|
| CHITSAUKO AN-NISAA | |
| | كاتب الموضوع | رسالة |
---|
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn مؤسس ومدير المنتدى
عدد المساهمات : 52644 العمر : 72
| موضوع: CHITSAUKO AN-NISAA الأحد 20 مارس 2022, 5:50 pm | |
| CHITSAUKO AN-NISAA (VAKADZI) 4 Muzita raAllah, Vane Tsitsi, Vane Ngoni. 1. Imi vanhu! Ivai munotya Tenzi venyu (Allah), avo vakakusikai kubva kune munhu mumwe chete (Adam), uye vakava vanosika kubva kwaari (Adam) mukadzi wake (Hawwa – Evha), uye vakave vanosika varume nevakadzi vazhinji kubva kwavari (Adam na Evha). Uye ivai munotya Allah avo vamunokumbira navo (kodzero dzenyu dzakafanira), uye musava munocheka hukama wemimba (weropa). Zvirokwazvo, Allah ndivo vanokuonai nguva dzese. 2. Uye ivai munopa nherera hupfumi hwadzo, uye musave munochinjanisa zvakaipa (zvenyu) pane zvakanaka (zvavo); uye musave munoparadza zvinhu zvavo (nekuwedzera) pane zvinhu zvenyu. Zvirokwazvo, chivi chikuru. 3. Kana muchitya kuti hamukwanise kuita ruenzaniso pakati penherera-sikana, roorai vakadzi vamunoda, vaviri, kana vatatu, kana vana; asi kana muchitya kuti hamukwanise ruenzaniso pakati pavo, roorai mumwechete kana (varandakadzi) avo vamunochengetedza. Izvi zvinokwanisa kukuchengetedzai kubva muudzvanyiriri. 4. Uye ivai munopa vanhukadzi mari yavo yeroora (Mahr – mari inokomekedzwa munhurume kuti ape mukadzi wake panguva yekuroorana) nemoyo wakanaka; asi vakava (vakadzi venyu) vanokupai chimwe chidimbu (chemari) nokuda kwavo, itorei uye moishandisa pasina kutya chakaipa (sezvo Allah vaita kuti ive yakachena). 5. Uye musave munopa avo vasina pfungwa dzakajeka hupfumi wenyu uhwo Allah vakaita kuti uve rubatsiro kwamuri, asi vapei zvekudya nezvipfeko kubva kwauri, uye motaura navo mashoko akanaka. 6. Uye ivai munoedza nherera (pfungwa dzavo) (Ivai munoramba muchiedza nherera pfungwa dzavo) kusvika vasvika pazera rekuroora. Kana muchinge magutsikana (nepfungwa dzavo), vapei mari dzavo (hupfumi hwavo). Asi musava munoudya muchitambisa uye nekuchimbidza, muchitya kuti vangakura. Uye uyo anenge akapfuma (vareri venherera), ngaave anorega kutora hupfumi (mari yenherera), asi kana ari murombo (mureri wenherera), musiyei atore zvakafanira uye zvine hungwaru (zvinoenderana nezvaari). Uye kana muchivapa hupfumi hwavo (nherera), tsvagai zvapupu idzo dziripo (nherera) (izvo zvichatsinhira kuti makavapa mari yavo), uye Allah ndivo vega vanotonga zvose. 7. Varume vane chidimbu (cheupfumi) hwakasiiwa nevabereki kana nehama dzepedyo, uye vakadzi vane chidimbu (cheupfumi) hwakasiiwa nevabereki kana nehama dzepedyo, ungave (upfumi) hwakawanda kana ushoma, chidimbu chakatarwa (naAllah). 8. Uye kana hama nenherera uye avo vanotambura varipo panguva dzekugova (nhaka), ivai munovapa chokudya (kana zvinhu) kubva paupfumi (ihwohwo hwenhaka), uye mova munotaura navo mashoko akanaka uye ane muenzaniso (ruremekedzo). 9. Uye avo (vanogova nhaka uye vanorera nherera) ngavave vanotya udzvanyiriri hwenherera kutya kwavanoita (kudzvanyirirwa kwevana vavo) kana vachinge vafa vosiya vavo vana vadiki. Saka ngavatye Allah uye vave vanotaura mashoko akanaka. 10. Zvirokwazvo, avo vanodya upfumi hwenherera neudzvanyiriri, zvirokwazvo, vari kudya moto vachiisa mumatumbu avo. Uye vachave vanopiswa mumoto (weGehena)! 11. Allah vanova vanokukomekedzai maererano nevana venyu (upfumi hwenhaka yavo), murume (mwanakomana) anowana mugove wakafanana newevanasikana vaviri; kana paine vanasikana chete, vaviri kana vakawanda, vanowana zvidimbu zviri kubva muzvitatu (2/3) zveupfumi hwenhaka. Asi kana (musikana) ari mumwe chete, mugove wake chidimbu chepakati (1/2) (chenhaka). Vabereki (vemufi) vanowana chidimbu kubva kuzvitanhatu (1/6) cheupfumi hwenhaka umwe neumwe wavo kana mufi achinge asiya vana; asi kana asina kusiya vana, uye vabereki ndivo vega vagari venhaka (vakakodzera nemutemo), amai vanowana chidimbu kubva kuzvitatu (1/3) (cheupfumi wenhaka). Asi kana mufi aine vakoma kana hanzvadzi, amai vanowana chidimbu kubva kuzvitanhatu (1/6). Nhaka yese inopihwa mushure mekubhadhara Wiri yaanenge aiita (mufi) nezvikwereti. Hamuzivi (imi vanhu) ndiani ane rubatsiro (rukuru) pakati pavabereki venyu kana vana; (zvidimbu zvenhaka izvi) zvakava zvinokomekedzwa naAllah. Zvirokwazvo, Allah ndivo vane ruzivo rwese, uye ndivo vane hungwaru hwese. 12. Uye kune izvo zvinenge zvasiiwa nemadzimai enyu, munowana chidimbu chepakati (1/2) chenhaka kana vanga vasina mwana; asi vakasiya mwana, munowana (varume) chidimbu kubva kuzvina (¼) kune izvo zvavanenge vasiya mushure mekubhadhara Wiri yavanenge vaita kana zvikwereti. Uye kune izvo zvamunenge masiya, chidimbu chavo (vakadzi venyu) chidimbu kubva kuzvina (¼) kana musina mwana; asi mukasiya mwana, vanowana chidimbu kubva kuzvisere (1/8) yeizvo zvamunenge masiya mushure mekubhadhara Wiri yamunenge maita kana zvikwereti. Uye kana murume kana mukadzi nhaka yake irikugohwa asina vabereki kana vana, asi ane mukoma kana hanzvadzi, mumwe nemumwe wavo anowana chidimbu kubva kuzvitanhatu (1/6); asi kana vachidarika vaviri vanogovana chidimbu kubva kuzvitatu (1/3) mushure mekubhadhara Wiri yaanenge aita kana zvikwereti, kuitira kuti pasave nekurasikirwa kana kusanzwisisana (pakati penyu). Uyu ndiwo murairo kubva kuna Allah, uye Allah ndivo vane ruzivo rwese, vane moyo murefu. 13. Iyi ndiyo mitemo yakaiswa naAllah, uye uyo achateerera Allah nemutumwa wavo (Muhammad (SAW)) vachamupinza mumapindu ane nzizi dzinoerera pasi pawo (Paradhiso), umo vachagara zvachose, uye uku ndiko kubudirira kukuru. 14. Uye uyo acharegera kuteerera Allah nemutumwa wavo (Muhammad (SAW)), uye opfurikidza miganhu yavo, vachamupinza muGehena remoto, umo maachagara zvachose, uye achawana marwadzo anodzikisira. 15. Zvekare avo vanhukadzi venyu vanoita hupombwe, ivai munotora pamusoro pavo humboo kubva kuzvapupuri zvina (4) kubva kwamuri; uye vakave vanopa uchapupu, vatorei (vakadzi) vagare (vavharirei) mudzimba dzavo kusvikira rufu rwavashanyira kana kuti Allah vavavhurira (imwe) nzira. 16. Uye vanhu vaviri (mukadzi nemurume) pakati penyu vanoita hupombwe, varwadzisei vose. Asi vakave vanokumbira ruregerero (vakavimbisa Allah kuti havafi vakadzokorora hupombwe nezvimwe zvitadzo), uye zvakare vova vanoita mabasa akanaka, vasiyei. Zvirokwazvo, Allah vanoregerera zvose (ndivo muregereri uye ndivo vanotambira ruregerero), zvakare ndivo vane nyasha zvikuru. 17. Zvirokwazvo, Allah vanotambira rugerero rweavo vanoita zvakaipa vasingazivi uye vasina njere, uye vokumbira ruregerero nekukurumidza. Ndivo vanhu vanoregererwa naAllah zvakare, uye Allah ndivo vane ruzivo rwese, vane hungwaru hwose. 18. Zvakare hakuna ruregerero kune avo vanoita mabasa akaipa kana rufu ruchinge rwashanyira mumwe wavo pakati pavo ndipo anoti: “Ikozvino ndinoreurura;” zvimwechete neavo vanofa vasingatendi. Ava takavagadzirira marwadzo makuru. 19. Imi vanhu vanotenda! Hamubvumirwi kugara nhaka vanhukadzi kana zvichipokana nezvido zvavo; uye musave munovaitira hukasha kuti mugotora chidimbu cheMahr (Chipo chinobviswa nemurume achipa mudzimai wake pavanochata) yamakavapa kunze kwekuti vaita chitadzo chiri pachena (hupombwe kana kusateerera varume vavo); uye garai navo mune zvakanaka. Kana musinga vade, munogona kusada chinhu uye Allah voisa machiri zvakanaka zvakawanda. 20. Asi kana mada kutora umwe mukadzi pachinzvimbo chemumwe mukadzi, uye makapa umwe wavo (mukadzi wekutanga) Qintaar (goridhe rakawanda sechipo cheroora - Mahr), musava munovatorera (vakadzi vamasiya) chingave chidimbu cheroora (yamakavapa). Mungatore here (mari yeroora kubva kuvakadzi vamaramba) musina mvumo uye muine chitadzo chiri pachena? 21. Uye mungavatorera sei (mari yamakavapa) imi makamborara navo (makaita bonde navo), uye vakava vanotora kubva kwamuri chitsidzo chakasimba? 22. Uye musava munoroora vakadzi avo vakamboroorwa nemadzibaba enyu kusara kwezvakaitika kare. Zvirokwazvo, zvinonyadzisa uye zvinovengwa (hazviite), uye inzira yakaipa. 23. Munorambidzwa kuroora: vanaamai venyu, vanasikana venyu, hanzvadzi dzenyu, madzitete enyu, vanin’ina nemadzikoma vanaamai venyu, vanasikana emadzikoma enyu, vanasikana vehanzvadzi dzenyu, madzimai vakakuyamwisai vasiri vanaamai venyu (vakakuchengetai), hanzvadzi dzenyu dzakayamwa kubva kumadzimai vakakuyamwisai, vanaamai vevakadzi venyu, vanasikana vevakadzi venyu avo vamuri kuchengeta kubva kumadzimai avo makaita bonde navo, asi hamuna chitadzo (kana mukaroora vanasikana ava) kana musina kumboita bonde navo (vanaamai vavo), madzimai evanakomana venyu avo vamakabereka kubva mumbeu dzenyu, uye kuroora mukoma nemunin’ina panguva imwe chete kusara kwezvakaitika kare (zvisati zvarambidzwa). Zvirokwazvo, Allah vanoregerera zvikuru, vane tsitsi zhinji. 24. Uye zvakare (zvinorambidzwa kwamuri kuroora) vakadzi vakaroorwa, kusara kweavo varanda vari mumaoko enyu erudyi (vamunochengeta). Izvi Allah vakakutarirai (pasi). Vamwe vose vanobvumidzwa kwamuri (kuti muroore) hunge mavapa Mahr (Mari inopiwa mukadzi nemurume wake panguva yaanoroorwa) kubva kuupfumi hwenyu, muine chishuwo chekuita navo hunhu (kuzvichenesa kubva kumabasa erima), musingaite choupombwe. Saka avo pakati pavo vamunogarisana navo (vamunoita bonde navo), vapei mari yavo (Mahr) yakatarwa; asi kana Mahr yatarwa, mobvumirana pachenyu (kuwedzera), hamuna chitadzo (mukadaro). Zvirokwazvo, Allah vane ruzivo rwose, vane hungwaru hwose. 25. Uye uyo asingakwanise kuroora pakati penyu (uyo asina nzira dzekuroora nadzo dzakafaranuka) vakadzi vanotenda (vasiri varanda), anokwanisa kuroora vasikana vanotenda kubva kune avo vari mumaoko enyu erudyi (varanda vamunochengeta), uye Allah vanoziva zvikuru kutenda kwenyu (mavari); muri vamwe chete (vanhu vamwe chete). Saka varoorei muine mvumo yevabereki vavo (vachengeti vavo) uye movapa Mahr yavo munezvakanaka (yakafanira, inoshanda uye inotenga kana kushandisika zvinogutsa); varandasikana vanofanirwa kuva nehunhu, vasingaite cheupombwe, uye vasina vakomana vavanodanana navo. Uye kana vachinge varoorwa, vakaita cheupombwe, murango wavo chidimbu chemurango weavo vasina kuroorwa (vasiri varanda). Izvi ndezve uyo pakati penyu anotya kukuvadzwa muchitendero chake kana pamuviri wake; asi zvakakunakirai kana mukatsungirira, uye Allah vanoregerera zvikuru, vane tsitsi dzese. 26. Allah vane chishuwo chekukuburitsirai pachena (zvinodiwa nezvinorambidzwa), nekukuratidzai nzira dzeavo vaivepo musati mavapo, uye kuti vave vanotambira ruregerero rwenyu, uye Allah vanoziva zvese, vane hungwaru hwose. 27. Allah vane chishuwo chekukuregererai (kutambira ruregerero rwenyu), asi avo vanotevera zvinoda miviri yavo, vane chishuwo chekukubvisai zvikuru munzira yakatwasuka. 28. Allah vane chishuwo chekukurerutsirai zvinhu, uye munhu akasikwa asina simba (asingakwanisi kutsungirira kubva kubonde nemukadzi). 29. Imi vanotenda! Musave vanhu vanodya upfumi hwenyu pakati penyu neudzvanyiriri, kusara kwekuti muri kutenga nekutengeserana pakati penyu muchibvumirana pachenyu. Uye musave munozviuraya (kana kuurayana). Zvirokwazvo, Allah vane tsitsi zhinji kwamuri. 30. Asi uyo anozviita (kudya upfumi hwevamwe neudzvanyiriri, kuzviuraya uye kuuraya vamwe) nekuda kwechitadzo uye kudzvanyirira, tichamukanda mumoto, uye izvo zviri nyore kuna Allah. 31. Mukave munosiya zvitadzo zvikuru zvamunorambidzwa kuti muite, tichakuregererai zvitadzo zvenyu (zvidiki), uye tokupinzai nenzira yakanaka (kuParadhiso). 32. Uye musave munoshuwira zvinhu Allah vakaita nazvo vamwe venyu vave pamusoro pevamwe. Varume vane mubairo pane izvo zvavanowana, uye (zvimwechetewo) vakadzi vane mubairo pane izvo zvavanowana, uye kumbirai Allah makomborero avo. Zvirokwazvo, Allah ndivo muzivi wezvose. 33. Uye kune vose, takave tinosarudza vagari venhaka yakasiiwa nevabereki uye nehama. Uye kune avo vamakapikira (hukama), vapei chidimbu chavo (nekuda kweWiri). Chokwadi, Allah ndivo chapupu chezvose. 34. Varume ndivo vachengetedzi nevashongedzi vemadzimai nekuti Allah vakaita kuti umwe ave pamusoro peumwe, nechikonzero chekuti vanopa kubva muhupfumi hwavo. Naizvozvo vakadzi vakanaka vanoteerera (Allah uye nevarume vavo), vanochengetedza kana varume vavo vasipo izvo Allah vakavakomekedza kuti vazvichengetedze (hunhu hwavo, nemidziyo yevarume vavo). Uye avo vakadzi vasingateereri (vanozvibata zvakaipa), vayambirei (pokutanga), uye (mushure mezvo) moramba kurara navo pamibhedha, uye (kwekupedzisira) varovei (zvishoma kana muchifunga kuti zvinogona kubatsira); asi vakave vanokuteererai musave munovatsvagira nzira (yekupokana navo). Zvirokwazvo, Allah ndivo vari pamusoro-soro, ndivo mukuru. 35. Uye kana muchitya kuparadzana (kusawirirana) pakati pavo vaviri (murume nemukadzi), tsvagai vanoyananisa, umwe anobva kumhuri yemurume uye umwe anobva kumhuri yemukadzi. Kana vose vakave vanoshuwira runyararo, Allah vanoita kuti wirirano ivepo. Zvirokwazvo, Allah ndivo muzivi mukuru wezvose. 36. Uye namatai Allah uye musave munovasanganisa nevamwe vanamwari (mukunamata), uye mova munoita zvakanaka kuvabereki, vehukama, nherera, vanotambura, muvakidzani ane hukama, muvakidzani wekure (asina hukama), shamwari yepedyo, mupfuuri wenzira, uye neidzo (nhapwa) dziri mumaoko enyu erudyi (dzamunochengeta). Zvirokwazvo, Allah havadi vanodada nekuzvitutumadza. 37. Avo vanoomera uye vanokomekedza vamwe vanhu kuti vave vanoomera uye vanovanza izvo zvakanaka zvavakapihwa naAllah kubva mumakomborero avo. Uye takave tinovagadzirira vanhu vasingatende marwadzo anodzikisira. 38. Uye avo vanopa hupfumi hwavo nekuda kuonererwa nevanhu, uye havatende muna Allah nezuva rekupedzisira (ishamwari dzaSatani). Uye uyo anotora Satani semufambidzani wake, saka ane mufambidzani akaipa! 39. Uye vanoshaiwei vakave vanotenda munaAllah nezuva rekupedzisira, uye vopa kubva kune izvo zvavakapiwa naAllah? Uye Allah vanovaziva zvikuru. 40. Zvirokwazvo, Allah havaiti chakaipa nyangwe chine huremu hwekanhu kadiki diki (kana hwekasvosve kadiki diki), asi kana paine chinhu chakanaka (chaitwa), vanochipeta kaviri (Allah), uye vanopa kubva kwavari mubairo mukuru. 41. Saka zvichange zvakadini, patichaunza chapupu kubva kuboka revanhu rega rega, uye tounza iwe (Muhammad (SAW)) sechapupu pamusoro pevanhu ava? 42. Musi iwoyo vanhu vange vasingatendi uye vasingateere mutumwa (Muhammad (SAW)), vachashuwira kuti dai varamba vakavigwa pasi penyika, asi havazombokwanisi kuvanza kana shoko rimwe chete kubva kuna Allah. 43. Imi vanotenda! Musave munouya kumunamato (Swalaah) makadhakwa kusvikira mavakuziva zvamuri kutaura, uye kana musina kuchena (muine Janaabah – kuita bonde nemadzimai enyu), kunze kwekuti muri parwendo (muchipfuura nemuMasjid), kusvikira mageza muviri wose (Ghusl). Zvekare kana muchirwara, kana kuti muri parwendo, kana kuti mumwe wenyu arikubva kunoshandisa chimbuzi (Ghaait), kana kuti marara nemadzimai enyu (maita bonde navo), uye mobva mashaiwa mvura, itai Tayammum nevhu rakachena mopukuta zviso zvenyu nemaoko enyu neivhu. Zvirokwazvo, Allah ndivo vanokanganwira, muregereri mukuru. 44. Hauna kuona here avo vakapihwa chidimbu cheGwaro (maJudha) vakatenga nzira yakarasika, uye vanoshuwira kuti murasike nzira yakatwasuka? 45. Uye Allah vane ruzivo rwose rwevavengi venyu, uye Allah ndivo vanokwana semuchengetedzi, uye Allah ndivo vanokwana semubatsiri. 46. Mukati memaJudha, mune avo vanosandurudza mazwi kubva munzvimbo dzavo (mazwi) uye vanoti: “Tinonzwa mashoko ako (Muhammad (SAW)) asi hatitevedzeri.” Uye “Inzwa, asi iwe (Muhammad SAW)) usanzwe chinhu.” Uye “Raaina (izwi rekutuka muchiJudha)” vachishandura ndimi dzavo uye vachishora chitendero (cheIslaam). Asi dai vakangoti: “Tinonzwa nekuteerera, asi usave unoita kuti tinzwisise,” zvaiva nani kwavari uye zvakanakisisa; asi Allah vakavarengera nekusatenda kwavo, saka havatendi kunze kwevashoma 47. Imi makapihwa Gwaro (maJudha nemaKristu)! Tendai mune izvo zvatakatumira (Muhammad (SAW)) zvinotsinhira izvo zvamunazvo, tisati tasandura zviso zvenyu (zvofanana nehuro dzenyu dzisina maziso nemiromo) uye tozvidzosera kumashure, kana kuti tovarengera sekurengera kwatakaita vanhu vakatyora Sabata. Uye murairo hwaAllah unoitwa. 48. Zvirokwazvo, Allah havaregerere kusanganiswa nezvimwe zvinhu mukuvanamata, asi vanoregerera zvimwe zvose kune uyo wavanoda; uye uyo achasanganisa Allah nezvimwe zvinhu (mukuvanamata), zvirokwazvo anenge avamba chitadzo chikuru. 49. Hauna kuona avo (maJudha nemaKristu) vanozviita vanhu vanokosha? Asi Allah vanokoshesa uyo munhu wavanoda, uye havazombo dzvanyirirwe nepadiki pose, sehudiki hwemhodzi yetsanga. 50. Tarisa, kugadzira kwavanoita manyepo pamusoro paAllah, uye chakakwana icho sechitadzo chiri pachena. |
| | | أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn مؤسس ومدير المنتدى
عدد المساهمات : 52644 العمر : 72
| موضوع: رد: CHITSAUKO AN-NISAA الأحد 20 مارس 2022, 6:03 pm | |
| 51. Hauna kuona here avo (vanhu) vakapihwa chidimbu cheGwaro? Vanotenda mu Jibt uye Taaghut (zvivanamwari zvisiri Allah zvinosanganisira zvidhori, matombo, ngirozi, zuva, nemoto), uye vanoudza avo vasingatendi kuti vakatungamirirwa kudarika avo vanotenda (maMuslim). 52. Avo vanhu vakatukwa naAllah, uye uyo munhu anotukwa naAllah, haumbomuwaniri mubatsiri. 53. Kana kuti vane chidimbu here cheumambo? Saka, havambopi vanhu chingave chii zvacho kana moyo wemhodzi ye tsombori. 54. Kana kuti vanoitira vanhu godo here (Muhammad (SAW) nevateveri vake) pane izvo Allah vakavapa kubva kumakomborero avo? Saka zvirokwazvo takava tinopa mhuri yaAbrahamu, Gwaro uye hungwaru, uye tikavapa humambo hukuru. 55. Pakati pavo pane vanotenda maari (Muhammad (SAW)), uye pakati pavo pane vanozvidzivirira (kumupira makotsi nekusatenda maari) kubva kwaari (Muhammad (SAW)); uye moto unokwana kuvapisa (vose). 56. Zvirokwazvo! Avo vasingatendi mune humboo wedu (magwaro atakatumira), tichavapisa mumoto (weGehena). Kana matehwe (makanda) avo achinge atsva ese, tichavapa mamwe matehwe kuti vave vanoravira marwadzo (emoto). Zvirokwazvo, Allah vane simba rose, vane hungwaru hwose. 57. Asi avo vanotenda (muhumwechete hwaAllah) uye vachiita mabasa akanaka, tichava tinovaisa mumapindu umo muine nzizi dzinoerera pasi pawo, umo vachagara nekusingaperi. Varimo, vachawana vakadzi vakachenurwa (nevarume vakachenurwa), uye tichavaisa mumvuri hombe usingaperi (unotonhorera). 58. Zvirokwazvo, Allah vanokukomekedzai kuti muve munopa (munodzorera) kodzero kune avo vakakodzera (varidzi); uye kuti kana muchitonga pakati pevanhu mova munotonga zvine ruenzaniso. Zvirokwazvo, izvo Allah vanokudzidzisai zvakanaka! Zvirokwazvo, Allah vanonzwa zvese, vanoona zvese. 59. Imi vanotenda! Teererai Allah uye teererai mutumwa (Muhammad (SAW)), uye avo vemutemo pakati penyu. Uye kana mapikisana (Pane zvimwe zvinhu) pakati penyu, ivai munozvidzorera kuna Allah nemutumwa wavo (Muhammad (SAW). Ivai munotsvaga mutongo kubva muQur’aan neSunnah) kana muchitenda muna Allah uye muzuva rekupedzisira. Izvi zviri nani uye zvakakodzera pakupa mutongo wekupedzisira. 60. Hauna kuona here avo (maMunaafiq (hwenyakwese)) vanoti vanotenda mune izvo zvakatumirwa kwauri (Qur’aan), uye izvo zvakatumirwa usati wavepo? Vane chishuwo chekutsvaga hutongi (mukunetsana kwavo) muzvinamwari zvavo, asi vakakomekedzwa kusatenda mazviri. Asi Satani anoshuwira kuti vave vanorasika zvikuru. 61. Uye kana zvanzi kwavari: “Huyai kune izvo zvakatumirwa naAllah uye kune mutumwa wavo (Muhammad (SAW)),” unoona vanhu (vanonyepera) hwenyakwese vachikufuratira vasingadi. 62. Saka sei kana matambudziko avawana nokuda kwezvavakaita nemaoko avo vachiuya kwauri vachipika naAllah: “Hatidi zvimwe zvinhu kunze kwezvakanaka newirirano!” 63. Ndivo (hwenyakwese) vanhu avo Allah vanoziva zviri mumoyo yavo; saka vasiye (usave unovarwadzisa) asi vayambire, uye vovaudza mashoko ane hudzamu (kutenda muna Allah, kuvanamata, kuvateerera (Allah), uye kuvatya) kusvikira mukati memoyo yavo. 64. Hatina kutumira mutumwa, asi kuti ateererwe nekuda kwaAllah. Asi dai vakave (vanonyepera), apo pavakazvidzvinyirira pachezvavo, vanouya kwauri (Muhammad (SAW)) vachikumbira ruregerero kubva kuna Allah, uyezve mutumwa akavakumbirira ruregerero, zvirokwazvo dai vakawana Allah vari vanoregerera zvikuru, vane tsitsi zhinji. 65. Asi kwete, naTenzi vako, havambotendi kusvikira vakuita mutongi (Muhammad (SAW)) mune izvo zvavanopokana pakati pavo, uye voshaiwa dambudziko mumoyo yavo nezvaunenge waronga, uye vozvitambira nekuzvipira kwakazara. 66. Asi dai takavakomekedza (tichiti): “Zviurayei pachezvenyu (vasina mhosva vauraye vane mhosva) kana kuti mosiya dzimba dzenyu,” vashoma pakati pavo ndivo vaizviita; asi dai vakaita zvavakaudzwa, zvaiva nani kwavari, uye zvaisimbisa kutenda kwavo. 67. Uye zvirokwazvo dai takavapa makomborero makuru kubva kwatiri. 68. Uye zvirokwazvo dai takavachengetedza munzira yakatwasuka. 69. Uye uyo anoteerera Allah nemutumwa wavo (Muhammad (SAW)), nekudaro vanenge vari muboka reavo vakapiwa tsitsi naAllah, maporofita, vatevedzeri vemaporofita (avo vakatanga-tanga kutenda mavari, vakaita saHazrat Abu Bakr (RA)), vakafira muhondo, neavo vanoita mabasa akanaka. Uye ava vakanaka sei kuva pamwechete navo! 70. Aya ndiwo mamwe makomborero kubva kuna Allah, uye Allah ndivo vega vakakwana semuzivi wezvose. 71. Imi vanotenda! Zvidzivirirei, uye moenda mberi (pahondo) muri mapato, kana kuti moenda pamwechete. 72. Uye zvirokwazvo pakati penyu pane uyo anosara kumashure (mukurwa munzira yaAllah). Kana zvakaipa zvakuwanai anoti: “Zvirokwazvo, Allah vave vanondikomborera nekuti ndanga ndisiri pakati pavo.” 73. Asi kana makomborero (makunda kana mhimbiri) auya kwamuri kubva kuna Allah, zvirokwazvo anotaura achiti, sezvinonzi hapana hukama pakati pako (Muhammad (SAW)) naiye: “Ini zvangu! Ndinoshuvira kuti dai ndange ndirinawo, dai ndabudirira zvikuru (kubva mumhimbiri yemuhondo).” 74. Siyai avo (vanotenda) vanotengesa hupenyu wepasi rino kuti vagowana hupenyu hwemangwana varwe munzira yaAllah, uye uyo acharwa munzira yaAllah, uye ofira munzira iyoyo kana kuti owana kukunda, tichamupa mubairo mukuru. 75. Uye dambudziko renyu nderei rinokutadzisai kurwa munzira yaAllah, uye avo vasina simba, vanobatwa nekuseri kweruoko neavo vanodzvanyirirwa pakati pevarume, vakadzi, nevana, vanochema vachiti: “Imi Tenzi vedu! Ivai munotinunura kubva munzvimbo yevanhu vanodzvanyirira, uye mova munotitumidzirawo kubva kwamuri (Allah) uyo anotichengetedza (kubva muhudzvanyiriri), uye mova munotitumirawo kubva kwamuri (Allah) mubatsiri.” 76. Avo vanotenda, vanorwa munzira yaAllah, uye avo vasingatendi vanorwa munzira yaTaaghoot (Dhiyabhorosi (Satani)). Saka imi rwisai shamwari dzaSatani. Zvirokwazvo, hurongwa waSatani hwagara hauna simba. 77. Hauna here kuona vanhu avo vakaudzwa kuti musave munotambanudza maoko enyu (kuva munorwa hondo), asi itai Swalaah, nekuva munopa Zakaah (Zvipo kuvarombo); asi hondo payakava inokomekedzwa kwavari, tarisai! chimwe chikwata pakati pavo chinotya vamwe varume sekutya kwavanoita Allah kana kutya kwakakura. Vanoti: “Tenzi vedu! Seiko mave munotikomekedza kurwa hondo? Madini mambotipawo kanguva kadiki-diki?” Iti: “Mafaro epasi pano madiki. Hupenyu hwemangwana huri nani kune uyo anotya Allah, uye hamuzombo dzvanyirirwe kana napadiki pose pakafanana netambo yemhodzi yemadheti.” 78. “Kose kwamuri, rufu rwunokuwanai kunyangwe mukave mudzimba kana midhuri mirefu yakasimba!” Uye kana chakanaka chikavasvikira vanoti: “Izvi zvabva kuna Allah,” asi zvakashata zvikavawira vanoti: “Izvi zvabva kunewe (Muhammad (SAW)).” Iti: “Zvinhu zvose zvinobva kuna Allah,” saka dambudziko revanhu ava nderei rekuti vanotadza kunzwisisa shoko rimwe chete? 79. Chinhu chakanaka chinouya kwauri chinobva kuna Allah, asi chose chakaipa chinoitika kwauri, chinobva kwauri pachezvako. Uye takave tinokutumira (Muhammad (SAW)) semutumwa kuvanhu vose, uye Allah vakakwana semupupuri. 80. Uyo anoteerera mutumwa (Muhammad (SAW)), zvirokwazvo anenge ateerera Allah. Asi uyo anofuratira kure, hatina kukutumira iwe (Muhammad (SAW)) semuchengetedzi wavo. 81. Vanotaura (kuti): “Tinoteerera,” asi kana vachinge vakusiya (maparadzana) (Muhammad (SAW)), chikwata chevamwe pakati pavo vanopedza husiku hwese (vachifunga) vachironga izvo zvausina kutaura. Asi Allah vanonyora hurongwa hwavo hweusiku. Saka (usavapa marwadzo) siyana navo (Muhammad (SAW)), uye woisa vimbo muna Allah. Uye Allah ndivo vakakwana zvikuru pakufambisa nyaya dzese. 82. Havafungi here (zvakadzama) zvakanaka pamusoro peQur’aan? Dai rakanga (Qur’aan) risiri raAllah, zvirokwazvo vaiwana mukati maro pikiso yakawandisa (rine ndima dzinopikisana). 83. Uye kana kukauya nyaya dzesununguko kana dzinotyisa kwavari, vanoita kuti dzizivikamwe nevanhu. Asi dai vakaipira kuna mutumwa (Muhammad (SAW)) kana kune avo vakapihwa simba rehutongi (vanhu vemutemo) pakati pavo, vanhu vanotsvaga (vanoongorora) nyaya dai vakainzwisisa kubva kwavari. Dai dzisiri tsitsi nengoni dzaAllah pamuri imi, zvirokwazvo dai makatevera Shaytaan (Satani), kusara kwevashoma pakati penyu. 84. Saka irwa (Muhammad (SAW)) munzira yaAllah, hautongerwi (mhosva dzevamwe) kusara kwezvako, uye iva unokurudzira vatendi (kurwa pamwechete newe) pamwe Allah vanobvisa zvakaipa zveavo vasingatendi. Uye Allah vane simba rekutonga uye simba rekupa marwadzo. 85. Uyo anomirira (munhu) mune zvakanaka anowana makomborero, asi uyo anomirira (munhu) mune zvakaipa anowana chidimbu chemarwadzo acho (miririro yakaipa). Uye Allah vane samba rekuita zvose (kana kupupura zvese). 86. uye kana mukakwaziswa nekwaziso, ivai munopindura nekwaziso yakadarika iyoyo (yavakwazisa) kana yakafanana (neiyoyo yamapihwa). Zvirokwazvo, Allah ndivo vanonyora zvinhu zvese (vachabvunza pamusoro pezvinhu zvese). 87. Allah! Laa ilaaha illaa Huwa (Hakuna umwe mwari anekodzero yekunamatwa kunze kwavo). Zvirokwazvo, vachakuunganidzai (mese) pazuva rekumutswa iro risina pokano (kuti richaveko here). Uye ndiani ane shoko rechokwadi kudarika Allah? 88. Nemhaka yei makapatsanurana mumapato maviri maererano nemaMunaafiq (Vanyengedzi)? Allah vakavadzosera shure (kuenda mukusatenda zvakare) neizvo zvavakawana. Munoda (here) kutungamira uyo abviswa pagwara naAllah? Zvirokwazvo, uyo Allah vanomubvisa pagwara haukwanisi kumuwanira imwe nzira (yakatwasuka). 89. Vanoda kuti murambe Imaan (kutenda muna Allah) sekamurambiro kavakaita Imaan, kuti muenzane (muzviito). Saka musashamwaridzane navo kusvika vatama munzira yaAllah (kuenda kunaMuhammad (SAW)). Asi kana vakapanduka kubva (kuIslaam), vabatei uye movauraya kwese kwamunenge mavawana. Uye musatora seshamwari ani nani pakati pavo kana kutsvaga mubatsiri (pakati pavo). 90. Kunze kweavo vanobatana nebato rine pakati penyu naivo chibvumirano cherunyararo, kana avo vanouya nemoyo yavo isingadi kurwisana nemi uye kuda kurwisana nevanhu vavo. Uye dai Allah vaida, zvirokwazvo vaivapa simba pamusoro penyu, uye vaikurwisai. Asi kana vakasiyana nemi, vorega kukurwisai, uye vokupai runyararo (sununguko), zvino Allah havana kukuvhurirai nzira pamusoro pavo. 91. Muchawana vamwe vanoshuwira kuwana kuchengetedzwa kubva kwamuri, uye kuchengetedzwa kubva kuvanhu vavo. Nguva dzose vanotumirwa kumiedzo vanowira mairi. Saka kana vasina kukusiyai, kana kukupai runyararo, kana kudzora maoko avo, vatorei uye vaurayei pamunenge mavaona. Uye vakadaro, tave tinokupai pamusoro pavo masimba ari pachena. 92. Uye hazvikodzeri kuti mutendi ave anouraya mumwe mutendi kunze kwekukanganisa. Uye uyo anouraya mutendi nokuda kwekukanganisa, panomanikidzirwa kuti pave panonunurwa nhapwa inotenda uye nekuripa mari (Diyah) inopihwa hama dzemufi kunze kwekuti varegerera. Asi kana mufi achibva kuvavengi venyu uye ari mutendi panofanirwa kununurwa nhapwa inotenda (kunomanikidzirwa). Asi kana achibva kuvanhu vamune chibvumirano navo chemushandira pamwe, panoripwa mari (Diyah) inofanirwa kupihwa mhuri yake, uye mutendi ari nhapwa anofanirwa kununurwa. Uye uyo asingakwanise kuwana (mari nenhapwa), anofanirwa kutsanya kwemwedzi miviri yakatevedzerena achitsvaga ruregerero kubva kuna Allah. Uye Allah ndivo muzivi wezvose, vane hungwaru hwose. 93. Uye uyo anouraya mutendi nokuda, mubairo wake iGehena, umo maachagara zvachose, uye hasha nekurengerwa naAllah zvichamuwana, uye marwadzo makuru takamugadzirira. 94. Imi vanotenda! Mukaenda (kunorwa) munzira yaAllah, ivai munotarisisa, musave munotaura ani zvake uyo anokumhoresai (nokutambira Islaam): “Hausi mutendi;” muchitsvaga zvinhu zvinopfuura zvehupenyu hwenyika. Asi Allah ndivo vane mibairo nenhimbiri zhinji. Mange makadaro mushure sezvaari ikozvino, Allah vakakumborerai (i.e. vakakuratidzai gwara reIslaam), naizvozvo, ivai munongwarira marwadzo. Zvirokwazvo, Allah vanoziva zvose zvamunoita. 95. Havana kuenzana avo vanotenda vanogara (mudzimba) kusiya kweavo vasingakwanisi vakakuvara (mapofu nevakaremara), neavo vanhu vanotsungirira nekurwa munzira yaAllah nehupfumi hwavo nehupenyu hwavo. Allah vakave vanosimudzira muzvidanho avo vanhu vanotsungirira kurwa nehupfumi hwavo nehupenyu hwavo kune avo vanhu vanogara (kumba). Pane umwe, Allah vakamuvimbisa zvakanaka (Paradhiso), asi Allah vakasarudza avo vanotsungirira nekurwa kune avo vanogara (kumba) nemubairo mukuru. 96. Zvidanho zviri pamusoro kubva kwavari, nekuregererwa netsitsi. Uye Allah ndivo vanoregerera zvikuru, vane tsitsi zhinji. 97. Zvirokwazvo, avo ngirozi dzinotora moyo yavo vari pakati pekutadza pachezvavo (sekugara kwavanoita nevasingatendi nyangwe zvazvo kutama kwakave kunomanikidzirwa kwavari), (Ngirozi) dzinoti (kwavari): “Maive muri pachidanho chipi?” Vanopindura vachiti: “Tangatiri vanhu vakaneta uye taidzvanyirirwa panyika.” (Ngirozi) dzinoti: “Nyika yaAllah yange isina kufara here kwamuri kuti muve munotama mairi?” Vanhu vakadaro vachagara kuGehena. Uye inzvimbo yakashata kugara! 98. Kusiya kwevanhu vasina simba pakati pavo, varume, vakadzi nevana vasingakwanise kuronga, uye vasingakwanise kutsvaga imwe nzira. 99. Ava ndivo vanhu vacharegererwa naAllah, uye Allah ndivo vanokanganwira zvikuru, vanoregerera zvikuru. 100. Uye uyo anotama (kubva kumba kwake) munzira yaAllah, achawana nzvimbo dzakawanda dzekugara neraramo. Uye uyo anosiya imba yake achitama achienda kuna Allah nemutumwa wavo (Muhammad (SAW)), uye rufu romuwana, mubairo wake una Allah. Uye Allah ndivo vanoregerera zvikuru, vane tsitsi zhinji. |
| | | أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn مؤسس ومدير المنتدى
عدد المساهمات : 52644 العمر : 72
| موضوع: رد: CHITSAUKO AN-NISAA الأحد 20 مارس 2022, 6:38 pm | |
| 101. Uye pamunenge muri parwendo (maMuslim) munyika, hamuna chitadzo mukave munodimbura Swalaah (Munamato) kana muchitya kuti vanhu vasingatendi vangangokuisai pamiedzo (kukurwisai kana kukuitai zvimwe zvakaipa). Zvirokwazvo, vanhu vasingatendi imhandu dzenyu dziri pachena. 102. Uye kana iwe (Muhammad (SAW)) uripo pakati pavo, vatungamire Swalaah (Munamato). Iva unoita kuti chimwe chikwata chive chinomira newe (mumunamato) vaine zvombo zvavo; uye vakapedza kugwadama, ngavaende kunzvimbo dzavo vomira kumashure kuti chimwe chikwata chisati chaita Swalaah (Munamato) chiuye vanamate newe, asi vangwarire uye vatakure zvombo zvavo. Avo vasingatendi vanoshuwira, kuti dai mangoshaya hanya nezvombo zvenyu nezvose zvinokubatsira mukurwa, kuti vagokurwisai makarivara nekukuvhumburai. Asi hamuna chitadzo mukava munosiya zvombo zvenyu nekuda kwezvuzvunga remvura kana kuti muri kurwara. Asi ivai munoedza nepamunogona kuzvichengetedza zvakanyanya. Zvirokwazvo, Allah vakagadzirira kunyadzisa avo vasingatendi nemarwadzo makuru. 103. Kana mapedza minamato yenyu (Swalaah makawanda), rangarirai Allah makamira, makagara, uye makarara nemativi enyu. Asi kana muchinge mabuda mumatambudziko, itai Swalaah (Munamato). Zvirokwazvo, Swalaah (Munamato) yakave inotarirwa vatendi nenguva dzayo. 104. Uye musave munoita nungo mukurwisa muvengi. Kana muchinge mawirwa nematambudziko, zvirokwazvo, naivo zvakare varikuonawo (nhamo) matambudziko, asi imi mune tarisiro kubva kuna Allah (yemubairo weParadhiso) izvo zvavasingambotarisire; uye Allah ndivo muzivi wezvose, vane hungwaru hwose. 105. Zvirokwazvo, takave tinodzikisa kwauri (Muhammad (SAW)) Gwaro rechokwadi (Qur’aan) kuti uve unoyananisa pakati pevanhu neizvo zvawakaratidzwa naAllah. Uye usave pakati peavo vanonyengedzwa kana mupikisi (mumiririri). 106. Uye kumbirai ruregerero rwaAllah. Zvirokwazvo, Allah ndivo muregereri mukuru, vane tsitsi zhinji. 107. Uye usave unoita nharo uchimiririra avo vanozvinyengedza pechezvavo. Zvirokwazvo, Allah havadi uyo ane tsika yekunyengedza nekuita zvakaipa. 108. Vanoviga (zvakashata zvavanoita nezvinangwa zvavo) kune kuvanhu, asi havakwanise kuvigira Allah; nekuti Allah vanavo (neruzivo rwavo) pavanopedza husiku hwese mune izvo zvavasingatambiri (Allah) kune zvavanotaura. Uye Allah vanokomberedza (vanoziva) zvose zvavanoita. 109. Tarisai! Ndimi munoita nharo muchivamirira muhupenyu hwepasi, asi ndiani achavaitira nharo kuna Allah pazuva rekumutswa, kana kuti ndiani achavamirira (achavachengetedza)? 110. Uye uyo anoita chitadzo kana kuzvidzvanyirira pachake uye obva akumbira ruregerero kuna Allah, achawana Allah vari muregereri mukuru, vane tsitsi zhinji. 111. Uye uyo anoita chitadzo, anozviitira pachezvake. Uye Allah vanoziva zvese, vane hungwaru hwese. 112. Uye uyo anokanganisa kana anoita chitadzo, uye obva apomera umwe munhu asina mhosva, zvirokwazvo arikuzviremedza mutoro pachezvake nokuda kwemanyepo uye nechitadzo chiri pachena. 113. Dai nyasha dzaAllah netsitsi dzavo dzisina kuva pauri (Muhammad (SAW)), zvirokwazvo chikamu pakati pavo dai vakaronga kuti vave vanokurasisa, asi havave vanokurasisa kunze kwekuti pachezvavo, uye hapana chakaipa chavanokwanisa kuita kwauri nyangwe chidiki. Uye Allah vakave vanokutumira Gwaro (Qur’aan), nehungwaru (mitemo yeIslaam), uye vakave vanokudzidzisa izvo zvaukange usingazivi. Uye nyasha dzaAllah kwauri (Muhammad (SAW)) dzakakura. 114. Hapana zvakanaka mune izvo zvakawanda zvavanotaura muchihwande kusara kweuyo anokurudzira Swadaqah (Zvipo munzira yaAllah), kana zvakanaka (mabasa ese akanaka akakomekedzwa naAllah), kana kuyanana pakati pevanhu; uye uyo anoita izvi achitsvaga mufaro hwaAllah, tichave tinomupa mubairo mukuru. 115. Uye uyo anoramba uye anopokana namutumwa (Muhammad (SAW)) mushure mekunge aratidzwa pachena nzira yakanaka, uye oteverawo nzira isiri yevatendi, tichave tinomuchengetedza munzira yaasarudza, uye tichava tinomupisa kumoto weGehena. Uye inova nzvimbo yakashata kugara! 116. Zvirokwazvo, Allah havaregerere Shirk (chitadzo chekuvasanganisa nevamwe vanamwari pakuvanamata), asi vanoregerera uyo wavanoda zvitadzo zvimwe zvisiri ichi (cheShirk). Uye uyo anosanganisa vamwe vanamwari pakunamata naAllah, zvirokwazvo anenge arasika zvachose. 117. Kune avo vose (vanonamata zvimwe zvinhu zvisiri Allah) hakuna chimwe chavanokumbira (chavanosheedza) kunze kwevanamwarikadzi vachisiya ivo (Allah), uye hakuna chavanokumbira (chavanosheedza) kunze kwaSatani, mupanduki mukuru! 118. Allah vakamutuka, uye (Satani) akati: “Ndichatora chikamu chakatarwa chevaranda venyu.” 119. “Uye zvirokwazvo, ndichaita kuti varasike, uye ndichasimudza zvido zvemanyepo pakati pavo, uye ndichavakomekedza kuti vacheke (vaboore) nzeve dzemombe, uye zvirokwazvo ndichavaita kuti vashandure izvo zvakasikwa naAllah.” Uye uyo anotora Satani semubatsiri wake kunze kwaAllah, zvirokwazvo anenge akarasikirwa kurasikirwa kuri pachena. 120. Iye (Satani) anovavimbisa, uye achivasimudzira zvido zvenhema, uye Satani hapana chaanovimbisa kunze kwemanyepo (nyengedzo). 121. Vanhu ava vachanogara kuGehena, uye havambowani nzira yokutiza nayo kubva kwariri. 122. Asi avo vanotenda (muhumwechete hwaAllah) uye vachiita mabasa akanaka, tichavapinza mumapindu ane nzizi dzinoerera pasi pawo (Paradhiso), umo vachagara nekusingaperi. Vimbiso yaAllah ndeye chokwadi. Uye ndiani angaita mashoko echokwadi kudarika aAllah? (Zvirokwazvo, hapana). 123. Hakusi kuda kwenyu (maMuslim) kana kweavo vanhu veGwaro (maJudha nemaKristu). Uyo anoita mabasa akaipa, achawana mubairo wavo (mabasa akaipa), uye haambowani achamudzivirira (kubva kumoto) kana mubatsiri kunze kwaAllah. 124. Uye uyo anoita mabasa akanaka, angava murume kana mukadzi, uye achitenda zvechokwadi (muhumwechete hwaAllah), vanhu vakadai (vanotenda) vachapinda Paradhiso uye havambodzvinyirirwe kunyangwe nepadiki pose pakafanana nezera rekanhu kadiki kari pamhodzi yemadheti. 125. Uye ndiani ane chitendero chakanaka kudarika uyo anozvipira chiso chake (hupenyu hwake) kuna Allah (anotevera chitendero chaAllah), uye anoita mabasa akanaka. Uye anotevera chitendero chaAbrahamu, Haneef (cheIslaam, kunamata Allah vega). Uye Allah vakaita Abrahamu shamwari yavo yepedyo! 126. Uye Allah ndivo muridzi wezvose zviri mumatenga nepanyika. Uye Allah ndivo vane ruzivo rwezvose. 127. Uye vanokubvunza izvo zvinobvumidzwa pavakadzi. Taura kuti: “Allah vanokurairai maererano navo, uye maererano neizvo zvamunoverengerwa muGwaro maererano nenherera sikana avo vamusingapi chidimbu chakatarwa (cheMahr, Chipo chinobviswa nemurume achipa mudzimai wake pakuroorana, nenhaka) asi muchida kuvaroora, uye maererano nevana vadiki vasina samba rekuzvidzivirira uye vanodzvinyirirwa, uye kuti muve nesimba kuva munoenzanisa kunherera. Uye chose chakanaka chamunoita, Allah vanochiziva. 128. Uye kana mukadzi achitya hutsinye kana kutizwa kubva kudivi remurume wake, havana chitadzo kana vakada kuwirirana pakati pavo; uye kuwirirana kuri nani. Uye moyo yevanhu yakazadzwa nekukara. Asi kana mukaita mabasa akanaka uye mogara kure nezvakaipa, zvirokwazvo, Allah vanoziva zvose zvamunoita. 129. Uye hamumbofi makagona kuenzanisa pakati pevakadzi kunyangwe chiri chishuwo chenyu. Saka musava munoda mumwe wavo (vakadzi venyu kana muine barika) muchisiya mumwe (vevakadzi) asingazivi paari (kuti akarooorwa here kana kuti akarambwa). Uye kana mukaenzanisa, uye moita mabasa akanaka, uye motya Allah nekugara kure neizvo zvakaipa, zvirokwazvo, Allah vanoregerera zvikuru, vane tsitsi zhinji. 130. Asi kana vakasiyana (nekurambana), Allah vachapa makomborero avo kune wese pakati pavo kubva kumakomborero avo. Uye Allah vanokwanisa kutora chichemo chezvishuwo zvezvisikwa zvavo zvese, vane hungwaru hwose. 131. Uye Allah ndivo muridzi wezvose kudenga nezvose zviri pasi rino. Uye zvirokwazvo takave tinoraira avo vatakapa Gwaro iwe usati wavapo nemi (maMuslim) kuti (mese) ityai Allah. Asi kana mukasatenda, Allah ndivo muridzi wezvose zviri kudenga nezvose zviri pasi rose. Uye Allah vakapfuma zvikuru (hapana chavanoda), murumbidzwi pazvose. 132. Uye Allah ndivo muridzi wezvose zviri mumatenga nezvose zviri pasi rino. Uye Allah ndivo vakakwana pakufambisa zvinhu zvose. 133. Kana (Allah) vakada, vanogona kungokuparadzai mose, imi vanhu munzvimbo dzenyu, uye vounza vamwe. Uye Allah vane simba rezvose pamusoro peizvozvo. 134. Uyo anoda makomborero ehupenyu hwepano pasi, Allah vane makomborero epasi pano nemakomborero ehupenyu hwemangwana. Uye Allah ndivo munzwi, muoni wezvose. 135. Imi vatendi! Ivai munomira makatsungirira mukuenzanisa, sezvapupu zvaAllah, kunyangwe pamusoro penyu (zvakakuipirai), kana vabereki venyu, kana hama dzenyu. Kana angave mupfumi kana murombo, Allah varinani pakuvachengetedza (kupfuura imi). Saka musave munotevera zvamunoda, pamwe mungatadze kuenzanisa. Uye kana mukachinja (huchapupu hwenyu) kana kuramba nahwo, zvirokwazvo, Allah vanoziva zvose zvamunoita. 136. Imi vatendi! Tendai muna Allah nemutumwa wavo (Muhammad (SAW)), uye neGwaro (Qur’aan) ravakatumira kune mutumwa wavo, uye maGwaro avakatumira mushure pakutanga. Uye uyo asingatendi muna Allah, ngirozi dzavo, mabhuku avo, vatumwa vavo, uye nezuva rekupedzisira, zvirokwazvo ari munhu akarasika nekure. 137. Zvirokwazvo, avo vanotenda, uye vosiya kutenda; uyezve votenda, uye vosiya kutenda zvakare; uye voramba vachiwedzera mukusatenda, Allah havazombovaregerera, kana kuvaratidza nzira tsvene. 138. Ipa mashoko aya kune avo vanyengedzi kuti vane marwadzo makuru. 139. Avo vanotora vanhu vasingatendi seshamwari dzavo kunze kwevatendi, vanoda ruremekedzo here kubva mavari (kuburikidza nesimba ravo)? Asi zvirokwazvo, ruremekedzo rwese nderwa Allah. 140. Zvirokwazvo, zvakave zvinodzikiswa kwauri muGwaro (rako raunaro, Qur’aan) kuti kana mukanzwa ndima dzaAllah (dzichiverengwa) dzichirambwa kana kushoropodzwa, musave munogara navo kusvikira vashandura nyaya dzavo; (asi mukagara navo) zvirokwazvo naizvozvo munenge makafanana navo. Zvirokwazvo, Allah vachavaunganidza vanyengedzi vose neavo vasingatendi muGehena. 141. Avo (vanonyengedza) vanomirira uye vachitarisa nezvako; ukava unopiwa kukunda kubva kuna Allah, vanoti: “Tanga tisiri pamwechete nemi here?” Asi vanhu vasingatendi vakava vanobudirira vanoti (kwavari): “Hatina here kuva tinowana masimba pamusoro penyu uye hatina here kuva tinokuchengetedzai kubva kuvatendi?” Allah vachatonga pakati penyu (mese) musi wekumutswa. Uye Allah havapi vanhu vasingatendi nzira (yekukunda) pamusoro pevatendi. 142. Zvirokwazvo, vanhu vanonyengedza vanotsvaga kunzvenga Allah, asi ivo Allah ndivo vanovanyengedza. Uye apo pavanomira paminamato yavo (Swalaah), vanomira nehunyope uye nekuda kuonererwa nevanhu, asi havamborangarire Allah asi zvishoma. 143. (Ndeavo) vanotenderera pakati peizvi neizvo, vasiri pakati peava kana avo; uye uyo Allah vanoita kuti arasike, haumbomuwaniri nzira (yechokwadi, Islaam). 144. Imi vanhu vanotenda! Musave munotora sema Auliya (vachengetedzi kana shamwari kana vabatsiri) vanhu vasingatendi kunze kwevatendi. Munoshuwira here kupa Allah humboo huri pachena pamusoro penyu? 145. Zvirokwazvo, vanyengedzi vanenge vari pasi pasi pemoto; uye haumbofi wakavawanira mubatsiri. 146. Kunze kweavo vanotendeuka (kubva muhunyengedzi), uye voita mabasa akanaka, uye votsungirira pana Allah, uye vochenesa chitendero chavo nekuda kufadza Allah (uye vanoita zvakanaka nechinangwa chekufadza Allah, vasingadi kuonekwa), nekudaro vanenge vari pakati pevatendi. Uye Allah vachapa mubairo mukuru kune avo vanotenda. 147. Ko! Allah vanokurwadzisai sei imi muchiemura uye muchitenda mavari (Allah). Uye Allah muyemuri (wezvose zvakanaka), muzivi wezvose. 148. Allah havadi kuti zvinhu zvakashata zvive zvinotaurwa pachena kunze kweuyo anenge atadzirwa. Uye Allah ndivo munzwi wezvese, muzivi wezvose. 149. Mukave munoburitsa pachena zvakanaka (nemashoko akanaka ari ekutenda zvaitwa kwamuri nemumwe semakomborero) kana kuviga, kana kuregerera chitadzo; zvirokwazvo, Allah ndivo vanoregerera zvikuru, vane simba rose. 150. Zvirokwazvo, avo vasingatendi muna Allah uye muvatumwa vavo uye vachishuwira kusiyanisa pakati paAllah nevatumwa vavo (kuburikidza nekutenda muna Allah nekusatenda mune vatumwa vavo) vachiti: “Tinotenda mune vamwe uye tinoramba vamwe,” uye vachishuwira kuwana nzira pakati pazvo. |
| | | أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn مؤسس ومدير المنتدى
عدد المساهمات : 52644 العمر : 72
| موضوع: رد: CHITSAUKO AN-NISAA الأحد 20 مارس 2022, 6:50 pm | |
| 151. Ndivo vari muchokwadi vanhu vasingatendi. Uye takava tinogadzirira vanhu vasingatendi marwadzo anodzikisira. 152. Uye avo vanotenda muna Allah uye nevatumwa vavo uye havasiyanisi umwe neumwe pakati pavo (vatumwa), tichava tinovapa mibairo yavo; uye Allah ndivo vanoregerera zvikuru, vane tsitsi zhinji. 153. Vanhu (maJudha) vakapihwa Gwaro vanokukumbira kuti uite gwaro riuye kubva kudenga. Zvirokwazvo, vakabvunza Musa zvakapfuura izvozvo, apo pavakati: “Iva unotiratidza Allah pachena,” asi vakava vanorohwa nemabhanan’ana uye nemheni nekuda kwezvivi zvavo. Uye vakava vanonamata mhuru (yakagadzirwa nendarama uye zvuma) kunyange humboo nezviratidzo zviri pachena zvakauya kwavari. Asi takavaregerera. Uye takapa Musa humboo uri pachena wehutongi. 154. Uye pavakadambura chitsidzo, takava tinosimudza gomo pamusoro pavo uye (imwe nguva) takati kwavari: “Ivai munopinda gonhi makapfugama uye muchizvininipisa;” uye takavakomekedza kuti: “Musatyore zuva reSabata (musashande).” Uye takava tinotora kubva kwavari chitsidzo chakasimba. 155. Nokuti vakatyora chitsidzo, uye vakaramba humboo hwaAllah, uye kuuraya kwavaiita vatumwa vasina mvumo, uye nemashoko avo (ekuti): “Moyo yedu yakaputirwa (hatinzwisisi mashoko evatumwa).” Kwete, Allah vakaisa chivharo pamoyo yavo nekuda kwekusatenda kwavo, saka havatendi kusara kwekadimbu. 156. Uye nokuda kwekusatenda kwavo (maJudha) uye nokutaura mashoko akaipa pamusoro paMariya, vachimupomera mhosva hombe yenhema (yekuti akaita choupombwe). 157. Uye nokuda kwekutaura kwavo (kwekuzvitutumadza) kuti: “Takauraya Messiah, Jesu mwanakomana waMariya, mutumwa waAllah.” Asi havana kumuuraya kana kumurovera (pamuchinjikwa), asi zvakaita sokudaro kwavari (chiso chaJesu chakaiswa pane umwe murume uye vakauraya murume iyeye), uye avo vanopikisa mazviri havagutsikani zvikuru. Havana ruzivo, kusara kwekungotevera fungidziro. Zvirokwazvo, havana kumuuraya (Jesu (AS)). 158. Asi Allah vakamusimudza (Jesu nemweya nemuviri wake) kwavari (kumatenga). Uye Allah vane simba rose, vane hungwaru hwose. 159. Hapana munhu pavanhu vakapihwa Gwaro (maJudha nemaKristu), asi kuti vachatenda maari (Jesu) asati afa (Jesu, kana kuti muJudha wega-wega, kana muKristu wega-wega panguva inouya ngirozi yerufu). Uye pazuva rekumutswa, (Jesu) achava mupupuri achipikisana navo. 160. Nokuda kwekutadza kwemaJudha, takava tinovarambidza zvimwe zvezvikafu zvakanaka izvo zvaiva zvakabvumidzwa kwavari, uye nokuda kwekudzivirira kwavo vakawanda kubva munzira yaAllah. 161. Uye nekutora kwavanoita chimbadzo (Riba) apo vakave vanorambidzwa kuchitora (chimbadzo), uye kudya kwavanoita hupfumi hwevanhu nenzira yakashata (nehutsotsi). Uye takave tinogadzirira avo vasingatendi marwadzo makuru. 162. Asi pakati pavo vanamazvikokota veruzivo nevatendi, vanotenda mune izvo zvakave zvinotumirwa (zvinodzikiswa) kwauri (Muhammad (SAW)) uye mune izvo zvakadzikiswa usati wavepo; uye avo vanoita Swalaah (Iqaamat-as-Swalaah), uye vanopa Zakaah (Zvipo zvinomanikidzirwa) uye vanotenda muna Allah, nemuzuva rekupedzisira, ndivo vanhu vatichapa mubairo mukuru. 163. Zvirokwazvo, takave tinodzikisa mashoko kwauri (Muhammad (SAW)) sekudzikisa kwatakaita mashoko kuna Nowa nevamwe vatumwa mushure make; uye takave (zvakare) tinodzikisa mashoko kuna Abrahamu, Ismail (Ishumaeri), Ishaaq (Isaka), Ya’qub (Jakobho), uye Al-Asbaat (mhuri dzevanakomana vaYa’qub (Jakobho)), Isa (Jesu), Ayyub (Jobho), Yunus (Jonah), Haaroon (Aroni), naSulaiman (Soromoni); uye Dawood (Dhavhidha) takamupa Zaboor (Mapisarema). 164. Uye vatumwa vatakuudza mushure, uye vatumwa vatisina kukuudza, uye zvirokwazvo Allah vakataura naMusa. 165. Vatumwa ndivo vatakuri vemashoko akanaka uye vayambiri kuvanhu kuti vasava nemashoko ekupokana naAllah mushure mekuuya kwevatumwa. Uye Allah ndivo vane simba rose, nehuchenjeri hwese. 166. Asi Allah ndivo vane huchapupu pane izvo zvavakatumira kwauri (Muhammad (SAW)), vakazvitumira kuburikidza neruzivo rwavo (Allah), uye ngirozi dzinopupura. Uye Allah vakakwana semupupuri. 167. Zvirokwazvo, avo vasingatendi (nekuviga chokwadi pamusoro pamutumwa Muhammad (SAW) nemashoko ake echokwadi echitendero cheIslaam sezvakanyorwa muTorah (Taurah) uye muInjeel (Vhangeri)) uye vakadzivirira vanhu kubva munzira yaAllah (Islaam); nokudaro zvirokwazvo vanhu vakarasika zvikuru. 168. Zvirokwazvo, avo vasingatendi uye vachiita zvakaipa (nekuviga chokwadi pamusoro peIslaam), Allah havambo varegerera, kana kuvachengetedza munzira yakatwasuka. 169. Kunze kwenzira yekumoto, uko vachagara zvachose; uye izvi zvirinyore kuna Allah. 170. Imi vanhu! Zvirokwazvo, kwauya kwamuri mutumwa (Muhammad (SAW)) nechokwadi kubva kuna Tenzi venyu. Saka tendai maari, zviri nani kwamuri. Asi mukasatenda, zvirokwazvo zvese zviri mumatenga nepasi ndezva Allah. Uye Allah vanoziva zvose, vane hungwaru hwese. 171. Imi vanhu vakapihwa Gwaro (maKristu)! Musava munopfurikidza mwero muchitendero chenyu, uye musava munotaura pamusoro paAllah kunze kwechokwadi. Zvirokwazvo, Messiah Isa (Jesu), mwanakomana waMariya (Maryam) aive mutumwa waAllah uye shoko ravo (Allah pavakati: “Ivapo!” uye akabva avapo) iro ravakadzikisa kuna Mariya uye mweya mutsvene (Rooh) wakasikwa naivo Allah. Saka tendai muna Allah nevatumwa vavo. Musava munotaura kuti: “Vatatu (Kureva kuti kuna vanamwari vatatu kuti: Zita rababa nemwanakomana neremweya mutsvene)!”. Ivai munosiya izvi, (nekuti) zviri nani kwamuri. Nekuti zvirokwazvo Allah Mwari mumwechete, rumbidzo yose ndeyavo uye havana mwana. Ndivo varidzi vezvose zviri mumatenga nezvose zviri pasi. Uye Allah vakakwana semumiriri wezvose 172. Messiah Isa (Jesu) haambodadi uye haarambi kuti muranda waAllah, kana ngirozi idzo dziri pedyo (naAllah). Uye uyo anoramba kunamata (Allah) uye odada, nekudaro (Allah) vachavaunganidza vose kwavari. 173. Naizvozvo avo vaitenda (muhumwechete hwaAllah) uye vachiita mabasa akanaka, (Allah) vachavapa mibairo yavo uye vovawedzera zvakanaka kubva kumakomborero avo. Asi avo vakaramba kuvanamata uye vachizvitutumadza, (Allah) vachavaranga nemarwadzo akaipisisa. Uye havazombowani mumwe kunze kwaAllah angavachengetedze kana kuvabatsira. 174. Imi vanhu! Zvirokwazvo, humboo huri pachena hwauya kwamuri (mutumwa Muhammad (SAW)) kubva kuna Tenzi venyu; uye tave tinokudzikisirai mwenje wakazara (Qur’aan iri). 175. Saka avo vakatenda muna Allah uye vakava vanobatirira nesimba mavari (Allah), vachavapinza (Allah) mutsitsi uye nyasha dzavo (Paradhiso), uye vachavatungamirira kwavari (Allah) nenzira yakatwasuka. 176. Vanokubvunza pamusoro pepfukwa yakabvumirwa (yenhaka). Taura (Muhammad (SAW)) kuti: “Allah vanotsanangudza (vanotungamira) maererano neAl-Kalaalah (avo vanofa vasina vagary venhaka, vana kana vabereki). Kana ari murume afa asina mwana, asi ane hanzvadzi (musikana kana mukadzi), (hanzvadzi iyi) inowana chidimbu chepakati (1/2) senhaka. Uye kana (mufi) ari mukadzi, asina mwana waasiya, hanzvadzi yake (mukomana kana murume) inotora nhaka yake. Kana pane hanzvadzi mbiri (vanasisi vaviri), vanowana zvidimbu zviviri kubva muzvitatu (2/3) senhaka. Asi kana pane hanzvadzi nehanzvadzi (vanasisi nanabhudhi), munhurume anowana chidimbu chinopinda kaviri kune chemukadzi. Saizvozvo, Allah vanokubuditsirai pachena mutemo wavo kuti musave munorasika. Uye Allah ndivo vanoziva zvinhu zvose.” |
| | | | CHITSAUKO AN-NISAA | |
|
| صلاحيات هذا المنتدى: | لاتستطيع الرد على المواضيع في هذا المنتدى
| |
| |
| |