CHITSAUKO AR-RA’D
(MABHANAN’ANA) 13
Muzita raAllah, Vane Tsitsi, Vane Ngoni.
1. Alif – Laam – Meem – Raa. (Aya mashoko ndemamwe ezvishamiso zviri muQur’aan, uye hapana anoziva zvaanoreva kunze kwaAllah). Idzi ndidzo ndima dzeGwaro (Qur’aan), uye izvo zvadzikiswa kwauri (Muhammad (SAW)) kubva kuna Tenzi vako muchokwadi, asi vanhu vazhinji havatendi.
2. Allah ndivo vakasimudza matenga pasina zvitsigiro zvamunoona. Vakabva vakwira pamusoro pechigaro chehumambo (nenzira inoenderana nehumambo hwavo). Vakaita kuti zuva nemwedzi chimwe nechimwe chazvo chive chino mhanya nenguva yakatarwa. Vanoongorora nekuronga nyaya dzose. Vanotsanangura zviratidzo zvizere, kuti muve nokutenda kwakazara nekuzosanga naTenzi venyu.
3. Uye ndivo vakawaridza nyika, uye vakava vanoisa imomo makomo uye nenzizi, uye vakaisa imomo mhando dzakasiyana-siyana dzemichero zviviri-zviviri (zvitema nezvichena, zvinotapira nezvinovava, zvihombe nezvidiki). Vanoita kuti usiku huve hunofukidza masikati. Zvirokwazvo, muzvinhu izvi, mune humboo kuvanhu vanoongorora.
4. Uye munyika mune tunzvimbo twakavakidzana, nemapindu emagirepi, uye zvirimwa zvinyoro, uye miti yemadheti, inokura iri miviri kana nhatu kubva pamudzi wemuti mumwechete, kana uri muti mumwechete kubva pamudzi umwe, inodiridzirwa nemvura imwe cheteyo, asi mamwe acho tinoita kuti ave akanaka kupfuura mamwe pakudya. Zvirokwazvo, muzvinhu izvi mune humboo kuvanhu vanonzwisisa.
5. Kana (iwe Muhammad (SAW)) uchishamiswa (nevasingatendi vanoramba Islaam), mashoko avo avanotaura anoshamisa zvekare: “Kana tave ivhu, tichamutswa here kuve muzvirokwazvo chisikwa chitsva?” Ndivo avo vanoramba Tenzi vavo! Ndivo avo vachange vane ngetani dzesimbi dzakasungirira maoko avo muhuro dzavo. Vachava vanhu vekumoto umo vachagara zvachose.
6. Uye vanokubvunza kuti ukasikise zvakaipa, zvakanaka zvisati zvauya, kunyange zvirokwazvo mushure mavo mienzaniso (yakawanda) yemarwadzo yakaitika. Zvirokwazvo, Tenzi vako ndivo vazere neruregerero kuvanhu zvisinei nekutadza kwavo. Uye zvirokwazvo Tenzi vako vane murango wakaomarara.
7. Uye vasingatendi vanoti: “Sei chiratidzo chisingadzikiswi kwaari kubva kuna Tenzi vake?” Uri muyambiri chete, uye vanhu vose vane mutungamiriri.
8. Allah vanoziva zvinotakura mukadzi wega-wega mudumbu, uye kuti nhumbu dzine nguva yasara zvakadii kana kuti yapfuura zvakadii. Uye zvese zvavanazvo zvine muero.
9. Muzivi wezvakavanzika uye zvinooneka, mukuru-kuru, mukuru vekumusoro-soro.
10. Zvakafanana (kwavari) kuti umwe wenyu anoviga mashoko kana kuwabuditsa pachena, kana kuti anohwanda husiku kana kufamba akasununguka masikati.
11. Paari (munhu wega-wega), pane ngirozi dzinochinjana kumberi uye mumashure make.
Dzinomuchengetedza nemurairo waAllah. Zvirokwazvo, Allah havachinje mararamiro (akanaka) evanhu kusvika vazvichinja pachavo (nekuita mabasa akaipa). Asi kana Allah vada marwadzo kuvanhu, hakuna kudzorerwa kumashure kwawo (marwadzo), uye havawani kunze kwavo (Allah) mudziviriri mumwe.
12. Ndivo vanokuratidzai imi kupenya (mheni) sechityiso (kuvafambi) uye tarisiro (kune avo vakamirira kunaya kwemvura). Uye ndivo vanounza makore anorema (nemvura).
13. Uye mabhanan’ana anorumbidza nekukudza ivo, uye ngirozi dzinodarowo nekuvatya. Uye vanotumira mheni kuti vave vanorova nayo ani nani wavanoda, asi ivo (vasingatendi) vanopikisa pamusoro paAllah. Uye vane simba rese uye vanoranga zvakaomarara.
14. Ndivo vane shoko rechokwadi (Hapana ane kodzero yekunamatwa kunze kwaAllah). Uye avo vanovadana kunze kwavo (Allah), havavapinduri chimwe chinhu, kufanana nemunhu anotambanudza ruoko rwake (mumucheto metsime rinonyudza) kuti mvura ive inosvika pamuromo wake, asi haisviki kwaari; uye chikumbiro chevasingatendi hapana zviripo asi chinhu chisina basa.
15. Uye kuna Allah (chete) ndokwavanopfugamira vese vari mumatenga uye munyika vachida kana vasingadi, uye mimvuri yavo ndozvainoita mangwanani uye masikati.
16. Iti (iwe Muhammad (SAW)): “Ndiani Tenzi vematenga nenyika?” Iti: “(Ndi) Allah.” Iti: “Saka munotora here (pakunamata) vamwe vasiri Allah sevadziviriri, avo vasina simba rokuzvibetsera kana kuzvikuvadza pachavo?” Iti: “Bofu rakafanana here neuyo anoona? Kana rima (rakafanana here) nechiedza? Kana kuti vanosanganisa naAllah vamwe vanosika zvakafanana nezvakasikwa naAllah, nokudaro zvisikiwa zvacho zvakafanana kwavari?” Iti: “Allah ndivo musiki wezvose zvinhu, uye vamwechete, vane masimba (vasingakundwi).”
17. Vanotumira kubva kudenga mvura, uye nzizi dzinoyerera nechipimo chadzo, asi mapfashamu anokukura mafuro (epamusoro pevhu), uye kubva pa (chicherwa) chavanopisa mumoto kuti vave vanogadzira hukoshwa kana midziyo, inosimudza furo rakafanana nayo. Aya ndiwo maitiro aAllah mukutiratidza chokwadi uye manyepo. Nokudaro furo rinoenda sezvarinoita kumucheto erwizi. Asi izvo zvakanakira ruzhinji zvinosara munyika. Aya ndiwo mapiro anoita Allah maparabhuro (mienzaniso).
18. Avo vanodavira kusheedza kwaTenzi vavo (vakatenda muIslaam), vachawana zvakanaka (Paradhiso). Uye avo vasingadavire kusheedza kwavo (Tenzi), kunyange vakava nezvese zviri munyika nezvakafanana neizvozvo, vaizvipa kuti vazvinunure (kubva kumarwadzo aAllah, asi zvaishaiwa basa). Vakadaro vachatongwa (bvunzurudzwa) zvakaomarara. Uye nzvimbo yavo yokugara ichave Gehena. Inzvimbo yakaipisisa yekuzororera.
19. Uye anoziva izvo zvakadzikiswa kwauri (iwe Muhammad (SAW)) kubva kuna Tenzi vako kuti ichokwadi, akafanana here nebofu? Zvirokwazvo, avo vane nzwisiso ndivo vanorangarira.
20. Avo vanozadzisa chibvumirano chaAllah uye vasingachiputse.
21. Uye avo vanobatanidza izvo zvakakomekedzwa kuti zvibatanidzwe naAllah (vanochengetedza hukama), uye vanotya Tenzi vavo, uye kubvunzurudzwa kwakaomarara (pazuva rokutongwa).
22. Uye avo vanoramba vakatsungirira vachitsvaga kufadza Tenzi vavo, vachiita munamato, uye vachishandisa izvo zvatakavapa muchihwande uye pachena, uye vachidzivirira zvakaipa kuburikidza nezvakanaka, vakadaro vachawana magumo akanaka.
23. Paradhiso ravachapinda uye (zvekare) avo vaiita mabasa akanaka pakati pemadzibaba avo, uye vakadzi vavo, uye vana vavo. Uye ngirozi dzichapinda kwavari nemisuwo yese (dzichiti): 24. “Salaamun Alaykum (Rugare ngaruve kwamuri) nekutsungirira kwenyu! Zvirokwazvo, imba yokupedzisira yakanaka zvikuru!”
25. Uye avo vanoputsa chibvumirano chaAllah mushure mokuwirirana kwacho, uye vachityora izvo zvakarairwa naAllah kuti zvibatanidzwe (Hukama), uye vachiita mabasa akaipa munyika, kwavari kune kurengerwa (kutukwa), uye vachawana imba isina mufaro (Gehena).
26. Allah vanowedzera raramo kuna ani wavanoda kana kudzora (kuderedza), uye vobva vafara muhupenyu hwepanyika, asi iwo hupenyu hwepanyika tichiufananidza nehupenyu hwamangwana kamufaro kadiki (kanopfuura).
27. Uye avo vasingatendi vanoti: “Sei chiratidzo chisingadzikiswi kwaari (Muhammad (SAW)) kubva kuna Tenzi vake?” Iti: “Zvirokwazvo, Allah vanotsaudzira ani nani wavanoda uye vanotungamirira avo vanodzokera kwavari (Allah) vachikumbira ruregerero.”
28. Avo vanotenda (muIslaam), uye moyo yavo inogadzikana nekurangarira Allah. Zvirokwazvo, mukurangarira Allah ndimo munowana moyo zororo.
29. Avo vanotenda (muIslaam), uye voita mabasa akanaka, mufaro wese uchave kwavari nenzvimbo yakanaka yokudzokera (Paradhiso).
30. Saizvozvo takutumira iwe (Muhammad (SAW)) kuvanhu avo vamwe vanhu (marudzi) vakapfuura mushure mavo, kuti uve unovaverengera izvo zvatakuzarurira, asi ivo varimukusatenda muna muzvina tsitsi dzakanyanya (Allah). Iti: “Ndivo Tenzi vangu! Laa ilaaha illaa Huwa (Hapana chinokodzera kunamatwa kunze kwavo)! Kwavari ndinoisa vimbo yangu, uye kwavari ndiko kwandinodzokera ndichikumbira ruregerero.”
31. Uye dai zvirokwazvo pane Qur’aan rinoita kuti makomo afambe, kana kuti nyika itsemuke, kana kuti vakafa vataure (pasina rimwe kunze kweQur’aan rino). Asi zvirokwazvo mirairo yezvinhu zvose ina Allah. Nokudaro avo vanotenda havazizivi here kuti dai Allah vachida, vaitungamirira vanhu vose? Uye kuparadzwa hakugumi kuvawira avo vasingatendi nokuda kwemabasa avo (akaipa), kana kuti (kuparadzwa) kunogara padyo nedzimba dzavo, kusvika chivimbiso challah chaitika. Zvirokwazvo, Allah havaputsi chivimbiso chavo.
32. Uye zvirokwazvo vatumwa (vakawanda) vakashoropodzwa (vakasekwa) mushure mako (Muhammad (SAW)), asi ndakavapa nguva yokurarama avo vasingatendi, uye pakupedzisira ndakavaranga. Saka change chakaita sei chirango changu!
33. Saka (Allah) vanochengetedza munhu wese uye vanoziva zvaanowana (vakafanana here navanamwari vasingazivi chinhu)? Asi vanosanganisa Allah nezvimwe zvinhu. Iti: “Vataurei mazita avo! Ndizvo here kuti muchavaudza (Allah) zvavasingazivi munyika kana kuti kushamisira nemashoko enhema.” Asi kune avo vasingatendi, zvirongwa zvavo zvakaitwa kuti zvioneke sezvakanaka, uye vakavharirwa kunzira yakatwasuka, uye uyo Allah vanomuita kuti arasike, hapana angamutungamirire.
34. Kwavari marwadzo muhupenyu hwepano pasi, uye zvirokwazvo, marwadzo ehupenyu hwamangwana akanyanya. Uye havana mudziviriri pamberi paAllah.
35. Mufananidzo weParadhiso iro rakavimbiswa vatsvene: Muzasi maro mune nzizi dzinoerera, chokudya chemo hachiperi uye mvuri wayo; aya ndiwo magumo evatsvene, uye magumo evasingatendi moto (Gehena).
36. Uye avo vatakapa Bhuku (vakafanana naAbdullah bin Salaam nemamwe maJudha vakagamuchira chitendero cheIslaam) vanofarira izvo zvatakadzikisa kwauri (Qur’aan), asi mune vamwe pakati pemubatanidzwa (wemaJudha nevasingatendi) avo vanoramba chidimbu charo. Iti (Muhammad (SAW)): “Zvirokwazvo, ndakakomekedzwa kunamata Allah chete, kwete kusanganisa zvimwe navo. Kwavari (chete) ndinodana uye kudzokera kwangu kuchange kuri kwavari.”
37. Uye nokudaro takaritumira (Qur’aan) pasi kuti rive rinotonga mururimi rwechiArabhu. Uye zvirokwazvo, ukatevera (Muhammad (SAW)) zvido zvavo mushure mekunge ruzivo rwauya kwauri, hauzowani (kana ukadaro) muchengetedzi kana mudziviriri pamberi paAllah.
38. Uye zvirokwazvo, takatumira vatumwa mushure mako (Muhammad (SAW)), uye tikavapa madzimai uye nevana. Uye zvakanga zvisiri kumutumwa kuunza chiratidzo kunze nekuda kwaAllah. Pachinhu chose pane murairo (kubva kuna Allah).
39. Allah vanobvisa zvavanoda nekusiya zvakadaro (zvavanoda). Uye kwavari ndiko kuna Amai veBhuku (Al-Lauh al-Mahfoodh).
40. Kunyangwe (iwe Muhammad (SAW)) tikakuratidza chidimbu chezvatakavavimbisa kana kuita kuti ufe, basa rako chete ndere kusvitsa (Shoko), uye tisu tichabvunzurudza (tichatonga).
41. Havazvioni here kuti tirikutapudza nzvimbo (dzevatadzi tichidzipa vatendi kuburikidza mukukunda kwavo muhondo) kubva mumiganhu yadzo. Uye Allah ndivo mutongi, hakuna anodzora mumashure mutongo wavo, uye (Allah) vanokurumidza mukutonga.
42. Uye zvirokwazvo, avo vaiva mumashure mavo vakaronga, asi hurongwa hwese ndehwaAllah.
Vanoziva zvinowanikwa nemunhu wese, uye vasingatendi vachaziva kuti ndiani achawana magumo akanaka.
43. Uye avo vasingatendi vanoti: “Iwe (Muhammad (SAW)) hausi mutumwa.” Iti: “Allah vakakwana semufakazi pakati penyu neni, uye neavo vane ruzivo rweBhuku (saAbdullah bin Salaam nemamwe maJudha nemaKristu vakatambira chitendero cheIslaam).”