منتديات إنما المؤمنون إخوة (2024 - 2010) The Believers Are Brothers

(إسلامي.. ثقافي.. اجتماعي.. إعلامي.. علمي.. تاريخي.. دعوي.. تربوي.. طبي.. رياضي.. أدبي..)
 
الرئيسيةالأحداثأحدث الصورالتسجيل
(وما من كاتب إلا سيبلى ** ويبقى الدهر ما كتبت يداه) (فلا تكتب بكفك غير شيء ** يسرك في القيامة أن تراه)

IZHAR UL-HAQ

(Truth Revealed) By: Rahmatullah Kairanvi
قال الفيلسوف توماس كارليل في كتابه الأبطال عن رسول الله -صلى الله عليه وسلم-: "لقد أصبح من أكبر العار على أي فرد مُتمدين من أبناء هذا العصر؛ أن يُصْغِي إلى ما يظن من أنَّ دِينَ الإسلام كَذِبٌ، وأنَّ مُحَمَّداً -صلى الله عليه وسلم- خَدَّاعٌ مُزُوِّرٌ، وآنَ لنا أنْ نُحارب ما يُشَاعُ من مثل هذه الأقوال السَّخيفة المُخْجِلَةِ؛ فإنَّ الرِّسَالة التي أدَّاهَا ذلك الرَّسُولُ ما زالت السِّراج المُنير مُدَّةَ اثني عشر قرناً، لنحو مائتي مليون من الناس أمثالنا، خلقهم اللهُ الذي خلقنا، (وقت كتابة الفيلسوف توماس كارليل لهذا الكتاب)، إقرأ بقية كتاب الفيلسوف توماس كارليل عن سيدنا محمد -صلى الله عليه وسلم-، على هذا الرابط: محمد بن عبد الله -صلى الله عليه وسلم-.

يقول المستشرق الإسباني جان ليك في كتاب (العرب): "لا يمكن أن توصف حياة محمد بأحسن مما وصفها الله بقوله: (وَمَا أَرْسَلْنَاكَ إِلَّا رَحْمَةً لِّلْعَالَمِين) فكان محمدٌ رحمة حقيقية، وإني أصلي عليه بلهفة وشوق".
فَضَّلَ اللهُ مِصْرَ على سائر البُلدان، كما فَضَّلَ بعض الناس على بعض والأيام والليالي بعضها على بعض، والفضلُ على ضربين: في دِينٍ أو دُنْيَا، أو فيهما جميعاً، وقد فَضَّلَ اللهُ مِصْرَ وشَهِدَ لها في كتابهِ بالكَرَمِ وعِظَم المَنزلة وذَكَرَهَا باسمها وخَصَّهَا دُونَ غيرها، وكَرَّرَ ذِكْرَهَا، وأبَانَ فضلها في آياتٍ تُتْلَى من القرآن العظيم.
المهندس حسن فتحي فيلسوف العمارة ومهندس الفقراء: هو معماري مصري بارز، من مواليد مدينة الأسكندرية، وتخرَّجَ من المُهندس خانة بجامعة فؤاد الأول، اشْتُهِرَ بطرازهِ المعماري الفريد الذي استمَدَّ مَصَادِرَهُ مِنَ العِمَارَةِ الريفية النوبية المَبنية بالطوب اللبن، ومن البيوت والقصور بالقاهرة القديمة في العصرين المملوكي والعُثماني.
رُبَّ ضَارَّةٍ نَافِعَةٍ.. فوائدُ فيروس كورونا غير المتوقعة للبشرية أنَّه لم يكن يَخطرُ على بال أحَدِنَا منذ أن ظهر وباء فيروس كورونا المُستجد، أنْ يكونَ لهذه الجائحة فوائدُ وإيجابيات ملموسة أفادَت كوكب الأرض.. فكيف حدث ذلك؟!...
تخليص الإبريز في تلخيص باريز: هو الكتاب الذي ألّفَهُ الشيخ "رفاعة رافع الطهطاوي" رائد التنوير في العصر الحديث كما يُلَقَّب، ويُمَثِّلُ هذا الكتاب علامة بارزة من علامات التاريخ الثقافي المصري والعربي الحديث.
الشيخ علي الجرجاوي (رحمه الله) قَامَ برحلةٍ إلى اليابان العام 1906م لحُضُورِ مؤتمر الأديان بطوكيو، الذي دعا إليه الإمبراطور الياباني عُلَمَاءَ الأديان لعرض عقائد دينهم على الشعب الياباني، وقد أنفق على رحلته الشَّاقَّةِ من مَالِهِ الخاص، وكان رُكُوبُ البحر وسيلته؛ مِمَّا أتَاحَ لَهُ مُشَاهَدَةَ العَدِيدِ مِنَ المُدُنِ السَّاحِلِيَّةِ في أنحاء العالم، ويُعَدُّ أوَّلَ دَاعِيَةٍ للإسلام في بلاد اليابان في العصر الحديث.

أحْـلامٌ مِـنْ أبِـي (باراك أوباما) ***

 

 CHITSAUKO YUSUF

اذهب الى الأسفل 
كاتب الموضوعرسالة
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn
مؤسس ومدير المنتدى
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn


عدد المساهمات : 52644
العمر : 72

CHITSAUKO YUSUF Empty
مُساهمةموضوع: CHITSAUKO YUSUF   CHITSAUKO YUSUF Emptyالأربعاء 23 مارس 2022, 11:03 pm

CHITSAUKO YUSUF
(MUPOROFITA JOSEFA) 12
Muzita raAllah, Vane Tsitsi, Vane Ngoni.
1. Alif – Laam – Raa. (Mashoko aya ndiwo mamwe ezvishamiso zviri muQur’aan, uye hapana anoziva zvaanoreva kunze kwaAllah (voga)). Idzi indima dzeGwaro riri pachena (rinoburitsa pachena zvinobvumidzwa nezvinorambidzwa, mitemo, nhungamiri uye makomborero).
2. Zvirokwazvo, takaburutsa iri Qur’aan muchirudzi chechiArabhu kuti muve munorinzwisisa.
3. Tinokutsanangurira iwe (Muhammad (SAW)) nhaurwa dzakanaka kuburikidza muzvizvarurwa zvedu kwauri muQur’aan iri. Uye mushure meizvi (kwekuuya Qur’aan kwauri) waive umwe weavo vasina chavanoziva.
4. (Rangarira) Josefa paakati kuna baba vake: “Imi baba vangu! Zvirokwazvo, ndaona (muhope dzangu) nyeredzi gumi neimwe uye zuva uye mwedzi, ndazviona zvichindipfugamira.”
5. Ivo (baba) vakati: “Iwe mwana wangu! Usava unoudza zvawaona madzikoma ako, pamwe vangakurongera zvakaipa. Zvirokwazvo, Satani kuvanhu muvengi ari pachena!”
6. “Saizvozvo Tenzi vako vachakusarudza uye vokudzidzisa tsanangudzo dzehope (nezvimwe zvinhu), uye vozadzisa makomborero kwauri uye kuvana vaJakobho, sekunatsurudza kwavakaita kumadzibaba ako, Abrahamu, naIsaka kare! Zvirokwazvo, Tenzi vako ndivo muzivi wezvose, vane uchenjeri hwese.”
7. Zvirokwazvo, muna Josefa nemadzikoma ake makange mune zviratidzo kune avo vanobvunza.
8. Pavakati: “Zvechokwadi, Josefa nemukoma wake (Benjamini) vanofarirwa nababa vedu kupfuura isu, asi isu tiri chikwata chakasimba. Zvirokwazvo, baba vedu vakarasika (vari kutadza) zviri pachena.”
9. “Urayai Josefa kana kuti murasirei kuimwe nzvimbo (iri kure), kuitira kuti makomborero ababa venyu apihwe imi moga, uye mushure mezvo muchava vanhu vakanaka (nekuva nepfungwa dzekukumbira ruregerero musati matadza).”
10. Umwe pakati pavo akati: “Musauraya Josefa, asi mukandei pasi pasi petsime, achazonhongwa nevapfuuri venzira.”
11. Ivo vakati: “Imi baba vedu! Nemhaka yei musingativimbe naJosefa kunyangwe zvirokwazvo isu tiri kwaari vashuviri vezvakanaka?”
12. “Mutumirei nesu mangwana kuti ave anofara nekutamba, uye zvirokwazvo, tichamuchengetedza.”
13. Iye (Jakobho) akati: “Zvirokwazvo, kuenda kwenyu naye kunondishaisa mufaro, uye ndinotya kuti anodyiwa nemhumhi imi makarivara nezvake.”
14. Vakati: “Zvirokwazvo, kana mhumhi ikamudya, isu tiri chikwata chakasimba (chekumuchengetedza), nokudaro zvirokwazvo, tiri avo vakarasikirwa.”
15. Nokudaro pavakaenda naye, uye vose vakawirirana kumukandira pazasi petsime (vakadaro), uye takava tinomuzarurira (Josefa) kuti: “Zvirokwazvo, uchava (rimwe zuva) unovaudza hurongwa hwavo uhu ivo vasingazivi.”
16. Uye vakauya kuna baba vavo manheru vachichema.
17. Vakati: “Imi baba vedu! Tanga tichimhanya tichikwikwidzana, uye tikasiya Josefa nezvinhu zvedu, uye mhumhi ikamudya; asi hamufi makatitenda kunyange tikataura chokwadi.”
18. Uye vakauya nehembe yake ine ropa renhema. Iye akati: “Asi nyaya iyi maironga pachenyu.
Nokudaro kutsungirira kwakandinakira. Uye Allah voga ndivo vanokumbirwa rubatsiro pamusoro pezvamatsanangudza.”
19. Uye pakauya vapfuuri venzira (vafambi), uye vakatuma mucheri wemvura wavo, uye akadzikisa mugomo wake (mutsime). Akati: “Mashoko akanaka! Pano pane mukomana.” Nokudaro vakamuviga sechitengeswa (muranda). Uye Allah ndivo vaiziva zvose zvavaiita.
20. Uye vakamutengesa nemutengo wakadzikira hwemadhirihamu (masirivha) mashoma shoma. Uye vakange vari avo vaimuona sechinhu chisina basa.
21. Uye iye (murume) akamutenga kuEgypt akati kumukadzi wake: “Ita kuti agare zvakanaka, dzimwe nguva angatibatsira kana kuti tichamutora semwana.” Uye ndiwo magadziro atakaita Josefa munzvimbo kuti tive tinomudzidzisa zvirevo zvezviitiko. Uye Allah vane masimba ose pahurongwa hwavo, asi vanhu vazhinji havazivi.
22. Uye (Josefa) paakasvika pahurume hwake, takamupa huchenjeri neruzivo (huporofita), uye aya ndiwo mapiro mubairo atinoita vanoita mabasa akanaka.
23. Uye iye (mukadzi), mumba make maakange ari (Josefa), akada kuita zvakaipa naye, uye akavhara misuwo uye akati: “Huya pano, iwe.” Iye akati: “Ndinokumbira rudziviriro kubva kuna Allah! Zvirokwazvo, iye (murume wako) ndimambo vangu! Vakaita kuti kugara kwangu kuve kwakanaka! (Nokudaro handimbofi ndakamurasisa). Zvirokwazvo, vaiti vezvakaipa havafi vakabudirira.”
24. Uye zvirokwazvo (mukadzi) akange ave anomuda, uye (Josefa) akange ave kuda kurerekera kumadirwo ake, dai asina kuona humboo hwaTenzi vake. Sokudaro zvakaitika, kuti tive tinomubvisa kubva mune zvakaipa uye choupombwe. Zvirokwazvo, akange ari mumwe wevaranda vedu vatakasarudza.
25. Uye vakamhanyidzana kumusuwo, uye (mukadzi) akamubvarurira hembe yake (Josefa) kumashure. Vose vakava vanoona mambo vake (murume wake) pamusuwo. (Mukadzi) akati: “Ndeupiko mugove (murango) kune uyo anga achida kuita zvakaipa kumukadzi wako, kusara kwekuti ave anopinda mujere kana murango unorwadza?”
26 Iye (Josefa) akati: “Ndiye anga achida kundinyengedza;” uye chapupu chemumba make chakava chinopupura (chichiti): “Kana hembe yake yakabvaruka mberi nyaya yake (mukadzi) ndeye chokwadi, uye uyu munyepi (Josefa)!”
27. “Asi kana kuri kuti hembe yake yakabvaruka kumashure, nokudaro ari kunyepa (mukadzi), uye iye (Josefa) ari kutaura chokwadi!”
28. Saka paakaona (murume wake) hembe yake (Josefa) yakabvaruka kumashure akabva ati: “Zvirokwazvo, hurongwa hwenyu imi vakadzi! Zvirokwazvo, hurongwa hwenyu hwakakuru!”
29. “Iwe Josefa! Furatira izvi! (Iwe mukadzi!) Kumbira ruregerero kuchitadzo chako. Zvirokwazvo, wanga uri umwe wevatadzi.”
30. Uye vakadzi vemuguta vakati: “Mukadzi waAziz ari kuda kunyengedza kamukomana kake kechidiki (muranda wake). Zvirokwazvo, anomuda zvakanyanya. Zvirokwazvo, tinomuona akarasika zviri pachena.”
31. Nokudaro paakanzwa chipomherwa chavo, akavakoka kumabiko akavagadzirira kudya kwavo, uye akapa mumwe nemumwe pakati pavo banga (kuti ave anocheka chokudya), uye akati (kuna Josefa): “Buda pachena pamberi pavo.” Pavakamuona, vakashamisika naye (nerunako rwake), uye (mukushamisika kwavo) vakazvicheka maoko avo. Vakati: “Hunyanzvi hwaAllah here uhu! Haasi munhu uyu! Asi ingirozi inoremekedzwa!”
32. Iye (mukadzi waAziz) akati: “Uyu ndiye (mukomana) wamandipomera naye, uye zvirokwazvo, ndaida kumunyengedza, asi akaramba. Uye akaramba iyezvino kuteerera murairo wangu, zvirokwazvo achapinda mujere, uye zvirokwazvo achava umwe wevakadzikisirwa.”
33. Iye (Josefa) akati: “Tenzi vangu! Jere rakandinakira kudarika izvo zvavari kundidaidzira kwazviri. Uye kana mukasandidzivirira kubva muhurongwa hwavo, ndichava ndinorerekera kwavari, uye ndova uyo weavo vasina ruzivo (vatadzi).”
34. Naizvozvo Tenzi vake vakapindura chikumbiro chake, vakamunzvengesa kubva muhurongwa hwavo. Zvirokwazvo, ndivo vanonzwa zvese, vanoziva zvese.
35. Nokudaro vakaona mushure mekunge vaona humboo (wekushaya kwake mhosva), kuti zvirokwazvo vamuise mujere kwekanguva.
36. Uye akapinda mujere nevarume vechidiki vaviri. Mumwechete wavo akati: “Zvirokwazvo, ndaona (muhope) ndichisvina waini.” Uye umwe akati: “Zvirokwazvo, ndaona (muhope) ndakasenga chingwa nemusoro, asi shiri dzanga dzichidya kubva kwachiri.” (Vakati): “Tiudzewo
zvinoreva izvi. Zvirokwazvo, tinopfunga kuti uri umwe wevanoita zvakanaka.”
37. Iye (Josefa) akati: “Hakuna chokudya chichauya kwamuri muchipihwa sekudya kwenyu, asi ndichakuudzai zvadzinoreva (hope) chisati chauya (chokudya). Izvi ndizvo Tenzi vangu zvavandidzidzisa. Zvirokwazvo, ndakasiya chitendero chevanhu vasingatendi muna Allah uye havatendi muhupenyu hwamangwana (vanhu vekuKenani vaive kuEgypt avo vainamata zuva nevamwe vanamwari venhema).”
38. “Uye ndikatevera chitendero chemadzibaba angu, Abrahamu, Isaka, naJakobho, uye hatifi takasanganisa zvimwe zvinhu naAllah. Izvi zvinobva kunyasha dzaAllah kwatiri uye kuvanhu vose, asi vanhu vazhinji havatendi (havatendi muna Allah kana kuvanamata).”
39. “Imi shamwari mbiri dzemujere! Vanamwari vakawanda vari nani here kupfuura Allah, vamwechete, vasingakundiki?”
40. “Zvamunonamata zvisiri ivo (Allah) anongova mazita chete amakatumidza imi nemadzibaba enyu, izvo pamusoro pazvo Allah havana kudzikisa murairo (masimba). Kuraira hakuzi komumwe kunze kwaAllah. Vakakomekedza kuti musava munonamata zvimwe zvinhu kunze kwavo (voga). Ichi ndicho chitendero chakatwasuka (chechokwadi), asi vanhu vazhinji havazivi.”
41. “Imi shamwari mbiri dzemujere! Umwe pakati penyu achadirira waini mambo vake kuti vamwe; asi umwe acharoverwa (pamuchinjikwa) uye shiri dzichadya kubva mumusoro make. Uhu ndiwo hurongwa hwatongwa maererano nezvamanga muchibvunza.”
42. Uye akati kune uyo waaiziva kuti aizonunurwa pakati pavo: “Undirangarirewo pamberi pamambo vako (kuti ndive ndinobuda mujere).” Asi Satani akaita kuti ave anokanganwa kumurangarira pamberi pamambo vake. Nokudaro (Josefa) akagara mujere kwemakore (mamwe) mashoma.
43. Uye mambo (wekuEgypt) vakati: “Zvirokwazvo, ndaona (muhope) mombe nomwe dzakasimba dzichidya dzimwe nomwe dzakawonda, uye nemiguri minomwe yechibage inyoro uye neimwe minomwe yakaoma. Imi vanoremekedzwa! Nditsanangurireiwo hope dzangu, kana muchikwanisa kutsanangura hope.”
44. Ivo vakati: “Hope dzenhema dzakasanganiswa, uye hatina hunyanzvi wekutsanangura hope.”
45. Nokudaro murume weavo vaiva vabudiswa (kubva mujere pavaviri vaya) akarangarira mushure menguva refu uye akati: “Ndichakuudzai zvadzinoreva, nokudaro nditumei (kuna Josefa).”
46. (Uye akati): “Iwe Josefa, murume wechokwadi! Titsanangurirewo (hope) dzemombe nomwe dzakasimba dzichidya dzimwe nomwe dzakawonda, uye miguri minomwe inyoro yechibage neimwe minomwe yakaoma, kuti ndive ndinodzokera kuvanhu, uye kuti vave vanoziva.”
47. (Josefa) akati: “Kwemakore manomwe akatevedzana muchakohwa senguva dzose, uye goho iroro risiyei mumashizha aro (risina kufururwa), kunze kwezvishoma zvazvo zvamuchadya.”
48. “Mushure mazvo kuchauya makore manomwe akaoma, ayo achadya zvamakaachengetedzera, kunze kwezvishoma zvamakachengetedza.”
49. “Uye mushure mezvo kuchauya gore mariri vanhu vachawana mvura yakawanda, uye mariri vachasvina (doro nemafuta).”
50. Uye mambo akati: “Muunzei kwandiri!” Asi paakauya mutumwa kwaari, (Josefa) akati: “Dzokera kuna mambo vako uye unovabvunza kuti: ‘Chii chakaitika kuvakadzi vekuzvicheka maoko avo? Zvirokwazvo, Tenzi vangu (Allah) vanoziva zvikuru hurongwa wavo (vakadzi ivavo).’”



CHITSAUKO YUSUF 2013_110
الرجوع الى أعلى الصفحة اذهب الى الأسفل
https://almomenoon1.0wn0.com/
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn
مؤسس ومدير المنتدى
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn


عدد المساهمات : 52644
العمر : 72

CHITSAUKO YUSUF Empty
مُساهمةموضوع: رد: CHITSAUKO YUSUF   CHITSAUKO YUSUF Emptyالأربعاء 23 مارس 2022, 11:04 pm

51. (Mambo) vakati (kuvakadzi): “Nyaya yenyu yanga iri yei pamaida kunyengedza Josefa?” Vakadzi vakati: “Allah ngavatidzivirire! Hatina chakaipa chatinoziva pamusoro pake!” Mukadzi waAziz akati: “Iyezvino chokwadi chabuda pachena; ndini ndaida kumunyengedza, uye zvirokwazvo ari pachokwadi.”
52. (Josefa akati: “Ndakumbira ongorora iyi) Kuti (Aziz) ave anoziva kuti zvirokwazvo ini ndaisamunyengedza asipo. Uye zvirokwazvo, Allah havatungamiriri hurongwa hwevanyengedzi.”
53. “Uye handisi kuzvisunungura pachangu (kubva kumhosva). Zvirokwazvo, moyo (munhu) unorerekera kuzvitadzo, kunze kwekuti Tenzi vangu vadzikisa tsitsi dzavo (kune wavanoda). Zvirokwazvo, Tenzi vangu ndivo vane ruregerero rwose, vane nyasha zhinji.”
54. Uye mambo vakati: “Muunzei kwandiri kuti ndimuite hwepedyo neni.” Nokudaro pavakataura naye, vakati: “Zvirokwazvo, zuva ranhasi uri nesu pachinzvimbo chepamusoro uye tinovimba (newe) zvikuru.”
55. Josefa akati: “Ndiisei panochengeterwa zviwanikwa zvenyika, zvirokwazvo, ndichazvichengetedza neruzivo rwepamusoro (segurukota rezvemari reku Egypt).”
56. Aya ndiwo mapiro atakaita Josefa hukuru (chinzvimbo) munyika, kutora chinzvimbo mairi, paanoda kana kwaanoda. Tinodzikisa nyasha dzedu kune watinoda, uye tinoita kuti mubairo wevakanaka usarasike.
57. Uye zvirokwazvo, mubairo hweupenyu hunotevera huri nani kune avo vanotenda uye vachitya Allah (vosiya zvese zvakaipa uye voiita zvese zvakanaka).
58. Uye madzikoma aJosefa akauya uye vakapinda maakanga ari, uye akavaziva, asi ivo Havana kumuziva.
59. Uye paakavagadzirira chikafu chavo (chavaida), iye akati: “Ndiunzirei mukoma wenyu kubva kuna baba venyu (Benjamini). Hamuzvioni here kuti ini ndinopa mupimo wakakwana, uye ndiri nyanzvi pakubata zvakanaka vaenzi?”
60. “Asi kana mukasamuunza, pachange pasina chipimo chenyu kubva kwandiri, uye musauya padyo neni.”
61. Vakati: “Tichaedza kukumbira mvumo kuna baba vake, uye zvirokwazvo tichazviita.”
62. Uye (Josefa) akaudza varanda vake kuti vaise mari yavo (yavanga vashandisa kutenga nayo) mumasaga avo, kuti vagozviziva kana vadzokera kuvanhu vavo, zvimwe vangadzoka zvakare.
63. Pavakadzokera kuna baba vavo, vakati: “Imi baba vedu! Hakuna chipimo chechokudya chatichakwanisa kuwana (kunze kokuti tikaenda naBenjamini). Nokudaro titumirei pamwechete nemukoma wedu, uye tichawana chipimo chedu uye tichamuchengetedza.”
64. Iye (Jakobho) akati: “Ndingakuvimbai here naye (Benjamini) sekukuvimbai kwandakaita nemukoma wake (Josefa) nguva yapfuura? Asi Allah ndivo muchengetedzi mukuru, uye vane tsitsi dzose kune avo vanoratidza tsitsi.”
65. Uye pavakavhura masaga avo, vakawana mari yavo yadzoserwa kwavari. Vakati: “Imi baba vedu! Chii chatinoda? Iyi imari yedu yadzoswa kwatiri, nokudaro tichawana (zvakawanda) zvokudya zvemhuri yedu, uye tichachengetedza mukoma wedu uye kuwedzera chipimo chokutakurwa nengamera imwechete. Huwandu uhu hauna kuoma (kuna mambo kuti atipe).”
66. (Jakobho) akati: “Handimbomutumire pamwechete nemi kusvika mapika zvakasimba pamberi pangu nezita raAllah, kuti muri kudzoka naye kwandiri kunze kwekuti maunganirwa (nevavengi).” Uye pavakapika zvakasimba, iye (Jakobho) akati: “Allah ndivo mufakazi wezvatataura.”
67. Uye akati: “Imi vana vangu! Musava munopinda nemusuwo mumwechete, asi mopinda nemisuwo yakasiyana, uye handikwanisi kukudzivirirai kuna Allah nechimwe chinhu. Zvirokwazvo, mutongo tinousiira kuna Allah. Kwavari ndinovimba, uye regai vose vanovimba vavimbe navo.”
68. Uye pavakapinda sekurairwa kwavakange vaitwa nababa vavo, hazvina kuvavharidzira chimwe chinhu kuna Allah, asi chaive chido chemukati-kati chemumoyo waJakobho chaakabuditsa. Uye zvirokwazvo, akanga ane ruzivo nokuti takamudzidzisa, asi vanhu vakawanda havazive.
69. Uye pavakapinda maiva naJosefa, akatora mukoma wake (Benjamini) uye akati: “Zvirokwazvo, ndiri mukoma wako, saka usashushikane nezvavaigaro ita.”
70. Nokudaro paakavapa chikafu chavo, akaisa ndiro (yerudzi rwendarama) musaga remukoma wake (Benjamini). Nokudaro musheedzi akasheedza: “Imi muri mungoro! Zvirokwazvo, muri mbavha!”
71. Vakacheukira kwavari, vakati: “Ndechipiko chamashaya?”
72. Ivo vakati: “Tashaya ndiro (yerudzi rwendarama) yamambo, uye kune uyo anoiwana (kune mubairo) wechikafu chinotakurwa nengamera; uye ndichachengetedza vimbiso iyi.”
73. Ivo vakati: “Tinopika naAllah! Zvirokwazvo, munoziva kuti hatina kuuya kuzokonzera musikanzwa munzvimbo, uye hatizi mbavha!”
74. Ivo (vakomana vaJosefa) vakati: “Saka mubairo wake (uyo anowanika nendiro) uchange wakaita sei, kana muri vanyepi?”
75. Ivo (madzikoma aJosefa) vakati: “Murango wake ndeuyu, uyo musaga rake muchawanika (ndiro), anofanira kusarira mutongo (wake). Ndiwo marangiro atinoita vaiti vezvakaipa!”
76. Nokudaro (Josefa) akatanga (kutsvaga) mumasaga avo asati musaga remukoma wake. Nokudaro akaibuditsa musaga remukoma wake. Aya ndiwo marongero atakaitira Josefa. Akanga asingakwanisi kutora mukoma wake nemutemo wamambo (semuranda) kunze kwekuti Allah vazvida. Tinokwidziridza zvinhanho watinoda, asi pamusoro pevose vane ruzivo pane muzivi wezvose (Allah).
77. Ivo (madzikoma aJosefa) vakati: “Kana aba, zvirokwazvo mukoma wake (Josefa) akamboba kare.” Asi Josefa akazviviga maari, uye haana kuzvibuditsa kwavari. Akati: “(Maari) Muri panhaurwa yakaipa, uye Allah ndivo muzivi wezvose zvamatsanangura!”
78. Vakati: “Imi Aziz (mutongi wenzvimbo)! Zvirokwazvo, ana baba vachembera, nokudaro torai mumwe wedu pachinzvimbo chake. Zvirokwazvo, tinofunga kuti muri umwe wevaiti vezvakanaka.”
79. Iye (Josefa) akati: “Allah ngavarambidze kuti tive tinotora umwe, asi kutora watawana nechinhu chedu. Zvirokwazvo (kana tikadaro), tingave vaiti vezvakaipa.”
80. Nokudaro, pavakarambirwa naye (Josefa), vakasangana pachihwande. Mukoma wavo mukuru akati: “Hamuzivi here kuti baba venyu vakatora kupika kwenyu nemuzita raAllah, uye mushure makatadza mubasa renyu naJosefa? Nokudaro handisikubuda munyika ino kusvika baba vangu vanditendera, kana kuti Allah vatonga panyaya yangu (nekuregedza Benjamini), uye ndivo mutongi wakanaka.”
81. “Dzokerai kuna baba venyu uye moti: ‘Imi baba vedu! Zvirokwazvo, mwana wenyu (Benjamini) akaba, uye tinopa huchapupu chete maererano nezvatinoziva, uye hatina kukwanisa kuona zvakavanzika!’
82. ‘Uye bvunzai (vanhu) veguta ratanga tiri, uye ngoro yatadzoka nayo, uye zvirokwazvo tiri kutaura chokwadi.’”
83. Iye (Jakobho) akati: “Asi hunhu hwenyu hwakupinzai mune zvimwe. Nokudaro moyo murefu ndowakanaka. Pamwe Allah vachavadzosa (vose) kwandiri. Zvirokwazvo, ivo ndivo voga muzivi wezvose, vane huchenjeri hwese.”
84. Akatendeuka kubva kwavari uye akati: “Aah, marwadzo angu aJosefa!” Uye akarasikirwa nekuona nokuda kwekushushikana kwaakange achikudzora.
85. Vakati: “Tinopika naAllah! Hamufi makaguma kufunga Josefa kusvika musisina samba nekuchembera, kana kuti mave umwe wevafi.”
86. Iye akati: “Ndinogunun’una marwadzo nekushushikana kwangu kuna Allah, uye ndinoziva kubva kuna Allah zvamusingazivi.”
87. “Imi vana vangu! Endai munotsvaga nezvaJosefa namukoma wake, uye musafe marasa tariro dzetsitsi dzaAllah. Zvirokwazvo, hakuna anorasa tariro dzetsitsi dzaAllah, kunze kwevanhu vasingatendi.”
88. Nokudaro pavakapinda maiva naJosefa vakati: “Imi mutongi wenyika! Nguva yakaoma yatisvikira uye mhuri yedu, uye taunza mubhadharo wenhando, nokudaro tipei chipimo chakazara uye ivai mupi kwatiri. Zvirokwazvo, Allah vanopa mubairo vapi vezvipo.”
89. Iye akati: “Munoziva here zvamakaita naJosefa nemukoma wake pamakange musingazivi?”
90. Ivo vakati: “Zvirokwazvo, ndiwe here Josefa?” Iye akati: “Ndini Josefa, uye uyu mukoma wangu (Benjamini). Zvirokwazvo, Allah vane tsitsi nesu. Zvirokwazvo, uyo anotya Allah uye aine moyo murefu, nokudaro, zvirokwazvo Allah havaiti mugove wevaiti vezvakanaka kuti urasike.”
91. Vakati: “Tinopika naAllah! Zvirokwazvo, Allah vakusarudza iwe kwatiri, uye zvirokwazvo taive tiri vatadzi.”
92. Iye (Josefa) akati: “Hakuna raidzo kwamuri zuva ranhasi; Allah ngavakuregererei, uye ndivo (Allah) vane tsitsi dzose pakati peavo vanoratidza tsitsi!”
93. “Endai nehembe yangu iyi, uye moikanda pamberi pechiso chababa vangu, vachatanga kuona, uye ndiunzirei mhuri yenyu yose.”
94. Uye pakasvika ngoro, baba vavo vakati: “Ndirikunzwa zvirokwazvo munhuwi waJosefa, ndokunge musingafunge kuti ndachembera.”
95. Vakati: “Topika naAllah! Zvirokwazvo, muri mukurasika kwenyu kwekare.”
ndeapi akava magumo evaiva mumashure mavo? Uye zvirokwazvo, imba yehupenyu hwamangwana yakanakira avo vanotya Allah (voita mabasa akanaka uye vosiya akaipa). Ko hamunawo njere here?
96. Nokudaro, apo pakauya musengi wemashoko akanaka, akaikanda pamberi pechiso chavo, uye vakatanga kuona zvakanaka. Iye (Jakobho) akati: “Handina here kuti kwamuri ndinoziva kubva kuna Allah izvo zvamusingazivi.”
97. Vakati: “Imi baba vedu! Tikumbirireiwo ruregerero (kuna Allah) pazvitadzo zvedu. Zvirokwazvo, tanga tiri vatadzi.”
98. Iye akati: “Ndichakukumbirirai ruregerero kuna Tenzi vangu, zvirokwazvo, ivo chete ndivo vane ruregerero rwose, vane tsitsi dzakanyanya.”
99. Nokudaro pavakapinda kwaiva naJosefa, akatora vabereki vake akati: “Pindai Egypt, kana Allah vachida, nechengetedzo.”
100. Uye akasimudzira vabereki vake pachigaro chehutongi uye vakava vanomupfugamira. Iye akati: “Imi baba vangu! Iyi ndiyo tsanangudzo yehope dzangu dzekare! Tenzi vangu vadziita dzechokwadi! Uye vanga vakandinakira apo pavakandibuditsa mujere, uye vakakuunzai (imi mose) kubva muhupenyu hwekumusha, mushure mekunge Satani akanda ruvengo pakati pangu nemadzikoma angu. Zvirokwazvo, Tenzi vangu vane tsitsi kuna ani-nani wavanoda. Zvirokwazvo, ivo ndivo chete muzivi wezvose, vane njere dzose.”



CHITSAUKO YUSUF 2013_110
الرجوع الى أعلى الصفحة اذهب الى الأسفل
https://almomenoon1.0wn0.com/
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn
مؤسس ومدير المنتدى
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn


عدد المساهمات : 52644
العمر : 72

CHITSAUKO YUSUF Empty
مُساهمةموضوع: رد: CHITSAUKO YUSUF   CHITSAUKO YUSUF Emptyالأربعاء 23 مارس 2022, 11:05 pm

101. “Tenzi vangu! Zvirokwazvo, makandipa masimba ehutongi, uye kundidzidzisa zvimwe kubva kukududzira hope. Musiki wedenga nenyika! Muri muchengeti wangu pano pasi nehupenyu hwamangwana. Itai kuti ndife ndiri muMuslim (uyo anozvipira kutevedzera mirairo yenyu), uye ndibatanidzei nevatsvene.”
102. Idzi ndidzo nhaurwa dzakavanzika dzatinokuzarurira iwe (Muhammad (SAW)). Wakanga usinavo pavakaronga hurongwa hwavo pamwechete, uye pavakanga vachironga.
103. Uye vanhu vazhinji havasi kuzotenda kunyange uchizvishuvira zvakanyanya.
104. Uye hapana mubairo wauri kuvabvunza (Muhammad (SAW)) avo vari kuramba huporofita hwako) kubva pariri (Qur’aan), asi ringori yeuchidzo neyambiro kuvanhu vose.
105. Uye zvingani kubva muzviratidzo zvedenga nenyika zvavanopfuura nazvo, asi vachizvifuratira.
106. Uye vazhinji vavo havatendi muna Allah kunze kwekuti vachivasanganisa (Allah) (nezvimwe zvivanamwari).
107. Vanonzwa here vane chengetedzo kubva mukuputirwa nemarwadzo aAllah, kana kuti kuuya kwavari kwenguva yekupedzisira vakarivara, ivo vasingazivi?
108. Iti (Muhammad (SAW)): “Iyi ndiyo nzira yangu, ndinodana kuna Allah zvine ruzivo, ini naani-nani vanonditevera. Uye rumbidzo ngadzive kuna Allah, uye handisi umwe weavo vanosanganisa (Allah nezvimwe zvinhu mukunamata).
109. Uye hatina kutuma mumashure mako (sevatumwa) kunze kwevarume vataivazarurira (vataipa mashoko) kubva muvanhu vemudunhu. Havasati vambofamba here munyika uye vakaona kut
110. (Vakaregererwa) Kusvika apo vatumwa vakarasa tarisiro uye vakafunga kuti vakange varambwa (nevanhu vavo), nokudaro rubatsiro rwedu rwakauya kwavari, uye vakanunurwa avo vataida. Uye marwadzo edu haafi akadzivirirwa kubva kuvanhu vasingatendi (vanotadza).
111. Zvirokwazvo munyaya dzavo, mune chidzidzo kuvanhu vanonzwisisa. Iri (Qur’aan) harisi mashoko akakanganiswa, asi chisimbiso cheizvo zvakauya mushure maro (Torah, Vhangeri nemamwe mabhuku), uye tsanangudzo yakazara yezvinhu zvose, uye gwara, uye tsitsi kuvanhu vanotenda.



CHITSAUKO YUSUF 2013_110
الرجوع الى أعلى الصفحة اذهب الى الأسفل
https://almomenoon1.0wn0.com/
 
CHITSAUKO YUSUF
الرجوع الى أعلى الصفحة 
صفحة 1 من اصل 1

صلاحيات هذا المنتدى:لاتستطيع الرد على المواضيع في هذا المنتدى
منتديات إنما المؤمنون إخوة (2024 - 2010) The Believers Are Brothers :: (English) :: The Holy Quran is translated :: Nechishona-
انتقل الى: