منتديات إنما المؤمنون إخوة (2024 - 2010) The Believers Are Brothers

(إسلامي.. ثقافي.. اجتماعي.. إعلامي.. علمي.. تاريخي.. دعوي.. تربوي.. طبي.. رياضي.. أدبي..)
 
الرئيسيةالأحداثأحدث الصورالتسجيل
(وما من كاتب إلا سيبلى ** ويبقى الدهر ما كتبت يداه) (فلا تكتب بكفك غير شيء ** يسرك في القيامة أن تراه)

soon after IZHAR UL-HAQ (Truth Revealed) By: Rahmatullah Kairanvi
قال الفيلسوف توماس كارليل في كتابه الأبطال عن رسول الله -صلى الله عليه وسلم-: "لقد أصبح من أكبر العار على أي فرد مُتمدين من أبناء هذا العصر؛ أن يُصْغِي إلى ما يظن من أنَّ دِينَ الإسلام كَذِبٌ، وأنَّ مُحَمَّداً -صلى الله عليه وسلم- خَدَّاعٌ مُزُوِّرٌ، وآنَ لنا أنْ نُحارب ما يُشَاعُ من مثل هذه الأقوال السَّخيفة المُخْجِلَةِ؛ فإنَّ الرِّسَالة التي أدَّاهَا ذلك الرَّسُولُ ما زالت السِّراج المُنير مُدَّةَ اثني عشر قرناً، لنحو مائتي مليون من الناس أمثالنا، خلقهم اللهُ الذي خلقنا، (وقت كتابة الفيلسوف توماس كارليل لهذا الكتاب)، إقرأ بقية كتاب الفيلسوف توماس كارليل عن سيدنا محمد -صلى الله عليه وسلم-، على هذا الرابط: محمد بن عبد الله -صلى الله عليه وسلم-.

يقول المستشرق الإسباني جان ليك في كتاب (العرب): "لا يمكن أن توصف حياة محمد بأحسن مما وصفها الله بقوله: (وَمَا أَرْسَلْنَاكَ إِلَّا رَحْمَةً لِّلْعَالَمِين) فكان محمدٌ رحمة حقيقية، وإني أصلي عليه بلهفة وشوق".
فَضَّلَ اللهُ مِصْرَ على سائر البُلدان، كما فَضَّلَ بعض الناس على بعض والأيام والليالي بعضها على بعض، والفضلُ على ضربين: في دِينٍ أو دُنْيَا، أو فيهما جميعاً، وقد فَضَّلَ اللهُ مِصْرَ وشَهِدَ لها في كتابهِ بالكَرَمِ وعِظَم المَنزلة وذَكَرَهَا باسمها وخَصَّهَا دُونَ غيرها، وكَرَّرَ ذِكْرَهَا، وأبَانَ فضلها في آياتٍ تُتْلَى من القرآن العظيم.
(وما من كاتب إلا سيبلى ** ويبقى الدهر ما كتبت يداه) (فلا تكتب بكفك غير شيء ** يسرك في القيامة أن تراه)

المهندس حسن فتحي فيلسوف العمارة ومهندس الفقراء: هو معماري مصري بارز، من مواليد مدينة الأسكندرية، وتخرَّجَ من المُهندس خانة بجامعة فؤاد الأول، اشْتُهِرَ بطرازهِ المعماري الفريد الذي استمَدَّ مَصَادِرَهُ مِنَ العِمَارَةِ الريفية النوبية المَبنية بالطوب اللبن، ومن البيوت والقصور بالقاهرة القديمة في العصرين المملوكي والعُثماني.
رُبَّ ضَارَّةٍ نَافِعَةٍ.. فوائدُ فيروس كورونا غير المتوقعة للبشرية أنَّه لم يكن يَخطرُ على بال أحَدِنَا منذ أن ظهر وباء فيروس كورونا المُستجد، أنْ يكونَ لهذه الجائحة فوائدُ وإيجابيات ملموسة أفادَت كوكب الأرض.. فكيف حدث ذلك؟!...
تخليص الإبريز في تلخيص باريز: هو الكتاب الذي ألّفَهُ الشيخ "رفاعة رافع الطهطاوي" رائد التنوير في العصر الحديث كما يُلَقَّب، ويُمَثِّلُ هذا الكتاب علامة بارزة من علامات التاريخ الثقافي المصري والعربي الحديث.
الشيخ علي الجرجاوي (رحمه الله) قَامَ برحلةٍ إلى اليابان العام 1906م لحُضُورِ مؤتمر الأديان بطوكيو، الذي دعا إليه الإمبراطور الياباني عُلَمَاءَ الأديان لعرض عقائد دينهم على الشعب الياباني، وقد أنفق على رحلته الشَّاقَّةِ من مَالِهِ الخاص، وكان رُكُوبُ البحر وسيلته؛ مِمَّا أتَاحَ لَهُ مُشَاهَدَةَ العَدِيدِ مِنَ المُدُنِ السَّاحِلِيَّةِ في أنحاء العالم، ويُعَدُّ أوَّلَ دَاعِيَةٍ للإسلام في بلاد اليابان في العصر الحديث.


 

 CHITSAUKO AL-KAHF

اذهب الى الأسفل 
كاتب الموضوعرسالة
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn
مؤسس ومدير المنتدى
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn


عدد المساهمات : 49335
العمر : 72

CHITSAUKO AL-KAHF Empty
مُساهمةموضوع: CHITSAUKO AL-KAHF   CHITSAUKO AL-KAHF Emptyالخميس 24 مارس 2022, 3:07 pm

CHITSAUKO AL-KAHF
(BAKO) 18
Muzita raAllah, Vane Tsitsi, Vane Ngoni.
1. Kukudzwa nekutendwa kwese ndekwa Allah, avo vakadzikisa kune muranda wavo (Muhammad (SAW)) Gwaro (Qur’aan), uye havana kuisa mariri kusiyana (kutsveyama).
2. Rakatwasuka kupa chenjedzo (kune vasingatendi) yemarwadzo akaomarara kubva kwavari, uye kupa mashoko akanaka kuvatendi (muhumwechete hwaAllah), avo vanoita mabasa akanaka, kuti vachawana mubairo wakanaka (Paradhiso).
3. Vachagara imomo zvachose.
4. Uye kuchenjedza (maJudha, maKristu, nevanamati vezvimwe zvinhu kunze kwaAllah) avo vanoti: “Allah vane mwanakomana (kana vana).”
5. Havana ruzivo rwacho kana vanababa vavo. Shoko rinobuda pamiromo yavo rihombe (kuti Allah vane vanakomana nevanasikana). Hapana chavanotaura kunze kwemanyepo.
6. Kuti zvimwe ungazviuraye (Muhammad (SAW)) nekusuruwara pane mitsindo yavo (nekukuramba kwavo), nekuti havatendi mune nhaurwa iyi (Qur’aan).
7. Zvirokwazvo, takagadzira izvo zviri panyika seshongedzo yepo, kuti tive tinovaedza kuti ndiani pakati pavo achaita mabasa akanaka. (Avo vanoita mabasa akanaka nenzira inodiwa, vachimaitira kufadza Allah chete uye vachimaita semaitiro aiita Muhammad (SAW)).
8. Uye zvirokwazvo, tichaita zvese zviripo panyika dhaka rakaoma (risina chinhu chinomera).
9. Unofunga here kuti vanhu vemubako uye nenhau dzavo vaive chishamiso pane zviratidzo zvedu?
10. (Rangarira) apo varume pavakatsvaka rubetsero kune bako (vachitiza vanhu vavo vasingatendi).
Vakati: “Tenzi vedu! Tipei (tiitirei) tsitsi kubva kwamuri, uye tigadzirirei nyaya yedu munzira yakatwasuka.”
11. Naizvozvo takavhara nzeve dzavo mubako kwemakore akati kuti.
12. Pedzezvo tikava tinovamutsa (kubva mukurara kwavo), kuti tive tinoedza kuti nderipi pamaboka maviri raikwanisa kuverenga nguva yavakagara.
13. Tinokuudza (Muhammad (SAW)) nyaya yavo muchokwadi. Zvirokwazvo, vaive varume vechidiki vaitenda muna Tenzi vavo (Allah), uye takavawedzera mukutungamirirwa.
14. Uye takasimbisa moyo yavo (nekutenda nekutsungirira) pavakasimuka vakati: “Tenzi vedu ndivo Tenzi vematenga nenyika, hatimbosheedzi umwe mwari kunze kwavo. Kana tikaita, zvirokwazvo tinenge tataura zvakaipa.”
15. “Ava vanhu vedu vakatora vanamwari kunze kwavo (Allah). Sei vasina kuvaburitsira umboo uri pachena? Uye ndiani anotadza kudarika uyo anogadzira manyepo kuna Allah.”
16. (Varume vechidiki vakati): “Uye kana mukadeduka kubva kwavari, uye neizvo zvavanonamata kunze kwaAllah, monotsvaga botero mubako, Tenzi venyu vanokuvhurirai nzira kubva kutsitsi dzavo, uye vanoita nyore nyaya yenyu (vanokupai zvamunoda, chikafu nepekugara).”
17. Uye unoona zuva parinobuda richirereka kurudyi kwebako ravo, uye parinonyura, rinorereka kubva kwavari kuruboshwe, asi vakarara vari pakati pebako. Ichi chiiratidzo kubva kuzviratidzo zvaAllah. Uyo anotungamirwa naAllah, ndiye akatungamirwa; uye uyo wavanotsaudzira, kwaari hauwani shamwari yekumutungamira (kunzira yakatwasuka).
18. Uye waifunga kuti vakamuka, asi vakarara. Uye takavashozhonyora kurudyi rwavo uye nekuruboshwe rwavo, uye imbwa yavo yakatwasanudza makumbo ayo maviri pamusuwo (webako kana panzvimbo iri pedyo nawo). Dai wakavatarisa, ungadai wakafuratira kwavari uchitiza, uye ungadai wakazadzwa nekuvatya.
19. Naizvozvo, takavamutsa (kubva mukurara kwavo kwakareba) kuti vave vanobvunzana pachavo.
Mutauri pakati pavo akati: “Magara nguva yakadii?” Vakati: “Tagara zuva rimwe chete kana kuti chidimbu chezuva.” Vakati: “Tenzi venyu ndivo vanoziva zvakanaka kuti magara nguva yakadii.
Naizvozvo tumirai mumwechete wenyu nemari yenyu yemasirivha kudhorobha, uye ngaanotsvaga chikafu chakanaka chinobvumidzwa, uye okuunzirai kubva mariri raramo. Uye ngaangwarire uye zvirokwazvo hasaite ani zvake ave neruzivo nezvenyu.”
20. “Kana vakakuzivai, vanokutemai nematombo (kusvikira mafa kana kukuvadzai), kana kukudzorerai kune chitendero chavo; uye mukadaro hamuzobudiriri zvachose.”
21. Naizvozvo takaita kuti nyaya yavo izivikanwe, kuti (vanhu) vave vanoziva kuti vimbiso yaAllah ndeye chokwadi, uye kuti hapana kugunun’una panyaya yenguva. (Rangarira) apo pavakapokana pakati pavo panyaya yavo. Vakati: “Chivakai chivakwa pamusoro pavo, Tenzi vavo vanovaziva zvese pamusoro pavo.” Avo vakakunda panyaya yavo vakati: “Zvirokwazvo, tichavaka nzvimbo yekunamatira pamusoro pavo.”
22. (Vamwe) vanoti vaive vatatu, imbwa yavo yaive yechina; uye vamwe vanoti vaive vashanu, imbwa yavo yaive yechitanhatu, vachiifungidzira zvakavandika; uye vamwe vanoti vaive vanomwe, imbwa yavo yaive yechisere. Iti (Muhammad (SAW)): “Tenzi vangu vanoziva zvakanyanya huwandu hwavo, hapana anovaziva kunze kwevashoma.” Naizvozvo musava munoita hurukuro (pahuwandu wavo) kunze nehumboo huri pachena. Uye usava unovabvunza (maJudha nemaKristu) nezve vanhu vemubako.
23. Uye usava unoti pabasa rese: “Ndichaita izvi mangwana.”
24. Kunze (kwekuti): “Kana Allah vada!” Uye rangarira Tenzi vako kana wakanganwa uye woti: “Zvimwe Tenzi vangu vanonditungamira panzira iri pedyo nechokwadi kudarika iyi.”
25. Uye vakagara mubako kwemakore mazana matatu, vakawedzera mapfumbamwe.
26. Iti: “Allah vanoziva kuti vakagara nguva yakadii. Vane ruzivo rwezvakavanzika mumatenga nepasi. Vanoona zvakanakisa uye vanonzwa! Havana mubetseri kunze kwavo, uye hapana wavanoita mubetseri pakutonga kwavo.”
27. Uye verenga zvakadzikiswa kwauri (Muhammad (SAW)) kubva muGwaro (Qur’aan) raTenzi vako. Hapana angasandure mashoko avo, uye hauwani mubatsiri (kwekunopotera) kunze kwavo.
28. Uye tsungirira (Muhammad (SAW)) pamwe neavo vanosheedza Tenzi vavo (vatevedzeri vako) mangwanani nemasikati, vachitsvaga chiso chavo; uye maziso ako ngaasavapfuure, uchida shongedzo yehupenyu hwepano pasi; uye usatevere uyo watakaita moyo wake kuti ukanganweyeuchidzo yedu, uye anotevedzera zvido zvake, uye mabasa ake akarasika.
29. Uye iti: “Chokwadi chinobva kuna Tenzi venyu.” Naizvozvo kune wese anoda, ngaatende; uye kune wese anoda ngaasatende. Zvirokwazvo, takagadzirira vanoita zvakaipa moto madziro acho achavakomberedza. Uye kana vakakumbira rubatsiro, vachapihwa mvura inenge mafundo emafuta, iyo ichavaunyanidza (ichapisa) zviso zvavo. Chimwiwa chinotyisa uye nzvimbo yokugara yakaipa!
30. Zvirokwazvo, avo vakatenda uye vakaita mabasa akanaka, chokwadi hatiite mubairo weuyo akaita mabasa akanaka kuti urasike.
31. Ava vachawana minda ye Eden (minda isingaperi), umo nzizi dzinoyerera nechemuzasi, imomo vachashongedzwa nefumba dzegoridhe (mabhenguru), uye vachapfeka hanzu nyoro yechiripo uye nesiriki gobvu. Vacharereka imomo pazvigaro zvepamusoro. Mubairo wakanaka sei uye nzvimbo yokugara yakanaka chaizvo!
32. Uye vape muenzaniso wevarume vaviri. Kune umwe chete wavo takamupa mapindu maviri emagirepi, uye takamakomberedza nemadheti, uye tikaisa pakati pawo mbesa dzakasvibira.
33. Rimwe nerimwe remapindu maviri raibuditsa zvidyiwa zvaro, uye raisatadza kana (kubereka),
uyezve takaita kuti rwizi rwuerera imomo pakati pawo.
34. Uyezve aive nemichero uye akati kushamwari yake achitaura nayo: “Ndine hupfumi hwakawanda kudarika iwe uyezve ndine vana vakawanda.”
35. Uye akapinda bindu rake asina kururama pachezvake (achizvikudza uye asingatendi). Akati :“Handifungi kuti izvi zvinoparara zvachose.”
36. “Uye handifungi kuti nguva ichasvika, uye zvirokwazvo kana ndikadzorerwa kuna Tenzi vangu (pazuva rokutongwa), zvirokwazvo ndichawana zviri nani pane izvi kana ndadzokera kwavari.”
37. Shamwari yake ikati kwaari vachitaurirana: “Hautendi mavari vakakusika kubva muivhu, uye kubva muNutfah (mvura yakasangana yemurume nemukadzi), uyezve vakakugadzira kuva munhurume?”
38. “Asi kune divi rangu, (ndinotenda) kuti ndiAllah, Tenzi vangu, uye hakuna umwe wandichasanganisa naTenzi vangu.”
39. “Zvange zviri nani kwauri kutaura kuti, apo pawapinda mubindu rako: ‘Izvo zvinoda Allah (zvichaitika)! Hakuna ane simba kunze kwaAllah! Kana uchiona ini ndiri pasi pako muhupfumi nevana,”
40. “Zvimwe Tenzi vangu vachandipa zviri nani pane bindu rako, uye vachatumira kwariri marwadzo (mheni) kubva kudenga, uyezve ichava nzvimbo inotsvedza isingameri chinhu.”
41. “Kana kuti mvura mariri (bindu) ichave pasi zvekuti hauikwanisi kuitsvaga.”
42. Naizvozvo michero yake yakakomberedzwa (yakaparadzwa), uye akaramba achiuchira maoko ake (nekusuruvara) pane zvaakashandisa mariri, asi zvese zvakanga zvaparara, uye akangokwanisa kuti: “Dai ndisina kusanganisa vamwe naTenzi vangu!”
43. Uye pakange pasina chikwata chinomubetsera kubva kuna Allah, uyezve haana kukwanisa kuzvidzivirira.
44. Ikoko (pazuva rekumutswa) Al-Walaayah (Simba) richange riri raAllah, Mwari vechokwadi.
Allah ndivo vane mubairo wakanaka uye nemagumo akanaka.
45. Uye vape muenzaniso wehupenyu hwepano pasi, semvura yatinotumidzira kubva kudenga, uye zvirimwa zvepanyika zvinosangana nayo (uye zvobva zvakura zvosvibirira). Asi inobva yaoma yova zvidimbu zvidimbu, izvo mhepo inozviparadzira. Uye Allah vanokwanisa kuita zvese.
46. Hupfumi nevana zviyevedzo zvehupenyu hwepanyika. Asi mabasa akanaka anogara ari nani kuna Tenzi vako mumubairo uye tarisiro yakanaka.
47. Uye (rangarira) zuva ratichaita makomo kuti aparare (semakore), uye uchaona nyika seyakasandarika, uye tichavaunganidza vese pamwe chete pasina kusiya ani zvake.
48. Uye vachaunganidzwa pamberi paTenzi vako mumitsara (uye Allah vachati): “Zvirokwazvo, mauya kwatiri semasikiro atakakukuitai pekutanga. Kwete, asi maifunga kuti hatina kusarudza nguva yekusangana kwenyu (nesu).”
49. Uye Gwaro richagadzikwa (muruoko rwerudyi rwemutendi muhumwechete hwaAllah, uye muruoko rweruboshwe kune asingatendi muhumwechete hwaAllah), uye muchaona vatadzi vachitya izvo zvakanyorwa mariri. Vachati: “Matambudziko kwatiri! Igwaro rwudzii iri risingasiyi chidiki kana chihombe, asi zvakanyorwa nemanhamba mariri!” Uye vachawana zvese zvavaiita zvagadzikwa pamberi pavo, uye Tenzi vako havabati upi zvake zvisina kufanira.
50. Uye (Rangarira) patakati kune ngirozi: “Pfugamirai Adam.” Dzakapfugama dzese kunze kwaSatani, uyo anga ari umwe wemaJinn (Zvisikwa zvakasikwa nemoto). Haana kuteerera murawo waTenzi vake. Saka munomutora iye (Satani) nevana vake sevadziviriri nevabatsiri pane ini (Allah) asi vari vavengi venyu? Kwakaipa kudii kuchinjana kwevatadzi!



CHITSAUKO AL-KAHF 2013_110
الرجوع الى أعلى الصفحة اذهب الى الأسفل
https://almomenoon1.0wn0.com/
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn
مؤسس ومدير المنتدى
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn


عدد المساهمات : 49335
العمر : 72

CHITSAUKO AL-KAHF Empty
مُساهمةموضوع: رد: CHITSAUKO AL-KAHF   CHITSAUKO AL-KAHF Emptyالخميس 24 مارس 2022, 3:08 pm

51. Ini (Allah) ndakaita (Satani nevana vake) kuti vasapupure (uye handina kutora rubatsiro rwavo) pakusika matenga nenyika uye pakusikwa kwavo (maJinn). Uye zvange zvisina kukodzera kuti ini (Allah) nditore vanotsaudzira sevabetseri.
52. Uye (rangarira) zuva ravachati: “Sheedzai vabetseri vangu avo vamaitaura.” Naizvozvo vachachema kwavari (vachavasheedza), asi havavadaviri, uye tichaisa mupingo pakati pavo.
53. Uye vatadzi vachaona moto uye vachaziva kuti ndimo mavachagara. Uyezve hapana nzira yavachabuda nayo imomo.
54. Uye zvirokwazvo taisira vanhu muenzaniso wezvese muQur’aan iri, asi vanhu vanopokana zvikuru kupfuura zvinhu zvese.
55. Uye hapana chinotadzisa vanhu kutenda, apo kutungamirirwa (Qur’aan) kwauya kwavari, uye nekukumbira ruregerero kuna Tenzi vavo, kunze kwekuti nzira yemadzitateguru idzokorodzwe kwavari (kuparadzwa naAllah), kana kuti marwadzo aunzwe pamberi pavo zviripachena.
56. Uye hatitumiri vatumwa kunze kwekuti sevapi vemashoko akanaka uye vaeuchidzi. Asi avo vasingatendi vanopokana nemanyepo kuti vaparadze nawo chokwadi. Uye vanotora ndima dzangu neyambiro sedambe.
57. Uye ndiani anoita zvakaipa pane uyo anoeuchidzwa zviratidzo zvaTenzi vake, asi anofuratira kubva kwazviri, achikanganwa zvakatumirwa mberi nemaoko ake? Chokwadi, takaisa mambure pamwoyo yavo, kuti vasarinzwisise (Qur’aan), uye munzeve dzavo umatsi. Uye kana ukavasheedzera (Muhammad (SAW)) kunzira yakatwasuka, nyangwe zvazvo havambotungamirwi.
58. Uye Tenzi vako vane ruregerero zhinji, muridzi wetsitsi dzose. Dai vakavasheedza kuvabvunza zvavakaita, zvirokwazvo, vangadai vakavakurumidzira mutongo wavo. Asi vane nguva yavo yakatarwa, iyo havambokwanisi kutiza kubva kwairi.
59. Uye madhorobha aya (emaAad neThamood) takamaparadza pavakatadza. Uye takatara nguva yavo yekuvaparadza.
60. Uye (rangarira) apo Musa paakati kune murandakomana wake: “Handiregeri (kufamba) kusvika ndasvika pakati pemakungwa maviri, kana ndichaita makore nemakore ndichifamba.
61. Asi pavakasvika pakati pemakungwa maviri, vakakanganwa hove yavo, uye yakatora nzira yayo mugungwa semumugero.
62. Naizvozvo pavakapfurira, Musa akati kune murandakomana wake: “Huya nechikafu chedu chemangwanani, zvirokwazvo, taneta zvakanyanya kubva murwendo rwedu urwu.”
63. Akati: “Unoyeuka here patazorora padombo? Zvirokwazvo, ndakanganwa hove, hapana umwe asi Satani andiita kuti ndikanganwe kuzvirangarira. Uye yakatora nzira yayo mugungwa nenzira inoshamisa!”
64. Musa akati: “Ndipo patiri kutsvaga.” Naizvozvo vakadzokera shure vachironda mitsindo yavo.
65. Naizvozvo vakawana muranda kubva kuvaranda vedu, uyo atakamupa tsitsi kubva kwatiri, uye tikamudzidzisa ruzivo kubva kwatiri.
66. Musa akati kwaari (Al-Khidr): “Ndikutevere here kuti undidzidzise zvimwe zveruzivo rwawakadzidziswa (naAllah)?”
67. Akati (Al-Khidr): “Zvirokwazvo, haukwanisi kutsungirira neni!”
68. “Uye unokwanisa kutsungirira sei pane chinhu chausingazivi?”
69. Musa akati: “Kana Allah vada, uchandiwana ndakatsungirira, uye handikutadziri kana chii zvacho.”
70. (Al-Khidr) akati: “Kana ukanditevera, usandibvunze chipi zvacho kusvika ndakutaurira.”
71. Naizvozvo vakaenderera mberi kusvika vakakwira ngarava, (Al-Khidr) akaiboora. Musa akati: “Waiboora kuti unyudze vanhu vayo? Zvirokwazvo, waita chinhu chakaipa!”
72. Akati (Al-Khidr): “Handina kukuudza here kuti haukwanisi kutsungirira neni?”
73, (Musa) akati: “Ndiregererewo pane zvandakanganwa, uye usava unondiomesera nenyaya yangu.”
74. Naizvozvo vakaenderera mberi kusvika vasangana nemukomana, uye (Al-Khidr) akamuuraya.
Musa akati: “Wauraya munhu akanaka asina kuuraya munhu? Zvirokwazvo, waita chinhu chakaipa!”
75. (Al-Khidr) akati: “Handina kukuudza here kuti haukwanisi kutsungirira neni?”
76. (Musa) akati: “Kana ndikakubvunza chimwe chinhu mushure meichi usafambe neni (ndisiye), zvirokwazvo, unenge une chikonzero kubva kwandiri.”
77. Naizvozvo vakafamba vari vaviri, kusvika vasvika pavanhu vemumusha, vakavakumbira chikafu, naizvozvo vakaramba kuvatambira sevaenzi. Naizvozvo vakaona mudhuri waida kudonha, uye (Al-Khidr) akautwasanudza. Musa akati: “Dai wanga uchida, zvirokwazvo, waivabhadharisa mari pamusoro pavo (mudhuri)!”
78. (Al-Khidr) akati: “Uku ndiko kupesana kwangu newe, ndichakuudza dudziro yezvinhu zvawatadza kutsungirira.”
79. “Maererano nengarava, yange iri yevanhu vanotambura vanoshanda mugungwa. Naizvozvo ndaida kuyikanganisa nekuti kumashure kwavo kwanga kuna mambo aipamba ngarava yese yakanaka nechisimba.”
80. “Uye maererano nechikomana, vabereki vake vanga vari vatendi, naizvozvo tatya kuti angazovadzvanyirira nekupanduka pamwe nekusatenda.”
81. “Naizvozvo tada kuti Tenzi vavo avachinjire neumwe ari nani pakuita mabasa akanaka uye ari pedyo netsitsi.”
82. “Uye maererano nemudhuri, wanga uri wenherera komana mbiri muguta, uye pasi pawo (mudhuri) panga pane hupfumi hwavo, uye baba vavo vakanga vari munhu akanaka (anotya Allah), uye Tenzi vako vada kuti vakure vozotora hupfumi hwavo setsitsi kubva kuna Tenzi vako.
Uye handina kuzviita nekuda kwangu. Iyi ndiyo dudziro yeizvo zvausina kutsungirira.”
83. Uye vachakubvunza maererano naDhul-Qarnain. Iti: “Ndichakuudzai nyaya yake.”
84. Zvirokwazvo, takamudzika panyika uye tikamupa zvinhu zvese.
85. Naizvozvo akatevera nzira.
86. Kusvikira asvika kwainyura zuva (kumadokero), akariwana richinyura muchitubu chenhope nhema yaipisa, uye akawana pedyo pacho (chitubu) pane vanhu. Tikati (Allah): “Iwe Dhul-Qarnain! Unokwanisa kuvaranga kana kuvabata zvakanaka.”
87. Akati (Dhul-Qarnain): “Uyo anoita mabasa akaipa, tichamuranga, uye achadzoswa kuna Tenzi vake avo vachamuranga nemurango wakaomarara (Gehena).”
88. “Uye uyo achatenda (muhumwechete hwaAllah), uye oita mabasa akanaka, achawana mubairo wakanaka (Paradhiso), uye achataura naye (Dhul-Qarnain) mashoko akanaka.”
89. Naizvozvo akatevera (imwe) nzira.
90. Kusvika asvika kunzvimbo yaibudira zuva (kumabvazuva), akariwana richibudira kune vanhu vatisina kupa bvute kuzuva.
91. Zvakaitika kudaro! Zvirokwazvo, taiziva zvese maererano naye (Dhul-Qarnain).
92. Naizvozvo akatevera (imwe) nzira.
93. Kusvika asvika pakati pemakomo maviri, akawana pedyo nawo (makomo) vanhu vakanga vari pedyo kusanzwa kana shoko.
94. Vakati: “Iwe Dhul-Qarnain! Zvirokwazvo, vana Ya’jooj naMa’jooj (Gog naMagog) vari kukonzeresa panyika. Naizvozvo tingakupe matano here kuti uvake mudhuri pakati pedu navo?”
95. Akati: “Zvandakatsigiswa naTenzi vangu zvirinani. Naizvozvo ndibetserei nesimba (varume) kuti ndimise mudhuri pakati penyu navo.”
96. “Ndipei zvidimbu zvesimbi.” Naizvozvo paakazadza mpata pakati pemakomo maviri, akati :“Furidzai.” Naizvozvo paakazviita kunge moto akati: “Ndipei mhangura yakanyunguduka ndidire pamusoro pazvo.”
97. Naizvozvo (vana Gog naMagog) vakatadza kuukwira (mudhuri) nepamusoro kana kuuchera kusvika kuseri.
98. (Dhul-Qarnain) akati: “Idzi itsitsi kubva kuna Tenzi vangu, asi kana vimbiso yaTenzi vangu yauya, vachaudonhedzera pasi. Uye vimbiso yaTenzi vangu ndeye chokwadi.”
99. Uye pazuva iroro (pachabuda vana Gog naMagog), tichasiya vamwe vavo vachiita kunge masaisai pane vamwe vavo, uye hwamanda icharidzwa, uye tichavaunganidza pamwe chete.
100. Uye pazuva iroro ticharatidza Gehena kune avo vasingatendi zviri pachena.



CHITSAUKO AL-KAHF 2013_110
الرجوع الى أعلى الصفحة اذهب الى الأسفل
https://almomenoon1.0wn0.com/
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn
مؤسس ومدير المنتدى
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn


عدد المساهمات : 49335
العمر : 72

CHITSAUKO AL-KAHF Empty
مُساهمةموضوع: رد: CHITSAUKO AL-KAHF   CHITSAUKO AL-KAHF Emptyالخميس 24 مارس 2022, 3:08 pm

101. Avo maziso avo akanga akavharwa kurangaridzo yangu, uye vakanga vasingakwanisi kunzwa (chokwadi).
102. Avo vasingatendi vanofunga here kuti vangatore varanda vangu (ngirozi, vatumwa) sevabetseri kunze kwangu? Zvirokwazvo, takagadzira Gehena semafaro evasingatendi (muhumwechete hwaAllah).
103. Iti (Muhammad (SAW)): “Tikuudzei here vakarasikirwa zvikuru mumabasa?”
104. “Avo mabasa avo akatambisika muhupenyu hwepano pasi, asi vachifunga kuti varikuwana zvakanaka nemabasa avo.”
105. “Ndeavo vanoramba zviratidzo zvaTenzi vavo uye nekusangana navo (muzuva rekumutswa).
Naizvozvo mabasa avo achashaya basa, uye muzuva rekumutswa hatimbovapi huremu.”
106. “Uyo mubairo wavo, iGehena, nekuti vairamba kutenda, uye vaitora zviratidzo zvangu nevatumwa vangu sedambe.”
107. “Zvirokwazvo avo vanotenda (muIslaam) uye voita mabasa akanaka, vachawana minda ye Al-Firdaus (Paradhiso) yemafaro.
108. Vachagara imomo zvachose. Havamboshuviri kubuda imomo.
109. Iti (Muhammad (SAW) kune vanhu): “Dai gungwa raiva ingi yekunyora mazwi aTenzi vangu, zvirokwazvo, gungwa ringadai rakapwa mazwi aTenzi vangu asati apera, kunyangwe tikaunza (rimwe gungwa) rakafanana kunowedzera.”
110. Iti (Muhammad (SAW)): “Zvirokwazvo, ndiri munhu semi. Zvakadzikiswa kwandiri kuti Mwari wenyu ndiMwari mumwechete. Naizvozvo uyo anoshuvira kusangana naTenzi vake, ngaaite mabasa akanaka, uye ngaasasanganise umwe mukunamata Tenzi vake.”



CHITSAUKO AL-KAHF 2013_110
الرجوع الى أعلى الصفحة اذهب الى الأسفل
https://almomenoon1.0wn0.com/
 
CHITSAUKO AL-KAHF
الرجوع الى أعلى الصفحة 
صفحة 1 من اصل 1

صلاحيات هذا المنتدى:لاتستطيع الرد على المواضيع في هذا المنتدى
منتديات إنما المؤمنون إخوة (2024 - 2010) The Believers Are Brothers :: (English) :: The Holy Quran is translated :: Nechishona-
انتقل الى: