منتديات إنما المؤمنون إخوة (2024 - 2010) The Believers Are Brothers

(إسلامي.. ثقافي.. اجتماعي.. إعلامي.. علمي.. تاريخي.. دعوي.. تربوي.. طبي.. رياضي.. أدبي..)
 
الرئيسيةالأحداثأحدث الصورالتسجيل
(وما من كاتب إلا سيبلى ** ويبقى الدهر ما كتبت يداه) (فلا تكتب بكفك غير شيء ** يسرك في القيامة أن تراه)

IZHAR UL-HAQ

(Truth Revealed) By: Rahmatullah Kairanvi
قال الفيلسوف توماس كارليل في كتابه الأبطال عن رسول الله -صلى الله عليه وسلم-: "لقد أصبح من أكبر العار على أي فرد مُتمدين من أبناء هذا العصر؛ أن يُصْغِي إلى ما يظن من أنَّ دِينَ الإسلام كَذِبٌ، وأنَّ مُحَمَّداً -صلى الله عليه وسلم- خَدَّاعٌ مُزُوِّرٌ، وآنَ لنا أنْ نُحارب ما يُشَاعُ من مثل هذه الأقوال السَّخيفة المُخْجِلَةِ؛ فإنَّ الرِّسَالة التي أدَّاهَا ذلك الرَّسُولُ ما زالت السِّراج المُنير مُدَّةَ اثني عشر قرناً، لنحو مائتي مليون من الناس أمثالنا، خلقهم اللهُ الذي خلقنا، (وقت كتابة الفيلسوف توماس كارليل لهذا الكتاب)، إقرأ بقية كتاب الفيلسوف توماس كارليل عن سيدنا محمد -صلى الله عليه وسلم-، على هذا الرابط: محمد بن عبد الله -صلى الله عليه وسلم-.

يقول المستشرق الإسباني جان ليك في كتاب (العرب): "لا يمكن أن توصف حياة محمد بأحسن مما وصفها الله بقوله: (وَمَا أَرْسَلْنَاكَ إِلَّا رَحْمَةً لِّلْعَالَمِين) فكان محمدٌ رحمة حقيقية، وإني أصلي عليه بلهفة وشوق".
فَضَّلَ اللهُ مِصْرَ على سائر البُلدان، كما فَضَّلَ بعض الناس على بعض والأيام والليالي بعضها على بعض، والفضلُ على ضربين: في دِينٍ أو دُنْيَا، أو فيهما جميعاً، وقد فَضَّلَ اللهُ مِصْرَ وشَهِدَ لها في كتابهِ بالكَرَمِ وعِظَم المَنزلة وذَكَرَهَا باسمها وخَصَّهَا دُونَ غيرها، وكَرَّرَ ذِكْرَهَا، وأبَانَ فضلها في آياتٍ تُتْلَى من القرآن العظيم.
المهندس حسن فتحي فيلسوف العمارة ومهندس الفقراء: هو معماري مصري بارز، من مواليد مدينة الأسكندرية، وتخرَّجَ من المُهندس خانة بجامعة فؤاد الأول، اشْتُهِرَ بطرازهِ المعماري الفريد الذي استمَدَّ مَصَادِرَهُ مِنَ العِمَارَةِ الريفية النوبية المَبنية بالطوب اللبن، ومن البيوت والقصور بالقاهرة القديمة في العصرين المملوكي والعُثماني.
رُبَّ ضَارَّةٍ نَافِعَةٍ.. فوائدُ فيروس كورونا غير المتوقعة للبشرية أنَّه لم يكن يَخطرُ على بال أحَدِنَا منذ أن ظهر وباء فيروس كورونا المُستجد، أنْ يكونَ لهذه الجائحة فوائدُ وإيجابيات ملموسة أفادَت كوكب الأرض.. فكيف حدث ذلك؟!...
تخليص الإبريز في تلخيص باريز: هو الكتاب الذي ألّفَهُ الشيخ "رفاعة رافع الطهطاوي" رائد التنوير في العصر الحديث كما يُلَقَّب، ويُمَثِّلُ هذا الكتاب علامة بارزة من علامات التاريخ الثقافي المصري والعربي الحديث.
الشيخ علي الجرجاوي (رحمه الله) قَامَ برحلةٍ إلى اليابان العام 1906م لحُضُورِ مؤتمر الأديان بطوكيو، الذي دعا إليه الإمبراطور الياباني عُلَمَاءَ الأديان لعرض عقائد دينهم على الشعب الياباني، وقد أنفق على رحلته الشَّاقَّةِ من مَالِهِ الخاص، وكان رُكُوبُ البحر وسيلته؛ مِمَّا أتَاحَ لَهُ مُشَاهَدَةَ العَدِيدِ مِنَ المُدُنِ السَّاحِلِيَّةِ في أنحاء العالم، ويُعَدُّ أوَّلَ دَاعِيَةٍ للإسلام في بلاد اليابان في العصر الحديث.

أحْـلامٌ مِـنْ أبِـي (باراك أوباما) ***

 

 CHITSAUKO AN-NAHL

اذهب الى الأسفل 
كاتب الموضوعرسالة
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn
مؤسس ومدير المنتدى
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn


عدد المساهمات : 52644
العمر : 72

CHITSAUKO AN-NAHL Empty
مُساهمةموضوع: CHITSAUKO AN-NAHL   CHITSAUKO AN-NAHL Emptyالخميس 24 مارس 2022, 7:11 am

CHITSAUKO AN-NAHL
(NYUCHI) 16
Muzita raAllah, Vane Tsitsi, Vane Ngoni.
1. Murawo wakatarwa naAllah (Zuva Rekutongwa) uchasvika, saka musave munoda kuukurumidzisa. Kurumbidzwa ngakuve kwavari uye vari pamusoro pezvese zvavanovasanganisa nazvo.
2. Vanotumidzira ngirozi neRooh (Mashoko avo) nemurawo wavo kune wavada kubva kune varanda vavo (vachiti): “Yambirai (vanhu) kuti Laa ilaaha illaa Ana (Hapana anekodzero yekunamatwa kunze kwangu), saka ityai inini (nekusaita mabasa akaipa).”
3. Vakasika matenga nenyika muchokwadi. Vari pamusoro pezvese zvavanovasanganisa nazvo.
4. Vakasika munhu kubva kuNutfah (musanganiswa wemvura yababa naamai), asi tarisai, anobva aita mupikisi ari pachena.
5. Uye nemombe, vakakusikirai; munowana kubva madziri kudziirwa (mbasha dzinodziya) nezvakati wandei zvinobatsira, uye kubva madziri munodya.
6. Uye munowana kubva madziri runako pamunodzitora kubva kumafuro manheru, uye nepamunodziendesa kumafuro mangwanani.
7. Uye dzinotakura mikwende yenyu kusvika kunzvimbo yamusingakwanisi kusvika kunze kwekuti mashungurudzika zvakanyanya. Uye Tenzi venyu vazere nerudo, vane tsitsi zhinji.
8. Uye (vakakusikirai) mabhiza, nyurusi nembongoro kuti muzvitasve uye senzira yekuzvishongedza. Uye vanosika zvinhu zvamusina ruzivo nazvo.
9. Uye Allah ndivo vane kodzero yekutsanangudza nzira yakatwasuka. Asi pane nzira dzinotsauka (Kunamata zvidhori, chiJudha nechiKristu). Uye dai vaida, vangadai vakakutungamirirai mose.
10. Ndivo (Allah) vanonaisa mvura kubva kudenga; kubva mairi munomwa uye zvirimwa (zvinokura) zvamunozotumira zvipfuwo zvenyu kunofura.
11. Vanokumereserai nemvura iyoyo zvirimwa nemaOrivhi (Zaitoon), nemadheti, nemagirepi, uye nemichero yese. Zvirokwazvo, mune izvi mune chiratidzo kune vanhu vanofunga.
12. Uye vakakugadzikirai usiku nesikati, uye zuva nemwedzi, uye vakagadzika nyenyedzi nemurawo wavo. Zvirokwazvo, mune izvi mune chiratidzo kune vanhu vanonzwisisa.
13. Uye vakakusikirai zvese pano pasi zvine ndarama dzakasiyana-siyana. Zvirokwazvo, mune izvi mune chiratidzo kune vanhu vanorangarira.
14. Uye ndivo vakakugadzikirai gungwa, kuti muve munodya kubva mariri nyama nhete nyoro (hove), uye kuti muve munoburitsa kubva mariri zvinemo zvekupfeka. Uye unoona ngarava dzichifamba mariri, kuti muve munotsvaga makomborero avo, uye kuti muve munotenda.
15. Uye vakagadzika panyika makomo akamira zvakabata, kuti zvimwe ingabvunde nemi; uye nzizi nenzira, kuti muve munotungamirirwa.
16. Uye zviratidzo (masikati) uye nenyenyedzi (husiku) munozvitungamirira.
17. Vakafanana here vanosika neuyo asingasiki? Hamurangariri here?
18. Uye mukada kuverenga makomborero aAllah, hamukwanisi kumaverenga. Zvirokwazvo, Allah vanoregerera zvikuru, vane tsitsi zhinji.
19. Uye Allah vanoziva zvamunovanza nezvamunoburitsa.
20. Avo (vanosanganisa Allah nezvimwe zvinhu) vavanokumbira kunze kwaAllah, havana kana chavakasika, asi ivo zvisikwa (vakasikwa).
21. Zvitunha, havasi vapenyu, uye havazivi kuti vachamutswa rinhi.
22. Mwari wenyu ndiMwari vamwechete (Allah). Asi avo vasingatendi muhupenyu hwemangwana, moyo yavo inoramba (kutenda muhumwechete hwaAllah), uye vanozvikudza.
23. Zvirokwazvo, Allah vanoziva zvavanovanza nezvavanoburitsa. Zvirokwazvo, (Allah) havadi vanozvikudza.
24. Uye kana zvikanzi kwavari: “Chii chakadzikiswa naTenzi venyu (kuna Muhammad (SAW))?”
Vanoti: “Ingano dzemadzitateguru!”
25. Vachatakura mutoro wavo zvizere pazuva rekumutswa, uye nemutoro weavo vavakarunzira (vavakarasisa) vasina ruzivo. Zvirokwazvo, uipi ndeizvo zvavachatakura!
26. Zvirokwazvo, avo vakanga varipo mushure mavo vakaronga, asi Allah vakaparadza migero yemidhadhadha (dzimba) yavo, uye denga (remba) rakadonha pasi pavari kubva pamusoro pavo, uye marwadzo akavabata kubva kune mativi avakanga vasina kutarisira.
27. Uye nezuva rekumutswa, vachavanyadzisa uye vachati: “Varipi vamwe vangu avo pamusoro pavo maipikisana nekukakavadzana (nevatendi musingateereri Allah)?” Avo vakapihwa ruzivo (rwemutongo waAllah kune vasingatendi) vachati: “Zvirokwazvo, kudzikisirwa nemarwadzo zvichave kune vasingatendi zuva iri.”
28. “Avo hupenyu hwavo unotorwa nengirozi vachizvitadzira (vasingatendi munaAllah uye vachiita mabasa akaipa).” Vachapa uchapupu hwekunyepa (vachiti): “Taisaita zvakaipa.” (Ngirozi dzichapindura dzichiti): “Hongu! Zvirokwazvo, Allah vanoziva zvikuru zvamaiita.”
29. “Naizvozvo pindai mikova yekuGehena kunogaramo, uye zvirokwazvo, inzvimbo yakaipa chaizvo kune vanozvikudza.”
30. Uye zvikanzi kune avo vakarurama: “Ko chii chatumirwa naTenzi venyu?” Vanoti: “Zvakanaka.”
Avo vanoita zvakanaka pano panyika vachawana zvakanaka, uye imba yehupenyu hwemangwana yakanaka. Uye imba (Paradhiso) yeavo vakarurama (Al-Muttaqqoon) ichange yakanaka chose.
31. Mapindu ehupenyu husingaperi avachapinda, nzizi dzichiyerera nechekuzasi kwavo, vachawana zvese zvavaishuvira ikoko. Saizvozvo, Allah vanopa muripo kune Al-Muttaqqoon (vakarurama).
32. Avo ngirozi dzinotora hupenyu hwavo vakanaka (vachinamata Allah chete uye vachiita zvakanaka) dzinoti kwavari: “Salaamun Alaykum (Rugare ngaruve kwamuri), pindai muParadhiso nekuda kwemabasa akanaka amaiita (panyika).”
33. Vanomirira (avo vasingatendi) here asi kuti ngirozi dziuye kwavari (kuzotora hupenyu hwavo), kana kuti murawo (marwadzo kana zuva rekumutswa) waTenzi vako uuye? Saizvozvo zvakaitwa neavo vaivepo ivo vasati vavepo. Uye Allah havana kuvatadzira asi vakazvitadzira pachavo.
34. Zvakaipa zvemabasa avaiita zvakavawira, uye izvo zvavaishora zvakavakomberedza.
35. Uye avo vaisanganisa Allah nevamwe vanamwari mukunamata vakati: “Dai Allah vaida, tingadai tisina kunamata chimwe chinhu kunze kwaivo (Allah) isusu kana madzitateguru edu, kana kurambidza chimwe chinhu pasina ivo (murawo kubva kwavari).” Saizvozvo zvakaitwa neavo vaivepo vasati vavepo. Naizvozvo vatumwa havana kutumwa asi kuzosvitsa shoko raAllah zviri pachena.
36. Zvirokwazo, takatumira kudzinza rega-rega mutumwa achiti: “Namatai Allah, mova munosiya Taaghoot (vanamwari venhema).” Uye pakati pavo pane vakatungamirirwa naAllah, uye pakati pavo pane avo kurasika kwange kwakakodzera zvachose. Naizvozvo fambai nenyika muone kuti magumo eavo vakaramba chokwadi akanga akaita sei.
37. Kunyange ukashuvira (Muhammad (SAW)) kutungamirwa kwavo, zvirokwazvo, Allah havatungamiriri avo vanoita kuti varasike (kana kuti hapana anokwanisa kutungamirira uyo Allah wavanoita kuti arasike). Uye vachange vasina vabatsiri.
38. Uye vanopika naAllah zvakasimba mukutenda kwavo kuti Allah havamutsi uyo munhu anenge afa. Hongu, (vachavamutsa), vimbiso yechokwadi kwavari, asi vanhu vazhinji havazivi.
39. Kuti vavaburitsire pachena pane izvo zvavanopikisana, uye kuti vazive avo vasingatendi (mukumutswa neIslaam) kuti zvirokwazvo vaive vanyepi.
40. Zvirokwazvo, shoko redu kune chinhu chatinenge tada, tinongoti kwachiri: “Ivapo!” Chinobva chavepo.
41. Uye avo vakatama munzira yaAllah, mushure mekunge vatadzirwa (vadzvinyirirwa), zvirokwazvo, tichavapa pekugara pakanaka pano pasi, asi muripo wehupenyu hunotevera wakakura chaizvo dai vachiziva!
42. Avo vakatsungirira (pasi pano) uye vakaisa vimbo yavo kuna Tenzi vavo.
43. Uye hatina kutumira (sevatumwa) kumashure kwako (Muhammad (SAW)) asi varume vataitumira mashoko. Bvunzai (imi vanonamata zvidhori) avo vanoziva Magwaro (Torah neVhangeri) kana musingazivi.
44. Nezviratidzo zviri pachena neMagwaro (Takatuma vatumwa). Uye takatumira kwauri  (Muhammad (SAW)) yeuchidzo (Qur’aan), kuti utsanangurire vanhu zviri pachena zvatumirwa kwavari, uye kuti zvimwe vangafunge.
45. Avo vanopangana zvakaipa vanonzwa kuchengetedzeka here kuti Allah havavanyudzi pasi, kana kuti marwadzo haavabati kubva kune mativi avasingatarisiri?
46. Kana kuti achavabata pakati pekuenda nekudzoka (kumabasa avo), kuti pasave nekupukunyuka kwavari (kubva kune mutongo waAllah)?
47. Kana kuti achavabata (achavaparadza) zvishoma nezvishoma (muhupenyu nehupfumi hwavo)?
Zvirokwazvo, Tenzi venyu vazere nenyasha netsitsi.
48. Havana kuona here izvo zvakasikwa naAllah kubva kune zvese, mimvuri yazvo inorerekera kurudyi nekuruboshwe zvichipfugamira Allah, uye ndevepasi?
49. Uye Allah vanopfugamirwa nezvinhu zvese zviri kudenga nepasi, kubva kumhuka nengirozi, uye havazvitutumadzi.
50. Vanotya Tenzi vavo vari pamusoro pavo, uye vanoita zvavanenge vakomekedzwa.



CHITSAUKO AN-NAHL 2013_110
الرجوع الى أعلى الصفحة اذهب الى الأسفل
https://almomenoon1.0wn0.com/
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn
مؤسس ومدير المنتدى
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn


عدد المساهمات : 52644
العمر : 72

CHITSAUKO AN-NAHL Empty
مُساهمةموضوع: رد: CHITSAUKO AN-NAHL   CHITSAUKO AN-NAHL Emptyالخميس 24 مارس 2022, 7:12 am

51. Uye Allah vakati: “(Imi vanhu!) Musava munotora vanamwari vaviri. Zvirokwazvo (Allah) ndiMwari mumwechete. Naizvozvo ityai inini (Allah) zvakanyanya (mosiya zvese zvakaipa uye moita mabasa ese akanaka).”
52. Ndivo muridzi wezviri kudenga nepasi, uye chitendero chechokwadi ndechavo (Allah).
Naizvozvo mungatye chimwe chinhu kunze kwaAllah?
53. Uye zvese zvamunowana kubva mune zvakanaka, zvinobva kuna Allah. Naizvozvo kana muchinge mawirwa nematambudziko, kwavari munochema muchikumbira rubatsiro.
54. Naizvozvo kana vachinge vabvisa matambudziko pamuri, vamwe venyu vanosanganisa Tenzi vavo nevamwe vanamwari mukunamata.
55. Vanoramba zvatakavapa! Naizvozvo chimbofarai, asi muchasvika pakuziva (muchidemba).
56. Uye vanopa chidimbu chezvatakavapa kune izvo zvavasingazivi (vanamwari venhema). Ndinopika naAllah, zvirokwazvo, muchabvunzwa maererano nezvamainyepa.
57. Uye vanopa vanasikana kuna Allah! Kurumbidzwa kwese ngakuve kwavari vari pamusoro pezvose zvavanovasanganisa nazvo! Uye kwavari (vasingatendi) vanozvipa zvavanoshuvira.
58. Uye kana nhau dzekuzvarwa kwemwanasikana dzikasvika kune umwe wavo, chiso chake chinosviba, uye wozara nekubatikana (nekushushikana)!
59. Anozvihwandisa kuvanhu nekuda kweuipi wechaanenge audzwa. Omuchengeta here nekushorwa kana kuti omuviga muivhu? Zvirokwazvo, zvakaipa ndezvavanoronga.
60. Kune avo vasingatendi muhupenyu hunotevera muenzaniso wakashata, uye Allah vane muenzaniso wakanaka wepamusoro, uye ndivo mukuru-kuru, vane hungwaru hwese.
61. Uye dai Allah vaida kuparadza vanhu nekuda kwezvitadzo zvavo, havaizombosiya kunyangwe mhuka zvayo. Asi vanovamirira kusvikira nguva yavakanyorerwa yakwana. Naizvozvo kana nguva yavo yakwana, (vanhu) havagoni kuinonotsa neawa kana kuikurumidzisa neawa.
62. Uye vanopa kuna Allah zvavasingadi, uye ndimi dzavo dzinonyepa kuti zvirokwazvo zvakanaka zvichange zviri zvavo. Pasina kugunun’una, zvirokwazvo vachawana moto, uye vachava vanoendeswa ikoko nekukasika, uye vosiiwa vakarasirirwa.
63. Ndinopika naAllah, zvirokwazvo takatumira vatumwa kumarwudzi akawanda iwe (Muhammad( SAW)) usati wavapo, asi Shaitwaan (Satani) akavashongedzera mabasa avo. Naizvozvo (Satani) ndiye mubatsiri wavo zuva ranhasi (pasi pano), uye vachawana marwadzo akaomarara.
64. Uye hatina kutumira Gwaro (Qur’aan) kwauri (Muhammad (SAW)), asi kuti uvajekesere izvo zvavanopikisana, uye segwara uye setsitsi kune avo vanotenda.
65. Uye Allah vanodzikisa mvura kubva kudenga, uye vanomutsa nyika nemvura iyoyo mushure mekunge yafa. Zvirokwazvo, mune izvi mune chiratidzo kune avo vanhu vanonzwa (vanoteerera Allah).
66. Uye zvirokwazvo, kwamuri kubva kumombe mune chidzidzo. Tinoita kuti mumwe kubva mune zviri mumatumbu adzo, kubva pakati pendove neropa, mukaka wakachena, unotapira kune vanonwa.
67. Uye kubva kune michero yemadheti nemagirepu, munowana kumwa neraramo yakanaka.
Zvirokwazvo, mune izvi mune chiratidzo kune vanhu vane njere.
68. Uye Tenzi vako vakaudza nyuchi vachiti: “Torai pekugara mumakomo, uye mumiti uye kubva kune zvavanodzimika (zvavanovaka).”
69. “Naizvozvo idyai kubva kune michero yese, uye teverai nzira dzaTenzi venyu dzakarerutswa.”
Mumatumbu adzo munobuda chinwiwa (huchi) chine mavara akasiyana-siyana, mukati macho (chinwiwa) mune zvinorapa vanhu. Zvirokwazvo, mukati meizvi mune chiratidzo kune vanhu vanofunga.
70. Uye Allah vakakusikai uye vachaita kuti mufe; uye pakati penyu pane avo vanosvitswa pakuchembera zvekusvika pakusaziva zvavaimboziva. Zvirokwazvo, Allah ndivo vanoziva zvese, vane simba rose.
71. Uye Allah vakasarudza vamwe venyu pamusoro pevamwe maererano neraramo. Naizvozvo avo vakasarudzwa neipi nzira zvayo, havazombofa vakapa mari yavo nehupfumi kune varanda vavo kuti vave vanoenzana navo. Saka vanoramba makomborero aAllah here?
72. Uye Allah vakakusikirai madzimai akafanana nemi, uye vakakusikirai kubva kune madzimai enyu vanakomana nevazukuru, uye vakakupai raramo kubva kune zvakanaka. Naizvozvo vanotenda here muna vanamwari venhema uye voramba makomborero aAllah?
73. Uye vanonamata vamwe kunze kwaAllah seizvo zvisingapi raramo ipi zvayo kwavari kubva kumatenga nepasi, uye hazvikwanisi.
74. Saka musava munoisa mberi mienzaniso naAllah. Zvirokwazvo, Allah vanoziva uye imi hamuzivi.
75. Allah vanoisa mberi muenzaniso wemuranda (asingatendi) ari pasi peumwe munhu, haana samba rezvese, uye nemurume (mutendi) uyo watakapa raramo yakanaka kubva kwatiri uye anoishandisa muchivande uye nepachena. Vakaenzana here? Kurumbidzwa kwese nekutenda ndekwa Allah. Asi vakawanda vavo havazivi.
76. Uye Allah vanopa muenzaniso wevarume vaviri, mumwe chete wavo chimumumu (asingatendi), haana simba pane zvese, uye mutoro kune mukuru wake; zvese zvaanomutuma, haauyi nezvakanaka. Akaenzana here neuyo (mutendi) anoraira zvakafanira, uye ari pagwara rakatwasuka?
77. Uye Allah ndivo muridzi wezvese zvisingaoneki zviri mumatenga nepasi. Uye nyaya yenguva (zuva rekutongwa) yakafanana nekubwaira kweziso, kana kuti iri pedyo. Zvirokwazvo, Allah vane simba pamusoro pezvese.
78. Uye Allah vakakuburitsai kubva munhumbu dzana amai venyu musingazivi kana chii zvacho, uye vakakupai nzeve, maziso nemoyo kuti zvimwe mungatende.
79. Havaoni here shiri dzichibhururuka mumhepo? Hapana anodzikata kunze kwaAllah.
Zvirokwazvo, mune izvi mune zviratidzo kune avo vanotenda (muhumwechete hwaAllah).
80. Uye Allah vakakugadzirirai mudzimba dzenyu pekugara, uye vakakugadzirirai kubva kumatehwe emombe dzimba (matende), dzamunoona dzakareruka pamunofamba uye nepamunogara (munguva dzekufamba); uye kubva kumakushe adzo, mambava nemvere (hwai, ngamera nembudzi) midziyo nemufaro kwenguva diki.
81. Uye Allah vakakugadzirirai kubva kune izvo zvavakasika mimvuri, uye vakakugadzirirai nzvimbo kubva mumakomo, uye vakakugadzirirai zvipfeko zvinokudzivirirai kune kupisa (nekutonhora), uye nemabhachi anokudzivirirai kubva kune simba renyu (kurwisana kwenyu).
Naizvozvo (Allah) vanozadzisa makomborero avo kwamuri kuti muve munozvipira (muIslaam).
82. Asi kana vakafuratira, chako (Muhammad (SAW)) kusvitsa shoko zviri pachena.
83. Uye vanoziva makomborero aAllah, pamusoro pazvo vomaramba (nekunamata zvimwe kunze kwaAllah), uye vazhinji vavo havatendi (vanoramba Muhammad (SAW)).
84. Uye neiro zuva ratichamutsa kubva kune madzinza ose mupupuri (mutumwa wavo), naizvozvo avo vasingatendi havazombopihwi mukana (hwekupa zvikonzero), uye havazombopihwi mukana wekuti vadzokere panyika kunoreurura nekukumbira Allah ruregerero.
85. Uye avo vakaita zvakaipa (vasingatendi) vachaona mutongo, uye havazomborerutsirwi kana kupihwa kanguva kekuzorora.
86. Uye apo avo vaisanganisa Allah nevamwe vanamwari vachaona vamwe vavo vaivasanganisa naAllah vachati: “Tenzi vedu! Ava ndivo vamwe vedu vataisheedza kunze kwenyu.” Asi vachadzorera shoko kwavari (vachiti): “Zvirokwazvo! Muri vanyepi!”
87. Uye vachava vanozvipira kuna Allah musi uyu, uye vanamwari vavo vavaisheedza vachasakatika kubva kwavari (vachashaya basa kwavari).
88. Avo vasina kutenda uye vachidzivirira vanhu nzira yaAllah, tichavawedzera marwadzo pamusoro pemarwadzo nekuti vaikonzeresa zvisakarurama.
89. Uye iro zuva ratichasimudza kubva kumadzinza ese mupupuri kwavari kubva mavari. Uye tichakuunza (Muhammad (SAW)) semupupuri kwavari. Uye takatumidzira kwauri Gwaro (Qur’aan) setsanangudzo yezvose, gwara, tsitsi, uye mashoko akanaka kune avo vakazvipira pachavo (kuna Allah semaMuslim).
90. Zvirokwazvo, Allah vanokomekedza kuita zvakarurama nezvakanaka, uye nekubatsira hama dzepedyo, uye vanorambidza kuita mabasa akaipa nekusatenda uye neudzvanyiriri. Vanokurairai,
zvimwe mungava munorangarira.
91. Uye zadzisai chibvumirano chaAllah kana maita chibvumirano ichocho, uye musava munoputsa mhiko mushure mekunge madzitora, uye zvirokwazvo mave munotora Allah semumiriri wenyu.
Zvirokwazvo, Allah vanoziva zvamunoita.
92. Uye musava munoita semukadzi uyo anorudunura shinda yaanenge aruka mushure mekunge yasimba, nekutora mhiko senzira yekunyengedzana pakati penyu, zvimwe rimwe dzinza ringawande kupfuura rimwe dzinza. Zvirokwazvo, Allah vanokuedzai nazvo. Uye zvirokwazvo vachava pazuva rekumutswa vanokuburitsirai pachena izvo zvamaipesana (umwe achitenda muhumwechete hwaAllah uye umwe achiramba).
93. Uye dai Allah vaida, vaikuitai dzinza rimwe chete (muve vechitendero chimwe chete), asi vanoita kuti wavanoda arasike, uye vanotungamira wavanoda. Uye zvirokwazvo muchava munobvunzwa pane izvo zvamaiita.
94. Uye musatore mhiko dzenyu senzira yekunyengedzana pakati penyu, zvimwe tsoka ingatsvedze mushure mekunge yasimbiswa, uye kuti muravire zvakaipa (murango pasi pano) nekudzivirira kwamakaita vanhu nzira yaAllah, uye muchawana murango mukuru wakaomarara (Gehena).
95. Uye musava munotengesa chibvumirano chaAllah nemari shoma. Zvirokwazvo, zvina Allah zvakanakira imimi kana muchiziva.
96. Zvese zvamunazvo zvichapera, asi zvina Allah hazviperi. Uye avo vanotsungirira, zvirokwazvo, tichavapa muripo wavo weizvo zvakanaka zvavaiita.
97. Upi neupi anoita mabasa akanaka, angave murume kana mukadzi, ari mutendi wechokwadi, tinomupa hupenyu hwakanaka (pasi pano), uye zvirokwazvo tichavapa muripo wavo weizvo zvakanaka zvavaiita (Paradhiso).
98. Naizvozvo kana uchiverenga Qur’aan, kumbira kudzivirirwa kuna Allah kubva kuna Satani, akashorwa.
99. Zvirokwazvo, haana simba pamusoro peavo vanotenda uye vanoisa ruvimbo rwavo muna Tenzi vavo.
100. Simba rake (Satani) riri pane avo vanomuteerera nekumutevera, uye neavo vanosanganisa Allah nezvimwe zvinhu.



CHITSAUKO AN-NAHL 2013_110
الرجوع الى أعلى الصفحة اذهب الى الأسفل
https://almomenoon1.0wn0.com/
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn
مؤسس ومدير المنتدى
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn


عدد المساهمات : 52644
العمر : 72

CHITSAUKO AN-NAHL Empty
مُساهمةموضوع: رد: CHITSAUKO AN-NAHL   CHITSAUKO AN-NAHL Emptyالخميس 24 مارس 2022, 7:13 am

101. Uye tikachinja ndima (yemuQur’aan) panzvimbo peimwe ndima, uye Allah vanoziva zvakanyanya izvo zvavanodzikisa, (vasingatendi) vanoti: “Zvirokwazvo uri munyepi.” Asi vazhinji vavo havazivi.
102. Iti (Muhammad (SAW)): “Roohul-Qudus (Mweya Mutsvene Gabriel) akariunza (Qur’aan) pasi kubva kuna Tenzi venyu muchokwadi, kuti rive rinosimbisa avo vanotenda, uye segwara uye mashoko akanaka kune avo vanozvipira (kuna Allah semaMuslim).”
103. Uye zvirokwazvo, tinoziva kuti (vasingatendi) vanoti: “Zvirokwazvo, ari kudzidziswa (Muhammad (SAW)) nendambasukuse.” Rurimi rwemurume avarikutaura nderwemubvakure, asi iri (Qur’aan) rurimi rwuri pachena rwechiArabhu.
104. Zvirokwazvo, avo vasingatendi muzviratidzo (kana ndima) dzaAllah, Allah havavatungamiri uye vachawana marwadzo akaomarara.
105. Zvirokwazvo, ndeavo vasingatendi muzviratidzo (kana ndima) dzaAllah vanogadzira manyepo, uye ndivo vanyepi.
106. Upi zvake asingatendi muna Allah mushure mekutenda kwake, kunze kweuyo anomanikidzwa uye moyo wake wakazorora nekutenda, asi avo vanovhurira zvipfuva zvavo kusatenda, kwavari ihasha kubva kuna Allah, uye kwavari marwadzo makuru.
107. Nekuda kwekuti vakada uye vakakoshesa hupenyu hwepano pasi kudarika hwemangwana. Uye Allah havatungamiriri vanhu vasingatendi.
108. Ndeavo Allah vakavhara moyo yavo, kunzwa (nzeve) kwavo uye kuona (maziso) kwavo. Uye ndeavo vasina hanya!
109. Hapana kugunun’una kuti muhupenyu hwemangwana, vachange vari vakarasikirwa.
110. Uye zvirokwazvo, Tenzi vako kune avo vakatama mushure mekunge vaiswa pamuedzo uye vakarwa zvakanyanya uye vakanga vakatsungirira, zvirokwazvo, Tenzi vako mushure mazvo vanoregerera zvikuru, vane tsitsi zhinji.
111. (Rangarira) zuva iro munhu wese achauya achikumbira (achizvidzivirira) pachezvake, uye munhu wese achapihwa zvakazara pane izvo zvaakaiita (zvakanaka kana zvakaipa), uye havambodzvanyirirwi.
112. Uye Allah varikupa muenzaniso wedhorobha (Makkah), raigara rakachengetedzwa uye rakagadzikika, raramo yaro ichiuya muhuwandu kubva kune nzvimbo dzese, asi rakaramba makomborero aAllah. Naizvozvo Allah vakaita kuti varavire nzara yakaomarara nekutya, nekuda kweizvo zvavaiita.
113. Uye zvirokwazvo, mutumwa (Muhammad (SAW)) akauya kwavari kubva pakati pavo, asi vakamuramba, naizvozvo marwadzo akavawira vari vatadzi.
114. Saka idyai kubva kune zvamakapihwa naAllah zvakabvumidzwa uye zvakachena. Uye ivai munotenda makomborero aAllah kana vari ivo vamunonamata.
115. Zvirokwazvo, vakakurambidzai Al-Maitah (nyama yemhuka yafa yoga), ropa, nyama yenguruve, uye nemhuka inouraiwa sechibairo kune zvimwe kunze kwaAllah (kana inouraiwa zita raAllah risina kutaurwa). Asi kana umwe ari panguva yakaoma pasina kuzviitira une kana kupfurikidza mwero, zvirokwazvo Allah vanoregerera zvikuru, vane tsitsi zhinji.
116. Uye musataure maererano nezvamunotungamidza nendimi dzenyu zvemanyepo kuti: “Izvi zviri Halaal (zvinobvumidzwa) uye izvi zviri Haraam (zvinorambidzwa),” muchitaura manyepo kuna Allah. Avo vanotaura manyepo kuna Allah havabudiriri.
117. Kufara kushoma-shoma (vachakuwana), asi vachawana marwadzo akaomarara.
118. Uye maJudha takava tinovarambidza sezvatakakutaurira iwe (Muhammad (SAW)) kumashure (Qur’aan 6: 146). Uye hatina kuvadzvanyirira, asi vakazvidzvanyirira pachavo.
119. Uye zvirokwazvo, Tenzi vako kune avo vanoita mabasa akaipa vasingazivi uye vokumbira ruregerero mushure maizvozvo uye voita mabasa akanaka, zvirokwazvo, Tenzi vako mushure maizvozvo vanoregerera zvikuru, vane tsitsi zhinji.
120. Zvirokwazvo, Abrahamu akanga ari Ummah (mutungamiri kana dzinza) aiteerera Allah, Haneef (ainamata Allah chete), uye akanga asiri pakati peavo vanosanganisa Allah nevamwe vanamwari.
121. Aitenda makomborero avo (Allah). Vakamusarudza (Allah) (seshamwari yepedyo) uye vakamutungamirira munzira yakatwasuka (Islaam).
122. Uye takamupa zvakanaka munyika ino, uye muhupenyu hunotevera achange ari umwe wevatsvene.
123. Uye takakuudza (Muhammad (SAW)) kuti: “Tevera chitendero chaAbrahamu ange ari Haneef (ainamata Allah chete), uye akanga asiri pakati peavo vanosanganisa Allah nevamwe vanamwari.”
124. Zvirokwazvo, takava tinotara Sabata kune avo vaipokana maererano nayo, uye zvirokwazvo, Tenzi vako vachatonga pakati pavo pazuva rekumutswa pane izvo zvavaipokana mazviri.
125. Sheedzera (Muhammad (SAW)) kunzira yaTenzi vako (Islaam) nehungwaru uye nemharidzo yakanaka, uye pikisana navo nenzira yakanaka. Zvirokwazvo, Tenzi vako ndivo vanoziva uyo akarasika kubva munzira yavo, uye ndivo vanoziva avo vakatungamirirwa.
126. Uye kana muchiranga (muvengi, imi vatendi), naizvozvo rangai nenzira yakafanana neyamakarangwa nayo. Asi kana mukatsungirira, zvirokwazvo, zvakanakira vanotsungirira.
127. Uye tsungirira (Muhammad (SAW)), uye kutsungirira kwako kunobva kuna Allah. Uye usava unobatikana pamusoro pavo (vasingatendi), uye usava unoshushikana maererano nezvavanoronga.
128. Zvirokwazvo, Allah vane avo vanovatya, uye neavo vanoita mabasa akanaka.



CHITSAUKO AN-NAHL 2013_110
الرجوع الى أعلى الصفحة اذهب الى الأسفل
https://almomenoon1.0wn0.com/
 
CHITSAUKO AN-NAHL
الرجوع الى أعلى الصفحة 
صفحة 1 من اصل 1
 مواضيع مماثلة
-
» An-Nahl
» An-Nahl
» An-Nahl
» 16 - An-Nahl
» AN NAHL

صلاحيات هذا المنتدى:لاتستطيع الرد على المواضيع في هذا المنتدى
منتديات إنما المؤمنون إخوة (2024 - 2010) The Believers Are Brothers :: (English) :: The Holy Quran is translated :: Nechishona-
انتقل الى: