAW)) semuchengetedzi wavo. 55. Uye Tenzi vako vanoziva zvakanyanya vese vari mumatenga nepasi. Uye zvirokwazvo, takasarudza mamwe maporofita pane mamwe, uye takapa Davhida maPisarema (Zaboor). 56. Iti (Muhammad (SAW)): “Sheedzai avo vamunotora saanamwari kunze kwavo (Allah). Havana simba rekubvisa nhamo pamuri kuiisa pane umwe.” 57. Avo vavanosheedza (saJesu mwana waMariya, Ezira, Ngirozi) vachitsvaga nzira yekuna Tenzi vavo, kuti ndiani pakati pavo angave pedyo; uye (Jesu, Ezira, Ngirozi nevamwe) vanoshuvira tsitsi dzavo (Allah) uye vanotya mutongo wavo. Zvirokwazvo, mutongo waTenzi vako unotyisa (unofanira kutyiwa)! 58. Uye hapana guta asi tichariparadza zuva rekumutswa risati rasvika, kana kuritonga nemutongo wakaomarara. Izvi zvakanyorwa muGwaro (remirau yedu). 59. Uye hapana chinotimisa kutumira zviratidzo, asi kuti vanhu vekare vakaramba (zviratidzo). Uye takatumira ngamera hadzi kumaThamood sechiratidzo chiri pachena, asi vakaitadzira (vakaiuraya). Uye hatina kutumira zviratidzo kunze kwekurangaridza, nekuvachichidzira (kuti vachaparadzwa). 60. Uye (rangarira) apo patakakuudza: “Zvirokwazvo, Tenzi vako vakakomberedza vanhu (vari mumaoko avo).” Uye hatina kuita chiratidzo chatakakuratidza (Muhammad (SAW), Mi’raaj (Rwendo rwekudenga)) asi semuedzo kune vanhu, uye nemuti (weZaqqoom) wakashorwa muQur’aan. Uye tinovatsiura uye tovaita kuti vatye, asi zvinovawedzera kusatenda kukuru nekusateerera Allah. 61. Uye (rangarira) apo patakati kune ngirozi: “Pfugamirai pachenyu Adam.” Dzakapfugama kusara kwaIblees (Satani). Akati: “Ndingapfugamire uyo wamakasika kubva mudhaka?” 62. (Satani) akati: “Tarisa uyu wamakudza kudarika ini, kana mukandipa nguva kusvika zuva rekumutswa, ndicharasisa vana vake kusara kwevashoma!” 63. (Allah) vakati: “Enda, uye wese achakutevera pakati pavo, zvirokwazvo, Gehena richave mubairo wenyu (mese), mubairo wakazara.” 64. “Uye vafurire avo vaunokwanisa pakati pavo neizwi rako (mimhanzi nezvimwe zvakadaro), uye varwise nemauto ako epamabhiza neetsoka, uye govana navo hupfumi nevana (nekuvanyengedza kuti vawane mari nenzira dzisina kunaka, kana kuita hupombwe), uye vavimbise.” Asi Satani haavavimbisi kusara kwekuvanyengedza. 65. “Zvirokwazvo, varanda vangu (vatendi vechokwadi), hauna simba kwavari. Uye vakakwana Tenzi vako semuchengetedzi.” 66. Tenzi venyu ndivo vanofambisa ngarava mugungwa, kuti muve munotsvaga makomborero avo. Zvirokwazvo, ndivo vane tsitsi zhinji kwamuri. 67. Uye kana zvinokuvadza zvakubatai mugungwa, avo vamunosheedza vanotsakatika kusara kwaivo (Allah). Asi kana vakuburitsai kuuya panyika zvakanaka, munofuratira. Uye munhu haatendi. 68. Munonzwa kuchengetedzeka here kuti havazokonzeri divi renyika kukumedzai, kana kuti kutumira kwamuri dutu rejecha? Naizvozvo, muchashaiwa mubetseri. 69. Kana kuti munonzwa kuchengetedzeka kuti havazokudzorerari kechipipiri mugungwa uye vokutumirai mhepo yakaomarara uye yokunyudzai nekuda kwekusatenda kwenyu? Naizvozvo, muchashaiwa mubetseri mariri pamusoro pedu. 70. Uye zvirokwazvo takaremekedza vana vaAdam, uye tinovatakura panyika nemugungwa, uye tinovapa At-Tayyibaat (zvinhu zvakanaka zvinobvumirwa), uye takavasarudza zvikuru pane vazhinji veavo vatakasika. 71. (Uye rangarira) zuva ratichasheedza vanhu vese nevatungamiriri vavo (maporofita avo, kana magwaro ezviito zvavo, kana Mabhuku avo seQur’aan, Torah neVhangeri, kana kuti vatungamiriri vavo panyika vavaitevera). Saka uyo achapihwa gwaro rake kuruoko rwake rwerudyi, vakadaro vachavarenga magwaro avo, uye havazombodzvanyirirwi. 72. Uye wese asingaoni pano pasi (zviratidzo zvaAllah nekusatenda mavari), achange asingaoni muhupenyu hwemangwana, uye akarasika zvikuru kubva mugwara. 73. Zvirokwazvo, vakanga vave pedyo kukuedza kubva kune zvatakadzikisa kwauri (Muhammad (SAW)), kuti uve unogadzira uchipokana nesu zvimwe zvakasiyana nazvo, uye naizvozvo vangadai zvirokwazvo vakakutora seshamwari! 74. Uye dai tisina kukumisa zvakadzama, ungadai wakarerekera kwavari zvishoma. 75. Naizvozvo tingadai zvirokwazvo takakuravidza mugove wakapetwa (wemurango) muhupenyu uno uye mugove wakapetwa (wemurango) kumberi kwerufu. Uye waishaiwa mubetseri pakupokana nesu. 76. Uye zvirokwazvo, vakanga vave pedyo kukutyisa zvakanyanya kuti vakuburitse panyika. Naizvozvo vaisagara mushure mako kusara kwenguva shoma. 77. Nzira (Sunnah) yeavo vatakatumira usati wavepo (Muhammad (SAW)) kubva kuvatumwa vedu, uye hauzowani kusiyana mune Sunnah (Nzira) yedu. 78. Ita Swalaah (minamato) kubva masikatikati kusvika parima reusiku (minamato yeDhuhr, Asr, Maghrib neIsha), uye verenga Qur’aan mangwanani-ngwanani (munamato wemangwanani, Fajr). Zvirokwazvo, kuverenga Qur’aan mangwanani zvinopupurwa (nengirozi dzemasikati nedzeusiku dzinotarisa vanhu). 79. Uye kubva muusiku, ita munamato naro (verenga Qur’aan mumunamato) sekupamhidza munamato (Tahajjud) wako (Muhammad (SAW)). Zvimwe Tenzi vako vangakusimudzire paMaqaam Mahmood (nzvimbo yerukudzo nerumbidzo, yekumiririra vanhu pazuva rekumutswa). 80. Uye iti (Muhammad (SAW)): “Tenzi vangu! Ndipinzei mune zvakanaka (muguta reAl-Madinah), uye ndibuditsei mune zvakanaka (muguta reMakkah). Uye ndipeiwo simba kubva kwamuri rinondibetsera (kana kuti chiratidzo).” 81. Uye iti: “Chokwadi (Islaam) chauya uye manyepo (kusanganisa Allah nezvimwe zvinhu) aparara. Zvirokwazvo, manyepo anova anoparara.” 82. Uye tinodzikisa muQur’aan izvo zvinorapa uye tsitsi kuvatendi (muIslaam), uye hazviwedzeri vanoita zvakaipa kunze kwekurasikirwa. 83. Uye apo patinodzikisa nyasha dzedu kumunhu (asingatendi), anofuratira wozvikudza. Uye kana zvakaipa zvamubata, anodemba zvakanyanya. 84. Iti (Muhammd (SAW) kune vanhu): “Mumwe nemumwe anoita nekuda kwake (Shaakilatihi), uye Tenzi venyu vanoziva zvakanyanya uyo nzira yake yakatwasuka.” 85. Uye vanokubvunza (Muhammad (SAW)) maereano neRooh (Mweya). Iti: “Rooh (Mweya) chimwe chezvinhu, ruzivo rwayo rwuna Tenzi vangu. Uye hamuna kupihwa ruzivo kusara kwerwushoma.” 86. Uye dai takada, zvirokwazvo, dai takatora izvo zvatakadzikisa kwauri (Qur’aan). Naizvozvo waishaiwa muchengeti nazvo kubva kwatiri. 87. Kunze kwetsitsi kubva kuna Tenzi vako. Zvirokwazvo, nyasha dzavo kwauri (Muhammad (SAW)) izhinji. 88. Iti: “Kunyangwe vanhu nemaJinn vakaungana kugadzira zvakafanana neQur’aan iri, havagadziri zvakafanana naro, kunyangwe vamwe vavo vakabetsera vamwe.” 89. Uye zvirokwazvo, takatsanangurira vanhu muQur’aan iri mienzaniso yese, asi vanhu vazhinji vanoramba (Chokwadi) kusara kwekusatenda. 90. Uye vanoti: “Hatitendi mauri (Muhammad (SAW)) kusvika watiburitsira chitubu panyika.” 91. “Kana kuti une bindu remadheti nemagirepu, uye unoita nzizi dziyerere pakati paro.” 92. “Kana kudonhedza denga muzvidimbu sekutiudza (sekunyengedza) kwawakatiita, kana kuunza Allah nengirozi kwatiri.” 93. “Kana kuti ova neimba yeZukhruf (Sirivha negoridhe), kana kuti okwira kudenga, uye hatimbotendi mukukwira kwako kusvika wadzikisa kwatiri gwaro kuti tiverenge.” Iti (Muhammad (SAW)): “Kurumbidzwa ngakuve kuna Tenzi vangu! Ndingave chimwe chinhu here asi munhu akatumirwa semutumwa?” 94. Uye hapana chakamisa vanhu kutenda kana gwara rauya kwavari, kunze kwekuti vanoti: “Allah vakatumira munhu semutumwa here?” 95. Iti: “Dai panyika pane ngirozi dzichifamba murunyararo, zvirokwazvo tingadai takadzikisa kwavari kubva kudenga ngirozi semutumwa.” 96. Iti: “Allah vanokwana semupupuri pakati pangu nemi. Zvirokwazvo, ndivo vanoziva zvakanyanya, vanoona varanda vavo.” 97. Uye uyo anotungamirwa naAllah, ndiye akatungamirwa; asi uyo wavanorasisa, hauzombovawaniri vabetseri kunze kwavo, uye tichavaunganidza pazuva rekumutswa nezviso zvavo, vasingaoni, vasingatauri uye vasinganzwi. Gehena ichange iri nzvimbo yavo yokugara. Pese parinonyarara, tinovawedzerera ukasha hwemoto. 98. Uyu ndiwo mubairo wavo, nekuti vairamba zviratidzo zvedu uye vachiti: “Kana tava mapfupa uye taparadzwa, tichamutswa here sezvisikwa zvitsva?” 99. Havaoni here kuti Allah vakasika matenga nenyika, vanokwanisa kusika zvakafanana nazvo. Uye vakavapa nguva yakatarwa iyo isina kupokana. Asi vanoita zvakaipa vakaramba kunze kwekusatenda. 100. Iti (kune vasingatendi): “Dai makawana hupfumi hwetsitsi dzaTenzi vangu, naizvozvo zvirokwazvo, maisauburitsa muchitya kuperevedza, uye munhu anoomera!” |
| | | أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn مؤسس ومدير المنتدى
عدد المساهمات : 52644 العمر : 72
| موضوع: رد: CHITSAUKO AL-ISRAA الخميس 24 مارس 2022, 7:29 am | |
| 101. Uye zvirokwazvo, takapa Musa zviratidzo pfumbamwe (9) zviri pachena. Naizvozvo bvunza vana vaIzirairi. Apo paakauya kwavari, Farawo akati kwaari: “Iwe Musa! Zvirokwazvo, ndinofunga kuti wakaroiwa.” 102. (Musa) akati: “Zvirokwazvo, unoziva kuti zviratidzo izvi hazvina kudzikiswa naani kunze kwaTenzi vematenga nenyika. Uye zvirokwazvo, ndinofunga kuti uchaparadzwa, iwe Farawo!” 103. Naizvozvo akada kuvaburitsa kubva munyika (yeEgypt), asi takamunyudza uye nevese vakanga vainaye. 104. Uye takati kuvana vaIzirairi mumashure make: “Garai panyika, asi kana vimbiso yekupedzisira yauya pedyo (Zuva rekumutsva kana kudzoka kwaJesu panyika), tichakuunzai pamwe chete seboka rakasanganiswa (madzinza akasiyana-siyana akaunganidzwa). 105. Uye muchokwadi takaridzikisa (Qur’aan), uye nechokwadi rakadzika. Uye hatina kukutumira (Muhammad (SAW)) saani kunze kwemupi wemashoko akanaka (eParadhiso kune vanoita mabasa akanaka), uye semuyambiri (kubva kuGehena kune vanoramba Islaam). 106. Uye iQur’aan ratakapatsanura kuti uve unoriverenga kune vanhu muzvinhambwe. Uye takaridzikisa muzvidimbu (kwemakore makumi maviri nematatu). 107. Iti (Muhammad (SAW)) kwavari: “Tendai mariri (Qur’aan) kana kusatenda. Zvirokwazvo, avo vakapihwa ruzivo mushure maro (MaJudha nemaKristu saAbdullah bin Salaam naSalman Al-Farisi), kana richiverengwa kwavari, vanopfugama pasi nezviso zvavo vachizvininipisa.” 108. Uye vanoti: “Kurumbidzwa ngakuve kuna Tenzi vedu! Zvirokwazvo, vimbiso yaTenzi vedu inofanirwa kuzadziswa.” 109. Uye vanopfugama pasi nezviso zvavo vachichema uye zvinowedzera unyoro hwavo. 110. Iti (Muhammad (SAW)): “Sheedzai Allah kana sheedza vane tsitsi zhinji (Allah), nezita ripi zvaro ramunovasheedza, ndivo vane mazita akanaka. Uye usaita munamato wako nezwi repamusoro kana repasi, asi tevera nzira iri pakati.” 111. Uye iti: “Kurumbidzwa nekutenda kwese ndekwa Allah, avo vasina kutora mwana, uye Havana umwe pamasimba (avo), uye havasi vepasi kuti vangave nemubetseri. Uye vakudze nemukudzo mukuru, (Allaahu Akbar (Allah ndivo vakuru pamusoro pezvese)).” |
| | | | CHITSAUKO AL-ISRAA | |
|
مواضيع مماثلة | |
|
| صلاحيات هذا المنتدى: | لاتستطيع الرد على المواضيع في هذا المنتدى
| |
| |
| |