أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn مؤسس ومدير المنتدى
عدد المساهمات : 52644 العمر : 72
| موضوع: QUR’AAN NECHISHONA السبت 19 مارس 2022, 10:19 pm | |
| https://islammessage.org/af/book/3911/QUR Da’wah Zimbabwe www.dawahzimbabwe.org www.facebook.com/dawahzimbabwe Twitter: @DawahZim Whatsapp: +263 713 295 123 1 QUR’AAN NECHISHONA 2 ZVIRI MUKATI Peji 1. Nhanganyaya 3 2. Kutenda 5 3. Huchapupu 6 4. Qur’aan nechiShona 7 - 459 5. Pamhidziro 1 a. Nzvimbo dzekupfugama muQur’aan 460 b. Maporofita ataurwa muQur’aan 461 c. Sei Allah vakatumira Maporofita neVatumwa 462 d. Kutenda muhumwechete hwaAllah muIslaam 463 e. Kupupura kwemuMuslim 465 f. Kutenda muna vanamwari vakawanda nekusatenda 470 g. Kutenda muna vanamwari vakawanda 470 h. Kusatenda 472 i. Hunyengeri 475 j. Jesu na Muhammad (Rugare ngaruve kwavari) muBhaibheri neQur’aan 476 6. Pamhidziro 2 a. Nyaya Dziri Mukati 486 b. Zvitsauko Zviri Mukati 511 Muzita raAllah, Vane Tsitsi, Vane Ngoni. 3 NHANGANYAYA Kurumbidzwa nekutendwa kwese ngakuve kuna Allah, Tenzi vezvisikwa zvese (vanhu, maJinn, nezvese zviripo). Uye runyararo nerugare ngaruve kuna Muhammad, mutumwa nemuporofita waAllah wekupedzisira. Aameen! Qur’aan igwaro rakapihwa Mutumwa waAllah (Mwari Mumwechete) wekupedzisira Muhammad (Rugare nerunyararo ngaruve kwaari) kuzodzidzisa vanhu vese nemajinn gwara rakanaka, kuti Allah tinovanamata sei nekuti tinofanirwa kugarisana sei pasi pano. Sezvo Qur’aan rakakosha zvikuru, takazviona zvakakodzera zvikuru kuti tirishandure rive mururimi rwe ChiShona, kuitira avo vasinganzwe mutauro wechiArabhu vakwanise kurinzwisisa vangave maMuslim kana vasiri. Nekudaro takaedza nepatinogona napo kuti tirishandure nemazvo sezvo riri shoko raAllah. Pakurishandura taive mapoka matanhatu evadzidzi vepa Iqra Daarul Ilm, Harare vakapedza zvidzidzo zvavo mugore ra2012. Boka rega rega richishandura chidimbu cheQur’aan. Mushure mezvo takagara pasi tese tikariwongorora nekugadzirisa apo patainge taresva. Vaive mumapoka matanhatu ndeava: 1. Akbar Anderson – Ane chitupa chezvidzidzo zveIslaam. 2. Sulaiman Bwelekeni - Ane chitupa chezvidzidzo zveIslaam. 3. Abdur-Rahmaan Majawa - Ane chitupa chezvidzidzo zveIslaam. 4. Taariq Ackim - Ane chitupa chezvidzidzo zveIslaam. 5. Hassan Milanzi - Ane chitupa chezvidzidzo zveIslaam. 6. Abdullah Abu - Ane chitupa chezvidzidzo zveIslaam. 7. Ibrahim Ngwanga - Ane chitupa chezvidzidzo zveIslaam. 8. Abdul-Jaleel Mgawo - Ane chitupa chezvidzidzo zveIslaam. 9. Qaasim Lichman - Ane chitupa chezvidzidzo zveIslaam. 10. Rasheed Mgondo - Ane chitupa chezvidzidzo zveIslaam. 11. Adam Pingo - Ane chitupa chezvidzidzo zveIslaam. 12. Mustafa Saeed - Ane chitupa chezvidzidzo zveIslaam. 13. Saleem Ajibu - Ane chitupa chezvidzidzo zveIslaam. 14. Taibu Makumba - Ane chitupa chezvidzidzo zveIslaam. 15. Ja’far Maxwell - Ane chitupa chezvidzidzo zveIslaam. 16. Shareef Issah - Ane chitupa chezvidzidzo zveIslaam. 17. Ackim Kalonga - Ane chitupa chezvidzidzo zveIslaam. 18. Dawood Uranda - Ane chitupa chezvidzidzo zveIslaam. 19. Jameel Ali - Ane chitupa chezvidzidzo zveIslaam. 20. Umar Beneti - Ane chitupa chezvidzidzo zveIslaam. 21. Umar Litemwe - Ane chitupa chezvidzidzo zveIslaam. 22. Muhammad Kanyemba – Ane chitupa chezvidzidzo zve Islaam. 4 Nekudaro tinovimba kuti munhu wese anoverenga Qur’aan iri neChiShona achabatsirikana zvikuru muhupenyu hwepasi pano nekudenga. Uyezve tinokumbira vese vanoverenga Qur’aan iri kuti vatizivise pese patakaresva kuti tizogadzirisa parichabudazve nguva inotevera. Tichipedzisa tinoshumira Allah (Mwari) kuti vape vanhu vese vanoverenga Qur’aan iri nzwisiso nesimba rekutevedzera zvidzidziso zvaro kuti vagare zvakanaka pasi pano uyezve nekudenga, Aameen. Vashanduri. Gore ra2016 5 Muzita raAllah, Vane Tsitsi, Vane Ngoni. KUTENDA Kurumbidzwa nekutendwa kwese ngakuve kuna Allah, Tenzi vezvisikwa zvese (vanhu, maJinn nezvese zviripo). Uye rugare ngaruve kuna Muhammad, mutumwa nemuporofita waAllah (Mwari) wekupedzisira, uyezve ngaruve kuvatevedzeri vake vese kunosvika zuva rekupedzisira. Muporofita Muhammad (SAW (Rugare neMakomborero aAllah Ngaave Kwaari)) akati: “Uyo asingatendi vamwe vake, haagoni kutenda Allah.” Naizvozvo mushure mekutenda Allah, tinopa kutenda zvikuru kuvanhu vanotevera, avo vakabatsira zvikuru kuti basa iri rekushandura Qur’aan richienda kururimi rwechiShona rive rinobudirira. Uye tinokumbira Allah kuti vave vanovakomborera nemhuri dzavo pasi pano nemuhupenyu hwamangwana. Aameen! Tinopa kutenda kuvanhu ava: 1. Maulana Musa Ibrahim Menk. 2. Maulana Shabbir Musa Menk. 3. Sheikh Musa Saidi. 4. Mukoma Arsalaan Niaz. 5. Mukoma Umair Siddiquie. 6. Mai Zaid. 7. Chikwata chese chakashanda nesimba kushandura Qur’aan richienda kururimi rwechiShona. 8. Vadzidzisi vese vepa Iqra Daarul Ilm, Harare. 9. Vadzidzi vese vepa Iqra Daarul Ilm kubva Gore ra2012 kusvika Gore ra2016. Uyezve tinopa kutenda zvikuru kumaSheikh anotevera avo vakaongorora Qur’aan iri, kuti rive rinobuda rakanaka zvakadai. Tinopa kutenda kuna Sheikh Anubi Twabi, Sheikh Asafa Chande, Sheikh Adam Wadi, Sheikh Nadheer Nyikadzino Chekure, na Sheikh Isa Collen Musanhu. Uyezve tinotenda zvikuru hama dzedu idzo dzakazvipira kutsikisa Qur’aan iri. Allah ngavave vanovakomborera nemhuri dzavo muupenyu wepasi rino uye nekudenga. Aameen! Tinotendazve iwe muverengi. Tinovimba uchabatsirikana zvikuru kubva muQur’aan nechiShona, uye ova unotevedzera zvidzidziso zvaro muuhepenyu wako, kuti ugova unobudirira pasi rino neramangwana. Vashanduri. Harare, Gore ra2016. 6 Muzita raAllah, Vane Tsitsi, Vane Ngoni. HUCHAPUPU Kurumbidzwa nekutendwa kwese ngakuve kuna Allah, Tenzi vezvisikwa zvese (vanhu, maJinn nezvese zviripo). Uye rugare ngaruve kuna Muhammad, mutumwa nemuporofita waAllah (Mwari) wekupedzisira, uyezve ngaruve kuvatevedzeri vake vese kunosvika zuva rekupedzisira. Isu tine mazita akanyorwa pasi pemashoko aya, takava tinoongorora Qur’aan rechiShona iri, uye tikazviona zvakanaka zvikuru uye zvakakodzera kuti ritsikiswe, kuti rive rinobatsira maMuslim nevamwewo kunzwisisa Chitendero che Islaam. 1. Sheikh Anubi Twabi BA (Shariah), Med, KSA Vanoona nezve Da’wah ku Africa Muslims Agency Mukuru weSeke Muslim Jamaat neMadressah 2. Sheikh Adam Y. Wadi BA (Da’wah), Med, KSA Mudzidzisi we Islaam muZimbabwe 3. Sheikh Asafa Chande BA (Da’wah), Med, KSA Mudzidzisi we Islaam mu Zimbabwe 4. Sheikh Nadheer Nyikadzino Chekure BA (Shariah), Med, KSA Mudzidzisi paMuzhingi Islamic Centre, Buhera 5. Sheikh Isa Collen Musanhu BA (Shariah), Med, KSA Mudzidzisi ku Inyanga Islamic Centre Musi wa 30/05/2016 Harare, Zimbabwe. 7 |
|