CHITSAUKO IBRAHIM
(MUPOROFITA ABRAHAMU) 14
Muzita raAllah, Vane Tsitsi, Vane Ngoni.
1. Alif – Laam – Raa. (Aya mashoko ndemamwe ezvishamiso zviri muQur’aan, uye hapana anoziva zvaanoreva kunze kwaAllah). (Iri i) Bhuku ratadzikisa kwauri (iwe Muhammad (SAW)) kuti uve unobuditsa vanhu kubva murima (Kusatenda) uchivaisa muchiedza (Islaam) nekuda kwaTenzi vavo, munzira yemukuru wezvose, muridzi werumbidzo.
2. Allah ndivo muridzi wezvose zviri mumatenga nepano pasi! Uye matambudziko kune avo vasingatendi kubva kumutongo wakaomarara.
3. Avo vanosarudza hupenyu hwepano pasi pane hwemangwana, uye vanodzivirira (vanhu) nzira yaAllah (Islaam), uye vanoda kuti ive yakaipa (yakatsweyama). Vakadaro vakarasika zvikuru.
4. Uye hatina kutumira mutumwa kunze nemutauro wevanhu vake, kuti avajekesere (mashoko).
Uye Allah vanorasisa ani nani wavanoda uye vanoratidza gwara ani nani wavanoda. Uye ndivo samasimba ose, vane huchenjeri hwese.
5. Uye zvirokwazvo, takatumira Musa nezviratidzo zvedu (tichiti): “Buritsa vanhu vako murima uchivapinza muchiedza, uye varangaridze makomborero aAllah. Zvirokwazvo, maari mune zviratidzo kune wese ane moyo murefu nekutenda.”
6. Uye (rangarira) Musa paakati kuvanhu vake: “Rangarirai makomborero aAllah kwamuri, apo vakakubuditsai kubva kuvanhu vaFarawo avo vaikutambudzai nemarwadzo akaomarara, vachiuraya vanakomana venyu vachisiya vanasikana venyu; uye mazviri maive nemuedzo mukuru kubva kuna Tenzi venyu.”
7. Uye (rangarira) apo Tenzi venyu vakati: “Kana mukatenda (nekunamata Allah chete), zvirokwazvo, ndichakuwedzerai (makomborero angu); asi kana mukasatenda, zvirokwazvo mutongo wangu wakaomarara.”
8. Uye Musa akati: “Kana mukasatenda imi nevanhu vese vari munyika, zvirokwazvo, Allah Havana chavanoda, muridzi werumbidzo dzose.”
9 Nhau dzeavo vaivepo musati mavapo hadzina kukusvikirai here? Vanhu vaNowa, uye maAad uye maThamood? Uye neavo vakavatevera? Hapana anovaziva kunze kwaAllah. Vatumwa vavo akauya kwavari nemirairo iri pachena, asi vakapinza maoko avo mumiromo (nokuda kwekutsamwa) uye vakati: “Zvirokwazvo, hatitendi kune izvo zvamatumwa nazvo, uye hatigutsikani zvikuru neizvo zvamunotikokera kwazviri (Islaam).”
10. Vatumwa vavo vakati: “Pangava sei nekusagutsikana naAllah, Musiki wematenga nenyika? Vanokudanai (kuIslaam) kuti vave vanokuregererai zvitadzo zvenyu uye kukupai nguva yekurarama kwenguva yakatarwa.” Vakati: “Hausi umwe munhu mukuru wakangofanana nesu! Uri kushuvira kutitendeudza kubva kune izvo zvainamatwa nemadzibaba edu. Nokudaro tipei humboo huri pachena.”
11. Vatumwa vavo vakati: “Zvirokwazvo, tiri vanhu vakafanana nemi, asi Allah vanopa nyasha dzavo kuna ani-nani wavanoda kuvaranda vavo. Hazvisi kwatiri kuti tikuunzirei humboo kunze nekuda kwaAllah. Uye regai vatendi vavimbe naAllah.”
12. “Uye torega sei kuisa chivimbo chedu muna Allah mushure mekunge zvirokwazvo vatitungamirira munzira yedu? Uye zvirokwazvo ticharamba takatsungrira marwadzo ese amungaite kwatiri. Uye muna Allah regai vanovimba vavimbe.”
13. Uye avo vasingatendi vakati kuvatumwa vavo: “Zvirokwazvo, tichakubuditsai munyika medu, kana kuti zvirokwazvo muchadzoka kuchitendero chedu.” Nokudaro Tenzi vavo vakavazarurira (vakavaudza kuti): “Zvirokwazvo, tichaparadza vaiti vezvakaipa.”
14. “Uye zvirokwazvo, tichakuitai vagari vemo mushure mavo. Izvi ndezvekune uyo anotya kumira pamberi pangu (pazuva rekutongwa) uye kutya kutyityidzira kwangu.”
15. Uye (vatumwa) vakatsvaga rubatsiro (kubva kuna Tenzi vavo (Allah)); uye mudzvinyiriri wese anozvitutumadza nekusateerera akaparadzwa.
16. Kumberi kwake (mudzvinyiriri) kune Gehena, uye achaitwa kuti anwe mvura inofashaira (inopisa).
17. Achaidzvuta asingadi, uye zvichamuomera zvikuru kuti aimedze pahuro pake, uye rufu ruchauya kwaari nemativi ose, asi hazombofi uye pamberi pake pachange paine murango wakaomarara.
18. Muenzaniso (Parabhuro) yeavo vasingatendi muna Tenzi vavo, mabasa avo akafanana nemadota, zvokuti apo panovhuvhuta mhepo zvakasimba pazuva rokuvhuvhuta havazokwanisi kuwana chero chii zvacho pane zvavakaita. Uku ndiko kurasika kuri kure kure (nenzira yakatwasuka).
19. Hauoni here kuti zvirokwazvo Allah ndivo vakasika matenga nenyika zvechokwadi? Kana vakada vanokwanisa kukubvisai uye (pachinzvimbo chenyu) vounza chisikwa chitsva!
20. Uye kuna Allah izvi hazvivavomeri.
21. Uye vose vachamira pamberi paAllah (pazuva rokutongwa), nokudaro avo vasina simba vachati kune avo vaizvitutumadza (madzimambo): “Zvirokwazvo, taitevera imi, saka munokwanisa here kutidzivirirawo chero nechii zvacho kubva kumarwadzo aAllah?” Vachati: “Dai Allah vakatipa gwara, dai takakutungamirirai. Zvakangofanana nesu (iyezvino) kushaya tarisiro, kana kutsungirira, hatina nzvimbo yokutizira.”
22. Uye Satani achati kana nyaya yatongwa: “Zvirokwazvo, Allah vakakuvimbisai vimbiso yechokwadi. Uye neniwo ndikakuvimbisai, asi ndakakurasisai. Ndakanga ndisina samba pamusoro penyu kunze kwekuti ndakakudanai mukandidavira. Nokudaro musandinenedzere, asi zvinenedzerei pachenyu. Handikwanisi kukubatsirai, kana imi kundibatsirawo. Ndinoramba muitiro wenyu wakare wokundisanganisa naAllah (nekunditeerera muhupenyu hwepasi).
Zvirokwazvo, kune mutongo wakaomarara kuvaiti vezvakaipa.”
23. Uye kune avo vaitenda (muIslaam) nokuita mabasa akanaka, vachapinzwa muParadhiso iro rinoyerera mvura pasi paro, umo vachagara zvachose kuburikidza nekuda kwaTenzi vavo. Kumhoresana kwavo imomo kuchange kuri: “Salaam (Runyararo)!”
24. Hauoni here kuti Allah vanopa sei muenzaniso? Shoko rakanaka rakafanana nemuti wakanaka, midzi yawo yakabatirira zvakanyanya, uye mapazi awo anobata denga.
25. Uchipa michero yawo nguva dzose nokuda kwaTenzi wawo, uye Allah vanopa mienzaniso kuvanhu kuti vave vanorangarira.
26. Uye muenzaniso weshoko rakashata wakafanana nemuti wakaipa wakadzurika kubva muivhu renyika, usina kutsigira.
27. Allah vanotsigira (vanosimbisa) avo vanotenda neshoko rine simba muhupenyu hwepasi pano, uye muhupenyu hwemangwana. Uye Allah vanoita kuti vasingatendi (vaiti vezvakaipa) varasike. Uye Allah vanoita zvavanoda.
28. Hauna kuona here avo vakashandura makomborero aAllah kuva kusatenda (nekuramba Muporofita Muhammd (SAW)), uye vakaita kuti vanhu vavo vapinde muimba yokuparadzwa?
29. Gehena, kwavachatsvira, uye inzvimbo yakaipa yokugara!
30. Uye vakarongera Allah vapikisi kuti vave vanobuditsa (vanhu) munzira yavo (Allah)! Iti: “Farai (nekahupenyu kenyu kapfupi)! Asi zvirokwazvo, magumo enyu imoto (Gehena)!”
31. Iti (Muhammad (SAW)) kuvaranda vangu avo vakatenda, kuti vave vanoita munamato (Swalaah), uye kupa kubva kune izvo zvatakavapa muchihwande uye pachena, risati rasvika zuva iro risina kutengeserana kana ushamwari.
32. Allah ndivo vakasika matenga nenyika uye vanotumira mvura kubva kudenga, uye kubva mairi munobuda michero sechikafu chenyu; uye vakakugadzirirai ngarava idzo dzinofamba pamusoro pemvura nemurairo wavo; uye vakakugadzirirai nzizi.
33. Uye vakakugadzirirai zuva uye mwedzi, izvo zvinotevedza nzira yazvo, uye vakava vanokugadzirirai husiku nemasikati.
34. Uye vakava vanokupai zvese zvamunovakumbira, uye kana mukati muverenge makomborero aAllah, hamufi makakwanisa kumaverenga. Zvirokwazvo, munhu mukuru wekuita zvakaipa, nekusatenda.
35. Uye (rangarira) apo Ibrahim (Abrahamu) akati: “Imi Tenzi vangu! Itai kuti Guta iri (Makkah) rive rine runyararo uye kugadzikana, uye ndichengetedzei uye nevanakomana vangu mukunamata zvidhori.”
36. “Imi Tenzi vangu! Zvirokwazvo, zvarasisa vanhu vakawanda munyika. Asi ani nani achanditevera, zvirokwazvo ndewangu. Uye ani nani asinganditeereri, magara muzvirokwazvo mune ruregerero rwese, netsitsi dzose.”
37. “Imi Tenzi vedu! Ndaita kuti vamwe vevana vangu vagare mubani risingarimike padyo nemba yenyu tsvene (Ka’abah iri kuMakkah). Imi Tenzi vedu! Kuti vave vanoita munamato (Swalaah). Nokudaro zadzai moyo yevamwe vanhu nerudo kwavari, uye vapei michero kuti vave vanotenda.”
38. “Imi Tenzi vedu! Zvirokwazvo, munoziva zvatinovanza nezvatinobuditsa. Hapana chiri munyika kana kumatenga chakavigika kubva kuna Allah.”
39. “Rumbidzo dzose uye nekutenda ndezva Allah, avo vandipa ndachembera Ishumaeri naIsaka.
Zvirokwazvo, Tenzi vangu ndivo zvirokwazvo munzwi mukuru wezvikumbiro.”
40. “Imi Tenzi vangu! Ndiitei umwe weavo vanomira vachiita munamato (Swalaah), uye nekuvana vangu, Imi Tenzi vedu! Uye gamuchirai chikumbiro changu.”
41. “Imi Tenzi vedu! Ndiregererei nevabereki vangu, uye nevatendi vose pazuva iro kubvunzurudzwa (kutongwa) kuchaitika.”
42. Musafunga kuti Allah havazivi zvinoitwa nevaiti vezvakaipa, asi vanovapa nguva kusvika zuva iro maziso avo achange akadzvokora akatarisa zvinotyisa.
43. (Vachange) vachimhanya vakarebesa huro dzavo, misoro yavo yakasimudzwa, maziso avo asingadzoke kwavari uye moyo yavo isina chinhu (nekutya zvikuru).
44. Uye (Muhammad (SAW)) yambira vanhu nezve zuva richauya marwadzo kwavari; uye vaiti vezvakaipa vachati: “Tenzi vedu! Tipeiwo kanguva kadiki, tichadavira kudana kwenyu uye kutevera vatumwa!” (Zvichanzi): “Hamuna here mushure kupika kuti hamusi kuzobva (munyika muchienda kuhupenyu hwamangwana)?”
45. “Uye maigara mudzimba dzeavo vakazvitadzira pachavo, uye zvakanga zviri pachena kwamuri kuti takaita navo sei. Uye tikava tinokupai mienzaniso.”
46. Zvirokwazvo, vakaronga hurongwa hwavo, uye hurongwa hwavo hwanga huna Allah, kunyange hurongwa hwavo hwanga usingakwanisi kubvisa makomo kubva panzvimbo yawo (makomo chaiwo kana mitemo yeIslaam).
47. Musafunge kuti Allah havakwanisi kuchengetedza vimbiso yavo kuvatumwa vavo. Zvirokwazvo, Allah ndivo samasimba ose, vanokwanisa kutsiva.
48. Pazuva richachinjwa nyika kuita imwe nyika kunyange matenga, uye (zvisikwa zvese) zvichamira pamberi paAllah, vamwechete, vasingakundike.
49. Uye uchaona vatadzi pazuva iri vakasungwa pamwechete nengetani.
50. Zvipfeko zvavo zviri zverudzi rwebhitumini, uye moto wakavhara zviso zvavo.
51. Allah vachapa mubairo munhu wega wega maererano nezvaakaita. Zvirokwazvo, Allah vanokurumidza mumatongero avo.
52. Iri (Qur’aan) ishoko revanhu vose kuti vave vanoyambirwa naro, uye kuti vave vanoziva kuti ndivo Mwari voga (hapana ane kodzero yekunamatwa kunze kwaAllah), uye kuti vanhu vanonzwisisa vave vanorangarira.