CHITSAUKO AT-TAKWEER
(KUPUTIRWA) 81
Muzita raAllah, Vane Tsitsi, Vane Ngoni.
1. Apo zuva parichaputirwa, uye chiedza charo chobva.
2. Uye apo nyeredzi padzichadonha.
3. Uye apo makomo paachaitwa kuti afambe (achibva panzvimbo dzawo).
4. Uye apo ngamera dzakazvitakura dzichasiiwa dzisina muchengeti.
5. Uye apo zvikara zvesango pazvichaunganidzwa.
6. Uye apo makungwa paachatungidzwa ova moto (kana paachapfachukira).
7. Uye apo mweya ichabatanidzwa nemitumbi yayo (yakanaka neyakanaka uye yakaipa neyakaipa).
8. Uye apo mwanasikana akavigwa ari mupenyu (sezvaiitwa nemaArabhu vasati vave maMuslim) paachabvunzwa:
9. Kuti chitadzo chei chaakaurairwa?
10. Uye apo mabhuku (emabasa akanaka neakaipa) achavhurwa.
11. Uye denga richasiiwa pachena robviswa panzvimbo paro.
12. Uye apo Gehena richatungidzwa.
13. Uye apo Paradhiso richaiswa pedyo.
14. Munhu wese achaziva zvaakatungamidza (mabasa akanaka neakaipa).
15. Naizvozvo, ndinopika nepasi pose panotaramuka (zvisikwa zvomudenga zvinonyangarika masikati zvobudikira usiku).
16. Uyezve (ndinopika) nepasi pose panofamba nekukurumidza nekuzvihwandisa.
17. Uye neusiku paunoenda.
18. Uyezve nemambakwedza pakunochena.
19. Zvirokwazvo, iri (Qur’aan) ishoko (rakaunzwa) nemutumwa anoremekedzeka (Gabriel, kubva kuna Allah richienda kuna Mutumwa Muhammad (SAW)).
20. Anemasimba kuna (Allah), Tenzi vechigaro (chepamusoro).
21. Anoteererwa (nengirozi kudenga) uye akavimbika.
22. Uye (Imi vanhu) mumwe wenyu (Muhammad (SAW)) haapengi.
23. Uye zvirokwazvo iye (Muhammad (SAW)) akamuona (Jibreel – Gabriel (AS)) mudenga makachena (kumabhazuva).
24. Uye iye (Muhammad (SAW)) haavigi ruzivo rwezvakavanzika.
25. Uye iri (Qur’aan) harisi shoko raShaitwaan (satani) akarasirirwa.
26. Naizvozvo murikunanga kupi?
27. Zvirokwazvo, harisi chimwe chinhu kunze kweyeuchidzo kunyika dzose (Vanhu nemaJinn).
28. Kune wese kwamuri anoshuvira kutora nzira yakatwasuka.
29. Uye hapana chamunoshuvira kusara kweizvo zvinoshuvirwa naAllah, Tenzi venyika dzose.