منتديات إنما المؤمنون إخوة (2024 - 2010) The Believers Are Brothers

(إسلامي.. ثقافي.. اجتماعي.. إعلامي.. علمي.. تاريخي.. دعوي.. تربوي.. طبي.. رياضي.. أدبي..)
 
الرئيسيةالأحداثأحدث الصورالتسجيل
(وما من كاتب إلا سيبلى ** ويبقى الدهر ما كتبت يداه) (فلا تكتب بكفك غير شيء ** يسرك في القيامة أن تراه)

soon after IZHAR UL-HAQ (Truth Revealed) By: Rahmatullah Kairanvi
قال الفيلسوف توماس كارليل في كتابه الأبطال عن رسول الله -صلى الله عليه وسلم-: "لقد أصبح من أكبر العار على أي فرد مُتمدين من أبناء هذا العصر؛ أن يُصْغِي إلى ما يظن من أنَّ دِينَ الإسلام كَذِبٌ، وأنَّ مُحَمَّداً -صلى الله عليه وسلم- خَدَّاعٌ مُزُوِّرٌ، وآنَ لنا أنْ نُحارب ما يُشَاعُ من مثل هذه الأقوال السَّخيفة المُخْجِلَةِ؛ فإنَّ الرِّسَالة التي أدَّاهَا ذلك الرَّسُولُ ما زالت السِّراج المُنير مُدَّةَ اثني عشر قرناً، لنحو مائتي مليون من الناس أمثالنا، خلقهم اللهُ الذي خلقنا، (وقت كتابة الفيلسوف توماس كارليل لهذا الكتاب)، إقرأ بقية كتاب الفيلسوف توماس كارليل عن سيدنا محمد -صلى الله عليه وسلم-، على هذا الرابط: محمد بن عبد الله -صلى الله عليه وسلم-.

يقول المستشرق الإسباني جان ليك في كتاب (العرب): "لا يمكن أن توصف حياة محمد بأحسن مما وصفها الله بقوله: (وَمَا أَرْسَلْنَاكَ إِلَّا رَحْمَةً لِّلْعَالَمِين) فكان محمدٌ رحمة حقيقية، وإني أصلي عليه بلهفة وشوق".
فَضَّلَ اللهُ مِصْرَ على سائر البُلدان، كما فَضَّلَ بعض الناس على بعض والأيام والليالي بعضها على بعض، والفضلُ على ضربين: في دِينٍ أو دُنْيَا، أو فيهما جميعاً، وقد فَضَّلَ اللهُ مِصْرَ وشَهِدَ لها في كتابهِ بالكَرَمِ وعِظَم المَنزلة وذَكَرَهَا باسمها وخَصَّهَا دُونَ غيرها، وكَرَّرَ ذِكْرَهَا، وأبَانَ فضلها في آياتٍ تُتْلَى من القرآن العظيم.
(وما من كاتب إلا سيبلى ** ويبقى الدهر ما كتبت يداه) (فلا تكتب بكفك غير شيء ** يسرك في القيامة أن تراه)

المهندس حسن فتحي فيلسوف العمارة ومهندس الفقراء: هو معماري مصري بارز، من مواليد مدينة الأسكندرية، وتخرَّجَ من المُهندس خانة بجامعة فؤاد الأول، اشْتُهِرَ بطرازهِ المعماري الفريد الذي استمَدَّ مَصَادِرَهُ مِنَ العِمَارَةِ الريفية النوبية المَبنية بالطوب اللبن، ومن البيوت والقصور بالقاهرة القديمة في العصرين المملوكي والعُثماني.
رُبَّ ضَارَّةٍ نَافِعَةٍ.. فوائدُ فيروس كورونا غير المتوقعة للبشرية أنَّه لم يكن يَخطرُ على بال أحَدِنَا منذ أن ظهر وباء فيروس كورونا المُستجد، أنْ يكونَ لهذه الجائحة فوائدُ وإيجابيات ملموسة أفادَت كوكب الأرض.. فكيف حدث ذلك؟!...
تخليص الإبريز في تلخيص باريز: هو الكتاب الذي ألّفَهُ الشيخ "رفاعة رافع الطهطاوي" رائد التنوير في العصر الحديث كما يُلَقَّب، ويُمَثِّلُ هذا الكتاب علامة بارزة من علامات التاريخ الثقافي المصري والعربي الحديث.
الشيخ علي الجرجاوي (رحمه الله) قَامَ برحلةٍ إلى اليابان العام 1906م لحُضُورِ مؤتمر الأديان بطوكيو، الذي دعا إليه الإمبراطور الياباني عُلَمَاءَ الأديان لعرض عقائد دينهم على الشعب الياباني، وقد أنفق على رحلته الشَّاقَّةِ من مَالِهِ الخاص، وكان رُكُوبُ البحر وسيلته؛ مِمَّا أتَاحَ لَهُ مُشَاهَدَةَ العَدِيدِ مِنَ المُدُنِ السَّاحِلِيَّةِ في أنحاء العالم، ويُعَدُّ أوَّلَ دَاعِيَةٍ للإسلام في بلاد اليابان في العصر الحديث.


 

 CHITSAUKO AT-TAUBAH

اذهب الى الأسفل 
كاتب الموضوعرسالة
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn
مؤسس ومدير المنتدى
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn


عدد المساهمات : 49335
العمر : 72

CHITSAUKO AT-TAUBAH Empty
مُساهمةموضوع: CHITSAUKO AT-TAUBAH   CHITSAUKO AT-TAUBAH Emptyالإثنين 21 مارس 2022, 9:59 pm

CHITSAUKO AT-TAUBAH
(RUREGERERO) 9
1. Rusununguko kubva kuna Allah nemutumwa wavo kune avo maMushrikoon (vasingatendi muhumwe hwaAllah) vamakaita chibvumirano navo.
2. Naizvozvo fambai makasununguka (maMushrikoon) kwemwedzi mina munyika, asi zivai kuti hamugoni kutiza (murango wa) Allah; uye Allah vachanyadzisa vasingatendi.
3. Uye chiziviso kubva kuna Allah nemutumwa wavo kuvanhu nezvezuva guru (10th Dhul-Hijjah) kuti Allah vakasununguka kubva kumaMushrikoon (vasingatendi muhumwe hwaAllah) zvimwechetewo nemutumwa wavo. Nokudaro kana mukakumbira ruregerero zvakakunakirai, asi kana mukafuratira, zvino chizivai kuti hamukwanisi kutiza (murango wa) Allah. Uye zivisa (iwe Muhammad (SAW)) nezvemurango unorwadza kune avo vasingatendi.
4. Kunze kweavo maMushrikoon vamuine chibvumirano navo, uye havana kukurasisai muchimwe chinhu, kana kumbobetsera chero munhu kukurwisai. Naizvozvo zadzikisai chibvumirano kwavari kusvika kumagumo kwenguva yavo. Zvirokwazvo, Allah vanoda Al-Muttaqoon (avo vatsvene).
5. Zvino kana mwedzi inoera (1st, 7th, 11th uye mwedzi wechi 12) yapfuura, zvino chiurayai maMushrikoon (avo vasingatendi muhumwe hwaAllah) kupi zvako kwamunovawana, uye vatapei uye movakomberedza, uye movarindirira panzira dzose. Asi kana vakakumbira ruregerero uye voita Swalaah, uye vopa zvipo (Zakaah), zvino chisiyai nzira yavo yakafaranuka. Chokwadi, Allah vanoregerera zvikuru, uye vane tsitsi zhinji.
6. Uye kana mumwe wemaMushrikoon akatsvaga kuchengetedzwa nemi, zvino chimuchengetedzai kuti pamwe anganzwa shoko raAllah (Qur’aan), uye mushure mezvo muendesei kwanogara zvakanaka. Izvi nokuda kwekuti vanhu vasingazivi.
7. Ko pangava nechitsidzirano sei naAllah nemutumwa wavo (SAW) kuma Mushrikoon (avo vasingatendi muhumwe hwaAllah), kunze kweavo vamakaita chitsidzirano navo padyo neAl-Masjid al-Haraam (kuMakkah)? Kana vari pachokwadi kwamuri, chivaiwo pachokwadi kwavari.
Zvirokwazvo, Allah vanoda Al-Muttaqoon (avo vanovatya, vatsvene).
8. Ko (pangave nechitsidzirano sei navo) kuti kana imi makurirwa navo, havakoshesi zvisungo zvingava zveukama kana chibvumirano chamakaita navo? Ne (mashoko akanaka avanotaura) vanokufadzai, asi moyo yavo iri kure nemi, uye vazhinji vavo vapanduki (vatadzi).
9. Vakatenga nehumboo hwaAllah porofiti shoma, uye vanorambidza (vanhu) kunzira yaAllah; zvirokwazvo chitadzo ndeizvo zvavaiita.
10. Maererano nemutendi, havaremekedzi zvisungo, kunyange zveukama kana chitsidzirano! Ndivo vanopfurikidza mwero (vatadzi).
11. Asi kana vakakumbira ruregerero, voita Swalaah, uye vopa zvipo (Zakaah), zvino madzikoma enyu muchitendero. (Nenzira iyi) tinotsanangura humboo zvizere kune vanhu vanoziva.
12. Asi kana vakatyora kupika kwavo mushure mechitsidzo chavo, uye vorwisa chitendero chenyu nekushoropodza nekutsvinyira, zvino chirwisai vatungamiriri vekusatenda (vekuMakkah), nokuti chokwadi kupika kwavo hakuna zviripo kwavari, kuitira kuti vagosiya (zvakaipa).
13. Mungaregere here kurwisa vanhu vakatyora kupika kwavo (vekuMakkah), uye vaida kudzinga mutumwa (SAW) apo vakakurwisai pakutanga? Munovatya here? Allah ndivo vane kodzero dzakanyanya kuti muvatye kana muri vatendi.
14. Varwisei kuitira kuti Allah vagovaranga kuburikidza nemaoko enyu, uye kuvanyadzisa, uye kukukundisai kwavari, uye kurapa moyo yevanhu vanotenda.
15. Uye kubvisa ruvengo pamoyo yavo (vatendi). Allah vanotambira kukumbira ruregerero kweuyo wavanoda. Allah vanoziva zvose, vane huchenjeri hwose.
16. Munofunga kuti muchasiiwa makadaro Allah vasina kuedza avo vakashanda nesimba uye kurwa pakati penyu, uye vakaregera kutora vabetseri kunze kwaAlla, nemutumwa wavo (SAW), uye nevatendi. Allah ndivo vanonyatsoziva zvamunoita.
17. Hazvina kukodzera kune vasingatendi kuti vagare mumaMasjid aAllah (kunamata maari, kuwachenesa pamwe nekuvaka), ivo vachipa huchapupu hwekusatenda munaAllah pachavo.
Mabasa avo haambovabetseri uye vachagara kumoto zvachose.
18. Zvirokwazvo, maMasjid aAllah anofanirwa kugadzirwa neavo vanotenda muna Allah uye muzuva rekupedzisira; vanoita Swalaah (Munamato), vanopa Zakaah (Zvipo kuvarombo), uye vanotya Allah chete. Ava ndivo vari mugwara rechokwadi.
19. Nemhaka yei muchitora kupa mvura kuavo vanouya kuHajj neavo vanogadzira paAl-Masjid Al-Haraam (kuMakkah) sevakafanana neuyo anotenda kuna Allah uye muzuva rokupedzisira, uye anoshanda nesimba nekurwa munzira yaAllah? Havana kufanana pamberi paAllah. Uye Allah havaratidzi gwara avo vanotadza.
20. Avo vakatenda (muhumwe hwaAllah), uye vakasiya misha yavo, uye vakashanda nesimba nekurwa munzira yaAllah nehupfumi hwavo nehupenyu hwavo, vane chigaro chepamusoro kuna Allah. Ava ndivo vakabudirira.
21. Tenzi vavo vanovapa mashoko akanaka etsitsi kubva kwavari, uye kufara kwavo (navo), uye Paradhiso umo vachawana mafaro asina magumo.
22. Vachagaramo nokusingaperi. Zvirokwazvo, kuna Allah kune mubairo mukuru.
23. Imi vanotenda! Musatora madzibaba enyu nemadzikoma enyu sevabetseri kana vasarudza kusatenda pamusoro pekutenda (kuna Allah). Uye uyo anodaro pakati penyu, nokudaro ndeumwe weavo vanotadza.
24. Taura kuti: Kana madzibaba enyu, vana venyu, madzikoma enyu, vakadzi venyu, hama dzenyu, hupfumi hwamakawana, mabhizimusi amunotyira kuti angangodzikira, uye dzimba dzamunofarira, kana muchinyanya kuzvida kupfuura Allah nemutumwa wavo (SAW), uye kushanda nesimba pamwe nekurwa munzira yaAllah, zvino chimirirai kusvikira Allah vaunza mutongo wavo. Uye Allah havatungamiriri avo vasingateereri.
25. Zvirokwazvo, Allah vakakupai budiriro muhondo zhinji, uye pazuva reHunain (Hondo) apo kuwanda kwenyu kwakaita kuti muzvitutumadze, asi hazvina kukubatsirai uye nyika nekukura kwayo yakaita idiki kwamuri, naizvozvo makadzokera shure makundikana (muchitiza).
26. Nokudaro Allah vakadzikisa runyararo (kugadzikana) kune mutumwa wavo (Muhammad (SAW)), uye nekuvatendi, uye vakatumira pasi mauto (ngirozi) amusina kuona, uye vakaranga vasingatendi. Uye uhu ndiwo mugove wevasingatendi.
27. Zvino mushure mezvo Allah vachatambira kukumbira ruregerero kweuyo wavanoda. Uye Allah ndivo vanoregerera zvikuru, vane tsitsi zhinji.
28. Imi vanotenda (vanotenda muhumwe hwaAllah)! Zvirokwazvo, maMushrikoon (avo vasingatendi muhumwe hwaAllah) vakasviba. Naizvozvo vasauya padyo neAl-Masjid Al-Haraam (kuMakkah) kana gore iri rapera; uye kana muchitya urombo, Allah vachakuitai vapfumi kana vachida, kuburikidza nehupfumi hwavo. Zvirokwazvo, Allah vanoziva zvose, vane huchenjeri hwese.
29. Rwisai avo vasingatendi kuna Allah nezuva rekupedzisira, uye vasingarambidzi izvo zvakarambidzwa naAllah nemutumwa wavo (Muhammad (SAW)), neavo vasingatambiri chitendero chechokwadi (Islaam) pakati peavo vakapihwa Gwaro (maJudha nemaKristu) kusvikira vabhadhara Jizyah (mari inobviswa nemaJudha nemaKristu ari pasi pechengetedzo yehurumende yemaMuslim) vachida nemwoyo yavo, uye vachizvininipisa pachavo.
30. Uye maJudha vanoti: “Ezira mwanakomana waAllah,” uye maKristu vanoti: “Jesu mwanakomana waAllah.” Uku ndiko kutaura kwavo nemiromo yavo, vachitevedzera kutaura kweavo vakanga vasingatendi mushure. Kushorwa naAllah ngakuve kwavari, (nokuda) kwekurasika kwavanoita nzira yakanaka.
31. Vanotora (maJudha nemaKristu) vafundisi uye vadzidzi (vanogara muchechi vachinamata) vavo sevanamwari vachisiya Allah (kuburikidza nekuvateerera pavanobvumidza kana kurambidza zvinhu zvichienderana nezvido zvavo vasina mvumo kubva kuna Allah), uye (vanotora samwari wavo) Jesu Kristu, mwanakomana waMariya, asi ivo (maJudha nemaKristu) vakange vakomekedzwa (muTorah neVhangeri) kunamata Mwari mumwechete (Allah), Laa ilaaha illaa Huwa (Hakuna anekodzero yokunamatwa kunze kwavo). (Allah) Ngavakudzwe pamusoro peizvo zvavanovasanganisa nazvo.
32. Vanoda (vasingatendi) kudzimura mwenje waAllah (Islaam) nemiromo yavo, asi Allah havambozvitenderi kunze kwekuti mwenje wavo unatsurudzwe kunyangwe vasingatendi (maKuffaar) vachizvivenga.
33. (Allah) ndivo vakatuma mutumwa wavo (Muhammad (SAW)) negwara kwaro uye chitendero chechokwadi (Islaam), kuti chive chepamusoro pezvitendero zvose kunyangwe zvazvo maMushrikoon (vasingatendi muhumwe hwaAllah) vachizvivenga.
34. Imi vanotenda! Zvirokwazvo, pane vadzidzi vazhinji vechi Judha nevechi Kristu vanodya hupfumi hwevanhu nemanyepo, uye vanovadzivirira kupinda munzira yaAllah (Islaam). Uye avo vanounganidza goridhe nesirivha vobva vaishandisa munzira isiri yaAllah, vazivise nezvemurango unorwadza.
35. Pazuva iro (goridhe nesirivha) pazvichapiswa mumoto weGehena vagopiswa misoro yavo nazvo, uye mativi avo uye kumashure kwavo. (Zvichanzi kwavari): “Uhwu ndihwo hupfumi hwamakazviunganidzira imi. Zvino chiravirai zvamakaunganidza.”
36. Zvirokwazvo, kuverengwa kwemwedzi kuna Allah igumi nemiviri (paGore), ndizvo zvakatarwa naAllah pazuva ravakasika matenga nenyika; kubva mairi mina inoera (1st, 7th, 11th, nemwedzi wechi 12). Ichi ndicho chitendero chakatwasuka, naizvozvo musazvitadzire mairi (mwedzi mina), uye rwisai mese maMushrikoon (avo vasingatendi muhumwe hwaAllah) sekukurwisai kwavanoita vose. Asi zivai kuti Allah vane Al-Muttaqoon (avo vanovatya, vatsvene).
37. Zvirokwazvo, kunonotsa (mwedzi unoera) kupamhidzira mukusatenda; mukudaro vasigatendi vanotungamirwa mukurasika, nokuti vanoubvumidza rimwe gore vobva vourambidza rimwe gore kuitira kuti vawedzere mwedzi yakarambidzwa naAllah, uye vobvumidza izvo zvakarambidzwa naAllah. Kushata kwezviito zvavo kunoitwa sokunge kwakanaka kwavari. Uye Allah havatungamiriri vanhu vasingatendi.
38. Imi vanotenda! Chii chinonetsa kwamuri, kuti kana mukanzi fambai munzira yaAllah (Jihaad) munoramba mogadzikika munyika? Munofadzwa here nehupenyu hwenyika ino kupfuura hupenyu hwemangwana? Asi kunakirwa kwehupenyu hwenyika ino inguva diki kufananidza nehupenyu hwamangwana.
39. Kana mukasafamba (munzira yaAllah), vachakurangai nemutongo unorwadza uye vachakutsivai nevamwe vanhu; uye hamukwanisi kuvarwadzisa zvachose, uye Allah vanokwanisa kuita zvose.
40. Kana (Muhammad (SAW)) mukasamubetsera (hazvina mhaka), nokuti zvirokwazvo Allah vakamubetsera apo vasingatendi vakamutandanisa, ari umwe wevaviri; apo paive vose (Muhammad (SAW) na Abu Bakr (RA)) mubako, akati kune umwe wake (Abu Bakr (RA)): “Usatye! Zvirokwazvo, Allah vanesu.” Zvino Allah vakatumira runyararo (kugadzikana) kwaari, uye vakamusimbisa nemauto (ngirozi) vamusina kuvaona, uye vakabva vadzikisira mashoko evasingatendi, apo shoko raAllah rakave pamusoro; uye Allah ndivo mukuru-kuru, vane hungwaru hwose.
41. Fambai (munzira yaAllah), mungave musingaremi (mune hutano, vechidiki, uye vapfumi) kana muchirema (kuchembera kana kutambura), uye shingirirai zvakasimba neupfumi hwenyu neupenyu hwenyu munzira yaAllah. Izvi zvakanaka kwamuri kana muchiziva.
42. Dai yaiva mhimbiri iri padyo nerwendo rwepedyo, vangadai vakakutevera, asi mufambo (weku Tabook) wakanga uri murefu kwavari; uye vachapika naAllah vachiti: “Dai taikwanisa, taifamba nemi.” Vanozviparadza pachavo, uye Allah vanoziva zvirokwazvo kuti vanonyepa.
43. Allah ngavakuregerere (iwe Muhammad (SAW)). Sei wakavapa mvumo (yekuti vasare; wairamba uchivakurudzira kuenda kuJihaad), kusvikira avo vaireva chokwadi vaonekwa newe pachena, uye ukabva waziva vanyepi.
44. Avo vanotenda kuna Allah nezuva rokupedzisira havakumbiri mvumo yako kuti vasiiwe kunorwa nehupfumi hwavo nehupenyu hwavo; uye Allah vanoziva zvikuru Al-Muttaqoon (vose vanovatya, vatsvene).
45. Vanokumbira mvumo yako ndeavo chete vasingatendi kuna Allah uye nezuva rekupedzisira, uye vane moyo isina chokwadi. Naizvozvo mukusagutsikana kwavo vanoenderera mberi.
46. Uye dai vakada kufamba, chokwadi vangadai vakaita gadziriro yacho; asi Allah havana kufarira kutumirwa kwavo, naizvozvo vakavaita kuti vasare, uye zvikanzi (kwavari): “Garai imi neavo vanogara (mudzimba).”
47. Dai vakafamba newe, vangadai vasina kana chavakawedzera kwauri kunze kwekusarongeka, uye vangadai vakamhanyira pakati penyu (vachikonzera nyonganyonga) uye miedzo kwamuri, uye pane vamwe mukati menyu vaizovateerera. Uye Allah vanoziva zvikuru vose vatadzi.
48. Zvirokwazvo, vakamboronga miedzo (nyonganyonga) kare, uye vakanga vatokanganisa hurongwa hwako, kusvikira chokwadi chauya uye hurongwa hwaAllah (Islaam) hwazadzikiswa kunyangwe vaizvivenga.
49. Uye mukati mavo mune uyo anoti: “Ndipewo mvumo (kuti ndisaende kunorwa) uye usandipinza pamuedzo.” Chokwadi, vatowira mumiedzo. Uye chokwadi, Gehena rakakomboredza vasingatendi.
50. Kana zvakanaka zvikakuwira (iwe Muhammad (SAW)) zvinovarwadza, asi kana matambudziko akauya kwauri, vanoti: “Takaita zvido zvedu kare (takazvichengetedza kare),” uye vanofuratira vachifara.



CHITSAUKO AT-TAUBAH 2013_110
الرجوع الى أعلى الصفحة اذهب الى الأسفل
https://almomenoon1.0wn0.com/
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn
مؤسس ومدير المنتدى
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn


عدد المساهمات : 49335
العمر : 72

CHITSAUKO AT-TAUBAH Empty
مُساهمةموضوع: رد: CHITSAUKO AT-TAUBAH   CHITSAUKO AT-TAUBAH Emptyالإثنين 21 مارس 2022, 10:08 pm

51. Iti: “Hapana chichaitika kwatiri kunze kweizvo zvakanzi naAllah zvichaitika kwatiri. Ndivo muchengetedzi wedu.” Uye vatendi ngavaise vimbo yavo kuna Allah.
52. Iti: “Munotarisira here kwatiri (chimwe chinhu) kunze kwechimwe chezviviri zvakanaka (kufa kana kukunda)? Isu tichimirira kuti pamwe Allah vangakurangai nemurango kubva kwavari, kana kuburikidza nemaoko edu. Naizvovo mirirai, isuwo takamirirawo pamwe nemi.”
53. Iti: “Ipai (munzira yaAllah) muchida kana musingadi, hazvimbotambirwi kubva kwamuri. Chokwadi, muri vanhu vasingateereri (Allah).”
54. Hapana chinokonzera kuti zvipo zvavo zvisatambirwe kunze kwekuti havana kutenda muna Allah uye nemutumwa wavo (Muhammad (SAW)), uye nekuti havauyi kuSwalaah (Munamato) kunze kwekuti vaine usimbe, uye vanopa rubetsero vasingadi.
55. Naizvozvo hupfumi hwavo husakushamisa (Muhammad (SAW)) kana vana vavo. Muzvikwazvo, hurongwa hwaAllah kuvaranga neizvi muhupenyu hwepanyika ino, uye kuti mweya yavo iyende (kufa) ivo vasiri vatendi.
56. Vanopika naAllah kuti vanewe muchokwadi asi ivo vasiri newe, asi vanhu (vanyengedzi) vanotya (kuti ungavauraya).
57. Kana dai vaikwanisa kuwana kwekutizira, kana mapako, kana nzvimbo yekupinda zvayo
(yekuwanda), vaizopindamo vachimhanya (nekukasika).
58. Uye pakati pavo pane vamwe vanokupomera (iwe Muhammad (SAW)) maererano nezvipo (Swadaqah). Kana vakapiwa chidimbu kubva mazviri, ivo vanofadzwa, asi kana vakasapiwa kubva mazviri vanotsamwa!
59. Dai vakagutsikana nezvavakapiwa naAllah nemutumwa wavo (SAW) uye voti: “Allah vanotikwanira, Allah vachatipa makomborero avo, uye mutumwa wavo (SAW) zvakare (kubva muZvipo (Swadaqah)). Zvirokwazvo, tinokumbira Allah kuti vatipfumise.”
60. “As-Swadaqaat (Zakaah - Zvipo) nde evanotambura, uye vanoshaya, uye avo vakapiwa basa rokuunganidza (Zakaah), uye kukwezva moyo yeavo varikuswedera padyo (neIslaam), uye kusunungura nhapwa, uye neavo vane zvikwereti, uye nemunzira yaAllah, uye neuyo ari parwendo (anorasikirwa nemari kana kubirwa kana kupera), ibasa rakatarwa naAllah. Uye Allah vanoziva zvose, vane hungwaru hwose.
61. Uye pakati pavo pane avo vanotsvinyira muporofita (Muhammad (SAW)) uye vachiti: “Arikuteya nzeve dzake kuti anzwe zvose.” Iti: “Anoteerera chete izvo zvakanaka kwamuri; anotenda muna Allah; anovimba nevatendi; uye inyasha kune vamwe venyu vanotenda. Asi avo vanotsvinyira mutumwa waAllah (Muhammad (SAW)), vachawana murango unorwadza.
62. Vanopika naAllah kwamuri (maMuslim) vachida kukufadzai, asi zvakafanira kuti vafadze Allah nemutumwa wavo (Muhammad (SAW)) kana vari vatendi.
63. Havazivi here kuti uyo anopokana pamwe nekuratidza ruvengo kuna Allah nemutumwa wavo (SAW), zvirokwazvo kwaari kuchave nemoto weGehena, maachagara nokusingaperi. Uku ndiko kudzikisirwa kwepamusoro.
64. Vanyengedzi vanotya kuti pamwe chitsauko (cheQur’aan) chingadzikiswa maererano nezvavo, chichivaratidza zviri mumoyo yavo. Iti: “Endai mberi nekutsvinyira! Asi chokwadi Allah vachaburitsa pachena zvose zvamunotya.”
65. Kana ukavabvunza (pamusoro peizvi), vanoti: “Takanga tichingotaura tichitamba.” Iti: “Mange muchitsvinyira here Allah, nehumboo hwavo uye nemutumwa wavo (SAW)?”
66. Musape boterere; hamuna kutenda mushure mokunge mambotenda. Kana tikaregerera vamwe venyu, ticharanga vamwe venyu nokuti vakanga vasiri vatendi.
67. Vanyengedzi, vakadzi nevarume, vanhu vamwe chete; vanokurudzira (vanhu) zvakaipa, uye vanorambidza (vanhu) kuita zvakanaka, uye vanovhara maoko avo (vasingadi kupa Zvipo (Zakaah)). Vakanganwa Allah, nokudaro (Allah) vavakanganwawo. Zvirokwazvo, vanyengedzi vatadzi.
68. Allah vakavimbisa vanyengedzi, varume nevakadzi, uye nevasingatendi, moto weGehena, umo vachagara. (Gehena) richavakwanira. Allah vakavashora uye kwavari kune murango usingaperi.
69. Seavo vakange varipo musati mavepo. Vakanga vaine simba rakakunda renyu, uye vakanga vaine hupfumi hwakawanda pamwe nevana. Vakanakidzwa nechidimbu chavo, naizvozvo nakidzwai nechidimbu chenyu sokunakidzwa kwakaitwa avo vakange varipo imi musati mavepo nechidimbu chavo; uye makatamba nekuvaraidza nguva (muchinyepa pamusoro paAllah uye nemutumwa wavo Muhammad (SAW)) sokutamba kwavakaita nokuvaraidza nguva. Vanhu vakadaro ndivo mabasa avo asina basa panyika nokudenga. Uye ava ndivo vanhu vakarasikirwa.
70. Ko nyaya yeavo vakange varipo ivo vasati vavepo haina kuvasvikira here? Vanhu vaNowa, maAad, uye maThamood, uye vanhu vaAbrahamu, uye vagari vekuMadyan (Midian), uye nemaguta akaparadzwa (vanhu vaLoti); kwavari kwakauya vatumwa nehumboo huri pachena.
Naizvozvo havasi Allah vakavatadzira, asi kuti vakazvitadzira pachavo.
71. Uye vatendi, varume nevakadzi, vanobetserana; vanokurudzira (vanhu) kuita mabasa akanaka, uye vanorambidza (vanhu) kuita mabasa akashata; vanoita Swalaah (Munamato), uye vanopa Zakaah (Zvipo), uye vanoteerera Allah nemutumwa wavo. Allah vachavaitira nyasha.
Zvirokwazvo, Allah ndivo samasimba, vane huchenjeri hwese.
72. Allah vakavimbisa vatendi, varume nevakadzi, Paradhiso rine nzizi dzinoerera kuti vachagara imomo nokusingaperi, uye mudzimba dzakanaka mumapindu eEden (Paradhiso). Asi makomborero makuru kufadzwa kwakanaka kwaAllah. Ndiko kubudirira kwemhando yepamusoro.
73. Iwe Muporofita (Muhammad (SAW))! Shingirira zvakasimba kurwa nevasingatendi uye
vanyengedzi, uye uite ukasha kwavari, uye nzvimbo yavo yokugara iGehena, uye zvirokwazvo magumo akadaro ndiwo akashata (anorwadza).
74. Vanopika naAllah kuti hapana chavakataura (chakashata), asi muzvokwadzi vakataura mashoko ekusatenda, uye havana kutenda mushure mokunge vatambira Islaam, uye vakaramba vaine hurongwa (wekuuraya Muhammad (SAW)), uhwo vasina kukwanisa kuuita, uye Havana kukwanisa kuwana chikonzero chekuzviita kunze kwekuti Allah nemutumwa wavo (SAW) vakanga vavaita vapfumi nemakomborero avo. Asi kana vakakumbira ruregerero, zvakanaka kwavari; asi kana vakafuratira, Allah vachavaranga nemurango unorwadza muhupenyu hwepanyika uye hwemangwana (kudenga). Uye hakuna umwe kwavari somuchengeti kana mubetseri pano panyika.
75. Uye pakati pavo pane vamwe vakaita chitsidzirano naAllah vachiti: “Kana vakatipa kubva muhupfumi hwavo, zvirokwazvo tichapa Swadaqah (Zakaah nezvimwe zvipo zvisingamanikidzirwi munzira yaAllah), uye chokwadi tinozove pamwechete neavo vakanaka.”
76. Zvino pavakavapa kubva muhupfumi hwavo, vakaomera uye vakabva vafuratira vasingadi.
77. Naizvozvo vakavaranga kuburikidza nehunyengedzi mumoyo yavo kusvikira zuva iro vachasangana navo (Allah), nokuti vakaputsa chirangano icho vakange vavimbisa kwavari uye nokuti vaigaro taura manyepo.
78. Havazivi here kuti Allah vanoziva zvakavanzika zvavo, uye nemisangano yavo yakavanzika, uye kuti Allah ndivo vanoziva zvose zvisingaoneki.
79. Avo vanotaura zvakaipa pamusoro pevatendi avo vanopa zvipo vachida (munzira yaAllah), uye avo vasingakwanise kuwana nzira yokupa zvipo (munzira yaAllah) kusara kwezvavainazvo, nokudaro vanovatsvinyira (vatendi); Allah vachavadzosera kutsvinya kwavo kwavari, uye vachave vanowana mutongo unorwadza.
80. Kunyangwe iwe (Muhammad (SAW)) ukavakumbirira ruregerero kana kusavakumbirira ruregerero, uye kunyangwe ukavakumbirira ruregerero kanokwana kuita makumi manomwe, Allah havambovaregereri nokuda kwekuti havana kutenda kuna Allah uye mutumwa wavo (SAW). Uye Allah havatungamiriri vanhu vanokanganisa.
81. Avo vakasara (pahondo yeTabook), vakafara nekusara kwavo mumashure memutumwa (SAW); uye vakavenga kushanda pamwe nekurwa nehupfumi hwavo nehupenyu hwavo munzira yaAllah, uye vakati: “Regai kufamba (kuenda) kuchipisa.” Iti: “Moto weGehena unonyanya kupisa,” kana vachinzwisisa!
82. Nokudaro vasiye vaseke zvishoma uye vachachema zvakanyanya semubairo wezvavaiwana (mukutadza).
83. Kana Allah vakakudzorera shure kune vamwe vavo (vanyengedzi), uye vakakumbira mvumo yako kuti vaende (kunorwa), iti: “Hamuchafi makaenda neni kana kurwisa muvengi neni.
Zvirokwazvo, makafadzwa nekugara pachiitiko chokutanga, naizvozvo garai neavo vanosara.”
84. Uye (iwe Muhammad (SAW)) usafa wakanamata (munamato wenyariro) kune umwechete wavo zvake kana afa, kana kumira paguva rake. Zvirokwazvo, havana kutenda kuna Allah nemutumwa wavo (SAW), uye vakafa vari vatadzi.
85. Uye usashamiswa nehupfumi hwavo nevana vavo. Zvirokwazvo, hurongwa hwaAllah ndehwe kuvaranga nezvinhu izvozvi panyika, uye kuti mweya yavo iyende (ife) ivo vasiri vatendi.
86. Uye kana Chitsauko (cheQur’aan) chikadzikiswa, chichivakurudzira kutenda kuna Allah nekushinga zvakasimba uye kurwa pamwechete nemutumwa wavo (SAW), vapfumi mukati mavo vanokukumbira mvumo yako (kuti iwe uvasiye pakunorwa), uye vanoti: “Tisiye (tisare), tichange tiine avo vanogara (mudzimba).”
87. Vanonzwa zvakanaka kuve neavo (vakadzi) vanosara (mudzimba). Moyo yavo yakavharwa (kubva mune zvakanaka), naizvozvo havanzwisisi.
88. Asi mutumwa (Muhammad (SAW)) uye neavo vanotenda pamwechete naye (muchitendero cheIslaam) vakashinga zvakasimba uye vakarwa nehupfumi hwavo nehupenyu hwavo (munzira yaAllah). Vanhu vakadaro ndivo vachawana zvakanaka, uye ndivo vanhu vachange vakabudirira.
89. Kwavari (vanhu ava) Allah vakavagadzirira mapindu (Paradhiso) ane nzizi dzinoerera pasi pawo, kuti vagare imomo zvachose. Uku ndiko kubudirira kwepamusoro.
90. Uye avo vanogara kumaruwa vakauya vachipa zvikonzero (kwauri, Muhammad (SAW)) vachikumbira mvumo yako kuti uvasiye (kuhondo), uye avo vakanga vanyepa kuna Allah nemutumwa wavo (SAW) vakagara pamba (zvisina mvumo); murango unorwadza uchavaparadza avo pakati pavo vasingatendi.
91. Hapana mhosva kune avo vasina simba uye vanorwara kana vasingakwanisi kuwana zvekushandisa (muhondo), kana vakavimbika uye muchokwadi kuna Allah nemutumwa wavo.
Hapana kuchema-chema maererano neavo vanoita zvakanaka. Allah vanoregerera zvikuru, uye vane tsitsi zhinji.
92. Kana kuti (hapana mhosva) kune avo vakauya kwauri kuti uvape zvekufambisa, apo iwe pawakati: “Handikwanisi kukuwanirai zvekufambisa zvenyu.” Vakadzokera apo maziso avo achierera misodzi nekuda kweshungu kuti havasi kukwanisa kuwana kana chii zvacho chokuti vashandise (muhondo/Jihaad).
93. Zvirokwazvo, mhosva ingori kune avo vapfumi, asi vanokumbira kusiiwa. Vanonzwa zvakanaka kuve ne (vakadzi) vanosara mushure (mudzimba), uye Allah vakavhara moyo yavo (kubva kune zvose zvakanaka nekutungamirwa kwakanaka) kuitira kuti vasazive (zvavari kurasikirwa nazvo).
94. (Vanyengedzi) vachave vanokukumbirai ruregerero (imi maMuslim) apo pamunenge madzokera kwavari. (Iwe Muhammad (SAW)) vataurire (kuti): “Musakumbire (henyu) ruregerero (isu maMuslim), hatimbozofi takatenda mamuri. Zvirokwazvo, Allah vakatotiudza kare maererano nenyaya dzenyu. Allah nemutumwa wavo (SAW) vachave vanotarisa mabasa enyu. Pedzezvo muchave munodzoserwa kune muzivi wezvose zvisingaoneki nezvinooneka, uye (Allah) vachave vanokuzivisai izvo zvamaiita.”
95. Vachapika naAllah kwamuri imi (maMuslim) kana muchinge madzokera kwavari, nechinangwa chekuti muvaregerere. Naizvozvo ivai munovafuratira. Muzvirokwazvo, (vanhu) vakasviba (nekuda kwemabasa avo asina kururama), uye Gehena (Moto) ndiyo nzvimbo yavo yavachagara, uri mubairo wezvavaiwana.
96. (Vanyengedzi) Vanopika kwamuri (maMuslim) nechinangwa chekuti muve munofadzwa navo, naizvozvo kana mafadzwa navo, muzvirokwazvo Allah havafadzwi nevanhu vanoita mabasa akaipa.
97. MaA’raab (maArabhu aigara kumamisha, vachirarama nekuchengeta zvipfuyo munyika yeSaudi Arabia) ndivo vakanyanya kusatenda (muna Allah) nehunyengedzi, uye varipedo nekusaziva miganhu (mitemo yaAllah yose) iyo Allah vakave vanotumira mutumwa wavo (Muhammad (SAW). Uye Allah muzivi wezvose, vane hungwaru hwose.
98. Uye pakati pemaA’raab (maArabhu ekumamisha) pane vamwe vanoona zvavanoburitsa vachipa (munzira yaAllah) semuripo uye vanotomirira (kuona) nhamo (ichikuvinga). Nhamo ngaive kwavari. Uye Allah ndivo munzwi wezvose, muzivi wezvose.
99. Uye pakati pemaA’raab (vagari vekumaruwa) pane vamwe vanotenda muna Allah uye muzuva rokutongwa, uye vanotarisa izvo zvavanoshandisa munzira yaAllah senzira yokuve pedyo-pedyo naAllah, uye senzira yokuwana minamato yamutumwa. Zvirokwazvo, izvi (zvavanopa munzira yaAllah) inzira yokuve pedyo-pedyo kwavari. Allah vachavapinza mutsitsi dzavo. Zvirokwazvo, Allah ndivo vane ruregerero rwose, vane tsitsi dzakanyanya.
100. Uye vakatanga kupinda muchitendero cheIslaam kubva mumaMuhajiroon (avo vakatama kubva kuMakkah vachienda kuMadinah) uye nemaAnsaar (vagari vemuMadinah avo vakabetsera maMuhajiroon) uye avo vakavatevera muzvokwadi (mukutenda), Allah vakava vanofadzwa navo sekufadzwa kwavanoita navo. Vakavagadzirira mapindu ane pasi panoerera nzizi (Paradhiso), kuti vagare imomo zvachose. Iyi ndiyo budiriro hombe.



CHITSAUKO AT-TAUBAH 2013_110
الرجوع الى أعلى الصفحة اذهب الى الأسفل
https://almomenoon1.0wn0.com/
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn
مؤسس ومدير المنتدى
أحمد محمد لبن Ahmad.M.Lbn


عدد المساهمات : 49335
العمر : 72

CHITSAUKO AT-TAUBAH Empty
مُساهمةموضوع: رد: CHITSAUKO AT-TAUBAH   CHITSAUKO AT-TAUBAH Emptyالإثنين 21 مارس 2022, 10:15 pm

101. Uye pakati pemaA’raab (vagari vekumaruwa) vakakukomberedzai, vamwe vanyengedzi, uye ndizvo zvakaita vamwe vevanhu vemuMadinah vanoshingirira muhunyengedzi. Iwe (Muhammad (SAW)) hauvazivi, isu tinovaziva. Tichavaranga kaviri, uye mushure mezvo vachadzoswa kumarwadzo makuru.
102. Uye kune vamwe vanobvuma zvitadzo zvavo, vanosanganisa basa raive rakanaka nerimwe raive rakaipa. Nedzimwe nguva Allah vachavaregerera. Zvirokwazvo, Allah ndivo vane ruregerero rwose, vane tsitsi dzakanyanya.
103. Torai Swadaqah (Zvipo) kubva muhupfumi hwavo kuti uvachenese uye kuti uvaite vatsvene nawo, uye vaitire munamato kuna Allah. Zvirokwazvo, munamato wako inzira yokuchengetedzwa kwavo; uye Allah ndivo munzwi wezvose, muzivi wezvose.
104. Havazivi kuti Allah vanotambira rushanduko kubva kuvaranda vavo uye kutora Swadaqah (Zvipo), uye kuti Allah vega ndivo vanoregerera uye vanotambira rushanduko, vane tsitsi dzose?
105. Uye iti (Muhammad (SAW)): “Itai mabasa! Allah vanoona mabasa enyu uye mutumwa wavo (SAW) uye nevatendi. Uye muchazodzoserwa kuna muzivi wezvose zvakavanzika nezviri pachena. Nokudaro muchava munoudzwa zvamaigara muchiita.”
106. Uye vamwe vakaitwa kuti vamirire marongero aAllah, pamwe vachavaranga kana kuvaregerera.
Uye Allah ndivo vane ruzivo rwese, vane huchenjeri hwose.
107. Uye avo vakavaka Masjid (imba yokunamatira) nenzira yakaipa uye kusatenda uye kupatsanura vatendi uye senzvimbo yeavo vairwisa Allah nemutumwa wavo (Muhammad (SAW)) kubva munguva yadarika, zvirokwazvo vachava vanopika kuti zvinangwa zvavo ndezvokuita mabasa akanaka. Allah vanopa huchapupu kuti zvirokwazvo vanonyepa.
108. Usava unomira (uchinamata) imomo zvachose. Zvirokwazvo, Masjid (nzvimbo yekunamatira) iyo mudhuri wayo wakavakwa kubva musi wekutanga pahutsvene zvakanyanya kukosha kuti umire imomo (uchinamata). Mukati mayo mune varume vanoda kuzvichenesa pachezvavo. Uye Allah vanoda avo vanozvichenesa (avo vanochenura nhengo dzavo dzakavanzika nevhu nemvura kubva kuweti netsvina hombe).
109. Ndizvo here kuti uyo anosimudza mudhuri wemba yake pahutsvene kuna Allah uye nemufaro wavo ari nani here, kana kuti uyo anosimudza mudhuri wemba yake pamatetu ari padyo nekuputsikira pasi, kuti ive inoputsika-putsika naye mumoto weGehena? Uye Allah havatungamiriri maZaalimoon (vanhu vanoita mabasa akaipa).
110. Mudhuri wavakavaka haumbofi wakamira kuve nzira younyengedzi uye kusagutsikana mumoyo yavo kunze kwekuti moyo yavo ikadamburwa-damburwa (kusvikira vafa). Uye Allah ndivo muzivi wezvose, vane huchenjeri hwese.
111. Zvirokwazvo, Allah vakatenga kubva kuvatendi hupenyu hwavo uye midziyo yavo kuti chavo chichave Paradhiso. Vanorwa munzira yaAllah, nokudaro vanouraya (vamwe) uye vanourawa.
Chivimbiso chechokwadi chakakomekedzwa kwavari (Allah) muTorah uye muInjeel (Vhangeri) uye muQur’aan. Uye ndiani ari pachokwadi pawirirano yake kudarika Allah? Nokudaro farai mukutengesa kwenyu kwamakapedza. Iyi ndiyo budiriro hombe.
112. Avo vanokumbira ruregerero kuna Allah (kubva muhunyengedzi nekunamata vanamwari vakawanda), vanovanamata (Allah), vachivarumbidza, vachitsanya (kana kuti vanobuda) munzira yaAllah, vanokotamisa huso hwavo (vachinamata), vanopfugama, vanokurudzira (vanhu) mabasa akanaka uye vachirambidza akaipa, uye vachichengetedza mitemo yaAllah. Uye ipa shuviro yakanaka kuvatendi.
113. Hazvina kunaka kuna mutumwa uye neavo vanotenda kuti vakumbire Allah ruregerero rwemaMushrikoon (avo vasingatendi muna Mwari mumwechete) kunyange dziri hama dzavo, mushure mokunge zvave pachena kwavari kuti vagari vekumoto (nekuti vakafa vasiri vatendi).
114. Uye Abrahamu kuda kukumbirira baba vake ruregerero rwaAllah kwakange kuri nokuda kwevimbiso yaAbrahamu yaakange aita kwavari (baba vake). Asi pazvakave pachena kwaari (Abrahamu) kuti (baba vake) vakanga vari muvengi waAllah, akabva azvibvisa kwavari.
Zvirokwazvo, Abrahamu aiva Awwaah (uyo anokumbira Allah achizvininipisa, achivarumbidza nekuvarangarira zvikuru) uye akanga ane moyo murefu.
115. Uye Allah havatungamiriri vanhu kugwara rakaipa mushure mokuvapa gwara kudzamara vabuditsa pachena kwavari izvo zvavanofanira kudzivirira. Zvirokwazvo, Allah ndivo muzivi wezvose.
116. Zvirokwazvo Allah! Kwavari ndiko kune humambo wekumatenga uye nepanyika. Ndivo vanopa hupenyu uye ndivo vanokonzera rufu. Uye kusara kwaAllah hamuna umwe Wali (mudziviriri kana muchengeti) kana mubatsiri.
117. Zvirokwazvo, Allah vakaregerera Muporofita (SAW), maMuhaajiroon (maMuslim vakatama vachibva kuMakkah vachienda kuMadinah), uye maAnsaar (maMuslim emuMadinah) ,vakamutevera (Muhammad (SAW)) munguva dzakaoma (kuhondo yeTabook) mushure mokunge moyo yevamwe vavo yakange iri pedyo nokurasika (kubva pagwara rakanaka), asi vakabvuma shanduko yavo. Zvirokwazvo, Allah vane ngoni zhinji, netsitsi dzakanyanya.
118. Uyezve (vakaregerera) vatatu vasina kubatana nevamwe (pahondo yeku Tabook) kusvika nyika nemakuriro ayo yakava diki uye vakava vanobatikana pachavo, uye vakava nechokwadi kuti hakuna kutiza kuna Allah, uye kwekuhwanda asi kwavari (Allah). Nokudaro vakavaregerera kuti vave vanokumbira (rushanduko kwavari). Zvirokwazvo, Allah ndivo vega vanoregerera, uye kugamuchira rushanduko, vane tsitsi dzakanyanya.
119. Imi vanotenda! Ityai Allah, uye ivai neavo vari pachokwadi (mumashoko nemabasa).
120. Zvakanga zvisina kunaka kuti vanhu vemuMadinah uye maA’raab (vagari vekumaruwa) vemunharaunda kuti vasare kumashure kwamutumwa waAllah (Muhammad (SAW) pakurwa munzira yaAllah), uye kushuvira hupenyu hwavo kuhupenyu hwake. Nokuti havana kushupika nenyota kana kuneta kana nzara munzira yaAllah, kana kutora chinhanho chokusumudza hasha dzevasingatendi, kana kuisa marwadzo kuvavengi asi zvaitonyorwa kwavari sebasa rakanaka.
Zvirokwazvo, Allah havatambisi mibairo yevatsvene.
121. Uye hapana chavanopa chingava chii zvacho (munzira yaAllah), chidiki kana chihombe, kana kuyambuka mupata, asi zvinonyorwa pamabasa avo, kuti Allah vanovaripa nemabasa avo akanaka avaigaro ita.
122. Uye hazviiti kuvatendi kuti vabude vaende kunorwa vose pamwechete (Jihaad). Asi chikwata chega-chega chavo, chidimbu ndicho chinofanira kuenda, kuitira kuti (avo vanosara mumashure) vagowana mirairo yechitendero (cheIslaam), uye kuti vozopa chenjedzo kuvanhu vavo kana vadzoka kwavari, kuitira kuti vangwarire (zvakaipa).
123. Imi vanotenda! Rwisai avo vasingatendi vari pedyo nemi, uye itai kuti vawane hasha mamuri, uye zivai kuti Allah vane avo vari vatsvene.
124. Uye pose panodzikiswa Chitsauko cheQur’aan (Surah), vamwe vavo (vanyengedzi) vanoti:“ Ndiani wenyu awedzerwa kutenda nacho?” Asi kune avo vanotenda, chinovawedzera kutenda kwavo, uye vofara.
125. Asi kune avo vane chirwere mumoyo yavo (chokusagutsikana, kusatenda nohunyengedzi), chinowedzera fungidziro uye kusagutsikana nefungidziro dzavo, kusatenda uye kusagutsikana; uye vanofa vari mukusatenda.
126. Havazvioni kuti vanopinzwa mumiedzo kamwechete kana kaviri gore roga-roga (yemhando dzakasiyana dzematambudziko, zvirwere, nzara)? Asi havatendeuki kurushanduko, kana kudzidza chidzidzo (kubva mazviri).
127. Uye pose panodzikiswa Chitsauko (cheQur’aan) vanotarisana (vachiti): “Kune ari kukuonai here?” Vanobva vatendeuka. Allah vakatendeudza moyo yavo (kubva kuchiedza) nokuti vanhu vasinganzwisisi.
128. Zvirokwazvo, mutumwa (Muhammad (SAW)) auya kwamuri kubva pakati penyu (wamunoziva zvakanaka). Zvinomurwadza kuwana kwenyu marwadzo kana matambudziko. Iye (Muhammad (SAW)) ane shungu nemi (kuti mutungamirirwe kugwara rakanaka kuti munopinda Paradhiso); kuvatendi ane (SAW) tsitsi, ngoni, uye moyo munyoro.
129. Asi kana vakatendeuka (vakafuratira), iti (Muhammad (SAW)): “Allah vakandikwanira. Laa Ilaaha Illaa Huwa (Hakuna anekodzero dzokunamatwa asi ivo). Mavari ndinoisa vimbo yangu, uye ndivo Tenzi veChigaro cheHumambo Chikuru.”



CHITSAUKO AT-TAUBAH 2013_110
الرجوع الى أعلى الصفحة اذهب الى الأسفل
https://almomenoon1.0wn0.com/
 
CHITSAUKO AT-TAUBAH
الرجوع الى أعلى الصفحة 
صفحة 1 من اصل 1

صلاحيات هذا المنتدى:لاتستطيع الرد على المواضيع في هذا المنتدى
منتديات إنما المؤمنون إخوة (2024 - 2010) The Believers Are Brothers :: (English) :: The Holy Quran is translated :: Nechishona-
انتقل الى: