منتديات إنما المؤمنون إخوة (2024 - 2010) The Believers Are Brothers

(إسلامي.. ثقافي.. اجتماعي.. إعلامي.. علمي.. تاريخي.. دعوي.. تربوي.. طبي.. رياضي.. أدبي..)
 
الرئيسيةالأحداثأحدث الصورالتسجيل
(وما من كاتب إلا سيبلى ** ويبقى الدهر ما كتبت يداه) (فلا تكتب بكفك غير شيء ** يسرك في القيامة أن تراه)

IZHAR UL-HAQ

(Truth Revealed) By: Rahmatullah Kairanvi
قال الفيلسوف توماس كارليل في كتابه الأبطال عن رسول الله -صلى الله عليه وسلم-: "لقد أصبح من أكبر العار على أي فرد مُتمدين من أبناء هذا العصر؛ أن يُصْغِي إلى ما يظن من أنَّ دِينَ الإسلام كَذِبٌ، وأنَّ مُحَمَّداً -صلى الله عليه وسلم- خَدَّاعٌ مُزُوِّرٌ، وآنَ لنا أنْ نُحارب ما يُشَاعُ من مثل هذه الأقوال السَّخيفة المُخْجِلَةِ؛ فإنَّ الرِّسَالة التي أدَّاهَا ذلك الرَّسُولُ ما زالت السِّراج المُنير مُدَّةَ اثني عشر قرناً، لنحو مائتي مليون من الناس أمثالنا، خلقهم اللهُ الذي خلقنا، (وقت كتابة الفيلسوف توماس كارليل لهذا الكتاب)، إقرأ بقية كتاب الفيلسوف توماس كارليل عن سيدنا محمد -صلى الله عليه وسلم-، على هذا الرابط: محمد بن عبد الله -صلى الله عليه وسلم-.

يقول المستشرق الإسباني جان ليك في كتاب (العرب): "لا يمكن أن توصف حياة محمد بأحسن مما وصفها الله بقوله: (وَمَا أَرْسَلْنَاكَ إِلَّا رَحْمَةً لِّلْعَالَمِين) فكان محمدٌ رحمة حقيقية، وإني أصلي عليه بلهفة وشوق".
فَضَّلَ اللهُ مِصْرَ على سائر البُلدان، كما فَضَّلَ بعض الناس على بعض والأيام والليالي بعضها على بعض، والفضلُ على ضربين: في دِينٍ أو دُنْيَا، أو فيهما جميعاً، وقد فَضَّلَ اللهُ مِصْرَ وشَهِدَ لها في كتابهِ بالكَرَمِ وعِظَم المَنزلة وذَكَرَهَا باسمها وخَصَّهَا دُونَ غيرها، وكَرَّرَ ذِكْرَهَا، وأبَانَ فضلها في آياتٍ تُتْلَى من القرآن العظيم.
المهندس حسن فتحي فيلسوف العمارة ومهندس الفقراء: هو معماري مصري بارز، من مواليد مدينة الأسكندرية، وتخرَّجَ من المُهندس خانة بجامعة فؤاد الأول، اشْتُهِرَ بطرازهِ المعماري الفريد الذي استمَدَّ مَصَادِرَهُ مِنَ العِمَارَةِ الريفية النوبية المَبنية بالطوب اللبن، ومن البيوت والقصور بالقاهرة القديمة في العصرين المملوكي والعُثماني.
رُبَّ ضَارَّةٍ نَافِعَةٍ.. فوائدُ فيروس كورونا غير المتوقعة للبشرية أنَّه لم يكن يَخطرُ على بال أحَدِنَا منذ أن ظهر وباء فيروس كورونا المُستجد، أنْ يكونَ لهذه الجائحة فوائدُ وإيجابيات ملموسة أفادَت كوكب الأرض.. فكيف حدث ذلك؟!...
تخليص الإبريز في تلخيص باريز: هو الكتاب الذي ألّفَهُ الشيخ "رفاعة رافع الطهطاوي" رائد التنوير في العصر الحديث كما يُلَقَّب، ويُمَثِّلُ هذا الكتاب علامة بارزة من علامات التاريخ الثقافي المصري والعربي الحديث.
الشيخ علي الجرجاوي (رحمه الله) قَامَ برحلةٍ إلى اليابان العام 1906م لحُضُورِ مؤتمر الأديان بطوكيو، الذي دعا إليه الإمبراطور الياباني عُلَمَاءَ الأديان لعرض عقائد دينهم على الشعب الياباني، وقد أنفق على رحلته الشَّاقَّةِ من مَالِهِ الخاص، وكان رُكُوبُ البحر وسيلته؛ مِمَّا أتَاحَ لَهُ مُشَاهَدَةَ العَدِيدِ مِنَ المُدُنِ السَّاحِلِيَّةِ في أنحاء العالم، ويُعَدُّ أوَّلَ دَاعِيَةٍ للإسلام في بلاد اليابان في العصر الحديث.

أحْـلامٌ مِـنْ أبِـي (باراك أوباما) ***

 

 CHITSAUKO AAL-IMRAAN

اذهب الى الأسفل 
كاتب الموضوعرسالة
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn
مؤسس ومدير المنتدى
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn


عدد المساهمات : 52644
العمر : 72

CHITSAUKO AAL-IMRAAN Empty
مُساهمةموضوع: CHITSAUKO AAL-IMRAAN   CHITSAUKO AAL-IMRAAN Emptyالأحد 20 مارس 2022, 12:53 am

CHITSAUKO AAL-IMRAAN
MHURI YAIMRAAN 3
Muzita raAllah, Vane Tsitsi, Vane Ngoni.

1. Alif – Laam – Meem. (Mavara aya ndemamwe ezvishamiso zvemuQur’aan, uye hapana anoziva zvaanoreva kunze kwaAllah).

2. Allah! Laa ilaaha illaa Huwa (Hakuna ane kodzero yokunamatwa kunze kwavo), vanorarama nekusingaperi, muchengetedzi wezvese.

3. Ndivo (Allah) vakadzikisa Gwaro (Qur’aan) kwauri (Muhammad (SAW)) muchokwadi, richitsigira izvo zvakange zviripo mushure maro. Uye vakatumira Torah neInjeel (Vhangeri).

4. Kare, kare, segwara rekutevedzera kuvanhu. Uye vadzikisa Al-Furqaan (Qur’aan senzira yekupatsanura zvakanaka nezvakaipa). Zvirokwazvo, avo vasingatendi muzviratidzo zvaAllah, vachange vane marwadzo akaoma; uye Allah vane simba, vanopa mutongo (vanotsiva).

36 - 37

5. Zvirokwazvo, hapana chakavandika kubva kuna Allah, pasi nekudenga.

6. Ndivo vanokuumbai muzvibereko sekuda kwavo. Laa ilaaha illaa Huwa (Hakuna anekodzero yokunamatwa kunze kwavo (Allah)), samasimba, vane huchenjeri hwese.

7. Ndivo vatumira Gwaro kwauri (Muhammad (SAW)). Mariri mune ndima dziri pachena, ndidzo midzi dzeGwaro (Ndima dzemitemo), uye nedzimwe dzisina kutsanangurwa (dzisiri pachena).

Asi avo vane kurasika mumoyo yavo vanotevera idzo ndima dzisiri pachena mariri, vachitsvaga Fitnah (Miedzo), uye vachitsvaga zvadzinoreva zvakavanzika, asi hapana anoziva zvakavanzika zvadzinoreva kunze kwaAllah. Uye avo vakapihwa ruzivo rwakadzama, vanoti: “Tinotenda madziri (dziri pachena nedzakavanzika), dzese dzinobva kuna Tenzi vedu.” Uye hapana vanotambira mashoko eyambiro kunze kweavo vanonzwisisa.

8. (Vanoti): “Tenzi vedu! Musaite moyo yedu itsauke (kubva pachokwadi) mushure mekunge matitungamirira, uye mova munotipawo tsitsi kubva kwamuri. Zvirokwazvo, ndimi munopa zvikuru.”

9. “Tenzi vedu! Zvirokwazvo, ndimi muchaunganidza vanhu pamwechete pazuva iro risina rupokano mariri. Zvirokwazvo, Allah havaputsi chirangano.”

10. Zvirokwazvo, avo vasingatendi, hupfumi hwavo nevana vavo hazvimbofi zvakavabetsera chinhu pamberi paAllah; uye ava ndivo vachave bvavi remoto (huni dzekuGehena).

11. Sehunhu hwevanhu vaFarawo neavo vanga vari mumashure mavo, vakaramba ndima dzedu. Saka Allah vakave vanovaparadza nokuda kwezvitadzo zvavo. Uye Allah vanoranga zvakaomarara.

12. Iti (Muhammad (SAW)) kune avo vasingatendi: “Muchava munokurirwa, uye mounganidzwa kuGehena, uye ndiyo nzvimbo yakaipa kugara.”

13. Zvirokwazvo, pakanga pane chiratidzo kwamuri (maJudha) kune mauto maviri akasangana (hondo yeBadr). Rimwe rairwa munzira yaAllah, asi rimwe raive risingatendi. Vachivaona (vatendi avo vasingatendi) nemaziso avo vakaenzana navo zvakapetwa kaviri (asi avo vasingatendi vange vakapetwa katatu). Uye Allah vanotsigira nekukunda uyo wavada. Zvirokwazvo, mune izvi mune chidzidzo kune vanonzwisisa.

14. Kuda zvido zvemoyo kwakashongedzerwa vanhu, kuda vakadzi, vana, goridhe zhinji uye sirivha, mabhiza akanaka anemuchiso, nezvipfuyo uye neminda yakarimwa mune zvakanaka. Aya ndiwo mafaro ehupenyu hwepasi rino; asi Allah kwavari kune kudzokera kwakanaka (Paradhiso ine nzizi dzinoerera).

15. Iti: “Ndokuudzai here zvinhu zvakanaka zvinodarika izvi? Kune Al-Muttaqoon (vanoita mabasa akanaka) kune Minda (Paradhiso) kuna Tenzi vavo, pasi payo pane nzizi dzichierera. Vachave vanogaramo zvachose uye Az-waajun mutahharatun (varume kana vakadzi vakachenurwa). Uye nemufaro kubva kuna Allah. Uye Allah vanoona varanda (vavo).”

16. Avo vanoti: “Tenzi vedu! Zvirokwazvo, tava tinotenda, saka tiregerereiwo zvitadzo zvedu uye tidzivirireiwo kubva kumarwadzo ekumoto.”

38

17. (Ndeavo) avo vanotsungirira, avo vari pachokwadi, uye vanotevedzera nemoyo wese mukunamata Allah. Avo vanopa (Zakaat (Zvipo) munzira yaAllah) uye vanokumbira ruregerero rwaAllah munguva dzekupedzisira dzeusiku.

18. Allah vanopa huchapupu kuti Laa ilaaha illaa Huwa (Hakuna anekodzero yekunamatwa kunze kwavo), uye nengirozi, uye neavo vane ruzivo (vanopawo huchapupu). Vanochengetedza zvisikwa zvavo mune zvakanaka. Laa ilaaha illaa Huwa (Hakuna anekodzero yekunamatwa kunze kwavo), samasimba, muchenjeri mukuru.

19. Zvirokwazvo, chitendero (chechokwadi) kuna Allah iIslaam. Uye avo vakapihwa Gwaro( maJudha nemaKristu) havana kupokana kunze kwegodo pachavo, mushure mekunge ruzivo rwauya kwavari. Uye wese asingatendi muzviratidzo zvaAllah, zvirokwazvo, Allah vanokurumidza mukutonga.

20. Asi vakapokana newe (Muhammad (SAW)) iti: “Ndave ndinozvipira pachezvangu kunaAllah( muIslaam), uye neuyo anonditevera.” Uye iti kune avo vakapihwa Gwaro (maJudha nemaKristu), uye kune avo vasingazivi (vasingagoni kuverenga nekunyora, maArabhu): “Munozvipira here pachenyu (kuna Allah muIslaam)?” Kana vakazvipira, zvirokwazvo varimugwara rakanaka; asi kana vakafuratira, zvirokwazvo, basa rako kupa shoko chete; uye Allah vanoona varanda (vavo).

21. Zvirokwazvo, avo vasingatendi muzviratidzo zvaAllah uye vachiuraya vatumwa pasina kodzero, uye vachiuraya avo vanhu vanokuridzira zvakanaka (ruenzaniso), saka vazivise kuti vachawana mutongo unorwadza zvikuru.

22. Ndeavo mabasa avo achashaya basa pano pasi uye nemuhupenyu unotevera, uye vachange vasina vabetseri.

23. Hauna kuona here avo vakapihwa chidimbu cheGwaro? Varikukokwa kuGwaro raAllah kuti rigadzirise kupokana kwavo, uye chimwe chikwata chavo chinofuratira, vasingaratidzi hanya.

24. Izvi nokuda kwekuti vanoti: “Moto hautibati asi kwemazuva anoverengeka.” Uye zvavaivamba vachiwedzera muchitendero chavo zvakavanyengedza.

25. Zvichava sei apo patichavaunganidza pamwechete pazuva iro risina kupokana mariri (Zuva rekutongwa). Uye munhu wega wega achave anopihwa mubairo wakazara mune zvaakaita? Uye havambodzvanyirirwi.

26. Iti (Muhammad (S.A.W)): “Imi Allah! Muridzi wehumambo, munopa humambo kune uyo wamada, uye munotorera humambo kubva kune uyo wamada, uye munosimudzira uyo wamunoda, uye munodzikisira uyo wamunoda. Muruoko rwenyu mune zvakanaka. Zvirokwazvo, munokwanisa kuita zvose.”

27. “Munoita kuti husiku hupinde mumasikati, uye munoita kuti masikati apinde muhusiku (kuwedzera kana kushomeka kwenguva yeusiku nemasikati munguva yechando neyekupisa), uye

39

munoburitsa vapenyu kubva kune vakafa, uye munoburitsa vakafa kubva kune vapenyu. Uye munopa hupfumi neraramo kune wamunoda zvisina magumo (zvisingaverengeki).”

28. Vanotenda ngavasatora vasingatendi sevabatsiri kusara kweavo vanotenda, uye anenge aita izvozvo haabatsirwi naAllah nenzira ipi zvayo, kunze muchitya kukuvadzwa navo. Uye Allah vanokuyambirai pachavo (mutongo wavo), uye kuna Allah tichadzokera.

29. Iti (Muhammad SAW)): “Kunyangwe mukavanza izvo zviri mumoyo menyu kana kuzviburitsa, Allah vanozviziva, uye vanoziva izvo zviri mumatenga uye nezviri pasi. Uye Allah vanokwanisa kuita zvese.”

30. Pazuva iro munhu wese achawana zvese zvakanaka zvaakaita zviripo neizvo zvakaipa zvaakaita, achave nechishuwo chekuti dai paine chinhambwe chirefu pakati pake nemabasa ake akaipa. Uye Allah vanokuyambirai pachavo (mutongo wavo) uye Allah vazere netsitsi kuvaranda (vavo).

31. Iti (Muhammad (SAW)) kuvanhu: “Kana muchinyatsodisisa Allah nditeverei, Allah vachakudai pamwe nekukuregererai zvitadzo zvenyu. Uye Allah vanoregerera zvikuru, vane tsitsi zhinji.”

32. Iti (Muhammad (SAW)): “Teererai Allah nemutumwa (Muhammad (SAW)).” Asi kana vakafuratira, zvirokwazvo Allah havadi avo vasingatendi.

33. Zvirokwazvo, Allah vakasarudza Adam, Nowa, mhuri yaAbrahamu, uye nemhuri yaImraan pamusoro pezvisikwa zvese (vanhu nemaJinn venguva dzavo).

34. Vana, vamwe vavo kubva kune vamwe, uye Allah vanonzwa zvakanyanya, vanoziva zvikuru.

35. (Rangarirai) apo mukadzi waImraan akati: “Tenzi vangu! Ndave ndinotora mhiko kwamuri pane( mwana) ari muchibereko changu kuti ndinomupira kubasa renyu, saka ivai munotambira izvi kubva kwandiri. Zvirokwazvo, munonzwa zvakanyanya, munoziva zvikuru.”

36. Paakabereka mwanasikana wake (Mariya) akati: “Tenzi vangu! Ndabereka mwanasikana,” uye Allah vaiziva zvikuru mwana waakanga abereka, “Uye murume haana kufanana nemukadzi, uye zvirokwazvo ndamutumidza zita rekuti Maryam (Mariya), uye zvirokwazvo, ndinotsvaga ruponeso mamuri (Allah) kwaari uye nevana vake kubva kuna Shaitwaan (Satani), akarambwa( akarengerwa).”

37. Saka Tenzi vake vakamutambira mune zvakanaka. Vakamukudza mune zvakanaka uye Zakariya (Zakero) ndiye aimuchengeta. Pose paaipinda Zakariya kwaari Al-Mihraab (mukamuri yake) aimuwana aine chikafu. Akati: “Iwe Maryam (Mariya)! Zvabva kupi zvinhu izvi?” Akati: “Izvi zvabva kuna Allah.” Zvirokwazvo, Allah vanopa Rizq (Chikafu) kune uyo wavada, zvisina muero.

38. Panguva iyoyo Zakariya akadaidza Tenzi vake, achiti: “Tenzi vangu! Ndipeiwo kubva kwamuri mwana akanaka. Zvirokwazvo, munonzwa zvikuru minamato (maDua).”

39. Nekudaro ngirozi dzakamudaidza apo akanga akamira pamunamato ari mukamuri yekunamatira, (dzichiti): “Allah vanokupa mashoko akanaka aYahya (Johwani – uchava nemwana Johwani),

40

achange achitenda mushoko kubva kuna Allah (rekusikwa kwaJesu neshoko raAllah kuti: “Ivapo!” Uye obva avapo), anoremekedzwa, ari kure kubva kune bonde nevakadzi, uye muporofita kubva kune vanoita mabasa akanaka.”

40. Akati: “Tenzi vangu! Ndinove ndinowana sei mwanakomana ini ndachembera kudai, uye mukadzi wangu aringomwa?” (Allah) Vakati: “Naizvozvo nekudaro Allah vanoita zvavanoda.”

41. Akati: “Tenzi vangu! Ndipei chiratidzo.” (Allah) vakati: “Chiratidzo chako ndechokuti uchava unorega kutaura nevanhu kwemazuva matatu kunze nezviratidzo (kuchonya nekuninira). Uye rangarira Tenzi vako zvakanyanya, uye murumbidze munguva dzemasikati nemangwanani.”

42. Uye rangarirai apo ngirozi dzakati: “Iwe Maryam (Mariya)! Zvirokwazvo, Allah vakusarudza vakakuchenura, uye vakakusarudza pamusoro pemadzimai ose epanyika (panguva yake).”

43. “Iwe Maryam (Mariya)! Iva unozvipira kuna Tenzi vako nekuteerera (Allah, nekuvanamata vari voga) uye ova unoisa chiso chako pasi, uye ova unopfugama pamwe neavo vanopfugama.”

44. Ichi ndicho chidimbu chenhau kubva mune izvo zvisingaoneki chatiri kudzikisa kwauri (iwe Muhammad (SAW)). Uye wanga usiri pamwechete navo, apo pavaikanda zvinyoreswa zvavo kuti ndeupi pakati pavo achachengeta Maryam (Mariya), uye waisava navo pavaipokana.

45. (Rangarirai) apo ngirozi dzakati: “Iwe Maryam (Mariya)! Zvirokwazvo, Allah vari kukupa mashoko akanaka eshoko kubva kwavari, zita rake anenge achinzi Mesiya Isa (Jesu), mwanakomana waMariya, acharemekedzwa pasi rose uye nekudenga, uye achange ari umwe weavo vari pedyo naAllah.”

46. “Achataura kuvanhu ari kacheche uye akura, uye achange ari umwe weavo vanoita mabasa akanaka.”

47. Akati: “Tenzi vangu! Ndingave sei nemwanakomana pasina murume akandibata?” Akati: “Naizvozvo Allah vanosika zvavanoda. Kana vachida kuita chinhu, zvirokwazvo vanoti kwachiri: “Ivapo!” uye chinobva chavapo.

48. Uye ivo (Allah) vachamudzidzisa Gwaro nehungwaru, uye neTorah uye neInjeel (Vhangeri).

49. Uye vachamuita kuti ave mutumwa kuvana vaIzirairi (achiti): “Zvirokwazvo, ndakuvigirai chiratidzo kubva kuna Tenzi venyu, zvekuti ndinokuumbirai kubva kuvhu, chiumbwa chinenge shiri, uye ndochifemera machiri, chinobva chaita shiri nekuda kwaAllah; uye ndinoporesa uyo akaberekwa ari bofu uye neuyo ane maperembudzi, uye ndinomutsa vakafa nesimba raAllah. Uye ndinokuudzai izvo zvamunodya pamwe neizvo zvamunochengeta mudzimba dzenyu.

Zvirokwazvo, mukati meizvi mune chiratidzo kwamuri, kana muri vatendi.

50. Uye ndauya kuzotsigira izvo zvakanga zviripo ndisati ndavapo kubva muTorah, uye kuzokubvumidzai zvimwe zvezvinhu zvakanga zvakarambidzwa kwamuri, uye ndauya kwamuri nehumboo kubva kuna Tenzi venyu. Naizvozvo, ityai Allah mova munonditeerera.

41



CHITSAUKO AAL-IMRAAN 2013_110
الرجوع الى أعلى الصفحة اذهب الى الأسفل
https://almomenoon1.0wn0.com/
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn
مؤسس ومدير المنتدى
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn


عدد المساهمات : 52644
العمر : 72

CHITSAUKO AAL-IMRAAN Empty
مُساهمةموضوع: رد: CHITSAUKO AAL-IMRAAN   CHITSAUKO AAL-IMRAAN Emptyالأحد 20 مارس 2022, 5:09 pm

51. Zvirokwazvo! Allah ndiTenzi vangu uye Tenzi venyu, naizvozvo vanamatei (Allah vari voga). Iyi ndiyo nzira yakatwasuka.”
52. Apo Isa (Jesu) paakazoona kusatenda kwavo akati: “Ndivanani vachava vabatsiri vangu munzira yaAllah?” Vadzidzi vakati: “Tiri vabatsiri vaAllah, tinotenda muna Allah, uye tinopupura kuti zvirokwazvo tiri vatendi (maMuslim).”
53. “Tenzi vedu! Tinotenda pane izvo zvamatumira pasi, uye tinotevedzera mutumwa (Jesu), saka tinyorei pasi pakati pevapupuri.”
54. Uye vakaronga (vasingatendi kuti vauraye Jesu), uye Allah vakarongawo. Asi Allah ndivo murongi anogonesesa pakati pevarongi vese.
55. (Rangarirai) apo Allah vakati: “Iwe Isa (Jesu)! Zvirokwazvo, ndichaita kuti urare uye ndova ndokutakura wouya kwandiri, uye ndova ndinokuchenura kubva kune avo vasingatendi (manyepo avo ekuti Jesu ndimwanakomana waAllah), uye ndichaita kuti avo vanokutevera (vanotenda muhumwechete hwaAllah) vave pamusoro peavo vasingatendi kusvika zuva rekumutswa. Uye muchava munodzoka kwandiri uye ndichatonga pakati penyu pane izvo maipokana.”
56. “Kune avo vasingatendi, ndichavarwadzisa nemarwadzo akanyanya pano pasi uye nekudenga, uye vachashaya vabatsiri.”
57. Uye kune avo vanotenda (muhumwechete hwaAllah) nekuita mabasa akanaka, (Allah) vachavapa muripo wavo zvizere. Uye Allah havadi avo vanoita mabasa akaipa.
58. Izvi ndizvo zvatiri kuverenga kwauri (Muhammad (SAW)) kubva muzviratidzo uye neyeuchidzo ine hungwaru (Qur’aan).
59. Zvirokwazvo, mufananidzo waIsa (Jesu) kuna Allah wakafanana nemufananidzo waAdam.
Vakamusika kubva kuvhu (Adam) vakati kwaari: “Ivapo!” uye akabva avapo.
60. Ichi ndicho chokwadi kubva kuna Tenzi vako, nokudaro usava pakati peavo vanopokana nacho.
61. Avo vanopokana newe maererano naye (Jesu) mushure mekunge ruzivo rwauya kwauri (kuti Jesu muranda waAllah), vaudze kuti: “Ngatidanei vanakomana vedu nevanakomana venyu, madzimai edu nemadzimai enyu, isusu nemi, tonamata uye tokumbira kuti kurengera kwaAllah kuve kune avo vanonyepa.”
62. Zvirokwazvo, iyi inyaya yechokwadi (yaJesu), uye Laa ilaaha illallaah (Hakuna umwe mwari anofanirwa kunamatwa kunze kwaAllah). Uye zvirokwazvo, Allah ndivo samasimba, vane hungwaru hwakanyanya.
63. Uye kana vakafuratira (uye voramba zviratidzo izvi zvechokwadi), zvirokwazvo, Allah vane ruzivo maererano neAl-Mufsidoon (avo vanoita mabasa asina kururama).
64. Iti (Muhammad (SAW)): “Imi makapihwa Gwaro (maJudha nemaKristu)! Huyai kushoko rine ruenzaniso pakati pedu nemi, kuti tisave tinonamata zvimwe zvinhu kunze kwaAllah (vamwe
42
chete), uye hatifaniri kuvasanganisa (Allah) nezvimwe zvinhu (pakunamata), uye pakati pedu hapana achatora vamwe vanhu saanamwari kunze kwaAllah.” Kana vakafuratira, vaudzei kuti: “Ivai zvapupu kuti zvirokwazvo tiri maMuslim (vanhu vakazvipira kuna Tenzi vavo).”
65. Imi makapihwa Gwaro (maJudha nemaKristu)! Sei muchipokana maererano naAbrahamu, nokuti Torah neVhangeri (Injeel) hazvina kudzikiswa asi mushure make? Hamufungi here?
66. Ndimi mange muchipokana maererano neizvo zvamune ruzivo nazvo. Ko sei iyezvino muchipokana neizvo zvamusina ruzivo nazvo? Uye Allah ndivo vanoziva, uye imi hamuzivi.
67. Abrahamu (Ibrahim) akanga asiri muJudha kana muKristu, asi akanga ari muMuslim wechokwadi (aitenda muhumwechete hwaAllah), uye akanga asiri umwe weal-Mushrikoon (avo vanonamata Allah nezvimwe zvinhu).
68. Zvirokwazvo, vanekodzero pakati pevanhu kuna Abrahamu ndeavo vakamutevera uye pamwe nemuporofita uyu (Muhammad (SAW)) neavo vanotenda (maMuslim). Uye Allah ndivo muchengeti wevatendi.
69. Boka kubva kune vanhu vakapihwa Gwaro (maJudha nemaKristu) vane chishuwo kuti dai vakutsaudzai. Asi havafi vakatsaudza ani zvake kunze kwekuzvitsaudza pachavo, asi havazvizivi.
70. “Imi vanhu vakapihwa Gwaro (maJudha nemaKristu)! Sei musingatendi muzviratidzo zvaAllah (pamusoro paMuhammad (SAW) zviri muTorah neVhangeri), asi muchipa uchapupu kuti (maGwaro) nde echokwadi?”
71. “Imi vanhu vakapihwa Gwaro (maJudha nemaKristu)! Sei muchisanganisa chokwadi nemanyepo uye muchiviga chokwadi muchiziva?”
72. Uye rimwe boka revanhu vakapihwa Gwaro rinoti: “Tendai mune izvo zvakadzikiswa kuvatendi (maMuslim) mangwanani uye moramba kupera kwezuva kuti vafuratire.”
73. “Uye musava munotenda upi zvake kusara kweuyo anotevera chitendero chenyu.” Iti (Muhammad (SAW)): “Zvirokwazvo, gwara rechokwadi igwara raAllah” uye musava munotenda kuti wese anogona kuwana zvakafanana nezvamakawana, pamwewo vangapokane nemi pamberi paTenzi venyu. Iti (Muhammad (SAW)): “Makomborero ese ari mumaoko aAllah, vanopa kune wavanoda. Uye Allah vanogutsa (vakazvikwanira) zvisikwa zvavo, vanoziva zvakanyanya.”
74. Vanosarudza kupa tsitsi dzavo (Islaam neQur’aan nehuporofita) uyo wavanoda, uye Allah ndivo muridzi wemakomborero akawanda.
75. Pakati pevanhu veGwaro (maJudha nemaKristu) pane uyo, ukamuchengetesa Qintaar (hupfumi hwakawandisa), anohudzosera kwauri; uye pakati pavo pane uyo, ukamuchengetesa Diinaar (Ndarama 4.25g) haaidzoseri kwauri kunze kwekuti wamira-mira uchisheedzera, nekuti vanoti : “Hapana chakaipa patiri nekutora midziyo yevasina ruzivo (maArabhu).” Asi vanotaura manyepo pamusoro paAllah vachiziva.
43
76. Chokwadi, wese anozadzikisa chibvumirano chake uye anotya Allah zvakanyanya, zvirokwazvo, Allah vanoda Al-Muttaqoon (vanoita mabasa akanaka, vatsvene).
77. Zvirokwazvo, avo vanotenga nechitsidzo chaAllah nemhiko dzavo hupfumi hushoma, vachave vanoshaiwa chidimbu (chikamu chakanaka) mune ramangwana (Paradhiso). Allah havazombotauri navo kana kuvatarisa pazuva rekumutswa, kana kuvachenura, uye vachave vanowana mutongo unorwadza zvikuru.
78. Uye zvirokwazvo, pakati pavo pane boka rinotsaudzira Gwaro nerurimi rwavo (pavanoverenga), kuti muve munofunga kuti ndezve muGwaro, asi zvisiri zvemuGwaro, uye vanoti: “Izvi ndezvaAllah,” asi zvisiri zvaAllah; uye vanotaura manyepo pamusoro paAllah vachiziva.
79. Hazvigoni kuti munhu Allah vanomupa Gwaro, mitemo uye huporofita mushure mezvo oti kuvanhu: “Ivai vanamati vangu kunze kwaAllah.” Asi (anoti): “Ivai Rabbaaniyyoon (vanhu vakadzidza vanoita zvavanoziva uye nekuzviparidza) nekuti muri kudzidzisa Gwaro, uye muri kuriverenga.”
80. Uye haakwanisi kukukomekedzai kutora ngirozi nemaporofita sevanatenzi. Anokukomekedzai here kusatenda mushure mekunge mazvipira kuna Allah (semaMuslim)?
81. Uye (rangarirai) apo Allah pavakatora chibvumirano nemaporofita (vachiti): “Kana ndakupai Gwaro nehungwaru (mitemo), uye mumashure mezvo mutumwa (Muhammad (SAW)) ouya kwamuri achipupura izvo zvamunazvo, naizvozvo munofanirwa kutenda kwaari pamwe nekumubatsira.” Allah vakati: “Munobvuma here uye munotora chibvumirano changu pamusoro pazvo here?” Vakati (maporofita): “Tinobvumirana nazvo.” Akati (Allah): “Naizvozvo ipai uchapupu, uye ini ndinemi pakati pezvapupu.”
82. Naizvozvo uyo munhu achafuratira mushure meizvi, ndivo vapanduki (avo vanotyora mitemo yaAllah).
83. Vanotsvaga chimwe chitendero chisiri chaAllah, asi zvisikiwa zvese zviri pasi nekudenga zvinozvininipisa kwavari (Allah), zvichida kunyangwe zvisingadi. Uye kwavari (Allah) vese vachadzorerwa.
84. Iti (Muhammad (SAW)): “Tinotenda muna Allah neizvo zvakadzikiswa kwatiri (Qur’aan), uye neizvo zvakadzikiswa kuna Abrahamu, Ishumaeri, Isaka, Jakobho pamwe nemaAl-Asbaat (vana vevana vaJakobho gumi nevaviri), neizvo zvakapihwa Musa, uye naIsa (Jesu) pamwe nemaporofita ese kubva kuna Tenzi vavo. Hatipatsanuri pakati pavo (maporofita), uye kwavari (Allah) takazvipira (semaMuslim).”
85. Uye uyo munhu achava anotsvaga chimwe chitendero kunze kweIslaam, hachifi chakatambirwa kubva kwaari, uye muhupenyu hwemangwana achave pakati peavo vakarasikirwa.
86. Allah vangatungamirire sei vanhu vakarega kutenda mushure mekunge vaimbotenda, uye mushure mekunge vapa huchapupu kuti mutumwa Muhammad (SAW) ndewechokwadi, uye zviratidzo zviri pachena zvauya kwavari? Uye Allah havatungamiri avo vanoita mabasa akaipa.
44
87. Ndeavo mubairo wavo uchange uri kurengera kwaAllah, nengirozi, uye pamwe nevanhu vese.
88. Vachava vanogara ikoko (kuGehena). Marwadzo avo haafi akadzikiswa kana kunonotswa.
89. Kunze kweavo vanokumbira ruregerero mushure maizvozvo uye voita mabasa akanaka.
Zvirokwazvo, Allah vazere neruregerero, vane tsitsi zhinji.
90. Zvirokwazvo, avo vakarega kutenda mushure mekunge vambotenda uye vakaenderera mberi nekusatenda kwavo (muQur’aan naMuporofita Muhammad (SAW)), (kukumbira) ruregerero kwavo hakuzombotambirwi (nekuti kukumbira kwavo kunenge kusingabvi mumoyo). Uye ndivo avo vakarasika.
91. Zvirokwazvo, avo vakarega kutenda uye vakafa vasingatendi, nyika yakazara negoridhe haizombotambirwi kubva kuna ani nani pakati pavo kunyangwe vaipa senzira yekuzvinunura nayo. Avo vachawana chirango chinorwadza zvikuru uye vachange vasina vabatsiri.
92. Hamufi mawana hutsvene kusvikira mapa (munzira yaAllah) izvo zvamunodisisa, uye chinhu chese chamunopa, zvirokwazvo Allah vanochiziva.
93. Chikafu chese chakanga chiri Halaal (chinobvumirwa) kuvana vaIzirairi, kunze kweizvo zvinhu Izirairi akazviita Haraam (akazvirambidza) kwaari pachake Torah risati radzikiswa. Iti (Muhammad (SAW)): “Huyai neTorah uye moriverenga kana muri pachokwadi.”
94. Mushure maizvozvo, ani nani zvake achapomera manyepo kuna Allah, avo ndivo vanoita mabasa akaipa.
95. Iti (Muhammad (SAW)): “Allah vakataura chokwadi; teverai chitendero chaAbrahamu Haneef (ainamata Allah chete), uye akanga asiri pakati peAl-Mushrikoon (avo vanonamata Allah nevamwe vanamwari).”
96. Zvirokwazvo, imba yokutanga (yekunamatira) yakapihwa vanhu zvirokwazvo ndeiyo iri kuBakkah (Makkah), izere nemakomborero, uye negwara kuvanhu vese pamwe nemaJinn.
97. Mairi mune zviratidzo zviri pachena, nzvimbo yaAbrahamu; uye ani nani zvake achapinda mairi, anenge akachengetedzwa. Uye Hajj (kushanya) kuimba yaAllah (Ka’bah) ibasa vanhu ravanofanirwa kuitira Allah, kune ani nani anokwanisa kuenda kwairi (ane mari inomukwanira
kuenda ikoko nekusiya mhuri igere zvakanaka); uye ani nani zvake acharamba kutenda (muHajj anenge aramba Allah), zvirokwazvo Allah havadi rubatsiro kubva kuzvisikwa zvavo (vanhu, maJinn nezvimwe zvese).
98. Iti: “Imi vanhu vakapihwa Gwaro (maJudha nemaKristu)! Sei muchiramba zviratidzo zvaAllah, asi Allah vachiona zese zvamunoita?”
99. Iti: “Imi vanhu vakapihwa Gwaro (maJudha nemaKristu)! Sei muchidzivirira uyo anotenda kubva munzira yaAllah, muchida kuti ive yakatsveyama, asi muri vapupuri (kuti Islaam chitendero chaAllah uye Muhammad (SAW) mutumwa wavo)? Uye Allah vanoziva zvamunoita.”
45
100. Imi vanotenda! Kana mukateerera boka reavo vakapihwa Gwaro (maJudha nemaKristu), vanokudzoserai mukusatenda mushure mekutenda kwenyu!



CHITSAUKO AAL-IMRAAN 2013_110
الرجوع الى أعلى الصفحة اذهب الى الأسفل
https://almomenoon1.0wn0.com/
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn
مؤسس ومدير المنتدى
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn


عدد المساهمات : 52644
العمر : 72

CHITSAUKO AAL-IMRAAN Empty
مُساهمةموضوع: رد: CHITSAUKO AAL-IMRAAN   CHITSAUKO AAL-IMRAAN Emptyالأحد 20 مارس 2022, 5:17 pm

101. Uye munotadza kutenda sei, asi ndima dzaAllah muchidziverengerwa, uye pakati penyu pane mutumwa wavo (Muhammad (SAW))? Uye wese anobatisisa kuna Allah, zvirokwazvo akatungamirirwa mugwara rakatwasuka.
102. Imi vanotenda! Ityai Allah (nekuita zvese zvavakakomekedza uye kusiya zvese zvavakarambidza) kutyiwa kwavanofanirwa kuitwa. Uye zvirokwazvo musafe kusara kwekuti muri maMuslim (vatendi vanozvipira kunaAllah).
103. Uye batisisai mese pamwechete, patambo yaAllah (Qur’aan), uye musava munoparadzana pakati penyu, uye rangarirai makomborero aAllah kwamuri, apo pamakange makavengana asi vakakubatanidzai (Allah) moyo yenyu pamwechete, mukava madzikoma nemakomborero avo (muchitendero); uye maive pamusuwo pegomba remoto, vakave vanokununurai kubva kwauri.
Ndiwo maratidziro anoita Allah zviratidzo zvavo kwamuri, kuti mungave mugwara.
104. Uye pakati penyu panofanirwa kuva neboka revanhu rinosheedzera kune zvese zvakanaka, uye rinokurudzira Al-Ma’roof (zvakanaka) uye richirambidza Al-Munkar (zvakaipa). Uye avo ndivo vakabudirira.
105. Uye musave seavo vakapatsanurana uye vakapikisana pakati pavo mushure mekunge zviratidzo zviri pachena zvauya kwavari. Uye avo vachawana chirango chikuru.
106. Zuva iro (zuva rekumutswa) zvimwe zviso zvichange zvakachena uye zvimwe zviso zvichange zviri zvitema; kune avo zviso zvavo zvichange zviri zvitema (vachabvunzwa): “Makaramba kutenda mushure mekutenda kwenyu here? Saka ravirai mutongo (muGehena) pane zvamairamba kutenda.”
107. Uye kune avo zviso zvavo zvichange zvakachena, vachange vari mutsitsi dzaAllah (kuParadhiso), umo vachagara nekusingaperi.
108. Izvi ndizvo ndima dzaAllah dzatinokuverengera (Muhammad (SAW)) muchokwadi, uye Allah havadi kudzvanyirira zvisikwa zvavo.
109. Allah ndivo muridzi wezvisikwa zvose zviri kumatenga nezviri pasi. Uye nyaya dzese dzinodzokera kuna Allah (kuti vatonge).
110. Ndimi (maMuslim) boka revanhu rakanaka rakapuhwa vanhu, munokomekedza kuita mabasa akanaka uye nekurambidza kuita mabasa akaipa, uye munotenda muna Allah. Uye dai vanhu vakapihwa Gwaro (maJudha nemaKristu) vakatenda, zvirokwazvo zvingadai zvakavanakira; pakati pavo pane vamwe vanotenda, asi vazhinji vavo vanoita mabasa akaipa.
111. Havafi vakakukuvadzai, kunze kwekukusvotai; uye kana vakarwa nemi vanokuratidzai misana yavo (vachitiza), uye havafi vakabatsirwa.
46
112. Kudzikisirwa kwakaiswa mavari pese pavanenge vari, kunze kwekuti vane chibvumirano (chechengetedzo) kubva kuna Allah, uye kubva kuvanhu; uye vave vanozvikwezvera pachavo kutsamwa kwaAllah, uye hurombo unoiswa mavari. Izvi nekuti vaisatenda muzviratidzo zvaAllah uye vachiuraya maporofita vasina kodzero. Izvi nekuda kwekuti vaisateerera (Allah) uye vaipfurikidza mwero.
113. Havana kufanana vese; pakati peavo vakapihwa Gwaro pane boka riri pachokwadi, vanoverenga ndima dzaAllah munguva dzeusiku, vachiisa zviso zvavo pasi (Sujood) vachinamata.
114. Vanotenda muna Allah uye nezuva rekupedzisira, vanokurudzira Al-Ma’roof (zvakanaka) uye vachirambidza Al-Munkar (zvakaipa); uye vanomhanyidzana mukuita mabasa akanaka; uye ava ndivo vamwe veavo vanoita mabasa akanaka.
115. Uye zvakanaka zvese zvavanoita, hapana chicharambwa kubva kwavari, uye Allah vanoziva zvakanyanya avo vanoita mabasa akanaka (vatsvene).
116. Chokwadi, avo vanoramba kutenda, hupfumi hwavo kana vana vavo hazvimbovabetseri chinhu kubva kuna Allah. Ava ndivo vagari vekumoto, umo vachave vanogara nekusingaperi.
117. Muenzaniso weizvo zvavanoshandisa muhupenyu hwepano pasi wakafanana nemuenzaniso wemhepo ine chando, inopinda muzvirimwa zvevanhu vanozvitadzira pachavo uye yozviparadza.
Uye Allah havana kuvatadzira, asi vakazvitadzira pachavo.
118. Imi vanotenda! Musava munotora Bitaanah (vabatsiri, madzisahwira) avo vari kunze kwechitendero chenyu (vanonamata zvidhori, maJudha, maKristu, uye vanyengedzi) sezvo vasingazoneti kuita zvavanokwanisa kuti vakuvhiringidzei. Vane chishuwo chekukukuvadzai zvakanyanya. Ruvengo (rwavo) rwakatobuda kare kubva pamiromo yavo, asi zvavakaviga muhana dzavo zvihombe zvikuru. Zvirokwazvo, tave tinotsanangura kwamuri zviratidzo kana muchinzwisisa.
119. Tarisai! Imi ndimi munovada, asi ivo havakudei, uye munotenda mumaGwaro ese (Torah, uye Injeel (Vhangeri), asi ivo vanoramba Gwaro renyu). Uye kana vakasangana nemi vanoti :“Tinotenda.” Asi kana vari vega, vanoruma kumucheto kweminwe yavo nekutsamwa. Iti: “Ifai nekutsamwa neruvengo rwenyu. Zvirokwazvo, Allah vanoziva zvikuru zviri muhana.”
120. Kana zvakanaka zvikakuwanai, zvinovarwadza; asi kana zvakaipa zvikakuwirai, vanofara nazvo.
Asi mukaramba makatsungirira uye muchitya Allah, zvavanoronga hazvifi zvakakukanganisai chinhu. Zvirokwazvo, Allah vanoziva zvikuru zvese zvavanoita.
121. Uye rangarira (Muhammad (SAW)) pawakasiya mhuri yako mangwanani uchinoronga vatendi panzvimbo dzavo kugadzirira hondo (yeUhud). Uye Allah vanonzwa zvese, vanoziva zvikuru.
122. Apo mapoka maviri kubva pakati penyu vakanga vava pedyo nekurasa moyo, asi Allah vakanga varipo semubatsiri wavo. Uye vatendi vanofanirwa kupa chivimbo chavo kuna Allah.
123. Uye zvirokwazvo Allah vakakuitai kuti muve vakundi kuBadr, pamakanga muri vashoma musina simba. Naizvozvo ityai Allah zvakanyanya zvimwe mungava munotenda.
47
124. Rangarira (Muhammad (SAW)) apo pawakati kuvatendi: “Hazvikukwanirei here kuti Tenzi venyu vakubatsirei nezviuru zvitatu zvengirozi dzatumwa kubva kudenga?”
125. “Hongu, kana mukatsungirira pamwe nekutya Allah, uye muvengi akauya kwamuri achimhanya, Tenzi venyu vachakubatsirai nezviuru zvishanu zvengirozi dzine rupau.”
126. Uye Allah havana kunge vazviita asi seshoko rakanaka kwamuri uye senzira yekudzikamisa hana dzenyu nayo. Uye hakuna kukunda asi kubva kuna Allah, samasimba, vazere nehungwaru.
127. Kuti vabvise boka reavo vasina kutenda, kana kuvabuditsa pachena nekuvadzikisira, nekudaro vova vakundikani.
128. Kwauri (Muhammad (SAW)) hakuna mhereredzo; kana kuti Allah vakada vachavaregerera kana kuvaranga. Zvirokwazvo, ndivo vatadzi.
129. Uye Allah ndivo muridzi wezvese zviri kumatenga uye zvese zviri pasi. Vanoregerera uyo wavada, uye vanoranga uyo wavada. Uye Allah vanoregerera zvikuru, vane tsitsi dzakanyanya.
130. Imi vanotenda! Musava munodya chimbadzo chakapetwa kaviri kana kakawanda, asi ityai Allah kuti muve munobudirira.
131. Uye ityai moto, wakagadzirirwa avo vasingatendi.
132. Uye teererai Allah nemutumwa (Muhammad (SAW)) kuti muve munowana tsitsi.
133. Uye mhanyirai munzira yeruregerero kubva kuna Tenzi venyu, uye kuParadhiso iro rakakura sematenga nepasi, rakagadzirirwa Al-Muttaqoon (vanotya Allah).
134. Avo vanopa hupfumi hwavo (munzira yaAllah) mukufara nemumatambudziko, avo vanodzora hasha, uye vanoregerera vanhu; uye Allah vanoda Al-Muhsinoon (vanoita mabasa akanaka).
135. Uye avo, kana vaita zvitadzo (hupombwe) kana kuzvitadzira pachavo nezvakaipa, vanorangarira Allah uye vokumbira ruregerero pane zvitadzo zvavo; uye hapana anoregerera zvitadzo kunze kwaAllah, uye havaendereri mberi vachiita zvitadzo zvavakaiita, asi vachizviziva.
136. Uye avo, mubairo wavo ruregerero kubva kuna Tenzi vavo, uye mapindu ane nzizi dzinoyerera pasi pawo (Paradhiso), umo vachave vanogara zvachose. Uye mubairo wevanoita zvakanaka wakanaka zvikuru.
137. Nzira dzakawanda dzakasiyana-siyana dzakaonekwa nemapoka evanhu (vanotenda nevasingatendi) dzakadarika mushure menyu, saka fambai nenyika uye moona magumo eavo vakaramba kutenda (muhumwechete hwaAllah).
138. Iri (Qur’aan) itsanangudzo kuvanhu, uye inhungamiri nerairo kune Al-Muttaqoon (vanotya Allah).
139. Saka musava munoneta (kubva kune muvengi wenyu) kana kutsamwa (kusuruvara), uye muchabudirira (muhondo) kana muri vatendi (vechokwadi).
48
140. Kana mukakuvadzwa (kana kuuraiwa), ivai nechokwadi kuti kukuvara kwakaenzana kwavabatawo vamwe (vavengi venyu). Uye mazuva (akanaka ne asina kunaka), tinowapa kuvanhu nemajana, kuti Allah vave vanoedza avo vanotenda, uye kuti vave vanotora maShuhadaa (varwi vanofa vachisimudzira shoko raAllah) kubva pakati penyu. Uye Allah havadi avo vanoita mabasa akaipa.
141. Uye kuti Allah vave vanoedza (kana kuchenura) vanotenda uye kuparadza vasingatendi.
142. Kana munofunga here kuti muchapinda Paradhiso, Allah vasati vaziva vamwe venyu vanorwa (munzira yavo) uye vaziva avo vanotsungirira?
143. Uye zvirokwazvo maishuvira rufu musati masangana narwo. Zvirokwazvo, zvino makaruona makatarisa nemaziso enyu.
144. Uye Muhammad (SAW) haasi asi mutumwa, uye zvirokwazvo vatumwa (vakawanda) vakapfuura mushure make. Kana akafa kana kuuraiwa, muchafuratira here nezvitsitsinho zvenyu (muchiramba kutenda)? Uye uyo anofuratira nezvitsitsinho zvake, hapana kana chinokuvadza chaangaite kuna Allah; uye Allah vachapa mubairo kuAsh-Shaakiroon (avo vanotenda).
145. Uye hakuna munhu anofa kunze nemvumo yaAllah uye panguva yakatarwa. Uye wese anoshuvira mubairo pano panyika, tichava tinomupa zvimwe zveizvo zvaanoshuvira kubva kwairi; uye wese anoshuvira mubairo mune ramangwana, tichava tinomupa zvaanoshuvira kubva kwariri. Uye tichava tinopa mubairo vatendi Ash-Shaakiroon (avo vanotenda).
146. Uye maporofita vakawanda vakarwa (munzira yaAllah) uye pamwechete nevarume vazhinji vakadzidza. Asi havana kurasa moyo nekuda kweizvo zvakavawira vari munzira yaAllah, kana kuneta uye kana kuzvidzikisira. Uye Allah vanoda As-Swaabiroon (vanotsungirira).
147. Uye mashoko avo avaitaura ndeekuti: “Tenzi wedu! Tiregererei zvitadzo zvedu nekupfurikidza kwedu mwero mumabasa edu, ivai munosimbisa tsoka dzedu, uye ivai munoita kuti tikunde vanhu vasingatendi.”
148. Nekudaro Allah vakavapa mubairo wepano pasi, uye nemubairo wakanakisisa wehupenyu hunotevera. Uye Allah vanoda avo vanoita mabasa akanaka.
149. Imi vanotenda! Kana mukateerera avo vasingatendi, vachaita kuti mufuratire nezvitsitsinho zvenyu, uye mopedzisira mave vakarasikirwa.
150. Asi Allah ndivo mubatsiri wenyu, uye ndivo mubatsiri akanaka pavabatsiri vose.



CHITSAUKO AAL-IMRAAN 2013_110
الرجوع الى أعلى الصفحة اذهب الى الأسفل
https://almomenoon1.0wn0.com/
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn
مؤسس ومدير المنتدى
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn


عدد المساهمات : 52644
العمر : 72

CHITSAUKO AAL-IMRAAN Empty
مُساهمةموضوع: رد: CHITSAUKO AAL-IMRAAN   CHITSAUKO AAL-IMRAAN Emptyالأحد 20 مارس 2022, 5:33 pm

151. Tichava tinoisa kutya muhana dzeavo vasingatendi, nekuda kwekuti vakasanganisa Allah nevamwe vanamwari pakuvanamata, izvo zvavasina kutumira mvumo yacho; uye nzvimbo yavo yokugara ichave kumoto; uye inzvimbo yakashata sei iyo ichange ichigara avo vanoita mabasa akaipa.
152. Uye zvirokwazvo Allah vakazadzisa chitsidzo chavo kwamuri pamaivauraya (vavengi venyu) nekuda kwavo (Allah); kusvikira pamakarasa moyo mukasvika pakupokana nekuda kwezvanga
49
zvarongwa, uye mukaramba kuteerera mushure mekunge maratidzwa zvamaida (mhimbiri, hupfumi hwamunotora mushure mekunge mapedza kurwa hondo pamwe nekukurira vavengi).
Pakati penyu pane avo vanodisisa nyika uye nevamwe vanodisisa hupenyu hwemangwana.
Nekudaro (Allah) vakaita kuti muvatize (vavengi venyu), kuti vave vanokuedzai. Asi chokwadi, vakave vanokuregererai, uye Allah vazere nemakomborero kuvatendi.
153. (Uye rangarirai) apo pamakatiza musina kucheuka kumashure kuna ani nani zvake, uye mutumwa (Muhammad (SAW)) achikusheedzai mumashure menyu. Ipapo Allah vakakupai chitambudzo chimwe chete mushure mechimwe senzira yekukudzidzisai kuti musava munosuruwara pane izvo zvakakunzvengai, kana pane izvo zvakakuwanai. Uye Allah vanoziva zvese zvamunoita.
154. Mushure mekutambudzika, (Allah) vakadzikisa chipiko kwamuri. Kutsumwaira kwakava kunotora boka renyu, rimwe boka richifunga nezvavo (kuti vangazvinunure sei) uye vachifunga zvisiri chokwadi pamusoro paAllah, kufunga kwekushaya ruzivo (sekwenguva yeJaahiliyyah).
Vakati: “Pane here chedu pamhaka iyi?” Iti (Muhammad (SAW)): “Zvirokwazvo, mhaka yese ndeyaAllah.” Vanovanza mumoyo yavo izvo zvavasingabuditsi kwauri, vachiti: “Dai tanga tine chipi zvacho chekuita nemhaka, dai tisina kuuraiwa pano.” Iti: “Kunyangwe dai makasara mudzimba dzenyu, zvirokwazvo, avo vakanyorerwa rufu rwaivasvikira panzvimbo dzavo dzerufu,” asi kuti Allah vave vanoedza izvo zviri mumoyo yenyu; uye kuchenura izvo zviri muhana dzenyu (zvivi), uye Allah vanoziva zvikuru izvo zviri muhana (dzenyu).
155. Zvirokwazvo, avo vakafuratira pakati penyu pazuva iro mapoka maviri akasangana (pahondo yeUhud), zvirokwazvo Satani akaita kuti vatize nekuda kwezvimwe (zvitadzo) zvavakange vaita.
Asi Allah, zvirokwazvo, vakavaregerera. Chokwadi, Allah vanoregerera zvikuru, vane tsitsi zvakanyanya.
156. Imi vanotenda! Musaite seavo vasingatendi (vanyengedzi) uye vanoti kune madzikoma avo kana vafamba nenyika kana kuti vaenda kunorwa: “Dai vakagara nesu, vangadai vasina kufa kana kuuraiwa,” kuti Allah vave vanoita izvozvo senzira yekudemba muhana dzavo. Uye ndiAllah vanopa upenyu uye vanokonzera rufu. Uye Allah vanoona izvo zvamunoita.
157. Uye zvirokwazvo mukauraiwa kana kufa munzira yaAllah, ruregerero netsitsi kubva kuna Allah zviri nani kupfuura izvo zvavanounganidza.
158. Uye zvirokwazvo kunyangwe mukafa kana kuuraiwa, zvirokwazvo, kuna Allah muchava munounganidzwa.
159. Uye nekuda kwetsitsi dzaAllah, wakashanda navo mune zvakanaka. Uye dai (Muhammad (SAW)) wakakasharara nekuoma moyo, vangadai vakasiyana newe; saka varegerere, uye vakumbirire ruregerero (kuna Allah); uye pangana navo pamhaka dzese. Uye kana uchinge watora mhereredzo, isa ruvimbo rwako muna Allah, zvirokwazvo, Allah vanoda avo vanoisa ruvimbo rwavo (mavari).
160. Kana Allah vakakubetserai, hapana angakukurirai; uye kana vakakusiyai, ndiani aripo mushure mavo angakubetserai? Uye muna Allah regai vatendi vaise ruvimbo rwavo.
50
161 Uye hazviiti kuti muporofita atore mhimbiri zvisiri pamutemo. Uye uyo anotora zvisiri pamutemo kune vamwe vake kubva mumhimbiri, achauya neizvo zvaakatora zvisiri pamutemo pazuva rekumutswa. Uye munhu wese achava anopihwa muripo wake zvizere kuburikidza nezvaakaita, uye havafi vakadzvanyirirwa.
162. Vakafanana here uyo munhu anotevera zvido zvakanaka zvaAllah (nokusaba mhimbiri) neuyo anozvidhonzera kutsamwa kwaAllah (nekuba mhimbiri)? Uye nzvimbo yake yokugara iGehena, uye zvirokwazvo inzvimbo yakaipisisa.
163. Vane zvinzvimbo zvakasiyana-siyana pamberi paAllah, uye Allah vanoona zvese zvavanoita.
164. Zvirokwazvo, Allah vakapa makomborero mazhinji kune avo vanotenda apo vakatumira mutumwa (Muhammad (SAW)) kubva pakati pavo, achivaverengera ndima dzavo (Allah), pamwe nekuvachenura (kubva muzvitadzo zvavo), uye nekuvadzidzisa Gwaro (Qur’aan) nehungwaru (Sunnah), kunyangwe kumashure vakanga vakarasika zviri pachena.
165. (Chiiko chinokunetsai?) Kana dambudziko rimwechete rakuwanai, asi imi munovapa matambudziko maviri (vavengi venyu), munoti: “Ko izvi zvatiwira zvabva kupi?” Iti (kwavari): “Zvinobva kwamuri (nekuda kwemabasa enyu akaipa).” Zvirokwazvo, Allah vane simba pane zvinhu zvese.
166. Uye zvakakutambudzai pazuva rakasangana mapoka maviri (hondo yeUhud), zvakaitika nekuda kwaAllah, senzira yekuziva nayo vatendi.
167. Uye kuti vazive avo vanonyengedza, uye zvakanzi kwavari: “Huyai, murwe munzira yaAllah kana kuzvidzivirira pachenyu.” Vakati: “Dai taiziva kurwa, zvirokwazvo dai takuteverai.” Zuva iroro vakanga vari pedyo nekusatenda vari kure nekutenda, vachiti nemiromo yavo izvo zvakanga zvisiri muhana dzavo. Uye Allah vane ruzivo rwakanyanya pane zvavanoviga.
168. (Ndivo) Avo vakataura pamusoro pemadzikoma avo vakauraiwa ivo vagere kumba: “Dai vakatiteerera, vangadai vasina kuuraiwa.” Iti: “Zvidzivirirei pachezvenyu kubva kurufu, kana muchitaura chokwadi.”
169. Uye zvirokwazvo musafunge kuti avo vanouraiwa munzira yaAllah sevakafa. Kwete! Asi vapenyu, vana Tenzi vavo, vachiwana raramo.
170. Vanofara neizvo zvavakapihwa naAllah kubva mumakomborero avo, uye vanofarira vamwe vavo avo vasati vabatana navo, asi vakasara kumashure (vasati vauraiwa munzira yaAllah), kwavari kuchange kusina kutya kana kubatikana.
171. Vanofarira tsitsi nemakomborero kubva kuna Allah, uye zvirokwazvo kuti Allah havaiti kuti mubairo wevatendi ushaye basa.
172. Kune avo vakatambira shoko raAllah neramutumwa (Muhammad (SAW)) mushure mekunge vawirwa nematambudziko; kune avo vakaita mabasa akanaka pakati pavo uye vaitya Allah, vachawana mubairo mukuru.
51
173. Avo (vanotenda) vakataurirwa nevanhu (hwenyakwese) kuti: “Zvirokwazvo, avo (vasingatendi) vave vanokuunganirai kuti vakurwisei, saka ivai munovatya.” Asi zvakavawedzera mukutenda, vakave vanotaura kuti: “Allah vakatikwanira, uye Allah vega ndivo mufambisi wezvinhu zvose.”
174. Saka vakadzokera nenyasha uye makomborero aAllah. Hapana chakaipa (chinokuvadza) chakave chinovawana, uye vakave vanotevedzera zvakanaka zvinofadza Allah. Allah ndivo vane makomborero makuru.
175. Zvirokwazvo, ndiSatani anenge achityidzira vabatsiri vake (vatsigiri vake); saka musave munovatya, asi ivai munotya ini (Allah), kana muri vatendi (vechokwadi).
176. Uye usave unoshungurudzika (Muhammad (SAW)) neavo vanomhanyira kusatenda; zvirokwazvo, havambofi vakakuvadza Allah nepadiki pose. Allah havamboshuviri kuvapa chidimbu chehupenyu (hwakanaka) hwamangwana. Asi vachawana marwadzo makuru.
177. Zvirokwazvo, vanopindura kutenda vachitora kusatenda, hapana chidiki chakaipa (chinorwadza) chavangaite kuna Allah. Asi vachawana chirango chikuru.
178. Uye zvirokwazvo vasingatendi vasafunge kuti kunonotsa kwatinoita marwadzo kwavari zvakavanakira. Zvirokwazvo, tinonotsa marwadzo kwavari kuti vave vanowedzera kutadza kwavo. Uye vachawana chirango chinonyadzisa.
179. Allah havave vanosiya vatendi muchidanho chamuri, kusvikira vabvisa (vapatsanura) vanhu vanoita zvinhu zvakaipa kubva muvakanaka. Uye Allah havambo kuratidzai zvakavanzika, asi Allah vanosarudza wavanoda kubva kuvatumwa vavo. Asi ivai munotenda munaAllah nevatumwa vavo. Uye mukava munotenda nekutya Allah, muchawana mubairo mukuru.
180. Uye zvirokwazvo avo vanonyima izvo zvavapihwa naAllah, kubva mumakomborero avo (hupfumi), vasafunge kuti zvakanaka kwavari (vonyima kupa Zakaah kuvarombo). Asi zvichava zvakavaomera; izvo zvavanonyima zvichave zvakasungwa sechipika muhuro dzavo pazuva rekumutswa. Uye nhaka yekumatenga nepasi ndeya Allah. Uye Allah vanoziva zvese zvamunoita.
181. Zvirokwazvo, Allah vakave vanonzwa mashoko eavo (maJudha) vanotaura kuti: “Zvirokwazvo, Allah vanotambura (murombo) asi isu tiri vapfumi!” Tichave tinonyora izvo zvavanotaura, uye nekuuraya kwavo vatumwa zvisiri pamutemo, uye tichava tinotaura kwavari (kuti): “Ravirai marwadzo emoto.”
182. Izvi ndizvo zvave zvinokonzerwa nehuipi wamakatungamidza nemaoko enyu. Uye zvirokwazvo, Allah havadzvanyiriri varanda vavo.
183. Avo (maJudha) vanotaura kuti: “Zvirokwazvo, Allah vakatikomekedza kuti tisave tinotenda kuna mutumwa upi zvake kusvikira auya nemupiro uyo uchave unoparadzwa nemoto.” Taura kuti: “Zvirokwazvo, kune vatumwa vakauya kwamuri ini ndisati ndauya nezviratidzo zviri pachena, uye neizvo zvamunotaura, seiko maivauraya kana imi muri pachokwadi?”
52
184. Kana vakakuramba (Muhammad (SAW)), (ziva kuti) vamwe vatumwa vakauya iwe usati wavapo vakarambwawo (semarambiro avari kuita iwewe), vauya nezviratidzo zviri pachena uye neMagwaro uye neBhuku rine chiedza.
185. Chinhu chose chinofema chicharavira rufu (chichafa). Uye zvirokwazvo muchava munopihwa mibairo yenyu yakazara muzuva rekumutswa. Uye uyo achave anodzivirirwa kubva kumoto, ova anopinzwa kuParadhiso, zvirokwazvo ndiye munhu akabudirira. Uye hupenyu hwepasi rino hauzi chimwe chinhu kunze kwemafaro ehunyengedzi.
186. Zvirokwazvo, muchava munoedzwa muhupfumi hwenyu nehupenyu hwenyu, uye zvirokwazvo muchave munowana (nekunzwa) marwadzo akawanda kubva kune avo vakapihwa Magwaro (maJudha nemaKristu) imi musati mavapo, uye kubva kune avo vanosanganisa Allah nevamwe vanamwari (zviumbwa). Asi mukave munotsungirira nekutya Allah, zvirokwazvo, uku ndiko kuratidza ushingi mumabasa (akanaka).
187. Uye (ivai munorangarira) apo Allah pavakatora chitsidzo kubva kune avo vakapihwa Gwaro (maJudha nemaKristu) kuti zvirokwazvo mucharijekesera vanhu, uye hamumbofi mariviga (Gwaro racho), asi vakave vanorifuratira (kukanganwa nezvaro), vakave vanoritengesa nemutengo wakaderera. Uye zvakaipa ndizvo zvavakatengesa nazvo.
188. Zvirokwazvo, musave munofunga kuti avo vanofara nezvavanoita, uye vanofarira kurumbidzwa neizvo zvavasina kuita, musave munofunga kuti vachazvinunurwa kubva kumarwadzo. Asi vachawana marwadzo makuru.
189. Uye Allah ndivo vane humambo wekumatenga nepasi rino. Allah vane masimba pamusoro pezvinhu zvose.
190. Zvirokwazvo, mukusikwa kwematenga nepasi rino, uye kupesana kweusiku nesikati, mune zviratidzo kune avo vanonzwisisa.
191. Avo vanorangarira Allah (nguva dzose) vakamira, kana vangave vakagara, uye vakarara nemativi avo, uye vachifunga zvakadzamisa nezve masikirwo ematenga nepasi rino (vachitaura kuti): “Tenzi vedu! Hamuna kusika zvinhu izvi (pasi nedenga) pasina chinangwa, asi kurumbidzwa kose ngakuve kwamuri! Uye ivai munotidzivirira kubva kumarwadzo ekumoto.”
192. “Tenzi vedu! Zvirokwazvo, uyo wamunoendesa kumoto (weGehena), zvirokwazvo, munenge mamudzikisira pamwe nekumurwadzisa. Uye avo vanoita mabasa akaipa havambowani vabatsiri.”
193. “Tenzi vedu! Zvirokwazvo, takave tinonzwa mushevedzeri (Muhammad (SAW)) achitidanira kuImaan (kutenda) achiti: ‘Tendai muna Tenzi venyu,’ tikava tinotenda. Tenzi vedu! Tiregererei zvitadzo zvedu, uye mova munotibvisira zvakaipa zvedu kubva kwatiri, uye mova munotitora (mova munoita kuti tife) tiri pakati peavo vanhu vanoita mabasa akanaka.”
53
194. “Tenzi wedu! Ivai munotipa izvo zvamakativimbisa kuburikidza nevatumwa venyu, uye musava munotinyadzisa kana kutidzikisira pazuva rekumutswa, zvirokwazvo, hamutyori chivimbiso chenyu.”
195. Saka Tenzi vavo vakava vanotambira zvikumbiro zvavo (vakavapindura vachiti): “Zvirokwazvo, handiiti kuti mabasa aani nani pakati penyu ave anorasika (anotambiswa), angave murume kana mukadzi. Muri vanhu vamwechete, saka avo vakave vanotama uye vakave vanoburitswa mudzimba dzavo, uye vakave vanowana marwadzo munzira yangu, uye vakave vanorwa, uye vakave vanourawa munzira yangu, zvirokwazvo, ndichava ndinobvisa zvitadzo zvavo kubva mavari, uye tichava tinovapinza Paradhiso iro rine nzizi dzinoerera pasi paro; unova mubairo kubva kuna Allah. Uye Allah ndivo vane makomborero akanaka.”
196. Zvirokwazvo, usave unoita kuti rusununguko (pazviito) rweavo vasingatendi pano pasi rova runokunyengedza.
197. Mafaro enguva diki; uye nzvimbo yavo yekugara ichave Gehena; uye inzvimbo yakaipa kugara.
198. Asi kune avo vanotya Tenzi vavo, vachapinda Paradhiso rine nzizi dzinoerera pasi paro; umo vachagara nekusingaperi, anova mafaro kubva kuna Allah; uye izvo zvina Allah zvanakira zvikuru avo vanoita mabasa akanaka.
199. Uye zvirokwazvo, varipo pakati peavo vakapihwa Magwaro (maJudha nemaKristu) vanotenda muna Allah uye mune izvo zvakadzikiswa kwauri (Qur’aan), uye mune izvo zvakatumirwa kwavari, vachizvininipisa pamberi paAllah. Havatengesi mashoko aAllah kunyangwe nemutengo mudiki, vachawana mubairo kubva kuna Tenzi vavo. Zvirokwazvo, Allah vanopa mutongo nekukurumidza.
200. Imi vanhu vanotenda! Ivai munotsungirira uye munowedzera kutsungirira (kudarika vavengi venyu), uye mova munochengetedza nzvimbo yenyu nekuisa mauto panzvimbo idzo vavengi venyu vanokwanisa kukusvikirai nadzo, uye mova munotya Allah kuti muve vanhu vakabudirira.



CHITSAUKO AAL-IMRAAN 2013_110
الرجوع الى أعلى الصفحة اذهب الى الأسفل
https://almomenoon1.0wn0.com/
 
CHITSAUKO AAL-IMRAAN
الرجوع الى أعلى الصفحة 
صفحة 1 من اصل 1
 مواضيع مماثلة
-
» 3 - Aal-i-Imraan
» 3 - Aal-i-Imraan
» 3 - Aal-i-Imraan
» 3 - Aal-i-Imraan
» 3. Aal-i-Imraan

صلاحيات هذا المنتدى:لاتستطيع الرد على المواضيع في هذا المنتدى
منتديات إنما المؤمنون إخوة (2024 - 2010) The Believers Are Brothers :: (English) :: The Holy Quran is translated :: Nechishona-
انتقل الى: